Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Tinofanira kugumisa here kuti kubva muna Zvakazarurwa 20:8 pachava nenhamba yakakura kwazvo yevanhu vachatsauswa naSatani pamuedzo wokupedzisira?

Zvakazarurwa 20:8 inorondedzera kurwisa kwaSatani kwokupedzisira vanhu vanenge vachirarama pasi pano pakupera kwemakore ane chiuru okutonga kwoUmambo hwaMesiya. Ichitaura nezvaSatani, ndima yacho inoti: “Achabuda kunotsausa marudzi iwayo ari mumativi mana apasi, Gogi naMagogi, kuti avaunganidzire nokuda kwehondo. Kuwanda kwaivava kwakaita sejecha regungwa.”

Pasinei nokuenderera mberi kwezvinhu zvesayenzi uye zvishandiso, “jecha regungwa” raramba risingazivikanwi uwandu hwaro kana kuti nhamba yaro. Saka, zvinogona kunzi mashoko acho anomirira nhamba isingazivikanwi, isingakwanisi kutaurwa. Asi anoreva nhamba yakakura kwazvo here, huru zvikuru, kunyange yakakura zvokusanzwisisika, kana kuti inongova zvayo nhamba isati yave kuzivikanwa asi yakakura kwazvo?

MuBhaibheri, mashoko okuti, “sejecha regungwa” anoshandiswa munzira dzakawanda. Somuenzaniso, pana Genesi 41:49, tinoverenga kuti: “Josefa akaviga zviyo, zvikaita sejecha regungwa, zvizhinji zhinji, kusvikira akarega kuzviverenga; nokuti zvakanga zvisingagoni kuverengwa.” Pano chiri kunyanya kusimbiswa kusaverengeka kwayo. Saizvozvowo, Jehovha akati: “Hondo yokudenga sezvaisingabviri kuverengwa, kana jecha regungwa kuyerwa, saizvozvo ndichawanza vana vaDhavhidhi muranda wangu.” Chokwadi kungofanana nenyeredzi dziri mudenga nejecha regungwa zvazvisingaverengeki, chokwadi ndiko kuzadzika kuchaita Jehovha chipikirwa chake kuna Dhavhidhi.—Jeremia 33:22.

Mashoko okuti “jecha regungwa” anowanzoreva chimwe chinhu chakakura zvikuru kana kuti chakawanda zvikuru. VaIsraeri vaiva paGigari vakashushikana kwazvo nokuvapo kweuto revaFirisitiya rakanga rakaungana paMikimashi, iro rakanga ‘rakafanana nejecha regungwa pakuwanda kwaro.’ (1 Samueri 13:5, 6; Vatongi 7:12) Uye “Mwari akapa Soromoni kungwara nokunzwisisa kukuru, nomwoyo wakaziva zvakanaka, zvakafanana nejecha riri pamhenderekedzo yegungwa.” (1 Madzimambo 4:29) Kunyange zvazvo zvakataurwa zvainge zvakawanda kwazvo, zvaiverengeka.

“Jecha regungwa” rinogonawo kumirira nhamba isingazivikanwi, zvisiri kureva nezvokuwanda kwayo. Jehovha akaudza Abrahamu kuti: “Ndichawanza vana vako kwazvo senyeredzi dzokudenga, uye sejecha riri pamhenderekedzo dzegungwa.” (Genesi 22:17) Achidzokorora chipikirwa ichi kuna Jakobho muzukuru waAbrahamu, Jehovha akashandisa mashoko okuti “seguruva renyika,” ayo Jakobho akazotaurazve “sejecha regungwa.” (Genesi 28:14; 32:12) Sezvakazoitika, Jesu Kristu asingabatanidzwi, “mbeu” yaAbrahamu inokwana 144 000, iyo Jesu akadana kuti “boka duku.”—Ruka 12:32; VaGaratiya 3:16, 29; Zvakazarurwa 7:4; 14:1, 3.

Tinodzidzei mumienzaniso iyi? Kuti mashoko okuti “sejecha regungwa” haangorevi zvisingaverengeki, nhamba isinganzwisisiki; kana kugaroshandiswa kurondedzera chimwe chinhu chakakura zvikuru kana chakanyanya kuwanda. Anowanzomirira nhamba isingazivikanwi asi yakatikurei. Nokudaro, zvine musoro kudavira kuti boka richatsigira Satani mukurwisa kwake kwokupedzisira vanhu vaMwari, richange risina kuwanda kwazvo, asi richange rakakura zvokukwanisa kutyisidzira. Zvisinei, nhamba yacho inoramba isingazivikanwi kwenguva ino.