Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Simbisai Maoko Enyu

Simbisai Maoko Enyu

Simbisai Maoko Enyu

MUBHAIBHERI, ruoko runotaurwa kanodarika ka1 800. Madimikira anotaura ruoko anoshandiswa munzira dzakasiyana-siyana. Somuenzaniso, ruoko rwakachena runoreva kusava nemhosva. (2 Samueri 22:21; Pisarema 24:3, 4) Kupfumbunura ruoko kunoreva kupa vamwe. (Dheuteronomio 15:11; Pisarema 145:16) Munhu anoisa upenyu hwake mungozi anonzi ari kuisa mweya wake muruoko rwake. (1 Samueri 19:5) Kurembedzwa kwemaoko zvinoreva kuodzwa mwoyo. (2 Makoronike 15:7) Uye kusimbisa ruoko kunoreva kusimbiswa nokuda kwokuita chimwe chinhu.—1 Samueri 23:16.

Nhasi kusimbisa maoko edu kuri kutodiwa zvikuru. Tiri kurarama mu“nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo.” (2 Timoti 3:1) Patinoodzwa mwoyo, isu sevanhu tinowanzoda kurega, kurembedza maoko edu. Zvakajairika kuona vechiduku vachirega chikoro, varume vachisiya mhuri yavo, uye vanaamai vachisiya vana vavo. Zvatiri vaKristu, tinoda kusimbisa maoko edu kuitira kuti titsungirire miedzo yatinosangana nayo mukushumira kwedu Mwari. (Mateu 24:13) Patinodaro, tinofadza mwoyo waJehovha.—Zvirevo 27:11.

Masimbisirwe Emaoko

VaJudha vomuzuva raEzra vaifanira kusimbisa maoko avo kuitira kuti vapedze kuvakazve temberi yaJehovha yaiva muJerusarema. Maoko avo akasimbiswa sei? Nhoroondo yacho inoti: “Vakaita mutambo wezvingwa zvisina kuviriswa mazuva manomwe; nokuti Jehovha wakanga avafadza, akarereudzira mwoyo wamambo weAsiria kwavari, kuti asimbise maoko avo pabasa reimba yaMwari waIsraeri.” (Ezra 6:22) Zviri pachena kuti, simba raJehovha rinoita basa ndiro rakamutsa “mambo weAsiria” kuti abvumire vanhu vaMwari kudzokera, uye Akaita kuti vanhu vave nechido, zvokuti vakapedza basa ravakanga vatanga.

Gare gare, masvingo eJerusarema paaida kugadziriswa, Nehemia akasimbisa maoko ehama dzake nokuda kwebasa racho. Tinoverenga kuti: “Ndikavaudza zvokunaka kworuoko rwaMwari rwakanga ruri pamusoro pangu; namashoko amambo aakandiudza. Ivo vakati: Ngatisimuke, tivake. Naizvoizvo vakasimbisa maoko avo kubata basa rakanaka.” Nemaoko akanga asimbiswa, Nehemia nevamwe vake vechiJudha vakakwanisa kuvakazve masvingo eJerusarema mumazuva anoshamisa 52!—Nehemia 2:18; 6:9, 15.

Saizvozvowo, Jehovha anosimbisa maoko edu kuti tiparidze mashoko akanaka oUmambo. (Mateu 24:14) Anoita kudaro ‘nokutishongedza nezvinhu zvose zvakanaka kuti tiite kuda kwake.’ (VaHebheru 13:21) Akatipa zvishandiso zvakaisvonaka kwazvo. Tine Bhaibheri nemabhuku eBhaibheri, magazini, mabhurocha, matirakiti, uye makaseti nemavhidhiyo akarekodhwa zvokushandisa kusvika vanhu munyika yose. Kutaura zvazviri, mabhuku edu anowanika mumitauro 380. Uyezve, achishandisa misangano yeungano, magungano, uye kokorodzano, Jehovha anotipa dzidzo yake nokutidzidzisa nzira yokushandisa nayo zvishandiso izvi zvakaisvonaka kuita ushumiri hwedu.

Kunyange zvazvo Jehovha achitisimbisa maoko munzira dzakawanda kwazvo, anotitarisirawo kuti tishande nesimba. Yeuka zvakaudzwa Mambo Jehoashi nomuprofita Erisha, uyo akanga auya kuna Erisha kuti abatsirwe kurwisa vaSiria vakanga vapinda nechisimba. Erisha akaudza mambo kuti atore miseve yake opfura pasi. Nhoroondo yeBhaibheri inoti: “Akarova pasi katatu, akarega. Ipapo munhu waMwari akamutsamwira, akati: ‘Waifanira kurova kashanu kana katanhatu, ipapo waikunda vaSiria kusvikira wavaparadza chose, asi zvino uchakunda vaSiria katatu bedzi.’” (2 Madzimambo 13:18, 19) Atadza kunyatsoshanda nokushingaira, Jehoashi aizongokunda kashoma pakurwisa kwake vaSiria.

Izvozvo zvinoshandawo kwatiri kana tichida kuita zvatinenge tanzi naJehovha tiite. Pane kuzvidya mwoyo nezvipingamupinyi zvatinosangana nazvo kana nemaomero akaita basa ratakapiwa, tinofanira kurishanda nokushingaira uye nomwoyo wose. Tinofanira kusimbisa maoko edu totarira kuna Jehovha kuti atibatsire.—Isaya 35:3, 4.

Jehovha Achasimbisa Maoko Edu

Jehovha haasi kuzotadza kutibatsira uye achasimbisa maoko edu kuti tiite kuda kwake. Zvechokwadi, Mwari haasi kuzoita chishamiso uye kutiitira zvose. Anotarisira kuti tiite chikamu chedu—kuverenga Bhaibheri zuva nezuva, kugadzirira uye kupinda misangano nguva dzose, kuva muushumiri kakawanda pazvinobvira, uye kuramba tichinyengetera kwaari nguva dzose. Kana tikaita chikamu chedu nokutendeka nokushingaira tichine mukana wacho, Jehovha achatipa simba rokuita zvaanotitarisira.—VaFiripi 4:13.

Chimbofunga nezvomumwe muKristu akafirwa nomudzimai wake uye amai vake mugore rimwe chete. Ainge achiri kurwadziwa apo muroora wake akaramba mwanakomana wake ndokusiya nzira yechiKristu youpenyu. “Ndakadzidza kuti hatigoni kusarudza miedzo yedu, kana nguva yainosvika kana uwandu hwenguva yainoitika,” yakadaro hama iyi. Anowana sei simba rokuramba achipfuurira? “Munyengetero nokudzidza ndiri ndoga zvave zviri chipfeko chinochengetedza. Uye kutsigira kwehama nehanzvadzi dzangu dzokumudzimu kwandinyaradza chaizvo. Kudarika zvimwe zvose, ndasvika pakuziva kukosha kwokuva noukama hwakanaka hwomunhu oga naJehovha mamiriro ezvinhu akaoma asati aitika.”

Chero zvaunosangana nazvo muupenyu, tsunga kuvimba zvizere naJehovha uye kushandisa zvakanaka zvose zvaanopa kuitira kuti asimbise maoko ako. Ipapo uchakwanisa kuitira Jehovha basa rakanakisisa zvobva zvaita kuti zita rake rirumbidzwe uye rikudzwe.—VaHebheru 13:15.

[Mufananidzo uri papeji 31]

Atadza kushanda nokushingaira, Jehoashi akakunda zvishoma chete mukurwisa kwake vaSiria