Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvakayeukwa naJoshua

Zvakayeukwa naJoshua

Zvakayeukwa naJoshua

“MOSESI, muranda wangu wafa,” Jehovha akadaro, “zvino simuka iwe uyambuke Joridhani urwu, iwe navanhu ava vose, muende kunyika yandinovapa ivo.” (Joshua 1:2) Ibasa rakaoma sei iro Joshua aifanira kuita! Akanga ari mubatsiri waMosesi kweanenge makore 40. Zvino akanga audzwa kuti atore chinzvimbo chatenzi wake ndokutungamirira vanakomana vaIsraeri vaiwanzonetsa kupinda muNyika Yakapikirwa.

Joshua paaifungisisa zvaiva mberi, zvimwe miedzo yaakanga atosangana nayo ndokuikurira yakauya mupfungwa dzake. Hapana mubvunzo kuti zvakayeukwa naJoshua zvaikosha zvikuru kwaari panguva iyoyo, uye zvingadarowo kuvaKristu mazuva ano.

Kubva Pakuva Muranda Kuenda Pakuva Mutungamiriri

Joshua aiyeukawo makore akawanda ouranda. (Eksodho 1:13, 14; 2:23) Tingangoita zvokufungidzira zvakasangana naJoshua panguva iyoyo, sezvo Bhaibheri risingatauri zvakadzama nezvazvo. Joshua angangove akadzidza kuva murongi akanaka pabasa rake muIjipiti, uye anogona kunge akabatsira kuronga kutiza kwevaHebheru ne“vanhu vazhinji vakanga vakavhengana” kubva munyika iyoyo.—Eksodho 12:38.

Joshua aiva wemhuri yedzinza raEfraimi. Sekuru vake Erishama vaiva muchinda worudzi rwacho uye zviri pachena kuti vakatungamirira varume vaiva nezvombo 108 100 vechimwe chikamu chemadzinza matatu aIsraeri. (Numeri 1:4, 10, 16; 2:18-24; 1 Makoronike 7:20, 26, 27) Asi, vaAmareki pavakarwisa vaIsraeri vachangobva kuIjipiti, Mosesi akaudza Joshua kuti aronge nezvokurwisana navo. (Eksodho 17:8, 9a) Nei akaudza Joshua asingaudzi, somuenzaniso, sekuru kana kuti baba vake? Imwe pfungwa ndeyokuti: “Somukuru wedzinza raikosha raEfraimi, uye somunhu aitozivikanwa nounyanzvi hwake hwokuronga, uye munhu aivimbwa naye zvakakwana nevanhu, kuna Mosesi [Joshua] akaratidza kuva mutungamiriri akanyatsokodzera kusarudza uye kuronga masoja.”

Pasinei nechikonzero chacho, paakasarudzwa, Joshua akaita sezvakarayira Mosesi chaizvo. Kunyange zvazvo Israeri yakanga isina zvachose ruzivo mune zvehondo, Joshua aivimba nokubatsirwa naMwari. Saka Mosesi paakamuudza kuti, “mangwana ini ndichamira pamusoro pechikomo, ndakabata tsvimbo yaMwari muruoko rwangu,” izvozvo zvakanga zvakakwana. Joshua anofanira kuva akayeuka kuti Jehovha akanga achangobva kuparadza simba rehondo raiva guru kupinda mamwe ose muzuva racho. Zuva rakatevera, Mosesi paakasimudza maoko ake ndokuramba akadaro kusvikira zuva ranyura, pakanga pasina muvengi aigona kukurira Israeri, uye vaAmareki vakakundwa. Zvadaro Jehovha akarayira Mosesi kunyora mubhuku uye ‘kurondedzera munzeve dzaJoshua’ murayiro waMwari wokuti: “Ini ndichabvisa chose pasi pokudenga zvose zvinorangaridza Amareki.” (Eksodho 17:9b-14) Hungu, Jehovha aisazokundikana kupa mutongo iwoyo.

Somubatsiri waMosesi

Zvakaitika kuna Amareki zvinofanira kuva zvakaita kuti ukama hwaJoshua naMosesi hutowedzera kusimba. Joshua aiva neropafadzo yokuva mubatsiri waMosesi, kana kuti ‘mushumiri,’ “kubva paujaya hwake” kusvikira pakufa kwaMosesi, anenge makore 40.—Numeri 11:28.

Chinzvimbo ichocho chaireva ropafadzo uye mitoro. Somuenzaniso, Mosesi, Aroni, vanakomana vaAroni, uye varume vakuru 70 veIsraeri pavakakwira muGomo reSinai ndokuona kuratidzwa kwembiri yaJehovha, zvimwe Joshua akanga ari pakati pavo. Mubasa rake somubatsiri, akakwira naMosesi pamusoro pegomo uye sezvinooneka akaramba ari chinhambwe Mosesi paaipinda mugore raifananidzira kuvapo kwaJehovha. Sezvineiwo, Joshua anenge akagara mugomo racho kwemazuva 40 nousiku 40. Akamirira nokutendeka kudzoka kwatenzi wake, nokuti Mosesi paakatanga kuburuka aine mahwendefa eChipupuriro, Joshua akanga aripo kuti asangane naye.—Eksodho 24:1, 2, 9-18; 32:15-17.

Pashure pokunamata chidhori chemhuru yendarama kwevaIsraeri, Joshua akaramba achishumira Mosesi patende rokusongana kunze kwomusasa. Ikoko Jehovha akataura naMosesi zviso zvakatarisana. Asi Mosesi paaidzokera kumusasa, Joshua “haazaibva patende.” Zvimwe kuvapo kwake ikoko kwaidiwa kuti vaIsraeri vasapinda mutende racho vasina kuchena. Joshua aikoshesa kwazvo mutoro iwoyo!—Eksodho 33:7, 11.

Kushamwaridzana naMosesi, uyo aiva mukuru kuna Joshua nemakore 35, maererano nomunyori wenhau dzakaitika Josephus, kunofanira kuva kwakasimbisa kutenda kwaJoshua zvikuru. Ukama hwavo hwakanzi “ukama hwomunhu mukuru nepwere, hwomudzidzisi nomudzidzi,” zvichiguma nokuva kwaJoshua “murume akasimba, akavimbika.” Nhasi hatina vaprofita vakaita saMosesi, asi ungano dzevanhu vaJehovha dzine vanhu vakura avo nemhaka yoruzivo rwavo uye kukura kwavo mumudzimu vanomiririra tsime chairo resimba nekurudziro. Unovaonga here? Uye uri kubatsirwa nokuva navo here?

Musori muKenani

Chiitiko chakaoma muupenyu hwaJoshua chakaitika nguva pfupi Israeri agamuchira Mutemo. Akasarudzwa kuti amiririre dzinza rake mukusora Nyika Yakapikirwa. Nyaya yacho inozivikanwa zvikuru. Vasori vose 12 vakabvuma kuti zvechokwadi nyika yacho yai“yerera mukaka nouchi,” sokuvimbisa kwakanga kwaita Jehovha. Zvisinei, gumi vasina kutenda vakatya kuti Israeri aisazogona kudzinga vagari vomunyika yacho. Joshua naKarebhi chete ndivo vakakurudzira vanhu kuti vasapanduka nemhaka yokutya, nokuti Jehovha aizova navo zvechokwadi. Ipapo, ungano yose yakaramba ndokutaura nezvokutaka vaviri vacho nematombo. Zvimwe vangadai vakadaro kudai kusiri kuti Jehovha akapindira nokuratidzwa kwembiri yake. Nokuda kwokushaya kwavo kutenda, Mwari akarayira kuti pakanga pasina chero upi pane vaya vakanyorwa muIsraeri vaibvira pamakore 20 zvichikwira aizorarama kuti apinde muKenani. Pane ava, Joshua, Karebhi, uye vaRevhi ndivo chete vakasara.—Numeri 13:1-16, 25-29; 14:6-10, 26-30.

Vanhu vose vakanga vasina kuona mabasa makuru aJehovha muIjipiti here? Saka, chii chakaita kuti Joshua atende kuti Mwari aizovabatsira nepo ruzhinji rwaisava nechokwadi? Joshua anofanira kuva akayeuka zvakajeka zvose zvakavimbiswa uye zvakaitwa naJehovha, uye akazvifungisisa. Makore akati gare gare aigona kuti ‘hapana shoko rimwe pane mashoko ose akanaka akanga ataurwa naJehovha kuvaIsraeri rakanga rakona. Ose akanga aitika.’ (Joshua 23:14) Saka Joshua akanga achitenda kuti zvose zvakanga zvapikirwa naJehovha maererano nenguva yemberi zvaitoti zvizadzikewo. (VaHebheru 11:6) Izvi zvinofanira kuita kuti munhu abvunze kuti: ‘Zvakadini neni? Kuedza kwandakaita kudzidza uye kufungisisa zvipikirwa zvaJehovha kwakaita kuti nditende kuti zvakavimbika here? Ndinotenda kuti Mwari anogona kundidzivirira pamwe nevanhu vake pakutambudzika kukuru kuri kuuya here?’

Joshua haana kungova nokutenda chete asiwo akaratidza kushinga kuita zvinhu zvakarurama. Iye naKarebhi chete vakatsigirana, uye ungano yose yakataura nezvokuvataka nematombo. Iwe ungadai wakanzwa sei? Kutya here? Kwete Joshua. Iye naKarebhi vakataura noushingi zvavaitenda. Kuvimbika kuna Jehovha kungada kuti tiitewo saizvozvo rimwe zuva.

Nyaya yevasori inotizivisawo kuti zita raJoshua rakachinjwa. Mosesi akawedzera mabhii anoratidza zita raMwari kuzita rake chairo Hoshea, rinoreva “Ruponeso,” ndokumuti Jehoshua, kana kuti Joshua—“Jehovha Ruponeso.” Shanduro yeSeptuagint inoshandura zita rake kuti “Jesu.” (Numeri 13:8, 16) Maererano nezita guru iroro, Joshua akazivisa noushingi kuti Jehovha ruponeso. Kuchinja kwezita raJoshua kwaisagona kunge kwakaitwa zvachero. Kwairatidza kukoshesa kwaiita Mosesi unhu hwaJoshua uye kwaienderana neropafadzo yebasa raizoitwa naJoshua mukutungamirira chizvarwa chitsva kupinda muNyika Yakapikirwa.

Madzibaba avo paaifa, vaIsraeri vakadzungaira murenje kwemakore 40 ainetesa. Hapana chatinoziva nezvaJoshua panguva iyoyo. Zvisinei, zvinofanira kuva zvakamudzidzisa zvakawanda. Angangova akapupurira kutonga kwaMwari vapanduki vanoti Kora, Dhatani, naAbhirami uye vateveri vavo nevaya vaibatikana mukunamatwa kwakaipa kwaBhaari wePeori. Hapana mubvunzo kuti Joshua nokusuruvara kukuru akaziva kuti nemhaka yokukundikana kwaMosesi kutsvenesa Jehovha maererano nemvura yeMeribha, Mosesiwo aisazopinda munyika yakapikirwa.—Numeri 16:1-50; 20:9-13; 25:1-9.

Akagadzwa Kuva Mutsivi waMosesi

Kufa kwake kwaswedera pedyo, Mosesi akakumbira Mwari kuti agadze mutsivi wake kuti vaIsraeri vasazova “samakwai asina mufudzi.” Jehovha akapindura sei? Joshua, “murume une [mudzimu] mukati make,” aifanira kugadzwa pamberi peungano yose. Vaifanira kumuteerera. Kwaiva kurumbidzwa kwakanaka kwazvo! Jehovha akanga aona kutenda uye mano aJoshua. Hapana mumwezve munhu akanga akakodzera kutungamirira Israeri kupfuura iyeyu. (Numeri 27:15-20) Kunyange zvakadaro, Mosesi aiziva kuti Joshua akatarisana nezvinetso zvakakura. Saka Mosesi akakurudzira mutsivi wake kuti ‘ashinge uye asimbe,’ nokuti Jehovha aizoramba anaye.—Dheuteronomio 31:7, 8.

Mwari pachake akadzokorora kukurudzira ikoko kuna Joshua ndokutizve: “Chenjerer[a] kuita murayiro wose wandakarayira Mosesi muranda wangu; usatsauka kwauri, kana kurudyi kana kuruboshwe, kuti uve nomufaro pose paunoenda. Bhuku iyi yomurayiro haifaniri kubva pamuromo wako, asi unofanira kuirangarira masikati nousiku, kuti uchenjere kuita zvose zvakanyorwamo; nokuti nokudaro uchazviwanira mufaro panzira yako nokubata nokuchenjera. Ko handina kukurayira here? Simba, utsunge mwoyo; usatya kana kuvhunduswa, nokuti Jehovha Mwari wako unewe kwose kwaunoenda.”—Joshua 1:7-9.

Mashoko aJehovha achirira munzeve dzake uye noruzivo rwaakanga atova narwo, Joshua aisazova nechokwadi sei? Aiva avimbiswa kutora nyika yacho. Chokwadi, zvinetso zvaizomuka, chimwe chacho chaisafanira kurerutswa ndicho chakava chokutanga chaicho, kuyambuka Rwizi rweJodhani rwakazara. Asi Jehovha pachake akanga arayira kuti: “Simuka iwe uyambuke Joridhani urwu.” Saka, paizova nechinetso chei?—Joshua 1:2.

Zviitiko zvakatevedzana muupenyu hwaJoshua—kukunda Jeriko, kukundwa kunofambira mberi kwevavengi vavo, uye kugovewa kwenyika—zvinoratidza kuti haana kumbokanganwa zvipikirwa zvaMwari. Pedyo nomugumo wemazuva ake, Jehovha paakanga apa vaIsraeri zororo pavavengi vavo, Joshua akaunganidza vanhu kuti vaongorore kubata kwaMwari navo uye kuti avakurudzire kuMushumira nomwoyo wose. Saka, vaIsraeri vakamutsiridza kwazvo sungano yavo naJehovha, uye pasina mubvunzo vachikurudzirwa nomuenzaniso womutungamiriri wavo, “vaIsraeri vakashumira Jehovha mazuva ose aJoshua.”—Joshua 24:16, 31.

Joshua anotiratidza muenzaniso wakaisvonaka. Nhasi vaKristu vanotarisana nemiedzo yakawanda yokutenda. Kuikurira zvinobudirira kunokosha kuti varambe vachidiwa naJehovha ndokuzogara nhaka zvipikirwa zvake. Kubudirira kwaJoshua kwaitsamira pakutenda kwake kwakasimba. Chokwadi, hatina kumboona mabasa makuru aMwari sezvakaita Joshua, asi kana mumwe munhu asina chokwadi, bhuku reBhaibheri rine zita raJoshua rinopa chipupuriro chomunhu akaona kuvimbika kweshoko raJehovha. Isu, saJoshua, tinovimbiswa uchenjeri uye kubudirira kana tikaverenga Shoko raMwari zuva nezuva uye tova nechokwadi chokushandisa zvatinoverenga.

Dzimwe nguva unogumburwa nemaitiro evamwe vaKristu here? Funga nezvokutsungirira kwaJoshua mumakore 40 aakanga akasungirwa kudzungaira murenje nevamwe vake vasina kutenda, isiri mhosva yake. Unoona zvakaoma kutsigira zvaunotenda here? Yeuka zvakaitwa naJoshua naKarebhi. Vakawana mubayiro wakaisvonaka nokuda kwokutenda uye kuteerera kwavo. Hungu, zvechokwadi Joshua aitenda kuti Jehovha aizozadzika zvipikirwa zvake zvose. Ngatiitewo saizvozvo.—Joshua 23:14.

[Mufananidzo uri papeji 10]

Joshua naKarebhi vaivimba nesimba raJehovha

[Mufananidzo uri papeji 10]

Kushamwaridzana naMosesi kwakasimbisa kutenda kwaJoshua

[Mufananidzo uri papeji 10]

Utungamiriri hwaJoshua hwakakurudzira vanhu kuomerera kuna Jehovha