Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Achaswedera Pedyo Nemi”

“Achaswedera Pedyo Nemi”

“Achaswedera Pedyo Nemi”

“[Mwari haasiri] kure nomumwe nomumwe wedu.”—MABASA 17:27.

1, 2. (a) Patinotarisa matenga azere nenyeredzi, mubvunzoi watingabvunza pamusoro poMusiki? (b) Bhaibheri rinotipikira sei kuti vanhu vanokosha kwazvo mumeso aJehovha?

WAKAMBOTARISA here mudenga rizere nyeredzi humwe usiku kusina makore zvikakushamisa? Kuwanda kwenyeredzi pachadzo nokukura kwechadenga zvinoshamisa. Muchadenga makakura kudai, pasi rakangoita seguruva. Izvi zvinoreva here kuti Musiki, “Wokumusorosoro kumusoro kwapasi pose,” akakwiririsa zvokuti haagoni kuva nehanya nevanhu kana kuti ari kuresa uye haatsvakiki zvokuti haangazivikanwi navo?—Pisarema 83:18.

2 Bhaibheri rinotipikira kuti vanhu vanokosha kwazvo mumeso aJehovha. Kutaura chokwadi, Shoko raMwari rinotikurudzira kumutsvaka, richiti: “[Ha]asiri kure nomumwe nomumwe wedu.” (Mabasa 17:27; 1 Makoronike 28:9) Chokwadi, kana tikatora matanho okuswedera pedyo naMwari, achaita chimwe chinhu nokuona kutamburira kwedu. Sei? Mashoko orugwaro rwedu rwegore ra2003 anopa mhinduro iyi inofadza yokuti: “Achaswedera pedyo nemi.” (Jakobho 4:8) Ngatimbokurukura zvimwe zvezvikomborero zvinoshamisa izvo Jehovha anodururira avo vari pedyo naye.

Chipo Chedu Chakabva Kuna Jehovha

3. Jehovha anopa chipo chei kune vanoswedera pedyo naye?

3 Kutanga, vashumiri vaJehovha vane chipo chinokosha chaakachengetera vanhu vake. Simba rose, pfuma, uye dzidzo izvo gadziriro ino yezvinhu inopa hazvigoni kupa chipo ichocho. Chipo chedu pachedu, icho Jehovha anopa kune vari pedyo naye chete. Chii ichocho? Shoko raMwari rinopindura kuti: “Kana . . . ukadanidzira nenzwi rako kuti uwane njere; zvirokwazvo kana ukahutsvaka sesirivha, ukahutsvakisisa sepfuma yakavanzwa; ipapo uchanzwisisa kutya Jehovha, nokuwana zivo yaMwari. Nokuti Jehovha ndiye unopa uchenjeri.” (Zvirevo 2:3-6) Fungidzira vanhu vasina kukwana vachikwanisa kuwana “zivo yaMwari!” Chipo ichocho—zivo inowanikwa muShoko raMwari—inofananidzwa ne“pfuma yakavanzwa.” Nei?

4, 5. Nei “zivo yaMwari” ichigona kufananidzwa ne“pfuma yakavanzwa”? Ipa muenzaniso.

4 Chokutanga, zivo yaMwari inokosha zvikuru. Chimwe chezvikomborero zvayo zvinokosha zvikuru itariro youpenyu husingaperi. (Johani 17:3) Asi zivo iyoyo inopfumisa upenyu hwedu kunyange iye zvino. Somuenzaniso, zvichibva pakudzidza kwedu Shoko raMwari nokungwarira, takasvika pakuziva mhinduro dzemibvunzo inokosha yakadai sokuti: Zita raMwari ndiani? (Pisarema 83:18) Ndechipi chiri chimiro chechokwadi chevakafa? (Muparidzi 9:5, 10) Ndechipi chiri chinangwa chaMwari nokuda kwepasi nevanhu? (Isaya 45:18) Takasvikawo pakuziva kuti nzira yakanakisisa yokurarama nayo ndeyokushandisa zano reBhaibheri rouchenjeri. (Isaya 30:20, 21; 48:17, 18) Nokudaro, tine nhungamiro yakanaka inotibatsira kuti tigone kubata nokufunganya muupenyu uye kutevera nzira inotsigira mufaro wechokwadi nokugutsikana. Pamusoro pazvo, kudzidza kwedu Shoko raMwari kwakaita kuti tisvike pakuziva unhu hwaJehovha hunoshamisa uye kuti tiswedere pedyo naye. Chii chingava chinokosha kupfuura ukama hwapedyo naJehovha hunobva pa“zivo yaMwari”?

5 Pane chimwe chikonzero nei zivo yaMwari ichigona kufananidzwa ne“pfuma yakavanzwa.” Kufanana nepfuma zhinji, haiwanikwi pose pose munyika ino. Pavagari vepasi pano vane mabhiriyoni matanhatu, vanamati vaJehovha vanenge mamiriyoni matanhatu, kana kuti munhu mumwe pane vane chiuru voga voga akawana “zivo yaMwari.” Kuratidza kuti iropafadzo isingawanikwi nyore kuziva chokwadi cheShoko raMwari, funga nezvomubvunzo mumwe bedzi weBhaibheri unoti: Chii chinoitika kuvanhu kana vafa? Tinoziva kubva mumagwaro kuti mweya unofa uye vakafa havana chavanoziva. (Ezekieri 18:4) Asi, kudavira kwenhema kwokuti chimwe chinhu chiri mukati momunhu chinoramba chichirarama munhu afa kunogamuchirwa nezvitendero zvizhinji zvenyika. Idzidziso huru yezvitendero zvechiKristudhomu. Iripowo muchiBuddha, chiHindu, chiIslam, chiJain, chiJudha, chiShinto, chiSikh uye chiTao. Pafunge—mabhiriyoni evanhu anonyengedzwa nedzidziso imwe iyi yenhema!

6, 7. (a) Ndivanaani bedzi vanogona kuwana “zivo yaMwari”? (b) Muenzaniso upi unoratidza kuti Jehovha akatikomborera nenzwisiso inonzvenga “vakachenjera nevakangwara” vazhinji?

6 Nei vasiri vanhu vakawanda vakawana “ziyo yaMwari”? Nokuti munhu haagoni kunzwisisa zvizere zvinoreva Shoko raMwari asingabatsirwi Naye. Yeuka, zivo iyi chipo. Jehovha anoipa kune avo bedzi vanoda kutsvaka Shoko rake nokutendeka uye nokuzvininipisa. Vanhu vakadaro vangave vasiri “vakachenjera nenzira yenyama.” (1 VaKorinde 1:26) Vazhinji pakati pavo vangatoonekwa se“vanhuwo zvavo uye vasina kudzidza” mukuyera kwenyika. (Mabasa 4:13) Asi izvozvo hazvina basa. Jehovha anotikomborera ne“zivo yaMwari” nokuda kwounhu hwaanoona mumwoyo wedu.

7 Funga somuenzaniso. Nyanzvi dzakawanda dziri muchiKristudhomu dzakabudisa mabhuku akawanda okutsinhira Bhaibheri. Mabhuku akadaro angatsanangura nhoroondo, zvinoreva mashoko echiHebheru nechiGiriki, nezvimwe zvakawanda. Nokudzidza kwavo kwose, nyanzvi dzakadaro dzakawana “zivo yaMwari” here? Vanonzwisisa zvakajeka here musoro mukuru weBhaibheri—kurevererwa kwouchangamire hwaJehovha kuburikidza noUmambo hwake hwokudenga? Vanoziva here kuti Jehovha haasi rumwe rutivi rwoUtatu? Tine nzwisiso yakarurama yenhau dzakadaro. Nei? Jehovha akatikomborera nenzwisiso yechokwadi chomudzimu icho chinonzvenga “vakachenjera nevakangwara” vazhinji. (Mateu 11:25) Jehovha anokomborera kwazvo avo vari pedyo naye!

“Jehovha Anochengeta Vose Vanomuda”

8, 9. (a) Dhavhidhi akarondedzera sei chimwe chikomborero nokuda kweavo vari pedyo naJehovha? (b) Nei vaKristu vechokwadi vachida kuchengetwa naMwari?

8 Avo vari pedyo naJehovha vanowana chimwe chikomborero—kudzivirirwa naMwari. Munyori wepisarema Dhavhidhi, uyo akasangana nezvinetso zvakawanda akanyora kuti: “Jehovha uri pedyo navose vanodana kwaari, vose vanodana kwaari nezvokwadi. Uchaitira vanomutya sezvavanoda; uchanzwawo kudanidzira kwavo ndokuvaponesa. Jehovha unochengeta vose vanomuda.” (Pisarema 145:18-20) Hungu, Jehovha ari pedyo nevanomuda uye naizvozvo anogona kukurumidza kupindura kuchema kwavo kana vachikumbira kubatsirwa.

9 Nei tichida kudzivirirwa naMwari? Pamusoro pokunzwa kurwadza kwokurarama mu“nguva [dzino] dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo,” vaKristu vechokwadi ndivo vanonyanyonangwa noMuvengi mukuru waJehovha, Satani Dhiyabhorosi. (2 Timoti 3:1) Muvengi iyeye ane manomano anoda ‘kutidya.’ (1 Petro 5:8) Satani anotitambudza, anotidzvinyirira, uye anotiedza. Anotsvakawo mafungire aanogona kushandisa. Ane zvaari kufunga kuita: kupedza simba rokutenda kwedu nokutiparadza mumudzimu. (Zvakazarurwa 12:12, 17) Sezvo tine muvengi ane simba kudaro wokurwa naye, hazvikurudziri here kuziva kuti “Jehovha unochengeta vose vanomuda”?

10. (a) Jehovha anochengeta sei vanhu vake? (b) Ndokupi kuchengeta kunokosha kupfuura kumwe kwose, uye nei?

10 Zvisinei, Jehovha anochengeta sei vanhu vake? Kupikira kwake kutichengeta hakurevi kuti tichava noupenyu husina zvinetso munyika ino; uyewo hazvirevi kuti anofanira kutiitira zvishamiso. Kunyange zvakadaro, Jehovha anodzivirira chaizvo vanhu vake seboka. Pamusoro pazvo, aisazobvumira Dhiyabhorosi kuparadza vanamati vechokwadi panyika! (2 Petro 2:9) Kupfuura zvose, Jehovha anotichengeta mumudzimu. Anotishongedzera nezvatinoda kuti titsungirire miedzo uye kuti tichengete ukama hwedu naye. Pakupedzisira, kuchengetwa mumudzimu ndiko kuchengetwa kunokosha kupfuura kumwe kwose. Nei? Chero bedzi tine ukama hwedu naJehovha, hapana chinhu—kunyange rufu—chingatikuvadza zvachose.—Mateu 10:28.

11. Zvii zvakagoverwa naJehovha nokuda kwokuchengeta vanhu vake mumudzimu?

11 Jehovha akagovera zvinhu zvomudzimu zvakawanda zvokuchengeta vari pedyo naye. NomuShoko rake, Bhaibheri, anotipa uchenjeri hwokuti tigone kukurira miedzo yakasiyana-siyana. (Jakobho 1:2-5) Kushandisa zano rinoshanda riri muMagwaro kunobatsira. Pamusoro paizvozvo, Jehovha anopa “mudzimu mutsvene zvikuru sei vano[mu]kumbira.” (Ruka 11:13) Mudzimu iwoyo ndiro simba guru pane ose aripo, saka zvechokwadi rinogona kutishongedzera kuti tibudirire kukunda miedzo yose yatingasangana nayo. Achishandisa Kristu, Jehovha anopa “zvipo zviri varume.” (VaEfeso 4:8) Varume ava vane zvinodiwa zvomudzimu vanoedza kutevedzera tsitsi dzaJehovha dzinobva pamwoyo mukubatsira hama dzavo.—Jakobho 5:14, 15.

12, 13. (a) Jehovha anotipa zvokudya zvomudzimu panguva yakafanira munzirai? (b) Unonzwa sei pamusoro pezvatinopiwa naJehovha kuti zvitibatsire mumudzimu?

12 Pane chimwezve chinogoverwa naJehovha kutichengeta: zvokudya zvomudzimu panguva yakafanira. (Mateu 24:45) Achishandisa mabhuku akadhindwa, kusanganisira magazini eNharireyomurindi neMukai!, pamwe nemisangano, magungano, uye kokorodzano, Jehovha anotigovera zvatinoda patinenge tichizvida. Ungayeuka here imwe nguva apo wakanzwa chimwe chinhu pamusangano wechiKristu, pagungano, kana kuti pakokorodzano chakabaya mwoyo wako ndokukusimbisa kana kuti kukunyaradza? Wakamboverenga imwe nyaya mune imwe yemagazini ataurwa pamusoro apa here ukabva wanzwa sokuti yakanyorerwa iwe chaiye?

13 Chimwe chezvombo zvaSatani chinoshanda zvikuru kuora mwoyo, uye chero nesuwo kunogona kutivhiringidza. Anonyatsoziva kuti kuora mwoyo kwenguva refu kunogona kutipedza simba, kuchitisiya tangova pachena. (Zvirevo 24:10) Nokuti Satani ari kuedza kuda kushandisawo manzwire okuora mwoyo, tinoda kubatsirwa. Magazini eNharireyomurindi neMukai! panguva nenguva akabudisa nyaya dzinotibatsira kukurira kuora mwoyo. Pamusoro peimwe nyaya yakadaro imwe hanzvadzi yakanyora kuti: “Ndinoverenga nyaya yacho anenge mazuva ose, asi misodzi inongobuda. Ndinoichengeta pedyo nomubhedha wangu kuitira kuti ndigoiona pose pandinenge ndaora mwoyo. Kuburikidza nenyaya dzakadai, ndinongonzwa maoko aJehovha okudzivirira achindimbundira.” * Hationgi Jehovha here nokuda kwokutipa zvokudya zvomudzimu panguva yakafanira? Yeuka, zvaanotipa kuti zvitibatsire mumudzimu uchapupu hwokuti ari pedyo nesu uye akatiisa pasi pokudzivirira kwake.

Kugona Kutaura ‘noMunzwi Womunyengetero’

14, 15. (a) Chikomborero chei icho Jehovha anopa kune mumwe nomumwe ari pedyo naye? (b) Nei kupiwa mukana wokutaura naJehovha pachena mumunyengetero iri ropafadzo inoshamisa?

14 Wakambozviona here kuti vanhu sezvavanova nesimba rakawanda nechiremera, vanova vasingawaniki nyore nevaya vari pasi pavo? Zvisinei, zvakadini naJehovha Mwari? Ari kure zvikuru zvokusava nehanya nezvinotaurwa kwaari nevanhuwo zvavo here? Zvakatopesana! Chipo chomunyengetero ndechimwe chikomborero icho Jehovha anopa kune vari pedyo naye. Kupiwa mukana wokutaura ‘noMunzwi womunyengetero’ takasununguka iropafadzo inoshamisa zvechokwadi. (Pisarema 65:2) Nei?

15 Kupa somuenzaniso: Mukuru mukuru webasa wekambani hombe ane mabasa akawanda. Anosarudza kuti inhau dzipi dzaachatarisira iye pachake uye kuti ndedzipi dzaachatuma vamwe. Saizvozvowo, Changamire Mutongi wezvose anogona kusarudza kuti inhau dzipi dzaachaita uye kuti ndedzipi dzaachatuma vamwe. Funga pamusoro pezvose izvo Jehovha akati Mwanakomana wake anodiwa Jesu aite. Mwanakomana akapiwa “simba rokutonga.” (Johani 5:27) Ngirozi dzaka“iswa pasi pake.” (1 Petro 3:22) Jesu anogona kushandisa mudzimu mutsvene waJehovha une simba kuti umubatsire kutungamirira vadzidzi vake pasi pano. (Johani 15:26; 16:7) Jesu naizvozvo aigona kutaura kuti: “Ndakapiwa simba rose kudenga nepasi pano.” (Mateu 28:18) Asi, kana iri minyengetero yedu, Jehovha akasarudza kuiteerera iye pachake. Ndicho chikonzero nei Bhaibheri richitirayira kuti minyengetero yedu inofanira kunanga kuna Jehovha bedzi, tichiita kudaro muzita raJesu.—Pisarema 69:13; Johani 14:6, 13.

16. Nei tichigona kuva nechivimbo chokuti Jehovha anoteerera minyengetero yedu zvechokwadi?

16 Jehovha anoteerera minyengetero yedu zvechokwadi here? Dai anga asina hanya, aisazombotirayira kuti “rambai muchinyengetera” kana kuti tikandire mitoro yedu nokufunganya kwaari. (VaRoma 12:12; Pisarema 55:22; 1 Petro 5:7) Vashumiri vakatendeka munguva inotaurwa muBhaibheri vaiva nechivimbo chakakwana chokuti Jehovha anoteerera munyengetero. (1 Johani 5:14) Nokudaro, munyori wepisarema Dhavhidhi akataura kuti: “[Jehovha] uchanzwa inzwi rangu.” (Pisarema 55:17) Nesuwo tine zvikonzero zvakasimba zvokuvimba kuti Jehovha ari pedyo, akagadzirira kunzwa pfungwa dzedu dzose nezvatine hanya nazvo.

Jehovha Anokomborera Vashumiri Vake

17, 18. (a) Jehovha anonzwa sei pamusoro pebasa rokutendeka rezvisikwa zvake zvinofunga? (b) Tsanangura kuti Zvirevo 19:17 inoratidza sei kuti zviito zvedu zvetsitsi zvinoonekwa naJehovha.

17 Nzvimbo yaJehovha saChangamire wezvose haichinjwi nezvingaitwa nevanhuwo zvavo kana kuti zvavangaramba kuita. Kunyange zvakadaro, Jehovha ndiMwari anoonga. Anokoshesa basa rokutendeka rezvisikwa zvake zvinofunga. (Pisarema 147:11) Saka izvi ndezvimwe zvinobatsira zvinowanikwa nevaya vari pedyo naJehovha: Anokomborera vashumiri vake.—VaHebheru 11:6.

18 Bhaibheri rinoratidza zvakajeka kuti Jehovha anokoshesa zvinoitwa nevanamati vake. Somuenzaniso, tinoverenga kuti: “Unonzwira varombo tsitsi, unoposana naJehovha; uchamuripira basa rake rakanaka.” (Zvirevo 19:17) Kurangarira kwaJehovha varombo nenzira yetsitsi kwakaratidzwa muMutemo waMosesi. (Revhitiko 14:21; 19:15) Jehovha anonzwa sei patinotevedzera tsitsi dzake pakubata kwedu nevarombo? Patinopa varombo, tisingatarisiri kudzorerwa chimwe chinhu, Jehovha anoona ichi sechikwereti chaapiwa. Jehovha anovimbisa kubhadhara chikwereti ichocho nenyasha nechikomborero. (Zvirevo 10:22; Mateu 6:3, 4; Ruka 14:12-14) Hungu, patinoratidza tsitsi kuhama yedu inotambura, zvinosvika pamwoyo waJehovha. Tinoonga sei kuziva kuti Baba vedu vokudenga vanoona zviito zvedu zvetsitsi!—Mateu 5:7.

19. (a) Nei tingava nechokwadi chokuti Jehovha anoonga zvatinoita mubasa rokuparidza nokuita vadzidzi? (b) Jehovha anokomborera sei basa rose rinoitwa mukutsigira Umambo hwake?

19 Jehovha anonyanya kuonga zvatinoita nokuda kwoUmambo hwake. Patinoswedera pedyo naJehovha, tinongonzwa tichida kushandisa nguva yedu, simba, nepfuma yedu kuti tiite zvizere sezvinobvira basa rokuita vadzidzi nokuparidza Umambo. (Mateu 28:19, 20) Pane dzimwe nguva, tinganzwa sokuti hapana zvatiri kuita. Mwoyo wedu usina kukwana ungatogona kutiita kuti timbozvibvunza kana Jehovha achifadzwa nebasa redu. (1 Johani 3:19, 20) Asi Jehovha anokoshesa chipo chose—pasinei nokuti chingava chiduku zvakadini—chinobva mumwoyo une rudo. (Mako 12:41-44) Bhaibheri rinotipikira kuti: “Mwari haasi asina kururama kuti angabve akanganwa basa renyu norudo rwamakaratidza nokuda kwezita rake.” (VaHebheru 6:10) Zvechokwadi, Jehovha anoyeuka uye anokomborera kunyange basa dukusa rinoitwa mukutsigira Umambo hwake. Kuwedzera pazvikomborero zvomudzimu zvakapfuma zvino, tinogona kutarisira kumufaro woupenyu munyika itsva iri kuuya umo Jehovha achavhura ruoko rwake nomutsa ogutsa zvishuwo zvakarurama zvevose vari pedyo naye!—Pisarema 145:16; 2 Petro 3:13.

20. Mugore ra2003 rose, tingayeuka sei mashoko orugwaro rwedu rwegore uye zvichaguma nei?

20 Mugore rose ra2003, ngatizvibvunze kana tiri kuramba tichiedza kuswedera pedyo naBaba vedu vokudenga. Kana tiri kudaro, tinogona kuva nechokwadi chokuti achapindura sezvaakapikira. Pamusoro pazvo, ‘Mwari haamborevi nhema.’ (Tito 1:2) Kana ukaswedera pedyo naye, achaswedera pedyo newe. (Jakobho 4:8) Uye zvichaguma nei? Zvikomborero zvakapfuma zvino uye tariro yokuramba tichiswedera pedyo naJehovha nokusingaperi!

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 13 Aitaura nezvenyaya inoti “Jehovha Mukuru Kune Mwoyo Yedu,” muNharireyomundi yaMay 1, 2000, peji 28-31.

Unoyeuka Here?

• Jehovha anopa chipo chei kune vaya vanoswedera pedyo naye?

• Jehovha anogovera chii nokuda kwokudzivirira vanhu vake mumudzimu?

• Nei kupiwa mukana wokutaura naJehovha takasununguka mumunyengetero iri ropafadzo inoshamisa?

• Bhaibheri rinoratidza sei kuti Jehovha anoonga basa rokutendeka rezvisikwa zvake zvinofunga?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 15]

Jehovha akatikomborera nenzwisiso yechokwadi chomudzimu

[Mifananidzo iri papeji 16, 17]

Jehovha anodzivirira nenzira yomudzimu

[Mufananidzo uri papeji 18]

Jehovha ari pedyo, akagadzirira kunzwa minyengetero yedu yose