Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Swederai Pedyo naMwari”

“Swederai Pedyo naMwari”

“Swederai Pedyo naMwari”

“Swederai pedyo naMwari, uye achaswedera pedyo nemi.”—JAKOBHO 4:8.

1, 2. (a) Chii chinowanzotaurwa nevanhu? (b) Jakobho akapa kurudziro yokuti chii, uye nei yakanga ichidiwa?

“MWARI anesu.” Mashoko iwayo akashongedza mireza yenyika uye kunyange zvipfeko zvevarwi. Mashoko okuti “Tinovimba naMwari” akadhindwa pamari yemazuva ano isingaverengeki yepepa neyesimbi. Zvakakurumbira kuti vanhu vati vane ukama hwapedyo naMwari. Zvisinei, hauzvioniwo here kuti kuva noukama hwakadaro chaiko hakudi kungotaura nezvazvo kana kuti kunyora mashoko okuti vanhu vaone?

2 Bhaibheri rinoratidza kuti zvinobvira kuva noukama naMwari. Zvisinei zvinotoda kushandirwa. Kunyange vamwe vaKristu vakazodzwa muzana rokutanga remakore vaifanira kusimbisa ukama hwavo naJehovha Mwari. Mutariri wechiKristu Jakobho akatozonyevera vamwe nezvezvishuvo zvavo zvenyama nokusachena mumudzimu. Ari pakati pezano iroro, akapa kurudziro iyi ine simba: “Swederai pedyo naMwari, uye achaswedera pedyo nemi.” (Jakobho 4:1-12) Jakobho airevei paakati “swederai pedyo”?

3, 4. (a) Vamwe vevaverengi vetsamba yaJakobho vomuzana rokutanga remakore vangave vakayeuchidzwa chii nemashoko okuti “swederai pedyo naMwari”? (b) Nei tichigona kuva nechokwadi chokuti kuswedera pedyo naMwari kunobvira?

3 Jakobho akashandisa mashoko anofanira kuve aizivikanwa nevaverengi vetsamba yake vazhinji. Mutemo waMosesi waipa vapristi mirayiridzo yakananga yokuti “vanoswedera” sei kuna Jehovha vakamiririra vanhu vake. (Eksodho 19:22) Vaverengi vetsamba yaJakobho nokudaro vangave vakayeuchidzwa kuti kuswedera pedyo naJehovha hachisi chinhu chokutamba nacho. Jehovha ndiye ane chiremera zvikuru kupfuura zvinhu zvose.

4 Kune rumwe rutivi, seizvo imwe nyanzvi yeBhaibheri inotaura, “kurudziro iyi [iri pana Jakobho 4:8] inoratidza kuva netariro yakasimba.” Jakobho aiziva kuti Jehovha akangogara achikokera norudo vanhu vasina kukwana kuti vaswedere pedyo Naye. (2 Makoronike 15:2) Chibayiro chaJesu chakazarura nzira yokuswedera nayo kuna Jehovha mupfungwa yakakwana. (VaEfeso 3:11, 12) Nhasi, nzira yokuswedera nayo kuna Mwari yakazarurirwa mamiriyoni! Zvisinei, tingashandisa sei mukana uyu wakanaka kudai? Muchidimbu tichakurukura nezvenzira nhatu dzatinogona kuswedera nadzo pedyo naJehovha Mwari.

Ramba Uchi‘pinza Zivo’ yaMwari

5, 6. Muenzaniso waSamueri muduku unoratidza sei zvinobatanidzwa mu“kupinza zivo” yaMwari?

5 Maererano naJohani 17:3, Jesu akati: “Izvi zvinoreva upenyu husingaperi, kupinza kwavo zivo pamusoro penyu, Mwari wechokwadi bedzi, neyowamakatuma, Jesu Kristu.” Kushandurwa kwendima iyi kwakawanda kwakasiyana zvishoma neShanduro yeNyika Itsva. Panzvimbo pokuti “kupinza zivo” yaMwari, vanongoshandura shoko rechiito iri vachiti “kuziva” Mwari. Zvisinei, nyanzvi dzinoverengeka dzinoti pfungwa yeshoko rakashandiswa mumutauro wechiGiriki chepakutanga haingorevi izvozvo chete—asi chinhu chinoramba chichiitika, zvingatoguma nokunyatsozivana.

6 Kusvika pakunyatsoziva Mwari kwakanga kusiri pfungwa itsva muzuva raJesu. Somuenzaniso, muMagwaro echiHebheru, tinoverenga kuti Samueri paakanga ari mukomana, akanga “achigere kuziva Jehovha.” (1 Samueri 3:7) Izvi zvaireva here kuti Samueri aiziva zvishomanana nezvaMwari wake? Aiwa. Vabereki vake nevapristi zvechokwadi vaizodai vakamudzidzisa zvakawanda. Zvisinei, shoko rechiHebheru rakashandiswa mundima iyoyo rinogona “kushandiswa nokuda kwokuzivana kwapedyo zvikuru,” sokutaura kweimwe nyanzvi. Samueri akanga achigere kuziva Jehovha zvapedyo, sezvaaizoita ave kushumira somutauriri waJehovha. Samueri zvaakaramba achikura, akasvika pakuziva Jehovha zvechokwadi, achiva noukama hwapedyo naye.—1 Samueri 3:19, 20.

7, 8. (a) Nei tisingafaniri kutyiswa nedzidziso dzeBhaibheri dzakadzika? (b) Ndechipi chimwe chokwadi cheShoko raMwari chakadzika chatinoita zvakanaka kudzidza?

7 Uri kupinza zivo yaJehovha kuitira kuti unyatsozivana naye here? Kuti udaro, unofanira ku“panga” zvokudya zvomudzimu zvinogoverwa naMwari. (1 Petro 2:2) Usangogutsikana nedzidziso dzeBhaibheri dzokutanga. Vavarira kudzidza dzimwe dzidziso dzeBhaibheri dzakadzama. (VaHebheru 5:12-14) Unotyiswa nedzidziso dzakadaro here, uchifunga kuti dzakanyanya kuoma? Kana zvakadaro, yeuka kuti Jehovha ndiye “Mudzidzisi Mukuru.” (Isaya 30:20, NW) Anoziva nzira yokudzidzisa nayo chokwadi chakadzama kundangariro dzavanhu vasina kukwana. Uye anogona kukomborera kuedza kwako nomwoyo wose kubata zvaari kukudzidzisa.—Pisarema 25:4.

8 Unodii kuzviongorora maererano nezvimwe “zvinhu zvakadzika zvaMwari”? (1 VaKorinde 2:10) Idzi hadzisi nyaya dzinofinha sedzinoitiranwa nharo nevafundisi. Idzidziso mhenyu dzinotipa kunzwisisa kunofadza ndangariro nomwoyo zvaBaba vedu vane rudo. Somuenzaniso, rudzikinuro, “chakavanzika chitsvene,” nesungano dzakasiyana-siyana idzo Jehovha akashandisa kukomborera vanhu vake nokuzadzisa zvinangwa zvake—nyaya idzi nedzimwe dzakafanana nadzo inhau dzinofadza uye dzinobatsira dzokuti munhu atsvakurudze pamusoro padzo achidzidza ari oga.—1 VaKorinde 2:7.

9, 10. (a) Nei kudada kune ngozi, uye chii chichatibatsira kuti tisadada? (b) Pamusoro pezivo yaJehovha, nei tichifanira kuvavarira kuzvininipisa?

9 Sezvaunokura mukuziva chokwadi chomudzimu chakadzika, ngwarira ngozi ingauya nokuziva—kudada. (1 VaKorinde 8:1) Kudada kune ngozi, nokuti kunoparadzanisa vanhu naMwari. (Zvirevo 16:5; Jakobho 4:6) Yeuka, hapana munhu ane chikonzero chokudada nezivo yake. Kupa somuenzaniso, funga nezvemashoko aya ari musumo yebhuku rinoongorora kufambira mberi musayenzi kwevanhu munguva pfupi yapfuura: “Zvatinosvika pakuziva zvakawanda, tinowedzera kuona kuti tinoziva zvishomanana. . . . Zvose zvatakadzidza hapana zviripo kana zvichienzaniswa nezvatisati tadzidza.” Kuzvininipisa kwakadaro kunonyevenutsa. Zvino kana yava nyaya yezivo huru kupfuura yose—kuziva Jehovha Mwari—tinotova nechikonzero chakawedzera chokuramba tichizvininipisa. Nei?

10 Ona mamwe mashoko eBhaibheri pamusoro paJehovha. “Mifungo yenyu yakadzika kwazvo.” (Pisarema 92:5) “Njere [dzaJehovha] hadziperi.” (Pisarema 147:5) “Njere [dzaJehovha] hadzingazikanwi.” (Isaya 40:28) “Haiwa ukuru hwepfuma yaMwari nouchenjeri nezivo!” (VaRoma 11:33) Sezviri pachena hatimbofi takaziva zvose nezvaJehovha. (Muparidzi 3:11) Akatidzidzisa zvinhu zvakawanda zvinoshamisa, asi mberi kwedu kuchangoramba kune zivo yakawanda yatinogona kudzidza. Hationi tariro iyoyo ichifadza uye ichitininipisa here? Saka sezvatinodzidza, nguva dzose ngatishandise zivo yedu kuti itiswededze pedyo naJehovha uye kuti tibatsire vamwe kuita kudaro—kwete senzira yokuzvikwidziridza nayo pamusoro pevamwe.—Mateu 23:12; Ruka 9:48.

Ratidza Kuda Kwako Jehovha

11, 12. (a) Zivo yatinopinza pamusoro paJehovha inofanira kutibatsira sei? (b) Chii chinoratidza kana kuda Mwari kwomunhu kuri kwechokwadi?

11 Nenzira yakakodzera muapostora Pauro akataura kubatana kwakaita zivo norudo. Akanyora kuti: “Izvi ndizvo zvandinoramba ndichinyengeterera, kuti rudo rwenyu rurambe ruchiwanda nezivo yakarurama uye nenzwisiso yakazara.” (VaFiripi 1:9) Panzvimbo pokutiita kuti tizvitutumadze, chokwadi chose chinokosha chatinodzidza nezvaJehovha nezvinangwa zvake chinofanira kuwedzera rudo rwedu kuna Baba vedu vokudenga.

12 Chokwadi, vazhinji vanoti vanoda Mwari zvechokwadi havamudi. Vangave vachitaura nomwoyo wose nezvemanzwiro akasimba avanonzwa mumwoyo yavo. Manzwiro akadaro akanaka, uye anotorumbidzwa, kana achiwirirana nezivo yakarurama. Asi izvozvo hazvirevi kuti vanoda Mwari zvechokwadi. Zvinotadza nei? Cherechedza marondedzerero anoita Shoko raMwari rudo rwakadaro: “Kuda Mwari kunoreva izvi, kuti tichengete mirayiro yake.” (1 Johani 5:3) Saka kuda Mwari ndokwechokwadi bedzi kana kuchiratidzwa nezviito zvokuteerera.

13. Kutya Mwari kuchatibatsira sei kuratidza kuda kwedu Jehovha?

13 Kutya Mwari kuchatibatsira kuteerera Jehovha. Kutya kwakadzama uku nokuremekedza Jehovha kunobva pakupinza zivo pamusoro pake, kudzidza pamusoro poutsvene hwake, mbiri, simba, ruramisiro, uchenjeri, uye rudo zvinogara nokusingaperi. Kutya kwakadaro kunokosha nokuda kwokuswedera pedyo naye. Chokwadi, cherechedza izvo Pisarema 25:14, (NW) inotaura kuti: “Kushamwaridzana naJehovha ndokwevaya vanomutya.” Naizvozvo kana tine kutya kwakanaka kwokuti tisagumbura Baba vedu vokudenga vanodiwa, tinogona kuswedera pedyo naye. Kutya Mwari kuchatibatsira kuteerera zano rouchenjeri rakanyorwa pana Zvirevo 3:6 rokuti: “Umutende panzira dzako dzose, agoruramisa makwara ako ose.” Izvozvo zvinorevei?

14, 15. (a) Ndezvipi zvimwe zvisarudzo zvatinotarisana nazvo muupenyu hwezuva nezuva? (b) Tingaita sei zvisarudzo nenzira inoratidza kutya kwedu Mwari?

14 Unofanira kuita zvisarudzo mazuva ose, zviduku nezvikuru. Somuenzaniso, uchataurei nevaunoshanda navo, vaunodzidza navo, uye vavakidzani? (Ruka 6:45) Uchashanda nesimba here kuita mabasa aunopiwa, kana kuti uchatsvaka nzira yokuzviita nayo usingashandi nesimba? (VaKorose 3:23) Uchaswedera pedyo here nevaya vanoratidza kuti havanyanyi kuda Jehovha kana kuti vasingamudi, kana kuti uchatsvaka kusimbisa ukama hwako nevanhu vomudzimu here? (Zvirevo 13:20) Uchaitei, kunyange munzira duku kutsigira zvinodiwa noUmambo hwaMwari? (Mateu 6:33) Kana nheyo dzeMagwaro dzakadai sedzataurwa pano dzichitungamirira zvisarudzo zvako zvezuva nezuva, ipapo zvechokwadi uri kutenda Jehovha “panzira dzako dzose.”

15 Naizvozvo nechisarudzo chimwe nechimwe chatinoita, tinofanira kutungamirirwa nokufunga kwake: ‘Jehovha aizoda kuti ndiitei? Ndeipi nzira yaizonyanya kumufadza?’ (Zvirevo 27:11) Kuratidza kutya Mwari zvakadai inzira yakanaka kwazvo yokuratidza nayo kuda Jehovha. Kutya Mwari kuchatiitawo kuti tirambe takachena—mumudzimu, mutsika, uye mumuviri. Yeuka, mundima imwe chete iyoyo umo Jakobho anokurudzira vaKristu kuti “swederai pedyo naMwari,” anokurudzirawo kuti: “Chenesai maoko enyu, imi vanhu vanoita zvivi, munatse mwoyo yenyu, imi mune mwoyo miviri.”—Jakobho 4:8.

16. Nokupa kuna Jehovha, chii chatisingambogoni kuita, asi chii chatingabudirira kuita nguva dzose?

16 Chokwadi, kuratidza kuda kwedu Jehovha kunosanganisira zvakawanda kupfuura kungorega kuita zvakaipa. Rudo runotitumawo kuita zvakarurama. Somuenzaniso, tinoita sei nomutsa mukuru waJehovha? Jakobho akanyora kuti: “Zvipo zvose zvakanaka nezvinopiwa zvose zvakakwana zvinobva kumusoro, nokuti zvinoburuka zvichibva kuna Baba vezviedza zvokudenga.” (Jakobho 1:17) Zvechokwadi, patinopa zvinhu zvedu kuna Jehovha, hatimupfumisi. Atogara ari muridzi wezvinhu zvose nepfuma zviripo. (Pisarema 50:12) Uye patinopa Jehovha nguva yedu nesimba, hatisi kumubatsira nezvinhu zvaasingagoni kuita oga. Kunyange dai taizoramba kuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari, aizogona kukonzera kuti matombo adanidzire! Saka zvino tinopirei Jehovha pfuma yedu, nguva nesimba? Kupfuura zvose, nokuti nenzira iyoyo tinoratidza kumuda kwedu nomwoyo wose, mweya, pfungwa, uye simba.—Mako 12:29, 30.

17. Chii chinogona kutikurudzira kupa Jehovha nomufaro?

17 Patinopa Jehovha, tinofanira kuita kudaro nomufaro, “nokuti Mwari anoda mupi anofara.” (2 VaKorinde 9:7) Nheyo yomutemo yakanyorwa pana Dheuteronomio 16:17 inogona kutibatsira kupa nomufaro, inoti: “Mumwe nomumwe ngaauye nechipo mumaoko ake, sezvaanogona, sezvawakaropafadzwa naJehovha Mwari wako, sezvaakakupa.” Patinofunga kuti Jehovha ave achitiitira rupo sei, tinonzwa chido chokumupa takasununguka. Kupa kwakadaro kunofadza mwoyo wake, kungofanana nezvinoita chipo chiduku chinobva kumwana anodiwa chinofadza mubereki. Kuratidza rudo rwedu nenzira iyi kuchatibatsira kuswedera pedyo naJehovha.

Vaka Ukama Hwepedyo Nomunyengetero

18. Nei zvichikosha kufunga kuti tingavandudza sei kunaka kweminyengetero yedu?

18 Nguva yatinonyengetera tiri toga mukana unokosha—nguva yokutaura zviri pasi pomwoyo yedu, zvakavanzika naBaba vedu vokudenga. (VaFiripi 4:6) Sezvo munyengetero iri nzira inokosha yokuswedera nayo pedyo naMwari, zvinokosha kumbomira tichifunga kuti minyengetero yedu yakadini. Kwete hazvo kuti inofanira kuva yemashoko akanyatsorongwa uye anotaurwa zvakanaka, asi inofanira kuva kutaura kunobva pamwoyo. Tingavandudza sei kunaka kweminyengetero yedu?

19, 20. Nei tichifanira kufungisisa tisati tanyengetera, uye ndedzipi dzimwe nyaya dzakakodzera kufungisisa kwakadaro?

19 Tingaedza kufungisisa tisati tanyengetera. Kana tikafungisisa pachine nguva, tinogona kuva vakananga muminyengetero yedu uye inova nezvainoreva, nokudaro torega kuva netsika yokungodzokorora mashoko atinonzwa takajaira anongouya mupfungwa. (Zvirevo 15:28, 29) Zvimwe kufungisisa imwe yemisoro iyo Jesu akataura mumunyengetero wake womuenzaniso toona kuti iyoyi inowirirana sei nemamiriro ezvinhu zvedu kungabatsira. (Mateu 6:9-13) Somuenzaniso, tingazvibvunza kuti rutivi ruduku rupi rwatinotarisira kuita mukuitwa kwokuda kwaJehovha pasi pano. Tingataurira Jehovha here chido chedu chokuva vanokosha kwaari sezvinobvira, uye tokumbira kubatsirwa naye mukuita chero migove yaakatipa? Tiri kuremerwa nokushushikana pamusoro pezvinhu zvokurarama nazvo here? Zvivi zvipi zvatinoda kukanganwirwa, uye ndokunaani kwatinofanira kuwedzera kukanganwira? Miedzo ipi inotitambudza, uye tinoona here kuti tinoda nokukurumidza sei kudzivirira kwaJehovha panhau iyi?

20 Uyezve, tingafunga nezvevanhu vatinoziva vanoda kubatsirwa naJehovha. (2 VaKorinde 1:11) Zvisinei, chatisingafaniri kukanganwawo kuonga. Kana tikambomira tofunga nezvazvo, zvechokwadi tinogona kubuda nezvikonzero zvokuonga Jehovha nokumurumbidza zuva rimwe nerimwe nokuda kwokunaka kwake kukuru. (Dheuteronomio 8:10; Ruka 10:21) Kuita kudaro kune zvimwe zvakunobatsira—kunogona kutibatsira kuva nemaonero ezvinhu akanaka zvikuru uye okuonga.

21. Kudzidza mienzaniso ipi yeMagwaro kungatibatsira patinotaura naJehovha mumunyengetero?

21 Kudzidza kunogona kubatsira minyengetero yedu zvekare. Kune minyengetero yakakurumbira yakapiwa nevarume nevakadzi vakatendeka yakanyorwa muShoko raMwari. Somuenzaniso, kana mberi kwedu kune chinetso chikuru, chichitiita kuti titambure mumwoyo uye kunyange kuti tityire upenyu hwedu kana kuti hwevadiwa vedu, tinogona kuverenga munyengetero waJakobho pamusoro pokusangana kwaaizoita nomukoma wake Isau aiva nehasha. (Genesi 32:9-12) Kana kuti tingadzidza munyengetero wakapiwa naMambo Asa apo uto revaEtiopiya vanokwana miriyoni raida kurwisa vanhu vaMwari. (2 Makoronike 14:11, 12) Kana tiri kutambudzwa nechinetso chinogona kuunza ruzvidzo pazita rakanaka raJehovha, ipapo munyengetero waEriya pamberi pevanamati vaBhaari paGomo reKameri wakanaka kufunga nezvawo, sezvakaitawo munyengetero waNehemia pamusoro pechimiro chinonzwisa urombo cheJerusarema. (1 Madzimambo 18:36, 37; Nehemia 1:4-11) Kuverenga nokufungisisa minyengetero yakadaro kunogona kusimbisa kutenda kwedu nokutipa mazano okuti ndeipi nzira yakanakisisa yokutaura nayo naJehovha pamusoro pezvinhu zvinotiremera.

22. Rugwaro rwegore ra2003 ndorupi, uye chii chatingapota tichizvibvunza mugore rose?

22 Sezviri pachena, hapana rukudzo runopfuura apa, kana chinangwa chiri nani kupfuura kuteerera zano raJakobho rokuti “swederai pedyo naMwari.” (Jakobho 4:8) Ngatiitei kudaro nokufambira mberi mukuziva kwedu Mwari, nokutsvaka kuramba tichiwedzera kumuda kwedu, nokuva noukama hwapedyo naye muminyengetero yedu. Mugore rose ra2003, patinenge tichiyeuka Jakobho 4:8 sorugwaro rwegore, ngatirambe tichizviongorora kuti tione kuti zvechokwadi tiri kuswedera pedyo naJehovha here. Zvisinei zvakadini nechikamu chokupedzisira chemashoko acho? Mupfungwai umo Jehovha “achaswedera pedyo nemi,” achiunza zvikomborero zvei? Nyaya inotevera ichasimudzira nhau iyi.

Unoyeuka Here?

• Nei kuswedera pedyo naJehovha chiri chimwe chinhu chokukoshesa?

• Ndezvipi zvimwe zvatingavavarira kuita pamusoro pokupinza zivo yaJehovha?

• Tingaratidza sei kuti tine rudo rwechokwadi naJehovha?

• Tingavaka ushamwari hwapedyo naJehovha mumunyengetero munzira dzipi?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 12]

Rugwaro rwegore ra2003 ruchava: “Swederai pedyo naMwari, uye achaswedera pedyo nemi.”—Jakobho 4:8.

[Mufananidzo uri papeji 8, 9]

Sezvaakakura Samueri akasvika pakunyatsoziva Jehovha

[Mufananidzo uri papeji 12]

Munyengetero uyo Eriya akapa paGomo reKameri muenzaniso wakanaka kwatiri