Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Varume Vatatu Vakachenjera”—Vaiva Vanaani?

“Varume Vatatu Vakachenjera”—Vaiva Vanaani?

“Varume Vatatu Vakachenjera”—Vaiva Vanaani?

Mifananidzo inoratidza kuberekwa kwaJesu inowanzoratidza varume vatatu vakapfeka nguvo refu vaine ngamera dzavo, vachisvika mudanga munenge makarara rusvava runonzi Jesu muchidyiro chezvipfuyo. Vashanyi ava vanenge vakanyatsopfeka zvakanaka vanowanzonzi varume vatatu vakachenjera. Bhaibheri rinotii nezvavo?

Maererano neBhaibheri, varume vanonzi vakachenjera vaibva “kumativi okumabvazuva,” uye ndiko kwavakanga vanzwa nezvokuberekwa kwaJesu. (Mateu 2:1, 2, 9) Zvinofanira kunge zvakatorera varume ava nguva yakareba kuti vashanyire Judhiya. Pavakazowana Jesu, akanga asisiri rusvava ruchangoberekwa mudanga. Asi, varume vacho vakawana Mariya no“mwana muduku” vachigara mumba.—Mateu 2:11.

Bhaibheri rinodana varume ava kuti magi, kana kuti “vazivi venyeredzi,” uye haritauri kuti vaiva vangani. The Oxford Companion to the Bible rinotsanangura kuti: “Kubatana kwemashiripiti nouzivi hwenyeredzi kunooneka mukufarira kwevashanyi vacho nyeredzi yakanga yavatungamirira kuBheterehema.” Bhaibheri rinoshora zvakajeka marudzi ose emashiripiti uye tsika yevaBhabhironi yokuedza kuwana mashoko kunyeredzi.—Dheuteronomio 18:10-12; Isaya 47:13.

Mashoko akaudzwa varume ava haana kumbotungamirira kumugumisiro wakanaka. Akamutsa hasha dzeshanje dzaMambo Herodhi akaipa. Izvi zvakaguma nokutizira kwaJosefa, Mariya, uye Jesu kuIjipiti uye kupondwa kwevana vose vechikomana muBheterehema vai“bvira pazera remakore maviri zvichidzika.” Herodhi akanga anyatsoziva nguva yokuberekwa kwaJesu kubva kune zvaakaudzwa nevazivi venyeredzi. (Mateu 2:16) Maererano nematambudziko ose akakonzerwa nokushanya kwavo, zvine musoro kugumisa kuti nyeredzi yavakaona uye mashoko okuti “akaberekwa ari mambo wevaJudha” zvakabva kune muvengi waMwari, Satani Dhiyabhorosi, uyo aida kuuraya Jesu.—Mateu 2:1, 2.