Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvidzidzo Kubva Munhoroondo Yokuberekwa kwaJesu

Zvidzidzo Kubva Munhoroondo Yokuberekwa kwaJesu

Zvidzidzo Kubva Munhoroondo Yokuberekwa kwaJesu

MAMIRIYONI anonakidzwa nezvakaitika pakaberekwa Jesu. Izvi zvinooneka neMifananidzo Yokuberekwa kwaJesu yakawanda inoratidzwa uye Mitambo Yokuberekwa kwaJesu inoitwa pasi pose panguva yeKrisimasi. Kunyange zvichinakidza, zvakaitika pakaberekwa Jesu hazvina kunyorwa muBhaibheri kuti zvivaraidze vanhu. Asi zvinoumba chikamu choRugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari kuti rudzidzise uye rururamise zvinhu.—2 Timoti 3:16.

Kudai Mwari akanga achida kuti vaKristu vachengete kuberekwa kwaJesu, ipapo Bhaibheri ringadai rakapa musi chaiwo waakaberekwa. Rinopa here? Ataura kuti Jesu akaberekwa panguva apo vafudzi vakanga vari kunze kwemisha usiku vachichengeta zvipfuwo zvavo, nyanzvi yeBhaibheri yomuzana remakore rechi19 Albert Barnes akagumisa achiti: “Kubva pane izvi zviri pachena kuti Muponesi wedu akaberekwa 25 December asati asvika . . . Panguva iyoyo kunotonhora, uye kunyanya munzvimbo dzakakwirira dzine makomo pedyo neBheterehema. Mwari haana kutaura nguva yokuberekwa kwa[Jesu]. . . . Uye zvakanga zvisingakoshi kuziva nguva yacho; kana zvaikosha, Mwari angadai akachengeta nhoroondo yacho.”

Kusiyana neizvi, vanyori vana veEvhangeri vanonyatsotiudza nezvomusi wakafa Jesu. Zvakaitika muchirimo, pazuva rePaseka, yaiitwa musi wa14 wemwedzi wechiJudha unonzi Nisani. Uyezve, Jesu akarayira vateveri vake zvakananga kuti vachengete musi iwoyo vachimuyeuka. (Ruka 22:19) Bhaibheri harina murayiro wakadaro wokuchengeta zuva rakaberekwa Jesu, uyewo kunyange zuva rokuberekwa kwomumwe munhu upi noupi. Zvinosuruvarisa kuti makakatanwa pamusoro pomusi wokuberekwa kwaJesu angadzikatidza zviitiko zvinokosha zvikuru zvakaitika panguva iyoyo.

Vabereki Vakasarudzwa naMwari

Pazviuru zvemhuri dzomuIsraeri, Mwari akasarudza vabereki vorudzii kuti varere Mwanakomana wake? Akafunga kuti zvinhu zvakadai somukurumbira uye pfuma ndizvo zvinokosha here? Aiwa. Asi, Jehovha akafunga nezvokunamata kwaiita vabereki vacho. Ongorora rwiyo rwaMariya rwokurumbidza, rwakanyorwa pana Ruka 1:46-55, rwaakaimba pashure pokuudzwa nezveropafadzo yake yokuva amai vaMesiya. Pakati pezvimwe zvinhu, akati: “Mweya wangu unokudza Jehovha . . . nokuti akatarira nzvimbo yakaderera yomurandasikana wake.” Nokuzvininipisa aizviona somumwe ari mu“nzvimbo yakaderera,” murandasikana waJehovha. Zvinotokosha zvikuru, mashoko akaisvonaka okurumbidza ari murwiyo rwaMariya anoratidza kuti aiva munhu akakura mumudzimu aiva nezivo yakanaka yeMagwaro. Kunyange aiva mwana anotadza waAdhamu, ndiye aiva akakodzera kusarudzwa kuti ave amai vepasi pano voMwanakomana waMwari.

Zvakadini nomurume waMariya, uyo akazova baba vaJesu vokurera? Josefa aiva murume aiva nezivo inoshandisika yezvokuveza. Nemhaka yokuda kwake kushanda zvakaoma nemaoko ake, aikwanisa kugovera zvinodiwa zvemhuri yakazova nevanakomana vashanu uye vanasikana vanenge vaviri. (Mateu 13:55, 56) Josefa akanga asina kupfuma. Nguva payakasvika yokuti Mariya aunze mwanakomana wake wedangwe kutemberi yaMwari, Josefa anofanira kuva akarwadziwa kuti aisagona kupa chibayiro chegwai. Asi vakatoshandisa chibayiro chainzi chaigona kupiwa nevarombo. Uchitaura nezvaamai vomwanakomana akanga achangoberekwa, mutemo waMwari wakati: “Kana akasakwanisa kuuya negwayana, ngaatore njiva mbiri kana twana tuviri twenjiva; imwe chive chipiriso chinopiswa, neimwe chipiriso chezvivi; kuti mupristi amuyananisire, anake.”—Revhitiko 12:8; Ruka 2:22-24.

Bhaibheri rinoti Josefa “akanga akarurama.” (Mateu 1:19) Somuenzaniso, haana kurara nomudzimai wake aiva mhandara kusvikira Jesu aberekwa. Izvi zvakaita kuti vanhu varege kuvhiringidzika kuti Baba vaJesu chaivo vaiva ani. Kuti murume nomukadzi vachangoroorana varege kurara vose nepo vachigara mumba mumwe kwaigona kusava nyore, asi zvakaratidza kuti vaikoshesa ropafadzo yokusarudzwa kuti varere Mwanakomana waMwari.—Mateu 1:24, 25.

Kufanana naMariya, Josefa aiva munhu akakura mumudzimu. Gore roga roga airega kushanda oenda nemhuri yake rwendo rwemazuva matatu rwokubva kuNazareta kuenda kuJerusarema kunopinda mutambo wepagore wePaseka. (Ruka 2:41) Uyezve, Josefa anofanira kuva akadzidzisa Jesu muduku tsika yokunamata pasinagogi yomunharaunda yacho vhiki nevhiki, uko Shoko raMwari raiverengwa nokutsanangurwa. (Ruka 2:51; 4:16) Saka, panogona kuva pasina mubvunzo kuti Mwari akasarudza amai vepasi pano nababa vokurera vakakodzera nokuda kwoMwanakomana wake.

Chikomborero Chakaisvonaka Nokuda kweVafudzi Vanozvininipisa

Pasinei nokuomerwa kwomudzimai wake, uyo akanga zvino ava nepamuviri pane mwedzi mipfumbamwe, Josefa akaenda kuguta remadzitateguru ake kunonyorwa, maererano nomurayiro waKesari. Varoorani ava pavakasvika muBheterehema, havana kugona kuwana pokugara muguta nokuti rakanga rakazara nevanhu. Saka mamiriro acho ezvinhu akavamanikidza kuti vagare mudanga rezvipfuwo, umo makaberekerwa Jesu ndokuradzikwa muchidyiro chezvipfuwo. Kuti asimbise kutenda kwavo, Jehovha akavimbisa vabereki vanozvininipisa ava kuti kubereka uku kwaiva chaizvoizvo kuda kwaMwari. Akatuma boka revarume vakuru vane mukurumbira here kubva kuBheterehema kuti vavimbise varoorani vacho? Aiwa. Asi Jehovha Mwari akazivisa nhau yacho kuvafudzi vaishanda zvakaoma avo vaipedza usiku hwose vari kunze kwomusha vachichengeta zvipfuwo zvavo.

Ngirozi yaMwari yakaoneka kwavari ndokuvaudza kuti vaende kuBheterehema, kwavaizowana Mesiya akanga achangoberekwa, “akarara muchidyiro chezvipfuwo.” Varume vanozvininipisa ava vakashamiswa kana kugumbuka here nokunzwa kuti Mesiya akanga achangobva kuberekwa aiva muchidyiro chezvipfuwo? Havana kana! Pasina kunonoka, vakasiya zvipfuwo zvavo ndokutanga kuenda kuBheterehema. Pavakawana Jesu, vakarondedzera Josefa naMariya zvakanga zvataurwa nengirozi yaMwari. Pasina mubvunzo, izvi zvakasimbisa kutenda kwomurume nomukadzi wacho zvokuti zvinhu zvose zvakanga zviri kuitika nenzira yakanga yarongwa naMwari. “Vafudzi vakadzokera, vachipa mbiri nokurumbidza Mwari nokuda kwezvinhu zvose zvavakanzwa nokuona.” (Ruka 2:8-20) Chokwadi, nokuzivisa nhau dzacho kuvafudzi vaitya Mwari, Jehovha akanga aita chisarudzo chakarurama.

Kubva pane zviri pamusoro apa, tinodzidza kuti tinofanira kuva vanhu vorudzii kuti tiwane nyasha dzaJehovha. Hatifaniri kutsvaka mukurumbira kana pfuma. Asi, saJosefa, Mariya, uye vafudzi, tinofanira kuteerera Mwari ndokuratidza kumuda kwedu kuburikidza nokuisa zvinhu zvokunamata pamberi pezvinhu zvokunyama. Chokwadi, pane zvidzidzo zvakaisvonaka zvinodzidzwa nokufungisisa nhoroondo yezvakaitika panenge panguva yokuberekwa kwaJesu.

[Mufananidzo uri papeji 7]

Kupa kwaMariya njiva mbiri kunoratidza chii?

[Mufananidzo uri papeji 7]

Mwari akasarudza kuzivisa kuberekwa kwaJesu kuvafudzi vashomanana vaizvininipisa