Chii Chingatibatsira Kubata Shoko Rechokwadi Zvakarurama?
Chii Chingatibatsira Kubata Shoko Rechokwadi Zvakarurama?
MUMWE muongorori wemitambo nomunyori werimwe pepanhau pane imwe nguva akaenda kunoona mumwe mutambo. Haana kuufarira zvakanyanya uye pashure pacho akanyora kuti: “Kana uchidawo zvako kungovaraidza nguva, chokwadi enda unoona mutambo uyu.” Pava paya, vatsigiri vomutambo wacho vakabudisa mashoko okushambadza aiva nemamwe emashoko akataurwa nomuongorori wacho. Mashoko acho aiti: “Chokwadi enda unoona mutambo uyu”! Mashoko acho okushambadza akatora zvakarurama mashoko omuongorori wacho, asi haana kutorwa achireva zvaaifanira kureva, saka akapa pfungwa yakasiyana chaizvo nezvairehwa nomuongorori uya.
Muenzaniso iwoyo unoenzanisira kuti zvinenge zvichitaurwa nezvazvo pamashoko anenge ataurwa zvinokosha zvakadini. Kutora mashoko anenge ataurwa zvisirizvo kungapa pfungwa yaasingarevi, sezvakangoita Satani paakataura pfungwa dzisiri idzo dzeMagwaro achiedza kutsausa Jesu. (Mateu 4:1-11) Ukuwo, kuona zviri kutaurwa nezvazvo kunotibatsira kunyatsonzwisisa zvakarurama chiri kurehwa nemashoko. Nokuda kwechikonzero ichi, patinodzidza ndima yeBhaibheri, kuchenjera nguva dzose kuona zviri kutaurwa nezvazvo uye kuona ndima yacho maererano nezvaiitika kuitira kuti tinzwisise zviri nani zvaitaurwa nomunyori.
Bata Nokungwarira
Zviri kutaurwa nezvazvo zvinorondedzerwa sezvikamu zvemashoko akanyorwa kana akataurwa zvinotangira kana zvinotevera shoko rakati kana ndima yakati, kazhinji zvichibatsira kubudisa zvinoreva shoko kana kuti ndima yacho. Zviri kutaurwa nezvazvo zvinogonawo kuva mamiriro akati anenge akaita zvinhu kana kuti mashoko ane chokuita nechiitiko chakati, mamiriro ezvinhu, zvichingodaro. Mupfungwa yokupedzisira iyi, mashoko akafanana nookuti “zviri kutaurwa nezvazvo” angava okuti “zvaiitika kana kuti zviri kuitika.” Kuona zviri kutaurwa 2 Timoti 2:15) Kuti tibate Shoko raMwari zvakarurama, tinoda kurinzwisisa zvakakodzera tobva taritsanangurira vamwe nokuvimbika uye zvakarurama. Kuremekedza Jehovha, Munyori weBhaibheri, kuchatibatsira kuedza kuita izvozvo, uye kuona zviri kutaurwa nezvazvo kuchatibatsira munzira inokosha.
nezvazvo parugwaro kunokosha zvikuru tichifunga nezveizvo muapostora Pauro akanyorera Timoti kuti: “Ita nepaunogona napo kuti uzvipe kuna Mwari uchitenderwa, mushandi asina chokunyara nacho, anobata shoko rechokwadi zvakarurama.” (Zvainge Zvakaita Zvinhu Pakanyorwa Timoti Wechipiri
Somuenzaniso, ngationgororei bhuku reBhaibheri raTimoti Wechipiri. * Kuti titange ongororo yedu, tingabvunza kuti zvinhu zvainge zvakaita sei pakanyorwa bhuku racho. Ndiani akanyora Timoti Wechipiri? Rini? Mumamiriro ezvinhu akaita sei? Tadaro tingabvunza kuti, Mamiriro ezvinhu a“Timoti” uyo ane zita rebhuku racho akanga akadini? Nei aida mashoko ari mubhuku racho? Kupindura mibvunzo iyi kuchaita kuti tikoshese chaizvo bhuku racho zvotibatsira kuona kuti nhasi tingabatsirwa sei naro.
Ndima dzokutanga dzaTimoti Wechipiri 1:1, 2 dzinoratidza kuti bhuku racho itsamba yakanyorwa nomuapostora Pauro kuna Timoti. Dzimwe ndima dzinoratidza kuti Pauro paakarinyora, aiva musungwa pamusana pemashoko akanaka. Asiyiwa nevakawanda, Pauro akafunga kuti mugumo wake wainge wosvika. (2 Timoti 1:15, 16; 2:8-10; 4:6-8) Saka, anofanira kunge akanyora bhuku racho munguva yokuva mujeri kechipiri muRoma, zvichida munenge muna 65 C.E. Zviri pachena kuti nokukurumidza pashure pacho, Nero akamutongera rufu.
Ndiwo mamiriro ezvinhu aTimoti Wechipiri. Asi, zvinokosha kutaura kuti Pauro haana kunyorera Timoti achigunun’nuna pamusoro pezvinetso zvake. Pane kudaro, akanyevera nezvenguva dzakaoma dzaiva mberi kwaTimoti ndokukurudzira shamwari yake kuti isave nezvinoitsausa, irambe i“chiva nesimba,” uye kupfuudzira mirayiridzo yaPauro kuvamwe. Avawo vaizova vakanyatsoshongedzerwa kubatsirazve vamwe. (2 Timoti 2:1-7) Muenzaniso wakaisvonaka kwazvo wokuva nehanya nevamwe pasina udyire kunyange munguva yakaoma! Uye izano rakazonaka kwatiri nhasi!
Pauro anodana Timoti kuti “mwana anodiwa.” (2 Timoti 1:2) Jaya iri rinowanzotaurwa muMagwaro echiKristu echiGiriki seshamwari yakatendeka yaPauro. (Mabasa 16:1-5; VaRoma 16:21; 1 VaKorinde 4:17) Pauro paakamunyorera tsamba iyi, zvinoita sokuti Timoti akanga ava nemakore okuma30—asi aingotorwa somuduku. (1 Timoti 4:12) Asi akanga ava nezita rakaisvonaka rokutendeseka, a‘toshanda naPauro’ zvichida kwemakore 14. (VaFiripi 2:19-22) Pasinei nokuti Timoti ainge achiri muduku, Pauro akamupa basa rokupa zano vamwe vakuru kuti “vasaitirane nharo pamusoro pemashoko” asi kuti vafungisise zvinhu zvinokosha, zvakadai sokutenda uye kutsungirira. (2 Timoti 2:14) Timoti akapiwawo chiremera chokugadza vatariri veungano nevashumiri vanoshumira. (1 Timoti 5:22) Zvisinei, angave aiti zezei pakushandisa chiremera chake.—2 Timoti 1:6, 7.
Mukuru muungano aiva wechiduku uyu akasangana nezvimwe zvinetso zvikuru. Chimwe chacho chaiva chevanhu vaviri, Himeniyo naFiretusi, vai“paradza kutenda kwevamwe,” vachidzidzisa kuti ‘kumuka kwakanga kwatoitika.’ (2 Timoti 2:17, 18) Sezviri pachena, vaidavira kuti kumuka chete kwaivapo kwaiva kwomudzimu uye kuti kwakanga kwatoitika kuvaKristu. Zvichida vaitora zvisirizvo mashoko aPauro okuti vaKristu vakanga vakafa muzvivi zvavo asi vakanga vaitwa vapenyu nomudzimu waMwari. (VaEfeso 2:1-6) Pauro akanyevera kuti kuramba kutenda kwakadaro kwaizowedzera. Akanyora kuti: “Pachava nenguva yavasingazoshiviriri kudzidzisa kunopa utano, . . . uye vacharamba kunzwa chokwadi, vachitendeukira kungano.” (2 Timoti 4:3, 4) Kufanonyevera kwaPauro kwakaratidza kuti Timoti aifanira kuteerera zano raPauro nokukurumidza.
Kukosha Kwebhuku Racho Nhasi
Kubva pane zvataurwa, tinoona kuti Pauro akanyora Timoti Wechipiri zvichida nokuda kwezvikonzero zvinotevera: (1) Aiziva kuti mugumo wake wainge wosvika, uye aida kugadzirira Timoti kuitira nguva yaaizenge asisipo kuti atsigire Timoti. (2) Aida kushongedza Timoti kuti adzivirire ungano dzaaitarisira pavakaramba kutenda nepazvimwe zvinokuvadza. (3) Aida kukurudzira Timoti kuti arambe akabatikana mubasa raJehovha ovimba nezivo yakarurama yeMagwaro akafuridzirwa mukudzivisa kwake dzidziso dzenhema.
Kunzwisisa kuti ndizvo zvakanga zvakaita zvinhu kunoita kuti bhuku raTimoti Wechipiri rive nezvarinoreva kwazvo kwatiri. Nhasiwo, kune vakaramba kutenda saHimeniyo naFiretusi vanosimudzira pfungwa dzavo uye vanoda kuparadza kutenda kwedu. Uyezve, tiri mu“nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo” dzakaprofitwa nezvadzo naPauro. Vakawanda vakawana kuti nyevero yaPauro ndeyechokwadi yokuti: “Vose vanoda kurarama nokuzvipira kuna Mwari muna Kristu Jesu vachatambudzwawo.” (2 Timoti 3:1, 12) Tinogona sei kumira takasimba? SaTimoti, tinofanira kuteerera zano reavo vashumira Jehovha kwemakore akawanda. Uye nokudzidza tiri toga, munyengetero, uye kuwadzana kwechiKristu, tinogona ‘kuramba tichiwana simba’ nomutsa waJehovha usina kufanirwa. Uyezve, nokuvimba nesimba rezivo yakarurama, tinogona kuteerera kukurudzira kwaPauro kunoti: “Ramba wakabata muenzaniso wemashoko anopa utano.”—2 Timoti 1:13.
“Mashoko Anopa Utano”
“Mashoko anopa utano” akataurwa naPauro chii? Akashandisa mashoko iwayo kureva dzidziso yechokwadi yechiKristu. Mutsamba yake yokutanga kuna Timoti, Pauro akatsanangura kuti “mashoko anopa utano” chaizvoizvo ndeaya “aShe wedu Jesu Kristu.” (1 Timoti 6:3) Kutevedzera mashoko anopa utano kunoita kuti munhu ave nemafungiro akanaka, unhu hune rudo, uye kufungawo vamwe. Sezvo ushumiri hwaJesu nedzidziso dzake zvichipindirana nedzimwe dzidziso dzose dzinowanwa muBhaibheri rose, mashoko okuti “mashoko anopa utano” angarevawo dzidziso dzose dzeBhaibheri.
Kuna Timoti, sokuvakuru vose vechiKristu, mashoko anopa utano aiva ‘chipiwa chakanaka’ chaifanira kurindwa. (2 Timoti 1:13, 14) Timoti aifanira ‘kuparidza shoko, kuriita nokukurumidza mumwaka wakafanira, mumwaka unotambudza, kutsiura, kuranga, kurayira, nemwoyo murefu wose nounyanzvi hwokudzidzisa.’ (2 Timoti 4:2) Patinoziva kuti dzidziso dzevakaramba kutenda dzakanga dzopararira muzuva raTimoti, tinonzwisisa nei Pauro akasimbisa kukurumidza kudzidzisa mashoko anopa utano. Tinoonawo kuti Timoti aifanira kudzivirira boka no‘kutsiura, kuranga, kurayira’ nomwoyo murefu, achishandisa unyanzvi hwakaisvonaka hwokudzidzisa.
Timoti aifanira kuparidza shoko kunaani? Zvaitaurwa nezvazvo zvinoratidza kuti Timoti, somukuru, aizoparidza shoko muungano yechiKristu. Pamusana pokuomesa zvinhu kwaiitwa nevashori, Timoti aifanira kuramba akadzikama mumudzimu uye kuzivisa akashinga shoko raMwari, kwete uzivi hwevanhu, pfungwa dzake, kana kufungidzira kusina basa. 2 Timoti 1:6-8; 2:1-3, 23-26; 3:14, 15) Zvisinei, nokutevera zano raPauro, Timoti aizoramba ari chinodzivirira kune vakaramba kutenda, sezvakanga zvakaita Pauro.—Mabasa 20:25-32.
Chokwadi, izvi zvingave zvaikonzera kushorwa kubva kune vaya vaiva nepfungwa dzakaipa. (Mashoko aPauro okuparidza shoko anoshandawo kuparidza kunze kweungano here? Hungu, anodaro, sezvinoratidza zvaitaurwa nezvazvo. Pauro anoenderera mberi achiti: “Asi iwe, svinurira zvinhu zvose, tambura zvakaipa, ita basa romuevhangeri, ita ushumiri hwako kwazvo.” (2 Timoti 4:5) Uevhangeri—kuparidza mashoko akanaka anoponesa kune vasingatendi—kunokosha muushumiri hwechiKristu. (Mateu 24:14; 28:19, 20) Uye sokungoparidzwa kunoitwa shoko raMwari muungano kunyange “mumwaka unotambudza,” saka tinoramba tichiparidza shoko kune vaya vasiri muungano kunyange mumamiriro ezvinhu akaoma.—1 VaTesaronika 1:6.
Chatinoshandisa pakuparidza kwedu kwose nokudzidzisa iShoko raMwari rakafuridzirwa. Tinovimba neBhaibheri zvizere. Pauro akaudza Timoti kuti: “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye runobetsera pakudzidzisa, pakutsiura, pakururamisa zvinhu, pakuranga nokururama.” (2 Timoti 3:16) Mashoko iwayo anowanzotorwa zvakarurama kuratidza kuti Bhaibheri iShoko raMwari rakafuridzirwa. Asi chinangwa chaPauro chaiva chei paakaanyora?
Pauro akanga achitaura kumukuru, uyo aiva nebasa ro‘kutsiura, kururamisa zvinhu, kuranga nokururamisa,’ muungano. Nokudaro, akanga achiyeuchidza Timoti kuvimba nouchenjeri hweShoko rakafuridzirwa, iro Timoti akanga adzidziswa kubvira paucheche. Sezvaiita Timoti, vakuru pane dzimwe nguva vanofanira kutsiura vaiti vezvakaipa. Pavanodaro, vanofanira kuvimba neBhaibheri nguva dzose. Uyezve, sezvo Magwaro akafuridzirwa naMwari, kutsiura kwose kunobva maari, chaizvoizvo kunenge kuchibva kuna Mwari. Vose vanoramba kutsiura kunobva muBhaibheri vanenge vachiramba kwete pfungwa dzevanhu, asi zano rakafuridzirwa rinobva kuna Jehovha pachake.
Bhuku raTimoti Wechipiri rine zvakawanda kwazvo! Uye rinobva rava nezvarinoreva kwazvo kana zano raro rikaongororwa pachishandiswa mashoko aitaurwa nezvawo! Munyaya ino, tangobata nechepamusoro chete mashoko aya akafuridzirwa anofadza ari mubhuku iri, asi izvozvi zvakakwana kuratidza kuti zvinobatsira sei kuongorora zviri kutaurwa nezvazvo pane zvatinoverenga muBhaibheri. Izvozvo zvichabatsira kunyatsoona kuti zvechokwadi tiri ku“bata shoko rechokwadi zvakarurama.”
[Mashoko Omuzasi]
^ ndima 7 Kana uchida mamwe mashoko, ona Insight on the Scriptures, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha, Vhoriyamu 2, mapeji 1105-8.
[Mufananidzo uri papeji 27]
Pauro aida kushongedzera Timoti kuti adzivirire ungano
[Mufananidzo uri papeji 30]
Pauro akayeuchidza Timoti kuvimba nouchenjeri hweShoko rakafuridzirwa