Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Iye Zvino Ramba Wakamuka Kupfuura Zvawati Wamboita!

Iye Zvino Ramba Wakamuka Kupfuura Zvawati Wamboita!

Iye Zvino Ramba Wakamuka Kupfuura Zvawati Wamboita!

“Saka, ngatirege kuramba takarara sezvinoita vamwe vose, asi ngatirambei takamuka, takasvinura.”—1 VATESARONIKA 5:6.

1, 2. (a) Pompeii neHerculaneum aiva maguta akaita sei? (b) Vagari vakawanda vomuPompeii nomuHerculaneum vakarega kuteerera nyeveroi, uye zvakaguma nei?

MUZANA remakore rokutanga reNguva yedu Yavose, Pompeii neHerculaneum ndiwo aiva maguta maviri eRoma akanga akabudirira aiva pedyo neGomo reVesuvius. Kushoroma dzeRoma, aiva nzvimbo dzokuvhakachira dzakakurumbira. Dzimba dzawo dzemitambo dzaikwana vanhu vanopfuura chiuru, uye muPompeii maiva neimba huru yemitambo yaipotsa kukwana vanhu vose vomuguta racho. Vacheri veguta rePompeii vakaverenga mabhawa 118, mamwe acho aishanda sedzimba dzokubhejera kana kuti dzokuitira chipfambi. Unzenza nokudisa zvenyika zvaiva zvizere, sezvinopupurirwa nemifananidzo yakatarwa pamadziro uye nemamwe marangwanda.

2 Musi waAugust 24, 79 C.E., Gomo reVesuvius rakatanga kuputika. Nyanzvi dzezvokuputika kwemakomo dzinodavira kuti kuputika kwokutanga, uko kwakanayisa bota revhu rinopisa nemadota pamaguta acho maviri, zvimwe hakungavi kwakatadzisa vagari vemo kutiza. Zvechokwadi, vakawanda vanenge vakaita kudaro. Zvisinei, vamwe vakarerutsa ngozi yacho kana kuti kungorega kuteerera zviratidzo zvenyevero vakasarudza kuramba varimo. Ipapo, panenge pakati pousiku, bwititi routsi hwaipisa kwazvo, bota, nematombo zvakaomba zvichidzika muHerculaneum, zvichikachidza vanhu vose vakanga vasara muguta macho. Mambakwedza akatevera acho, zvinhu zvimwe chete izvozvo zvakauraya munhu wose aiva muPompeii. Mugumisiro unorwadza zvakadini wokusateerera zviratidzo zvenyevero!

Mugumo Wenyika yeJudha

3. Kuparadzwa kweJerusarema kwakafanana pai nokwePompeii neHerculaneum?

3 Mugumo usingafadzi wemaguta ePompeii neHerculaneum wakapfuurwa nokure nokuparara kune njodzi kwakaita Jerusarema makore mapfumbamwe akanga apfuura, kunyange zvazvo njodzi iyoyo yakakonzerwa nevanhu. Kuchitsanangurwa so“kumwe kwokukomba kwakaipisisa zvikuru pane kwose kwakaitika,” kunonzi kwakaguma nokufa kwevaJudha vanopfuura miriyoni. Zvisinei, kufanana nenjodzi yakaitika kuPompeii neHerculaneum, kuparadzwa kweJerusarema hakuna kuitika pasina nyevero.

4. Chiratidzo chipi chouprofita chakapiwa naJesu kuti anyevere vateveri vake kuti mugumo wenyika wakanga wava pedyo, uye chakatanga kuzadzika sei muzana remakore rokutanga?

4 Jesu Kristu akanga afanotaura nezvokuparadzwa kweguta racho, uye akafanotaura zviitiko zvaizokutangira—zviitiko zvinovhiringidza zvakadai sehondo, kuperevedza kwezvokudya, kudengenyeka kwenyika, uye kusateerera mutemo. Vaprofita venhema vaizovapo, uye mashoko akanaka oUmambo hwaMwari aizoparidzwa pasi pose. (Mateu 24:4-7, 11-14) Nepo mashoko aJesu achizadzika zvikuru nhasi, kare ikako akazadzikawo zvishoma. Nhau yezvakaitika inotaura nezvenzara huru yakaitika muJudhiya. (Mabasa 11:28) Munyori wezvakaitika kare Josephus anoshuma nezvokudengenyeka kwenyika kwakaitika munharaunda yeJerusarema nguva pfupi guta racho risati raparadzwa. Mugumo weJerusarema zvawakanga wava kusvika, vanhu vakanga voramba vongomukira hurumende, mapato ezvematongerwe enyika echiJudha achirwisana, uye vanhu vakawanda kwazvo vachiurayiwa mumaguta akati kuti aiva nevanhu vechiJudha vakasangana neveMamwe Marudzi. Kunyange zvakadaro, mashoko akanaka oUmambo akanga achiparidzwa “pakati pezvisikwa zvose zviri pasi pedenga.”—VaKorose 1:23.

5, 6. (a) Mashoko api aJesu ouprofita akazadzika muna 66 C.E.? (b) Nei nhamba yevakafa yakanga yakakura kwazvo apo Jerusarema rakazoparadzwa muna 70 C.E.?

5 Pakupedzisira, muna 66 C.E., vaJudha vakamukira Roma. Apo Cestius Gallus akatungamirira uto kunokomba Jerusarema, vateveri vaJesu vakayeuka mashoko aJesu okuti: “Pamunoona Jerusarema rakombwa nemauto akadzika misasa, zvadaro zivai kuti kuitwa dongo kwaro kwaswedera pedyo. Zvadaro vari muJudhiya ngavatange kutizira kumakomo, nevari mukati maro ngavabude, uye vari kumaruwa ngavarege kupinda mariri.” (Ruka 21:20, 21) Nguva yakanga yasvika yokubuda muJerusarema—asi sei? Zvisingatarisirwi, Gallus akabvisa mauto ake, achivhurira vaKristu vaiva muJerusarema neJudhiya nzira yokuti vateerere mashoko aJesu okutizira kumakomo.—Mateu 24:15, 16.

6 Makore mana gare gare, panenge panguva yePaseka, mauto eRoma akadzoka achitungamirirwa noMukuru wemauto Titus, uyo akanga akatsunga kumisa kupandukira kwevaJudha. Uto rake rakakomba Jerusarema ndokuvaka “muchinjiziri une mapango akapinza,” zvichiita kuti kupunyuka kusakwanisika. (Ruka 19:43, 44) Pasinei nokuti hondo yakanga yava pedyo, vaJudha vaibva munharaunda dzose dzaitongwa neRoma vakananga kuJerusarema kunopinda Paseka. Zvino vakanga vavharirwamo. Maererano naJosephus, vashanyi vakanga vasingagoni kuzvidzivirira ava ndivo vakaumba ruzhinji rwevakaurayiwa pakukomba kwevaRoma. * Pakazoparadzwa Jerusarema, chinenge chikamu chimwe muzvinomwe chevaJudha vose vaiva munharaunda dzose dzaitongwa neRoma chakaparara. Kuparadzwa kweJerusarema netemberi yaro kwakareva kuguma kwehurumende yechiJudha nezvitendero zvayo zvakanga zvakavakirwa paMutemo waMosesi. *Mako 13:1, 2.

7. Nei vaKristu vakatendeka vakapukunyuka kuparadzwa kweJerusarema?

7 Muna 70 C.E., vaKristu vechiJudha vaigona kudai vakaurayiwa kana kuitwa varanda pamwe chete nevamwe vose vaiva muJerusarema. Zvisinei, maererano nouchapupu hwenhau dzakaitika kare, vakanga vateerera nyevero yaJesu yakanga yapiwa makore 37 nguva iyoyo isati yasvika. Vakanga vatiza guta racho uye vakanga vasina kudzoka.

Nyevero Dzevaapostora Dzinoenderana Nenguva

8. Chii icho Petro akaziva kuti chaidiwa, uye angadaro aifunga nezvemashoko api aJesu?

8 Nhasi, kuparadza kwakatokura zvikuru kwava pedyo, kuya kuchagumisa nyika ino yose. Makore matanhatu Jerusarema risati raparadzwa, muapostora Petro akapa zano rokukurumidzira uye rinoenderana nenguva rinonyanya kushanda kuvaKristu vomuzuva redu rokuti: Rambai makamuka! Petro akaona kudiwa kwokuti vaKristu vamutse ‘mano avo okufunga kwakanaka’ kuitira kuti vasarega kuteerera “murayiro waShe,” Jesu Kristu. (2 Petro 3:1, 2) Achikurudzira vaKristu kuti vamuke, Petro zvichida aifunga zvaakanga anzwa Jesu achitaurira vaapostora Vake kwasara mazuva mashoma kuti afe, okuti: “Rambai muchitarira, rambai makamuka, nokuti hamuzivi kuti nguva yakatemwa ichasvika rini.”—Mako 13:33.

9. (a) Mafungiro api ane ngozi ayo vamwe vangava nawo? (b) Nei mafungiro okusava nechokwadi ane ngozi zvikuru?

9 Nhasi vamwe nenzira yokunyomba vanobvunza kuti: “Uku kuvapo kwake kwakapikirwa kuri kupi?” (2 Petro 3:3, 4) Sezviri pachena, vanhu ivavo vanofunga kuti zvinhu hazvimbonyatsochinji asi zvinongoramba zvakaita sezvazvave zviri kubva pakusikwa kwenyika. Kusava nechokwadi kwakadaro kune ngozi. Kana tisina chokwadi pfungwa yedu yokukurumidzira inoneteswa, zvotiita kuti titange zvishoma nezvishoma kuda kuzvigutsa. (Ruka 21:34) Kunze kwazvo, sokutaura kunoita Petro, vaseki vakadaro vanokanganwa Mafashamo ezuva raNoa, ayo akaparadza nyika yose. Zvechokwadi nyika yakachinja panguva iyoyo!—Genesi 6:13, 17; 2 Petro 3:5, 6.

10. Petro anokurudzira vaya vangakundikana kushivirira nemashoko okuti chii?

10 Petro anobatsira vaverengi vetsamba yake kukudziridza kushivirira nokuvayeuchidza chikonzero nei Mwari asingaiti zvinhu pakarepo. Chokutanga, Petro anoti: “Zuva rimwe kuna Jehovha rakaita semakore ane chiuru uye makore ane chiuru sezuva rimwe.” (2 Petro 3:8) Sezvo Jehovha achirarama nokusingaperi, anogona kumbofunga zvose zvinobatanidzwa osarudza nguva yakanakisisa inobvira yokuita chiito. Ipapo Petro anotaura nezvechido chaJehovha chokuti vanhu kwose kwose vapfidze. Kushivirira kwaMwari kunoreva kuponeswa kwevakawanda vaizoparara kudai aikurumidzira kuita chiito. (1 Timoti 2:3, 4; 2 Petro 3:9) Zvisinei, kushivirira kwaJehovha hakurevi kuti haazofi akaita chinhu. “Zuva raJehovha richauya sembavha,” anodaro Petro.—2 Petro 3:10.

11. Chii chichatibatsira kuramba takamuka mumudzimu, uye izvi zvichaita sezvino‘kurumidzisa’ zuva raJehovha sei?

11 Kuenzanisa kwaPetro kunokosha. Mbavha hadzisi nyore kubata, asi murindi anoramba akamuka usiku hwose angangoona mbavha kupfuura uya anopota achitsimwaira. Murindi angaramba sei akamuka? Kufamba-famba kunoita kuti munhu arambe akamuka pane kugara pasi usiku hwose. Saizvozvowo, kuramba tine zvatinoita mumudzimu kuchatibatsira sevaKristu kuramba takamuka. Naizvozvo, Petro anotikurudzira kuramba takabatikana mu“mabasa matsvene emufambiro nemabasa ekuzvipira kuna Mwari.” (2 Petro 3:11) Mabasa akadaro achatibatsira kuti tienderere mberi ‘kuramba tichinyatsorangarira kuvapo kwezuva raJehovha.’ Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti ‘ramba uchinyatsorangarira’ rinogona kushandurwa sezvariri kungoti “kukurumidzisa.” (2 Petro 3:12; mashoko omuzasi) Ichokwadi kuti hatingachinji nguva yaJehovha yaanoita zvinhu. Zuva rake richauya panguva yake yakatarwa. Asi nguva iripo kubva iye zvino kusvikira panguva iyoyo ichaita seinokurumidza kupera kana takabatikana mubasa rake.—1 VaKorinde 15:58.

12. Somunhu mumwe nomumwe tingabatsirwa sei nokushivirira kwaJehovha?

12 Naizvozvo, ani naani anofunga kuti zuva raJehovha riri kunonoka anokurudzirwa kuteerera zano raPetro rokumirira nokushivirira nguva yaJehovha yakatarwa. Chokwadi, tinogona kushandisa nokuchenjera imwe nguva inobvumirwa nokushivirira kwaMwari. Somuenzaniso, tinogona kukudziridza unhu hwechiKristu hunokosha uyewo kutaurira vamwe vakawanda mashoko akanaka kupfuura vataizokwanisa kudai nguva iyi isina kubvumirwa. Kana tikaramba takamuka, Jehovha achatiwana ‘tisina ruvara uye tisina gwapa tiri murugare’ pamugumo wenyika ino. (2 Petro 3:14, 15) Ichocho chichava chikomborero chakakura kwazvo!

13. Mashoko api aPauro kuvaKristu veTesaronika akanyatsokodzera nhasi?

13 Pauro, mutsamba yake yokutanga kuvaKristu veTesaronika, anovataurirawo kuti vanofanira kuramba vakamuka. Anopa zano rokuti: “Ngatirege kuramba takarara sezvinoita vamwe vose, asi ngatirambei takamuka, takasvinura.” (1 VaTesaronika 5:2, 6) Nhasi zvakakosha kwazvo kuti tiite kudaro, sezvo kuparadzwa kwenyika yose kwava kusvika! Vanamati vaJehovha vanorarama munyika izere vanhu vasina hanya nezvinhu zvomudzimu, uye izvi zvinogona kuvaodza mwoyo. Saka Pauro anopa zano rokuti: “Ngatisvinurei tipfeke chinovhariridza chokutenda chepachipfuva norudo uye sengowani tariro yoruponeso.” (1 VaTesaronika 5:8) Kudzidza Shoko raMwari nguva dzose uye kugara tichisonganira nehama dzedu pamisangano kuchatibatsira kutevera zano raPauro uye kuramba tiine pfungwa yedu yokukurumidzira.—Mateu 16:1-3.

Mamiriyoni Anoramba Akamuka

14. Inhamba dzipi dzinoratidza kuti vakawanda nhasi vari kutevera zano raPetro rokuramba vakamuka?

14 Kune vakawanda here nhasi vanoteerera kurudziro yakafuridzirwa yokuramba vakamuka? Hungu. Mugore rebasa ra2002, nhamba yepamusoro-soro yevaparidzi 6 304 645—kuwedzera kwe3,1 muzana kupfuura gore ra2001—vakapa uchapupu hwokuva vakangwarira mumudzimu nokupedza maawa 1 202 381 302 vachitaura nevamwe nezvoUmambo hwaMwari. Ivava vakanga vasingaiti basa rakadaro sechinhu chisingakoshi. Raiva chinhu chinokosha kwazvo muupenyu hwavo. Mafungiro evakawanda vavo anoenzanisirwa naEduardo naNoemi vokuEl Salvador.

15. Chiitiko chipi chokuEl Salvador chinoratidza kuti vakawanda vari kuramba vakangwarira mumudzimu?

15 Makore akati kuti apfuura, Eduardo naNoemi vakafunga nezvemashoko aPauro anoti: “Mamiriro ezvinhu enyika ino ari kuchinja.” (1 VaKorinde 7:31) Vakarega kutsvaka zvinhu zvakawanda muupenyu hwavo ndokupinda muushumiri hwokupayona hwenguva yakazara. Nguva zvayakafamba, vakakomborerwa munzira dzakawanda uye vakatoitawo basa redunhu neroruwa. Pasinei nokuti vakatarisana nezvinetso zvakakomba, Eduardo naNoemi vane chokwadi chokuti zvavakasarudza kuita ndizvo zvakarurama pavakarega upenyu hwomutambarakede hwokunyama vachida basa renguva yakazara. Vakawanda vevaparidzi 29 269—kusanganisira mapiyona 2 454—vari muEl Salvador vakaratidza kuzvipira kwakadaro, chiri chimwe chikonzero nei nyika iyoyo yakava nokuwedzera kwe2 muzana munhamba yevaparidzi gore rapera.

16. Mafungiroi akaratidzwa neimwe hama yechiduku kuCôte d’Ivoire?

16 KuCôte d’Ivoire, mafungiro akafanana naiwayo akaratidzwa nerimwe jaya rechiKristu iro rakanyorera bazi kuti: “Ndiri kushanda somushumiri anoshumira. Asi handingaudzi hama kuti dzipayone nepo ini pachangu ndisiri kuratidza muenzaniso wakanaka. Saka ndakasiya basa rinobhadhara chaizvo uye ndava kuzviitira basa rangu ndoga, izvo zvinondipa nguva yakawanda youshumiri.” Jaya iri rakava mumwe wemapiyona 983 vari kushumira muCôte d’Ivoire, iyo yakashuma vaparidzi 6 701 gore rapera, kuwedzera kwe5 muzana.

17. Chimwe Chapupu chechiduku muBelgium chakaratidza sei kuti chakanga chisingatyisidzirwi nokufungirwa zvakashata?

17 Kusakendenga, kufungirwa zvakaipa, uye rusarura zvichiri kukonzera zvinetso kuvaparidzi voUmambo 24 961 vari kuBelgium. Kunyange zvakadaro, vanoshingairira uye havavhunduki. Apo chimwe Chapupu chine makore 16 chakanzwa zvichinzi Zvapupu zvaJehovha kapoka pavaidzidza nezvetsika kuchikoro, chakakumbira kutsanangura maonero eZvapupu zvacho. Achishandisa vhidhiyo inonzi Jehovah’s Witnesses—The Organization Behind the Name nebhurocha rinonzi Zvapupu zvaJehovha—Ndivanaani?, akakwanisa kutsanangura kuti Zvapupu ndivanaani chaizvo. Mashoko acho akafarirwa kwazvo, zvokuti vhiki yakatevera yacho vadzidzi vakapiwa bvunzo umo mibvunzo yacho yose yaiva nechokuita nechitendero chechiKristu cheZvapupu zvaJehovha.

18. Uchapupui huripo hwokuti zvinetso zvemari hazvina kutsausa vaparidzi muArgentina nomuMozambique pakushumira Jehovha?

18 VaKristu vakawanda vanotarisana nezvinetso zvakakomba mumazuva ano okupedzisira. Kunyange zvakadaro, vanoedza kusatsauswa. Pasinei nezvinetso zvemari zvinozivikanwa zvikuru, Argentina yakashuma nhamba itsva yepamusoro-soro yeZvapupu 126 709 gore rapera. MuMozambique vanhu vakawanda vachiri muurombo. Kunyange zvakadaro, 37 563 vakashuma kuti vakaita basa rokupupurira, kuwedzera kwe4 muzana. Vakawanda vakaomerwa noupenyu muAlbania, asi nyika iyoyo yakashuma kuwedzera kwakanaka kwazvo kwe12 muzana, ichisvika nhamba yepamusoro-soro yevaparidzi 2 708. Sezviri pachena, mudzimu waJehovha hautadziswi kushanda nemamiriro ezvinhu akaoma apo vashumiri vake vanoisa zvinhu zvoUmambo pakutanga.—Mateu 6:33.

19. (a) Chii chinopupurira kuti kuchine vanhu vakawanda vakaita semakwai vane nzara yechokwadi cheBhaibheri? (b) Ndeapi mamwe mashoko omushumo wegore anoratidza kuti vashumiri vaJehovha vari kuramba vakamuka mumudzimu? (Ona chati riri papeji 12-15.)

19 Avhareji yomwedzi nomwedzi yezvidzidzo zveBhaibheri 5 309 289 pasi pose zvakashumwa gore rapera inoratidza kuti kuchine vanhu vakawanda vakaita semakwai vane nzara yechokwadi cheBhaibheri. Panhamba itsva yepamusoro-soro yevanhu 15 597 746 vakapinda Chirangaridzo, ruzhinji rwacho harusati rwava kushingaira kunamata Jehovha. Dai vakaramba vachiwedzera kuziva nokuda Jehovha nehama dzose. Zvinofadza kuona kuti “boka guru revanhu” re“mamwe makwai” rinoramba richibereka zvibereko sezvavanoshumira Musiki “masikati nousiku mutemberi yake” vakabatana nehama dzavo dzakazodzwa nomudzimu.—Zvakazarurwa 7:9, 15; Johani 10:16.

Chidzidzo Kubva Kuna Roti

20. Tinodzidzei mumuenzaniso waRoti nomudzimai wake?

20 Ichokwadi kuti kunyange vashumiri vakatendeka vaMwari vanogona kumborasikirwa nepfungwa yavo yokukurumidzira. Funga nezvaRoti, mwana womukoma waAbrahamu. Akanzwa nengirozi mbiri dzakamushanyira kuti Mwari akanga ava kuda kuparadza Sodhomu neGomora. Roti haangambovi akashamisika nemashoko iwayo, nokuti “akanga achitambudzika zvikuru nokunyanyisa muunzenza kwevanhu vanozvidza mutemo.” (2 Petro 2:7) Asi, ngirozi mbiri dzacho padzakauya kuzomubudisa muSodhomu, “akanonoka.” Ngirozi dzacho dzakatoita zvokumudhonza nemhuri yake dzichimubudisa muguta racho. Mudzimai waRoti akazoregawo kuteerera nyevero yengirozi yokuti vasacheuke. Kuregeredza kwake kwakamuurayisa. (Genesi 19:14-17, 26) “Yeukai mukadzi waRoti,” Jesu akanyevera kudaro.—Ruka 17:32.

21. Nei zvichikosha kuti tirambe takamuka iye zvino kupfuura zvatati tamboita?

21 Njodzi yokuPompeii nokuHerculaneum nezvinhu zvakaitika pakuparadzwa kweJerusarema, uyewo mienzaniso yeMafashamo omuzuva raNoa neyezuva raRoti, zvose zvinoratidza kukosha kwokuteereresa nyevero. Sevashumiri vaJehovha, tinoona chiratidzo chenguva yomugumo. (Mateu 24:3) Takazviparadzanisa nechitendero chenhema. (Zvakazarurwa 18:4) Kufanana nevaKristu vomuzana remakore rokutanga, tinoda ‘kuramba tichinyatsorangarira kuvapo kwezuva raJehovha.’ (2 Petro 3:12) Chokwadi, iye zvino tinofanira kuramba takamuka kupfuura zvatati tamboita! Matanhoi atingatora, uye unhui hwatingakudziridza kuti tirambe takamuka? Nyaya inotevera ichataura zvinhu izvozvo.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 6 Hazvingabviri kuti Jerusarema muzana remakore rokutanga raiva nevagari vanopfuura 120 000. Eusebius anoti vagari 300 000 vaibva kumapurovhinzi eJudhiya vakaenda kuJerusarema kunopinda Paseka ya70 C.E. Vamwe vacho vakaurayiwa vanofanira kunge vakabva kune dzimwe nharaunda dzaitongwa noumambo uhwu.

^ ndima 6 Ichokwadi kuti, mukuona kwaJehovha, Mutemo waMosesi wakatsiviwa nesungano itsva muna 33 C.E.—VaEfeso 2:15.

Ungapindura Sei?

• Chii chakaitika chakaita kuti vaKristu vechiJudha vakwanise kupukunyuka kuparadzwa kweJerusarema?

• Zano riri mutsamba dzevaapostora Petro naPauro rinotibatsira sei kuramba takamuka?

• Ndivanaani nhasi vanopa uchapupu hwokuti vakanyatsomuka?

• Chidzidzoi chatinodzidza munhoroondo yaRoti nomudzimai wake?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Chati iri papeji 12-15]

MUSHUMO WEGORE REBASA RA2002 WEZVAPUPU ZVAJEHOVHA MUNYIKA YOSE

(Ona bhaundi vhoriyamu)

[Mufananidzo uri papeji 9]

Muna 66 C.E. vaKristu vaiva muJerusarema vakateerera nyevero yaJesu

[Mifananidzo iri papeji 10]

Kuramba vachishingaira kunobatsira vaKristu kuti varambe vakamuka