Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Katsamba Kakachinja Upenyu Hwangu

Katsamba Kakachinja Upenyu Hwangu

Nyaya Youpenyu

Katsamba Kakachinja Upenyu Hwangu

YAKATAURWA NAIRENE HOCHSTENBACH

Zvakaitika manheru eChipiri muna 1972. Ndaiva nemakore 16 uye ndakanga ndaperekedza vabereki vangu kumusangano wechitendero muEindhoven, guta riri muruwa rweBrabant, muNetherlands. Ndakanzwa ndisina kuchengeteka uye ndakakungura kuti dai ndaiva kune imwe nzvimbo. Vakadzi vaviri vechiduku vakanditambidza katsamba kaiva nemashoko anoti: “Anodiwa Irene, tinoda kukubatsira.” Handina kuzviziva kuti katsamba ikako kaizochinja upenyu hwangu. Asi ndisati ndatsanangura zvakazoitika, regai ndikuudzei nezvoupenyu hwangu.

NDAKABEREKERWA pachitsuwa cheBelitung, muIndonesia. Ndinoyeuka zvimwe zvandainzwa pachitsuwa ichocho chinonaya mvura yakawanda—kuvhuvhuta kwemhepo nomumiti yemichindwe, mapopoma erwizi rwaiyerera zvinyoro-nyoro rwaiva pedyo, kuseka kwevana vaitamba pamba pedu, uye mutinhimira wemimhanzi yomumusha wedu. Muna 1960, ndava nemakore mana, mhuri yedu yakatamira kuNetherlands ichibva kuIndonesia. Takafamba rwendo rwacho rurefu nengarava, uye ruzha rwandichiri kuyeuka zvikuru nderwetoyi yangu yandaida kufamba nayo—kachidhori kane ngoma. Ndava nemakore manomwe, ndakanga ndisingachanzwi pamusana pourwere, uye kubvira ipapo handikwanisi kunzwa zviri pakandipoteredza. Chandangosara nacho indangariro chete.

Kukura Ndiri Matsi

Pamusana pokutarisira kwevabereki vangu kworudo, pakutanga handina kunyatsonzwisisa zvakaipira kuva matsi. Pandaiva mwana, ndaifunga kuti muchini waindibatsira kunzwa waiva wokutambisa, kunyange zvazvo usina kunyanya kundibatsira. Kuti vataure neni, vana vaigara munharaunda yedu vaiita zvokunyora nyaya yose munzira, ini ndopindura nomuromo, kunyange zvazvo ndaisanzwa inzwi rangu chairo.

Pandaikura, ndakatanga kuona kuti ndaiva ndakasiyana nevanhu vakanga vakandipota. Ndakatanga kucherechedzawo kuti vamwe vanhu vaindiseka pamusana pokuti ndaiva matsi, ukuwo vamwe vakanga vasingadi kutamba neni. Ndakatanga kunzwa ndiri ndoga uye kusurukirwa. Ndakatanga kunzwisisa zvazvaireva kuva matsi, uye sezvandakaramba ndichikura, ndakarambawo ndichiwedzera kutya vanhu vanonzwa.

Kuti vandibatsire kupinda chikoro chematsi chete, vabereki vangu vakatamisa mhuri yose kubva kumusha waiva mupurovinzi yeLimburg kuenda kuguta reEindhoven. Baba vangu vakatsvaga basa ikoko, uye hanzvadzi yangu nevakoma vangu vakaenda kuchikoro chitsva. Ndinoonga nokuda kwezvose zvavakaita vachiitira ini. Kuchikoro, ndakadzidziswa kuchinja inzwi rangu uye kutaura zvakanyatsojeka. Uye kunyange zvazvo vadzidzisi vakanga vasingashandisi mutauro wemasaini, vandaidzidza navo vakandidzidzisa kuita masaini.

Kurarama Munyika Yangu Ndoga

Sezvandaikura, vabereki vangu vakaedza nepavaikwanisa napo kukurukura neni, asi paive nezvinhu zvakawanda zvandakanga ndisinganzwisisi. Somuenzaniso, handina kunzwisisa kuti vabereki vangu vaidzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Asi ndinoyeuka kuti rimwe zuva mhuri yedu yakashanyira imwe nzvimbo yaiva nevanhu vakawanda vakanga vagere pazvigaro. Vose vainge vakatarira mberi, dzimwe nguva vaiombera, uye vachisimuka pano neapo—asi kuti vanhu ava vaiitirei zvose izvi, ndakanga ndisingazivi. Patova paya, ndakaziva kuti ndakanga ndiri pakokorodzano yeZvapupu zvaJehovha. Vabereki vangu vaigaroenda neni kuimba duku yaiva muguta reEindhoven. Ndaiona zvakanaka kuenda ikoko nokuti munhu wose aiva nomutsa uye mhuri yangu yaitaridza kufara, asi kuti taienderei nguva dzose ikoko, ndakanga ndisingazivi. Iye zvino ndava kuziva kuti imba duku iyoyo yaiva Imba yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha.

Zvinosuruvarisa kuti pakanga pasina ainditurikira mashoko epurogiramu yacho pamisangano iyi. Iye zvino ndinoziva kuti vaya vaivapo vaida kundibatsira asi vakanga vasingazivi kuti vondibatsira sei sematsi. Pamisangano iyi, ndainzwa ndiri ndoga ndokufunga kuti, ‘dai ndaiva zvangu kuchikoro pane kuva pano.’ Asi ndichiri kufunga izvozvo, vakadzi vaviri vechiduku vakanyora chimwe chinhu pakapepa ndokunditambidza. Ndiko katsamba kandataura kwokutanga. Ndakanga ndisingazivi kuti katsamba aka kaizoita kuti nditange ushamwari hunokosha hwaizondisunungura munyika yangu ndoga.

Kutanga Ukama Hunokosha

Colette naHermine, avo vakatumira katsamba kacho vaiva nemakore okuma 20. Gare gare ndakazoziva kuti vakanga vauya kuungano yeZvapupu zvaJehovha yandaishanyira kuti vashumire semapiyona enguva dzose, kana kuti vashumiri venguva yakazara. Kunyange zvazvo Colette naHermine vakanga vasinganyatsozivi mutauro wemasaini, ndakakwanisa kunzwisisa zvavaireva nokufamba kwemiromo yavo vachitaura neni, uye nenzira iyi takakwanisa kutaura tose zviri nani.

Vabereki vangu vakafara pakakumbira Colette naHermine kudzidza neni Bhaibheri, asi vakadzi vaduku ava vakaita zvinotodarika izvozvo. Vakaedza zvakaoma kunditurikira zvaiitwa mumisangano kuImba yoUmambo uyewo kuita kuti ndishamwaridzane nevamwe muungano. Vaidzidzira neni mharidzo dzeBhaibheri dzokushandisa mubasa rokuparidza, uye vakandibatsirawo kugadzirira hurukuro dzomudzidzi weChikoro chaMwari Choushumiri. Chimbofungidzira, iye zvino ndakanga ndatova noushingi hwokupa hurukuro pamberi peboka revanhu vainzwa!

Uyezve, Colette naHermine vakaita kuti ndinzwe ndichikwanisa kuvavimba. Vaishivirira uye vainditeerera. Kunyange zvazvo taiwanzoseka zvandaikanganisa, havaimbonditsvinyira; nyange kunyara kuva neni. Vaiedza kunzwisisa manzwiro angu vondibata somunhu akafanana navo. Vasikana vane mutsa ava vakandipa chimwe chipo chakanaka—rudo rwavo noushamwari.

Chinotokosha zvikuru ndechokuti Colette naHermine vakandidzidzisa kuti ndaifanira kusvika pakuziva Mwari wedu, Jehovha, seshamwari inogona kuvimbwa. Vakatsanangura kuti Jehovha akanga achindiona ndigere muImba yoUmambo uye kuti ainzwisisa zvazvaireva kuva kwangu matsi. Ndinoonga kwazvo kuti kuda kwedu Jehovha zvakafanana kwakatibatanidza isu vatatu seshamwari! Ndakaororwa nokutarisirwa kwangu naJehovha, uye pamusana pokumuda, ndakaratidzira kuzvitsaurira kwangu kwaari nokubhabhatidzwa mumvura muna July 1975.

Kuperekedza Shamwari Inokosha

Mumakore akatevera, ndakaramba ndichingozivana nehama nehanzvadzi dzakawanda. Imwe hama yakava shamwari inokosha chaizvo kwandiri, uye takaroorana muna 1980. Nguva pfupi zvadaro, ndakatanga kushumira sapiyona, uye muna 1994 ini nomurume wangu, Harry, takagoverwa kunoshanda semapiyona chaiwo mundima yevaDutch yoMutauro weMasaini. Gore rakatevera, ndakatarisana nebasa rakaoma. Ndinoperekedza murume wangu, uyo anonzwa, sezvaanoshanyira ungano dzakasiyana-siyana somutsivi womutariri wedunhu.

Izvi ndizvo zvandinoita. Patinoshanyira ungano kokutanga, ndinokurumidza kuenda kune hama nehanzvadzi dzakawanda sezvinobvira ndotaura kuti ndini ani. Ndinovaudza kuti ndiri matsi ndovakumbira kuti vanditarise vachitaura zvishoma nezvishoma. Ndinoedzawo kupa mhinduro pakarepo kumisangano yeungano. Uye ndinokumbira kana mumwe munhu achida kuva muturikiri wangu kwevhiki iroro kumisangano uye mubasa romumunda.

Izvi zvinoshanda chaizvo zvokuti pane dzimwe nguva, hama dzangu nehanzvadzi dzinokanganwa kuti handinzwi, zvichiita kuti pave nedzimwe nguva dzokuseka. Somuenzaniso, vanondiudza kuti pavanondiona ndichifamba muguta, vanondiridzira huta yemota kuti vandikwazise, asi chokwadi hapana zvandinoita. Dzimwe nguva iniwo ndinokanganwa urema hwangu—sepandinoedza kutaura chimwe chinhu chakavanzika nezevezeve munzeve yomurume wangu. Pandinoona akurumidza kuchinja chiso, ndinoziva kuti “zevezeve” rangu ranga richitonzwika zvikuru.

Vana vanobatsira nenzira dzisingatarisirwi. Mune imwe ungano yatakashanyira kokutanga, mukomana ane makore mapfumbamwe akacherechedza kuti vamwe vaiva muImba yoUmambo vaizeza kutaura neni, uye akafunga kuita chimwe chinhu nezvazvo. Akauya kwandaive, ndokundibata ruoko, ndokuenda neni pakati peImba yoUmambo, achibva ashevedzera achiti, “Regai ndikuudzei kuti uyu ndiIrene—imatsi!” Vaya vaivapo vakauya kwandiri ndokuzvisuma.

Sezvandinofamba nomurume wangu mubasa redunhu, shamwari dzangu dzinoramba dzichiwedzera. Upenyu hwangu hwakasiyana kwazvo nhasi kubvira mumakore andainzwa ndasiyiwa uye ndiri ndoga! Kubvira manheru aye apo Colette naHermine vakanditambidza katsamba ikako, ndava kuziva simba roushwamwari uye ndakasangana nevanhu vakava vanokosha kwazvo kwandiri. Kudarika zvose, ndasvika pakuziva Jehovha, Shamwari inokosha pane dzose. (VaRoma 8:38, 39) Katsamba ikako kakachinja upenyu hwangu kwazvo!

[Mufananidzo uri papeji 24]

Ndinoyeuka ruzha rwetoyi yangu yandaida zvikuru

[Mifananidzo iri papeji 25]

Muushumiri nomurume wangu, Harry