Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

‘Mwari, Nei Makabvumira Izvi?’

‘Mwari, Nei Makabvumira Izvi?’

‘Mwari, Nei Makabvumira Izvi?’

RICARDO achiri kuyeuka akagara nomudzimai wake, Maria, mukamuri rokumirira chiremba. * Hapana mumwe wavo akanga aine ushingi hwokuverenga zvakanga zvabuda pakuongororwa kwaMaria navanachiremba kwakanga kuchangobva kuitwa. Ipapo, Ricardo akazarura hamvuropu yacho, uye pakarepo vakamhanyisa maziso avo pamashoko ezvokurapa aiva pakadhi racho. Vakaona shoko rokuti “kenza,” vose ndokutanga kuchema nokuti vakaziva zvainyatsoreva shoko iroro.

“Chiremba wacho aiva nomutsa zvikuru,” anodaro Ricardo, “asi zviri pachena kuti aiziva kuoma kwemamiriro acho ezvinhu nokuti akaramba achitiudza kuti taifanira kuvimba naMwari.”

Kurapwa nemwaranzi yechiedza kusati kwatanga, chiremba akacherechedza gumbo rorudyi raMaria raingozunguzika roga. Kumwezve kuongorora kwakaratidza kuti kenza yacho yakanga yasvika kuuropi hwake. Vhiki imwe chete yapera achirapwa, kurapa nemwaranzi yechiedza kwakamboregerwa. Maria akanga ava pakoma ndokubva afa mwedzi miviri yakatevera. “Ndakafara kuti kurwadziwa kwake kwakanga kwaguma,” anotsanangura kudaro Ricardo, “asi ndaimusuwa zvikuru zvokuti ndainzwa kuti kudai upenyu hwangu hwaigumawo. Ndaiwanzochema kuna Mwari ndichiti: ‘Nei makabvumira izvi kuti zviitike?’”

Panoitika Nhamo, Mibvunzo Inowanda

SaRicardo, vanhu vasingaverengeki pasi pose vanototi vatarisane nokutambura. Nguva zhinji, vanhu vasina mhaka ndivo vanotambura. Funga nezvokushungurudzwa kunokonzerwa nokurwisana kusingaperi kunotambudza vanhu. Kana kuti funga marwadzo anonzwiwa nevanhu vakawanda vanobatwa chibharo, vana vanobatwa zvisina kufanira, chisimba chomudzimba, uye humwe uipi hunoitwa nevanhu. Munhau yose yevanhu zvinoita sokuti kusaruramisira uye marwadzo hazvina kumbopera izvo varume nevakadzi vave vachida kuitirana. (Muparidzi 4:1-3) Ipapo pane kutambura kwevanhu vanowirwa nenjodzi dzinongozviitikira dzoga kana kuti nezvirwere zvepfungwa, nezvomuviri. Saka hazvishamisi kuti vakawanda vanobvunza kuti, “Nei Mwari achibvumira kutambura kwakadaro?”

Kunyange vaya vane zvavanodavira muchitendero, kutambura hakusi nyore kubata nako. Iwewo ungashamisika kuti nei Mwari ane rudo, ane simba rose angabvumira kutambura kwevanhu. Kuwana mhinduro inogutsa uye yechokwadi yomubvunzo unotemesa musoro uyu kunokosha kuti tive norugare rwepfungwa tova noukama naMwari. Bhaibheri rinopa mhinduro yakadaro. Tapota ona zvarinotaura zviri munyaya inotevera.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 2 Mazita akachinjwa.

[Mifananidzo iri papeji 3]

Chiremba akaramba achitiudza kuti taifanira kuvimba naMwari