Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nyaradzo Kune Vaya Vanotambura

Nyaradzo Kune Vaya Vanotambura

Nyaradzo Kune Vaya Vanotambura

KWEMAZANA emakore, mubvunzo wokuti nei Mwari achibvumira kutambura wave uchitemesa musoro vazivi vakawanda uye nyanzvi dzezvechitendero. Vamwe vakataura kuti sezvo Mwari aine simba rose, anofanira pakupedzisira kuva ari honzeri yokutambura. Munyori weThe Clementine Homilies, bhuku rezana remakore rechipiri reapokirifa, akazivisa kuti Mwari anotonga nyika nemaoko ose ari maviri. No“ruoko [rwake] rworuboshwe,” ruri Dhiyabhorosi, anokonzera kutambura nenhamo, uye no“ruoko [rwake] rworudyi,” ruri Jesu, anoponesa nokukomborera.

Vasingakwanisi kubvuma kuti Mwari anogona kubvumira kutambura kunyange kana asingakukonzeri, vamwe vakasarudza kuramba kuvapo kwokutambura. “Uipi hunongova kufungidzira, uye hahuna pahunobva chaipo,” akanyora kudaro Mary Baker Eddy. “Kana chivi, kurwara, uye rufu zvainzwisiswa sezvisipo, zvaizonyangarika.”—Science and Health With Key to the Scriptures.

Nemhaka yezviitiko zvinosuwisa zvenhau dzakaitika, zvikurukuru kubvira pahondo yenyika yokutanga kusvikira muzuva redu, vakawanda vakasvika pakugumisa kuti chaizvoizvo Mwari haakwanisi kumisa kutambura. “Ndinofunga kuti Kuparadzwa kukuru kwevaJudha nevaNazi kwakakonzera kuti kushandiswa kupi nokupi kuri nyore kwesimba rose kusakodzere unhu hwaMwari,” yakanyora kudaro nyanzvi yechiJudha David Wolf Silverman. “Kana Mwari achifanira kunzwisiswa neimwe nzira, akawedzera kuti, “saka kunaka Kwake kunofanira kupindirana nokuvapo kwouipi, uye izvi zvinodaro chete kana Asina simba rose.”

Zvisinei, kutaura kwokuti Mwari neimwe nzira anobatsira kuita kuti titambure, kuti haakwanisi kukumisa, kana kuti kutambura kunongova kufungidzira kwedu kunonyaradza zvishoma vaya vanotambura. Uye zvinokosha zvikuru, zvitendero zvakadaro hazvipindirani zvachose naMwari akarurama, ane simba, uye ane rudo uyo anoziviswa mumapeji eBhaibheri. (Jobho 34:10, 12; Jeremia 32:17; 1 Johani 4:8) Saka, Bhaibheri rinoti chii nezvechikonzero nei kutambura kwakabvumirwa?

Kutambura Kwakatanga Sei?

Mwari haana kusika vanhu kuti vatambure. Asi, akapa vanhu vaviri vokutanga, Adhamu naEvha, pfungwa nemiviri zvakakwana, akagadzira bindu rakaisvonaka kuti rive musha wavo, uye akavapa basa rinokosha, rinogutsa. (Genesi 1:27, 28, 31; 2:8) Zvisinei, mufaro wavo usingaperi waitsamira pakuziva kwavo utongi hwaMwari uye kodzero yake yokusarudza zvakanga zvakanaka nezvakanga zvakaipa. Murayiro waMwari iwoyo waimiririrwa nomuti unonzi “muti wokuziva zvakanaka nezvakaipa.” (Genesi 2:17) Adhamu naEvha vaizoratidza kuzviisa kwavo pasi paMwari kudai vakateerera murayiro wake wokurega kudya muchero womuti iwoyo. *

Zvinosuruvarisa kuti Adhamu naEvha vakakundikana kuteerera Mwari. Chisikwa chomudzimu chinopandukira, chakazozivikanwa saSatani Dhiyabhorosi, chakanyengedza Evha kuti zvakanga zvisina kumunakira kuti ateerere Mwari. Kutaura zvazviri, zvinofungidzirwa kuti Mwari akanga achimunyima chimwe chinhu chinodiwa zvikuru: rusununguko, kodzero yokuzvisarudzira zvakanga zvakanaka nezvakanga zvakaipa. Satani akati kana akadya muchero womuti, ‘maziso ake aizosvinura ova saMwari, achiziva zvakanaka nezvakaipa.’ (Genesi 3:1-6; Zvakazarurwa 12:9) Anyengedzwa netarisiro yokuwana rusununguko, Evha akadya muchero wakarambidzwa, uye Adhamu akazodyawo.

Musi iwoyo, Adhamu naEvha vakatanga kutambura migumisiro yokupandukira kwavo. Nokuramba utongi hwaMwari, vakakundikana kuwana dziviriro uye zvikomborero zvavaiwana nokuzviisa pasi paMwari. Mwari akavadzinga muParadhiso ndokuudza Adhamu kuti: “Zvino nyika yatukwa nemhosva yako; uchadya zvibereko zvayo nokutambudzika mazuva ose oupenyu hwako; uchadya zvokudya zvako neziya rechiso chako kusvikira uchidzokera kuvhu.” (Genesi 3:17, 19) Adhamu naEvha vakava varanda vokurwara, kutambura, kuchembera, nokufa. Vanhu vakanga vorarama vachitambura.—Genesi 5:29.

Kugadzirisa Nhau Yacho

Mumwe munhu angabvunza kuti, ‘Mwari aisagona kungofuratira chivi chaAdhamu naEvha here?’ Aiwa, nokuti izvozvo zvaizodai zvakaderedza kuremekedzwa kwechiremera chake, zvimwe zvichikurudzira kupandukira kwomunguva inotevera uye zvichiguma nokutambura kwakatonyanya. (Muparidzi 8:11) Uyezve, kufuratira kusateerera kwakadaro kwaizodai kwakaita kuti Mwari ave mubatsiri wezvakaipa. Munyori weBhaibheri Mosesi anotiyeuchidza kuti: “Basa rake rakakwana; nokuti nzira dzake dzose dzakarurama. Ndiye Mwari wakatendeka, usinganyengeri, wakarurama, ndowazvokwadi.” (Dheuteronomio 32:4) Kuti ave wechokwadi kune zvaakapikira, Mwari aifanira kubvumira Adhamu naEvha kutambura migumisiro yokusateerera kwavo.

Nei Mwari asina kuparadza pakarepo vanhu vaviri vokutanga pamwe chete naSatani, mutungamiriri asingaoneki wokupandukira kwavo? Aiva nesimba rokuita kudaro. Adhamu naEvha vangadai vasina kubereka vana vaizogara nhaka kutambura norufu. Zvisinei, kuratidzwa kwesimba raMwari kwakadaro kwaizodai kusina kuratidza kururama kwechiremera chake pazvisikwa zvake zvakangwara. Uyezve, kudai Adhamu naEvha vakafa vasina vana, izvozvo zvingadai zvakareva kukundikana kwechinangwa chaMwari chokuzadza pasi nevana vavo vakakwana. (Genesi 1:28) Uye “Mwari haana kuita somunhu . . . Zvose zvaanovimbisa, anozviita; anotaura, zvoitwa.”—Numeri 23:19, Today’s English Version.

Muuchenjeri hwake hwakakwana, Jehovha Mwari akasarudza kubvumira kupandukira kupfuurira kwenguva pfupi. Vapanduki vacho vaizova nomukana wakakwana wokuona migumisiro yokuda kuzvitonga pasina Mwari. Nhau dzaizoitika dzaizoratidza zvakajeka kuda kwevanhu nhungamiro yaMwari uye ukuru hwokutonga kwake pane kwevanhu kana kuti kwaSatani. Uyewo, Mwari akatora matanho kuti ave nechokwadi chokuti chinangwa chake chepakuvamba nokuda kwepasi chaizozadziswa. Akavimbisa kuti “mbeu,” yaizouya iyo ‘yaizokuvadza Satani mumusoro,’ ichibvisa zvachose kupandukira kwake nokukuvadza kwakunokonzera.—Genesi 3:15.

Jesu Kristu ndiye aiva Mbeu iyoyo yakapikirwa. Pana 1 Johani 3:8, tinoverenga kuti “Mwanakomana waMwari akaoneswa, kuti aputse mabasa aDhiyabhorosi.” Izvi akazviita nokupa upenyu hwake hwakakwana sechibayiro uye nokubhadhara mutengo wokudzikinura vana vaAdhamu kubva muchivi norufu zvavakagara nhaka. (Johani 1:29; 1 Timoti 2:5, 6) Vaya vanotenda zvepachokwadi muchibayiro chaJesu vanovimbiswa zororo risingaperi pakutambura. (Johani 3:16; Zvakazarurwa 7:17) Izvi zvichaitika rini?

Mugumo Wokutambura

Kurambwa kwechiremera chaMwari kwakonzera kutambura kusingatauriki. Saka, zvakakodzera kuti Mwari anofanira kushandisa chiremera chake nenzira inokosha kuti agumise kutambura kwevanhu ndokuita chinangwa chake chepakuvamba nokuda kwepasi. Jesu akataura urongwa hwaMwari uhwu paakadzidzisa vateveri vake kunyengetera kuti: “Baba vedu vari kumatenga, . . . umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitike, pasi panowo, sokudenga.”—Mateu 6:9, 10.

Nguva yakabvumirwa naMwari kuti vanhu vaedze kuzvitonga yava kuguma. Mukuzadzika kwouprofita hweBhaibheri, Umambo hwake hwakagadzwa mumatenga muna 1914 Jesu Kristu ari Mambo wahwo. * Nguva pfupi inotevera, huchapwanya ndokugumisa hurumende dzose dzevanhu.—Dhanieri 2:44.

Muushumiri hwake hupfupi hwepasi pano, Jesu akafanoratidza zvikomborero zvichaunzirwa vanhu nokudzorerwa kwoutongi hwaMwari. Evhangeri dzinopa uchapupu hwokuti Jesu akaratidza tsitsi kunzanga yevanhu vakanga vari varombo uye vakanga vasingabatwi zvakanaka. Akarapa vairwara, akapa zvokudya vaiva nenzara, uye akamutsa vakafa. Kunyange simba rezvinongoitika zvoga rakateerera inzwi rake. (Mateu 11:5; Mako 4:37-39; Ruka 9:11-16) Fungidzira zvichaitwa naJesu paanoshandisa migumisiro yokuchenesa kwechibayiro chake chorudzikinuro kuti abatsire vanhu vose vanoteerera! Bhaibheri rinovimbisa kuti kuburikidza nokutonga kwaKristu, Mwari “achapukuta misodzi yose pamaziso [evanhu], uye rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipo.”—Zvakazarurwa 21:4.

Nyaradzo Kune Vaya Vanotambura

Zvinokurudzira zvikuru kuziva kuti Mwari wedu ane rudo uye ane simba rose, Jehovha, ane hanya nesu uye kuti nokukurumidza achaunzira vanhu zororo! Kazhinji, murwere anorwara zvikuru anobvuma nokuzvidira kurapwa kuchamuporesa kunyange kana kuchirwadza zvikuru. Nenzira iyi, kana tichiziva kuti nzira yaMwari yokubata nayo nezvinhu ichaunza zvikomborero zvisingaperi, zivo iyoyo ichatitsigira pasinei nezvinetso zvenguva pfupi zvatinosangana nazvo.

Ricardo, ambotaurwa munyaya yatangira ino, ndomumwe akadzidza kuwana nyaradzo kubva muzvipikirwa zveBhaibheri. “Mudzimai wangu afa, ndainzwa ndisingadi kuva nevamwe vanhu,” anoyeuka kudaro, “asi ndakakurumidza kuziva kuti izvi zvaisazoita kuti mudzimai wangu adzoke uye zvaizowedzera chete kurwadziwa mupfungwa kwandaiita.” Saka, Ricardo akaomerera kumaitiro ake okupinda misangano yechiKristu uye kuudza vamwe shoko reBhaibheri. “Sezvandaiona kutsigira kwaJehovha kune rudo ndokucherechedza kupindura kwaaiita minyengetero yangu muzvinhu zvaiita sezviduku, ndakaswedera pedyo naye,” anodaro Ricardo. “Kwaiva kuziva rudo rwaMwari kwakaita kuti ndigone kutsungirira waiva muedzo wakaipisisa zvikuru wandakanga ndati ndambosangana nawo.” Anobvuma kuti: “Ndichiri kusuwa mudzimai wangu zvikuru, asi zvino ndinobvuma zvakasimba kuti hapana chinobvumirwa naJehovha kuti chiitike chingatikuvadza zvachose.”

Iwe, saRicardo nemamiriyoni evamwe, unopanga nguva apo kutambura kwevanhu kuripo ‘kusingazorangarirwi, kana kufungwa mumwoyo’ here? (Isaya 65:17) Iva nechokwadi chokuti unogona kuwana zvikomborero zvoUmambo hwaMwari kana ukatevera zano reBhaibheri rinoti: “Tsvakai Jehovha achawanikwa, danai kwaari achiri pedyo.”—Isaya 55:6.

Kukubatsira kuita izvi, ita kuti kuverenga uye kunyatsodzidza Shoko raMwari kuve chinhu chokutanga muupenyu hwako. Ziva Mwari nouyo waakatuma, Jesu Kristu. Vavarira kurarama maererano nezvinodiwa naMwari wobva waratidza kuti unoda kuzviisa pasi pouchangamire hwake. Maitiro akadaro achakuunzira mufaro mukuru iye zvino pasinei nemiedzo yaungatarisana nayo. Uye munguva yemberi, zvichaguma nokuva kwako noupenyu munyika isina kutambura.—Johani 17:3.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 7 Pamashoko omuzasi aGenesi 2:17, The Jerusalem Bible rinotsanangura “zivo yezvakanaka nezvakaipa” se“simba rokusarudza . . . zvakanaka nezvakaipa uye rokuita zvinoenderana naizvozvo, kuzivisa kuzvitonga kwakakwana kunoratidza kuramba kwomunhu kuti iye akasikwa.” Rinotizve: “Chivi chokutanga kwaiva kudenhwa kwouchangamire hwaMwari.”

^ ndima 17 Nokuda kwokukurukurwa kwakadzama kwouprofita hweBhaibheri hune chokuita negore ra1914, ona zvitsauko 10 ne11 zvebhuku raZivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Bhokisi riri papeji 6, 7]

TINGARARAMA SEI TICHITAMBURA?

‘Kandirai kufunganya kwenyu kwose pana Mwari.’ (1 Petro 5:7) Kunzwa wakavhiringidzika, wakatsamwa, uye wasiyiwa zvinongova zvinhu zvakajairika patinotsungirira kutambura kana kuti patinoona mumwe munhu watinoda achitambura. Kunyange zvakadaro, ngativei nechokwadi chokuti Jehovha anonzwisisa manzwiro atinoita. (Eksodho 3:7; Isaya 63:9) Sevarume vekare vakatendeka, tinogona kumuzarurira mwoyo wedu ndokutaura zvinotinetsa uye zvinotidya mwoyo. (Eksodho 5:22; Jobho 10:1-3; Jeremia 14:19; Habhakuki 1:13) Haangabvisi miedzo yedu nenzira inoshamisa, asi achipindura minyengetero yedu yomwoyo wose, angatipa uchenjeri nesimba rokubata nazvo.—Jakobho 1:5, 6.

“Regai kushamiswa nemiedzo inorwadza yamuinayo sokunge pane chinhu chinoshamisa chiri kuitika kwamuri.” (1 Petro 4:12, Bhaibheri Dzvene Testamende Itsva) Pano Petro ari kutaura nezvechitambudzo, asi mashoko ake anonyatsoshanda zvakaenzana pakutambura kupi nokupi kungatsungirirwa nomutendi. Vanhu vanotambura kushayiwa zvokurarama nazvo, urwere, uye kufirwa. Bhaibheri rinoti “nguva nezvinoitika” zvinowira munhu wose. (Muparidzi 9:11) Zvinhu izvi ndiwo mararamiro evanhu panguva ino. Kuziva izvi kuchatibatsira kubata nokutambura uye nhamo painomuka. (1 Petro 5:9) Kupfuura zvose, kuyeuka vimbiso yokuti “meso aJehovha anotarira vakarurama, uye nzeve dzake dzinonzwa kuchema kwavo” kuchatinyaradza zvikuru.—Pisarema 34:15; Zvirevo 15:3; 1 Petro 3:12.

“Farai patariro.” (VaRoma 12:12) Pane kuramba tichifunga nezvomufaro wakarasika, tinogona kufungisisa chipikirwa chaMwari chokugumisa kutambura kwose. (Muparidzi 7:10) Iyi tariro yakasimba ichatidzivirira sengowani inodzivirira musoro. Tariro inoderedza kurwadza kwenhamo muupenyu ndokubatsira kuti dzisakuvadza zvachose utano hwepfungwa dzedu, manzwiro edu, kana kuti manamatire edu.—1 VaTesaronika 5:8.

[Mufananidzo uri papeji 5]

Adhamu naEvha vakaramba kutonga kwaMwari

[Mufananidzo uri papeji 7]

Mwari anopikira nyika isina kutambura