Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Rambai Makarinda”!

“Rambai Makarinda”!

“Rambai Makarinda”!

“Zvandinotaura kwamuri ndinozvitaurira vose, Rambai makarinda.”—MAKO 13:37.

1, 2. (a) Mumwe murume akadzidza chidzidzoi maererano nokuchengetedza zvinhu zvake? (b) Kubva mumufananidzo waJesu wembavha, tinodzidzei nezvokuramba takamuka?

JUAN aichengetera zvinhu zvake zvinokosha pamba. Aizvichengetera pasi pomubhedha wake—nzvimbo yaaifunga kuti ndiyo yakachengeteka zvikuru mumba mose. Zvisinei, humwe usiku apo iye nomudzimai wake vakanga vakakotsira, mbavha yakapinda muimba yokurara. Zviri pachena kuti mbavha yacho yaitoziva payaifanira kutarisa. Yakatora chinhu chiri chose chinokosha kubva pasi pomubhedha ipapo uyewo nemari yakanga yasiyiwa naJuan mudhirowa raiva patafura yepadivi pomubhedha. Mangwanani acho, Juan akaziva kuti akanga abirwa. Haafi akakanganwa chidzidzo chinorwadza chaakadzidza: Munhu akarara haagoni kurinda zvinhu zvake.

2 Izvozvo ndizvo zvazvakaitawo mupfungwa yokumudzimu. Hatigoni kuchengetedza tariro yedu nokutenda kwedu kana tikakotsira. Ndokusaka Pauro akarayira kuti: “Ngatirege kuramba takarara sezvinoita vamwe vose, asi ngatirambei takamuka, takasvinura.” (1 VaTesaronika 5:6) Kuratidza makoshero azvinoita kuramba takamuka, Jesu akashandisa mufananidzo wembavha. Akarondedzera zviitiko zvaizotungamirira kukuuya kwake ari Mutongi, achibva ayambira kuti: “Naizvozvo, rambai makarinda nokuti hamuzivi kuti Ishe wenyu ari kuuya zuva ripi. Asi muzive chinhu chimwe, kuti kudai muridzi wemba akanga aziva kuti mbavha yakanga ichiuya munguva ipi yokurinda, angadai akaramba akamuka uye asina kubvumira imba yake kuti ipazwe. Nemhaka yeizvi, nemiwo ivai vakagadzirira, nokuti Mwanakomana womunhu anouya paawa yamusingafungi kuti ndiyo.” (Mateu 24:42-44) Mbavha haigari yazivisa paichauya. Inotarisira kusvika pasina ari kuzviziva. Saizvozvowo, sezvakataura Jesu, mugumo wenyika ino uchauya ‘paawa yatisingafungi kuti ndiyo.’

“Rambai Makamuka, Mirai Makasimba Mukutenda”

3. Achishandisa mufananidzo wevaranda vakamirira kudzoka kwatenzi wavo kumuchato, Jesu akaratidza sei kukosha kwokuramba takamuka?

3 Mumashoko akanyorwa muEvhangeri yaRuka, Jesu akafananidza vaKristu nevaranda vari kumirira tenzi wavo kuti adzoke kumuchato. Vanofanira kuramba vakangwarira kuti paanosvika vanenge vakamuka, vakagadzirira kumutambira. Saizvozvowo Jesu akati: “Mwanakomana womunhu anouya paawa yamusingafungidziri.” (Ruka 12:40) Vamwe vakashumira Jehovha kwemakore akawanda vangapedzisira vasisafungi kuti nguva yatiri kurarama mairi yava yokukurumidzira. Vangatosvika pakufunga kuti mugumo ungadaro uchiri kure kure. Asi kufunga kwakadaro kunogona kutiita kuti tibvise pfungwa dzedu pazvinhu zvomudzimu todziisa kune zvenyama, zvipinganidzo zvinogona kutikotsirisa pakunamata.—Ruka 8:14; 21:34, 35.

4. Chivimbo chei chichatikurudzira kuramba takarinda, uye Jesu akazviratidza sei?

4 Tinogona kuwana chimwe chidzidzo mumufananidzo waJesu. Kunyange zvazvo varanda ava vakanga vasingazivi awa yaizosvika tenzi wavo, zviri pachena kuti vaiziva usiku hwacho. Zvaizodai zvakavaomera kuramba vakamuka usiku ihwohwo hwose kudai vaifunga kuti tenzi wavo aigona kuuya humwewo usiku. Asi hazvisizvo, vaiziva usiku hwaaiuya, uye izvozvo zvakavapa simba guru rokuramba vakamuka. Munzira yakada kuti fananei, uprofita hweBhaibheri hunonyatsojekesa kuti tiri kurarama munguva yomugumo; asi hahutiudzi zuva kana awa yomugumo wacho pachawo. (Mateu 24:36) Kudavira kwedu kuti mugumo uri kuuya kunotibatsira kuramba takamuka, asi kana tine chokwadi chokuti zuva raJehovha rava pedyo zvechokwadi, tichava nesimba rakatokura rokuramba takarinda.—Zefania 1:14.

5. Tingateerera sei kurudziro yaPauro yokuti “rambai makamuka”?

5 Achinyorera vaKorinde, Pauro akakurudzira kuti: “Rambai makamuka, mirai makasimba mukutenda.” (1 VaKorinde 16:13) Chokwadi, kuramba takamuka kwakabatana nokumira kwedu takasimba mukutenda kwechiKristu. Tingaramba sei takamuka? Nokuwana zivo yakati dzamei yeShoko raMwari. (2 Timoti 3:14, 15) Tsika dzakanaka dzokudzidza tiri toga uye kupinda misangano nguva dzose zvinobatsira kusimbisa kutenda kwedu uye chinhu chinokosha pakutenda kwedu kuramba tichifungisisa zuva raJehovha. Saka kudzokorora kwedu nguva nenguva uchapupu hweMagwaro hwokuti tiri kurarama pedyo nomugumo wenyika ino kuchatibatsira kusakanganwa chokwadi chinokosha maererano nomugumo iwoyo uri kuuya. * Zvinobatsirawo kucherechedza zviitiko zvenyika zviri kutora nzvimbo zvinozadzika uprofita hweBhaibheri. Imwe hama muGermany yakanyora kuti: “Nguva yose yandinoona nhau—hondo, kudengenyeka kwenyika, mhirizhonga, nokusvibiswa kwepasi redu—zvinondisimbisira kuti mugumo wava pedyo zvakadini.”

6. Jesu akaenzanisira munzira ipi kuti zviri nyore kutsimwaira mumudzimu sezvo nguva inofamba?

6 Muna Mako chitsauko 13, tinowana imwezve nhoroondo yokukurudzira kwaJesu vateveri vake kuti varambe vakamuka. Maererano nechitsauko ichi, Jesu anofananidza mamiriro avo ezvinhu neomurindi womusuo akamirira kuti tenzi wake adzoke kurwendo rurefu rwaakaenda. Murindi womusuo akanga asingazivi awa yaizodzoka tenzi wake. Aifanira kungoramba akatarisira. Jesu akataura nezvenguva ina dzokurinda dzaigona kusvika tenzi wake. Nguva yokurinda yechina yaibvira panguva dzinenge dza3:00 mangwanani kusvikira zuva rabuda. Panguva iyoyo yokurinda yokupedzisira, murindi womusuo aigona kukundwa nehope nyore nyore. Zvinonzi varwi vanofunga kuti nguva yakunenge kwava kuda kuedza ndiyo yakanakisisa yokubata muvengi akarivara. Saizvozvowo, panguva ino yomugumo yatava, apo mupfungwa yomudzimu nyika yakatipoteredza iri kupfodora hope, ndipo patinganyanyotambura kuti tirambe takamuka. (VaRoma 13:11, 12) Naizvozvo, mumufananidzo wake, Jesu anoramba achikurudzira kuti: “Rambai muchitarira, rambai makamuka . . . Naizvozvo rambai makarinda . . . Zvandinotaura kwamuri ndinozvitaurira vose, Rambai makarinda.”—Mako 13:32-37.

7. Ingozi ipi chaiyo iripo, uye tichifunga izvi, ikurudziro ipi yatinowanzoverenga muBhaibheri?

7 Kakawanda muushumiri hwake uye pashure pokumuka kwake, Jesu akakurudzira kungwarira. Chokwadi ndechokuti, inenge nguva yose iyo Magwaro anotaura nezvokuguma kwenyika ino, tinowana nyevero yokuramba takamuka kana kuti kuramba takarinda. * (Ruka 12:38, 40; Zvakazarurwa 3:2; 16:14-16) Sezviri pachena, kutsimwaira mumudzimu ingozi chaiyo. Tose tinoda nyevero idzodzo!—1 VaKorinde 10:12; 1 VaTesaronika 5:2, 6.

Vaapostora Vatatu Vakakundikana Kuramba Vakamuka

8. Mubindu reGetsemane, vaapostora vatatu vaJesu vakaita sei kuchikumbiro chake chokuti varambe vakarinda?

8 Kuramba wakamuka hakungodi kuva nevavariro dzakanaka chete, sezvatinoona mumuenzaniso waPetro, Jakobho, naJohani. Ava vaiva varume vatatu vaiva vakasimba mumudzimu vaitevera Jesu zvakavimbika uye vaimuda kwazvo. Kunyange zvakadaro, pausiku hwaNisani 14, 33 C.E., vakakundwa nehope. Vachibuda muimba yepamusoro mavakanga vachengetera Paseka, vaapostora vatatu ava vakaenda naJesu kubindu reGetsemane. Ikoko Jesu akati kwavari: “Mweya wangu unoshungurudzwa zvikuru, zvokufa. Garai pano uye rambai makarinda neni.” (Mateu 26:38) Katatu Jesu akanyengetera zvinobva pasi pomwoyo kuna Baba vake vokudenga, uye katatu akadzoka kushamwari dzake, akaona vakatorara zvavo.—Mateu 26:40, 43, 45.

9. Chii chingave chakaita kuti vaapostora vatsimwaire?

9 Nei varume vakatendeka ava vakaodza Jesu mwoyo usiku ihwohwo? Kwaiva kuneta. Nguva dzakanga dzaenda, zvichida dzapfuura pakati pousiku, uye “maziso avo akanga orema” nehope. (Mateu 26:43) Kunyange zvakadaro, Jesu akati: “Rambai makarinda murambe muchinyengetera, kuti murege kupinda mumuedzo. Zvechokwadi, mudzimu unoda, asi nyama haina simba.”—Mateu 26:41.

10, 11. (a) Pasinei zvapo nokuneta kwake, chii chakabatsira Jesu kuramba akarinda mubindu reGetsemane? (b) Chii chatingadzidza kubva pane zvakaitika kuvaapostora vatatu apo Jesu akavakumbira kuramba vakarinda?

10 Pasina mubvunzo, Jesu akanga anetawo pausiku ihwohwo hunokosha. Zvisinei, pane kukotsira, akapedza nguva idzodzo dzaikosha dzokusununguka achinyengetera zvinobva pamwoyo. Mazuva mashomanana akanga apfuura, akanga akurudzira vateveri vake kunyengetera, achiti: “Ipapo, rambai makamuka, muchigaroteterera kuti mugone kupukunyuka zvinhu zvose izvi zvinofanira kuitika, uye pakumira pamberi peMwanakomana womunhu.” (Ruka 21:36; VaEfeso 6:18) Kana tikateerera zano raJesu totevera muenzaniso wake wakanaka pakunyengetera, kuteterera kwedu kwomwoyo wose kuna Jehovha kuchatibatsira kuramba takamuka mumudzimu.

11 Chokwadi, Jesu ainzwisisa kuti nokukurumidza aizosungwa otongerwa rufu, zvakanga zvisingazivikanwi nevadzidzi vake panguva iyoyo. Miedzo yake yaizosvika panorwadza zvikuru padanda rokutambudzikira. Jesu akanga anyevera vaapostora vake nezvezvinhu izvi, asi vakanga vasina kunzwisisa zvaakanga achitaura. Naizvozvo, vakakotsira apo iye akaramba akamuka achinyengetera. (Mako 14:27-31; Ruka 22:15-18) Kungofanana nezvakanga zvakaita vaapostora, nyama yedu yakanetawo uye pane zvinhu zvatisati tava kuziva. Zvisinei, kana tikasanzwisisa kuti nguva dzatiri kurarama madziri ndedzokukurumidzira, tinogona kukotsira mupfungwa yomudzimu. Tinogona kuramba takamuka nokungova vakangwaririra chete.

Zvinhu Zvitatu Zvinokosha

12. Zvinhu zvipi zvitatu izvo Pauro anobatanidza nokuramba kwedu takasvinura?

12 Tingaramba sei tiine pfungwa yedu yokukurumidzira? Tatoona kukosha kwomunyengetero nokudiwa kwokuti tirambe tichifunga nezvezuva raJehovha. Kuwedzera kune izvi, Pauro anotaura zvinhu zvitatu zvinokosha zvatinofanira kukudziridza. Anoti: “Kana tiri isu vamasikati, ngatisvinurei tipfeke chinovhariridza chokutenda chepachipfuva norudo uye sengowani tariro yoruponeso.” (1 VaTesaronika 5:8) Ngatimboti kurukurei nezvokushanda kunoita kutenda, tariro, uye rudo mukuramba takamuka.

13. Kutenda kunoshanda sei mukutichengeta takangwarira?

13 Tinofanira kuva nokutenda kusingazununguki kwokuti Jehovha ariko uye kuti “anova anopa mubayiro vanomutsvaka nemwoyo wose.” (VaHebheru 11:6) Kuzadzika kwokutanga kwouprofita hwaJesu kwomuzana remakore rokutanga maererano nomugumo kunosimbisa kutenda kwedu mukuzadzika kwahwo kukuru munguva yedu. Uye kutenda kwedu kunoita kuti tirambe tichitarisira nomwoyo wose zuva raJehovha, tiine chokwadi chokuti ‘chiratidzo chouprofita chichauya zvirokwazvo, hachingaiti nguva huru.’—Habhakuki 2:3.

14. Tariro inokosha sei kana tichizoramba takamuka?

14 Tariro yedu yechokwadi yakafanana ne“chinhu chinobata mweya” chinoita kuti tikwanise kutsungirira zvinetso kunyange kana tichifanira kumirira kuzadzika kwechokwadi kwezvipikirwa zvaMwari. (VaHebheru 6:18, 19) Margaret, imwe hanzvadzi yakazodzwa nomudzimu yava nemakore ari kuma90 iyo yakabhabhatidzwa makore anopfuura 70 akapfuura, inobvuma kuti: “Murume wangu paakanga ava kufa nekenza muna 1963, ndakafunga kuti zvaizova zvakanaka kwazvo kana mugumo ukasvika nokukurumidza. Asi iye zvino ndava kuona kuti ndainyanya kuzvifunga pachangu. Panguva iyoyo taisaziva kuti basa raizopararira zvakadini pasi pose. Kunyange iye zvino, kuchine nzvimbo dzakawanda uko basa riri kutanga kuitwa. Saka ndinofara kuti Jehovha ave achiratidza kushivirira.” Muapostora Pauro anotivimbisa kuti: “Kutsungirira ku[no]bereka kutenderwa; kutenderwa kuchibereka tariro, uye tariro haitungamiriri kukuora mwoyo.”—VaRoma 5:3-5.

15. Rudo ruchatikurudzira sei kunyange kudai zvichiratidzika sokuti tave tichimirira kwenguva refu?

15 Rudo rwechiKristu chinhu chinokosha kwazvo nokuti ndirwo runotikurudzira pazvose zvatinoita. Tinoshumira Jehovha nokuti tinomuda, pasinei nenguva yaanoita zvinhu. Kuda muvakidzani kunoita kuti tide kuparidza mashoko akanaka oUmambo, pasinei nokuti Mwari anoda kuti tiite kudaro kwenguva yakareba sei uye pasinei nokuti kakawanda sei katinodzoka kumisha mimwe cheteyo. Sezvakanyorwa naPauro, “kutenda, tariro, rudo, zvitatu izvi, zvinoramba zviripo; asi chikuru pane zvose rudo.” (1 VaKorinde 13:13) Rudo runotibatsira kuramba tichishingirira uye runotibatsira kuramba takamuka. “[Rudo] rune tariro pazvinhu zvose, runotsungirira zvinhu zvose. Rudo harumboperi.”—1 VaKorinde 13:7, 8.

“Ramba Wakabatisisa Zvaunazvo”

16. Pane kurembedza maoko, tinofanira kukudziridza pfungwa dzakaita sei?

16 Tiri kurarama munguva dzinonetsa apo zviitiko zvenyika zvinoramba zvichitiyeuchidza kuti tava kumagumo emazuva okupedzisira. (2 Timoti 3:1-5) Zvino haisisiri nguva yokurembedza maoko asi ‘yokuramba takabatisisa zvatinazvo.’ (Zvakazarurwa 3:11) Nokuva ‘vakasvinurira kuti tinyengetere’ uye nokukudziridza kutenda, tariro, norudo, ticharatidza kuti takagadzirira panguva yokuedzwa. (1 Petro 4:7) Tine zvakawanda zvokuita mubasa raIshe. Kubatikana mumabasa okuzvipira kuna Mwari kuchabatsira kuti tirambe takanyatsomuka.—2 Petro 3:11.

17. (a) Nei kusabudirira kwezvatinotarisira apo neapo kusingafaniri kutiodza mwoyo? (Ona bhokisi riri papeji 21.) (b) Tingatevedzera sei Jehovha, uye zvikomboreroi zvakamirira vaya vanodaro?

17 “Jehovha ndiwo mugove wangu,” akanyora kudaro Jeremia, “naizvozvo ndichavimba naye. Jehovha unoitira zvakanaka vanomumirira, naiwo mweya unomutsvaka. Zvakanaka kuti munhu avimbe naJehovha, amirire ruponeso rwaJehovha anyerere.” (Mariro aJeremia 3:24-26) Vamwe vedu tave takamirira kwenguva pfupi chete. Vamwe vakamirira kwemakore akawanda kuti vawane ruponeso rwaJehovha. Zvisinei, kumirira uku kupfupi sei pakunoenzaniswa nenguva isingagumi iri mberi! (2 VaKorinde 4:16-18) Uye sezvatinomirira nguva yaJehovha yakafanira, tinogona kukudziridza unhu hwechiKristu hunokosha tobatsira vamwe kushandisa kushivirira kwaJehovha kuti vagamuchire chokwadi. Saka, tose zvedu ngatirambei takamuka. Ngatitevedzerei Jehovha tova vanoshivirira, tichionga nokuda kwetariro yaakatipa. Uye sezvatinoramba takangwarira nokutendeka, ngatirambei takabatisisa tariro youpenyu husingaperi. Zvadaro, zvipikirwa zvouprofita izvi zvichashanda kwatiri zvechokwadi: “[Jehovha] uchakukudza kuti ugare nhaka yenyika; kana vakaipa vachiparadzwa iwe uchazviona.”—Pisarema 37:34.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 5 Zvingabatsira kudzokorora uchapupu hutanhatu hunoratidza kuti tiri kurarama mu“mazuva okupedzisira” hwakapiwa pamapeji 12-13 emagazini yeNharireyomurindi yaJanuary 15, 2000.—2 Timoti 3:1.

^ ndima 7 Ichitaura nezveshoko rechiito rakashandurwa kuti “rambai makamuka,” nyanzvi yemashoko W. E. Vine anotsanangura kuti sezvariri rinoreva ‘kudzinga hope,’ uye rino“ratidza kungwarira kwevaya vari kutarisira chinhu, kwete kungomukawo zvako.”

Ungapindura Sei?

• Tingasimbisa sei chivimbo chedu chokuti mugumo wenyika ino wava pedyo?

• Chii chingadzidzwa mumienzaniso yaPetro, Jakobho, naJohani?

• Zvinhui zvitatu zvichatibatsira kuramba takangwarira mumudzimu?

• Nei ino iri nguva ‘yokuramba takabatisisa zvatinazvo’?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 21]

“Wakaropafadzwa Unoramba Achimirira.”—Dhanieri 12:12

Fungidzira kuti murindi ari kufungidzira kuti pane mbavha iri kuronga kupwanya paari kuchengetedza. Kana hwava usiku, murindi uyu anonyatsoteerera ruzha rupi norupi rungaratidza kuti pane mbavha. Awa yoga yoga anonyatsovhura nzeve dzake nemaziso. Zviri nyore kuona kunyengedzwa kwaangaitwa nezviratidzo zvinorasisa—kuvhuvhuta kwemhepo iri kufuridza miti kana kuti katsi iri kudonhedza chimwe chinhu.—Ruka 12:39, 40.

Chimwe chinhu chakadaro chinogona kuitika kune vaya vari ku“mirira nemwoyo wose kuratidzwa kwaShe wedu Jesu Kristu.” (1 VaKorinde 1:7) Vaapostora vaifunga kuti Jesu aizo“dzorera umambo kuna Israeri” achangomutswa. (Mabasa 1:6) Pashure pemakore akawanda, vaKristu vaiva muTesaronika vakatozoyeuchidzwa kuti kuvapo kwaJesu kwaizoitika imwe nguva yaiva mberi. (2 VaTesaronika 2:3, 8) Kunyange zvakadaro, zviratidzo zvinorasisa maererano nezuva raJehovha hazvina kuita kuti vateveri vaJesu ivavo vokutanga vasiye nzira inotungamirira kuupenyu.—Mateu 7:13.

Muzuva redu, hatifaniri kutadziswa kurinda nokuora mwoyo pamusoro pokunoratidzika kuva kunonoka kwomugumo uri kuuya wenyika ino. Murindi akangwarira angatsauswa nezviratidzo zvinorasisa, asi angaita zvakanaka kuramba akarinda! Ndiro basa rake. Ndizvo zvazvakaitawo nevaKristu.

[Mufananidzo uri papeji 18]

Une chokwadi chokuti zuva raJehovha rava pedyo here?

[Mifananidzo iri papeji 19]

Misangano, munyengetero, uye tsika dzakanaka dzokudzidza zvinotibatsira kuramba takarinda

[Mufananidzo uri papeji 22]

SaMargaret, ngatishivirirei toramba takanyatsorinda