Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Asati Adzidza Bhaibheri uye Azoridzidza—Kushanda kweShoko raMwari

Asati Adzidza Bhaibheri uye Azoridzidza—Kushanda kweShoko raMwari

“Swederai Pedyo naMwari, uye Achaswedera Pedyo Nemi”

Asati Adzidza Bhaibheri uye Azoridzidza—Kushanda kweShoko raMwari

KUDAI wakanga wamboonana naTony aine makore ari pakati pe13 ne16, ungadai wakaona mukomana aiva noutsinye uye aiva nechisimba aiwanzoshanyira dzimwe nzvimbo dzine mukurumbira wakaipa dzeSydney, muAustralia. Shamwari dzake dzaisanganisira chikwata chematsotsi. Vaiwanzopaza kuti vabe, kurwisana nezvimwe zvikwata, uye kurwisana nepfuti mumigwagwa.

Tony akatanga kusvuta aine makore mapfumbamwe. Paakazosvika makore 14, akanga ava musvuti wembanje wenguva dzose uye akanga achirarama upenyu hwounzenza. Paakazosvika makore 16, akanga apindwa muropa neheroin, uye izvi zvakaita kuti ashandise chinodhaka chinonzi cocaine, LSD—“kutaura zvazviri, chinhu chose chaigona kundidhaka,” sokutaura kunoita Tony. Zvadaro akatanga kutengeserana zvinodhaka nezvikwata zviviri zvematsotsi zvaiva nomukurumbira. Pasina nguva Tony akanga ozivikanwa somumwe wevatengesi vezvinodhaka akavimbika kudarika vamwe vose kumuganhu wokumabvazuva kweAustralia.

Tsika yaTony yokushandisa heroin nembanje yaimudyira mari iri pakati peUS$160 [Z$8 800] neUS$320 [Z$17 600] pazuva. Asi zvakanga zvichitambudza mhuri yake zvakatonyanya. “Ini nomudzimai wangu,” anodaro, “kakawanda tainongedzerwa pfuti nemapanga pazviso zvedu nematsotsi akanga achitsvaka zvinodhaka uye mari zvataiva nazvo pamusha pedu.” Apinda mujeri katatu, Tony akanzwa achimanikidzwa kuongorora kwakanga kwakananga upenyu hwake.

Kunyange aiwanzoenda kuchechi, Tony akanzwa akaparadzaniswa naMwari uyo anonzi aipisa vatadzi muhero nokusingaperi sechirango. Zvisinei, paakashanyirwa neZvapupu zvaJehovha zviviri, Tony akashamisika kuziva kuti Mwari haana kuita saizvozvo. Uye Tony akafara kuti zvechokwadi aigona kugadzirisa mararamiro ake ndokuwana zvikomborero zvinobva kuna Mwari. Tony akakurudzirwa nemashoko aJesu Kristu anoti: “Zvinhu zvose zvinobvira kuna Mwari.” (Mako 10:27) Tony akanyanya kuororwa nemashoko anokurudzira okuti: “Swederai pedyo naMwari, uye achaswedera pedyo nemi.”—Jakobho 4:8.

Zvino Tony akatarisana nechinetso chokuita kuti upenyu hwake hupindirane nezvinodiwa neBhaibheri. Anoti: “Chinhu chandakatanga kurega kwaiva kusvuta, chimwe chinhu chandaisagona kumboita kare, kunyange ndakanga ndaedza nguva zhinji. Nesimba rinobva kuna Jehovha, ndakakwanisa kurega heroin nembanje, tsika dzokushandisa zvinodhaka dzakanga dzadzora upenyu hwangu kwemakore 15 akanga adarika. Handina kumbofunga kuti zvaibvira kurega tsika idzi.”

Pane kutya Mwari anorwadzisa vanhu nokusingaperi muhero—dzidziso isina painowanikwa muBhaibheri—Tony nomudzimai wake vakasvika pakubvuma tariro yokurarama nokusingaperi muparadhiso yepasi. (Pisarema 37:10, 11; Zvirevo 2:21) “Zvakanditorera nguva yakawanda uye zvaida basa rakaoma kuti ndiite kuti upenyu hwangu hupindirane nezvinodiwa naMwari,” Tony anobvuma kudaro, “asi nechikomborero chaJehovha ndakabudirira.”

Hungu, munhu uyu akambenge akapindwa muropa nezvinodhaka akava muKristu. Nokupa nguva uye pfuma yavo nokuzvidira, iye nomudzimai wake vakapedzera zviuru zvemaawa mubasa rokudzidzisa Bhaibheri. Vari kubatikanawo kurera vana vaviri vanotya Mwari. Uku kuchinja kukuru kwakaitwa kuburikidza nesimba risingarambiki reShoko raMwari, Bhaibheri. Zvechokwadi, sezvinotaurwa nomuapostora Pauro, “shoko raMwari ibenyu uye rine simba.”—VaHebheru 4:12.

Pasinei nemienzaniso yakanaka kudaro, vamwe vanoita nharo dzisina musoro dzokuti dzidzo yeBhaibheri yeZvapupu zvaJehovha inoparadza mhuri uye inokanganisa tsika dzakanaka dzevechiduku. Zvechokwadi nyaya yaTony inoratidza kuti kutaura ikoko manyepo.

SaTony, vakawanda vakadzidza kuti kupindwa muropa kwakanyanyisa kunogona kukurirwa. Sei? Nokutenda muna Mwari uye kuvimba naye uye neShoko rake, uyewo kuburikidza nokutsigira kweshamwari dzechiKristu dzine hanya nedzine rudo. Tony anogumisa nomufaro achiti: “Ndakaona kuti nhungamiro dzeBhaibheri dzakadzivirira sei vana vangu. Dzidziso dzeBhaibheri dzakachengetedza muchato wangu. Uye vavakidzani vangu vanorara zvakanaka nokuti handisisiri chinetso kwavari.”

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 9]

‘Nesimba raJehovha, ndakakwanisa kurega tsika yokushandisa zvinodhaka yakanga yadzora upenyu hwangu kwemakore 15’

[Bhokisi riri papeji 9]

Nhungamiro dzeBhaibheri Dzinoshanda

Nhungamiro dzeBhaibheri dzakasiyana-siyana dzakabatsira vakapindwa muropa nezvinodhaka vakawanda kurega tsika iyi inopedza simba. Dzimwe dzenhungamiro idzi ndedzinotevera:

“Ngatizvichenesei pazvinosvibisa nyama nomudzimu zvose, tichikwanisa utsvene pakutya Mwari.” (2 VaKorinde 7:1) Kushandisa zvinodhaka kunopesana nomutemo waMwari.

“Kuvamba kwouchenjeri ndiko kutya Jehovha; kuziva Mutsvene ndidzo njere.” (Zvirevo 9:10) Kuremekedza Jehovha kunobva pazivo yake yakarurama nepanzira dzake kwabatsira vakawanda kusununguka pasimba rezvinodhaka.

“Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, urege kusendama panjere dzako. Umutende panzira dzako dzose, agoruramisa makwara ako ose.” (Zvirevo 3:5, 6) Tsika dzinokuvadza dzinogona kuregwa nokuvimba naMwari nomwoyo wose uye zvakazara.