Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Zvinobvumirwa here neMagwaro kuti muKristu aise ruoko rwake paBhaibheri opika kuti ari kutaura chokwadi chakakwana mudare?

Munhu mumwe nomumwe anofanira kuzvisarudzira munyaya iyi. (VaGaratiya 6:5) Zvisinei, Bhaibheri harirambidzi kupika kuti uri kutaura chokwadi mudare.

Kupika itsika yakapararira yagara kwenguva refu. Somuenzaniso, munguva dzekare, vaGiriki vaisimudza ruoko kudenga kana kubata atari pavaipika. Paipika munhu wokuRoma, aibata dombo muruoko rwake opika kuti: “Kana ndikanyengera ndichitoziva, iye anochengetedza guta neanoridzivirira, [mwari] Jupita ngaandikandire kure nezvinhu zvose zvakanaka, sezvandiri kuita dombo iri.”—Cyclopedia of Biblical, Theological, and Ecclesiastical Literature, naJohn McClintock uye James Strong, Vhoriyamu VII, peji 260.

Zvinhu zvakadaro zvairatidza kuti vanhu vanenge vaiziva kuti pana mwari ane simba anokwanisa kucherechedza vanhu uye wavanozvidavirira. Kubvira kare, vanamati vechokwadi vaJehovha vaiziva kuti aiziva zvavaitaura nokuita. (Zvirevo 5:21; 15:3) Vaipika sokunge kuti Mwari aivapo, kana kuti aiona. Somuenzaniso, izvi zvakaitwa naBhoazi, Dhavhidhi, Soromoni, uye Zedhekia. (Rute 3:13; 2 Samueri 3:35; 1 Madzimambo 2:23, 24; Jeremiya 38:16) Vanamati vaMwari wechokwadi vakabvumira vamwe kuvapikisa. Izvozvo zvakaitika kuna Abrahamu naJesu Kristu.—Genesi 21:22-24; Mateu 26:63, 64.

Munhu aipika pamberi paJehovha dzimwe nguva aiita nokushandisa imwe nhengo yomuviri. Abrama (Abrahamu) akaudza mambo weSodhomu kuti: “Ndakasimudzira ruoko rwangu kuna Jehovha, Mwari Wokudenga-denga, Muridzi wokudenga napasi.” (Genesi 14:22) Ngirozi yaitaura nomuprofita Dhanieri yaka‘simudzira kudenga ruoko rwayo rworudyi noruoko rwayo rworuboshwe, ichipika naIye anorarama nokusingaperi.’ (Dhanieri 12:7) Kunyange Mwari anotaurwa nenzira yokufananidzira seanosimudza ruoko rwake pakupika.—Dheuteronomio 32:40; Isaya 62:8.

Magwaro haarambidzi kupika. Zvisinei, muKristu haafaniri kupika kuti atsigire zvose zvaanotaura. Jesu akati: “Shoko renyu rokuti Hungu rireve Hungu, Aiwa wenyu, Aiwa.” (Mateu 5:33-37) Mudzidzi Jakobho akadarowo. Paakati “musapika,” akanga ari kunyevera pamusoro pemhiko dzisina maturo. (Jakobho 5:12) Jesu naJakobho havana kumbotaura kuti kupika uchitaura chokwadi mudare kwakaipa.

Saka, zvakadini kana muKristu ari mudare akakumbirwa kupika achiratidza kuti uchapupu hwake ndehwechokwadi? Anganzwa kuti anogona kupika. Akasadaro, angatenderwa kutaura mashoko anotevera mhiko kuratidza kuti haasi kunyepa.—VaGaratiya 1:20.

Kana mirayiro yedare ichida kuti pave nokusimudza ruoko kana kuruisa pamusoro peBhaibheri pakupika, muKristu angasarudza kutevedzera izvozvo. Angafunga mienzaniso yomuMagwaro yepaipikwa pachishandiswa chimwe chinhu. KumuKristu, chinotokosha kudarika kushandisa chimwe chinhu pakupika ndechokuti ayeuke kuti ari kupika pamberi paMwari kuti ataure chokwadi. Kupika kwakadaro inhau inokosha. Kana muKristu achifunga kuti anokwanisa uye anofanira kupindura mubvunzo waanenge abvunzwa mumamiriro ezvinhu akadaro, ipapo anofanira kuyeuka kuti aita mhiko kuti ataure chokwadi, chiri chinhu, zvechokwadi, chinodiwa nomuKristu kutaura chokwadi nguva dzose.