‘Munhu Akanaka Anowana Nyasha Kuna Mwari’
‘Munhu Akanaka Anowana Nyasha Kuna Mwari’
UPENYU hwose hunobva kuna Jehovha Mwari. (Pisarema 36:9) Chokwadi, “naye tine upenyu uye tinofamba uye tiripo.” (Mabasa 17:28) Uye mwoyo yedu haizadzwi nokuonga patinofunga nezvomubayiro waanopa vaya vane ukama hwepedyo naye here? Ingawani, “chipo chinopiwa naMwari upenyu husingaperi.” (VaRoma 6:23) Zvinokosha kwazvo kuti titsvake nyasha dzaJehovha!
Munyori wepisarema anotivimbisa kuti ‘Mwari anopa nyasha.’ (Pisarema 84:11) Asi anodzipa kunaani? Vanhu nhasi vanowanzoratidza nyasha kune vamwe zvichienderana nedzidzo, upfumi, ruvara rweganda, dzinza ravanobva, uye zvichingodaro. Mwari anopa ani nyasha? Mambo Soromoni weIsraeri yekare anopindura kuti: “Munhu akanaka achawana nyasha kuna Jehovha; asi achapa mhosva munhu ane mano akaipa.”—Zvirevo 12:2.
Zviri pachena kuti Jehovha anofarira munhu akanaka—akarurama. Munhu akanaka ane unhu hunosanganisira zvinhu zvakadai sokuzvidzora, kusasarura, kuzvininipisa, tsitsi, uye ungwaru. Mafungiro ake akarurama, mashoko ake anokurudzira, mabasa ake akarurama uye anobatsira. Chikamu chokutanga chechitsauko 12 chebhuku reBhaibheri raZvirevo chinoratidza kuti kunaka kunofanira kuitei paupenyu hwedu hwezuva nezuva uye chinoratidza kubatsira kunobva mukuratidza unhu uhwu. Kufunga zvinotaurwa ipapo kuchatipa ‘uchenjeri hwokuita zvakanaka.’ (Pisarema 36:3) Kushandisa zano raro rokuchenjera kuchatibatsira kuwana nyasha dzaMwari.
Kurayirirwa Kunokosha
“Anoda kurayirirwa, anoda zivo,” anodaro Soromoni, “asi anovenga kurayirwa ibenzi.” (Zvirevo 12:1) Achida kuzvivandudza, munhu akanaka anoda chaizvo kurayirirwa. Anokurumidza kushandisa zano raanowana kumisangano yechiKristu kana mukukurukurirana kwevanhu. Mashoko ari muMagwaro uye mumabhuku eBhaibheri akafanana nezvibayiso zvinomuita kuti atevere nzira yakarurama. Anotsvaka zivo oishandisa kutwasudza nzira dzake. Chokwadi, munhu anoda kurayirirwa anodawo zivo.
Kurayirirwa kunokosha kwazvo kuvanamati vechokwadi—zvikurukuru kuzvidzora! Tingafunga kuti dai taiva nezivo yakadzama yeShoko raMwari. Tingada kuva vanobudirira chaizvo muushumiri hwechiKristu uye kuva vadzidzisi vari nani veShoko raMwari. (Mateu 24:14; 28:19, 20) Asi zvinoda kuzvidzora kuti zvinodiwa zvakadaro zviitike. Kuzvidzora kunodiwawo mune zvimwe zvinhu zvoupenyu. Somuenzaniso, zvinhu zvakagadzirirwa kuti munhu anzwe achida kuita zvisingatenderwi zvakawanda nhasi. Hazvidi kuzvidzora here kudzora ziso kuti risatarise zvinhu zvisina kukodzera? Uyezve, sezvo “kufunga kwomwoyo womunhu kwakaipa kubva pauduku hwake,” kufunga kwounzenza chokwadi kunogona kutanga mukatikati chaimo mepfungwa. (Genesi 8:21) Kuzvidzora kunodiwa kuitira kuti munhu asarambe achifunga zvakadaro.
Ukuwo asingadi kurayirwa, haadi zivo kana kurayirirwa. Achingoita sezvinoita vanhu vane chivi zvokuramba kurayirirwa, anozvideredza kusvika pakuita semhuka isingafungi—chikara—chisina tsika. Tinofanira kudzivisa zvakasimba mafungiro aya.
“Midzi Isingadzuriki”
Zvechokwadi munhu akanaka haangavi asina kururama, kana kuti anosarura. Saka kururama kunodiwawo kuti munhu awane nyasha dzaJehovha. Mambo Dhavhidhi akaimba kuti: “Mucharopafadza akarurama; imi Jehovha, muchamukomberedza nenyasha senhovo.” (Pisarema 5:12) Achisiyanisa akarurama neakaipa, Soromoni anoti: “Munhu haangasimbiswi nezvakaipa; asi mudzi wowakarurama haungazununguswi.”—Zvirevo 12:3.
Akaipa angaita seanobudirira. Chimbofunga manzwiro akaita munyori wepisarema Asafi. “Asi kana ndirini,” anodaro, “tsoka dzangu dzakanga dzotsauka; makumbo angu akanga otedzemuka.” Nei? Asafi anopindura kuti: “Ndakanga ndichigodora vanamanyawi, pakuona kwangu kufara kwavakaipa.” (Pisarema 73:2, 3) Asi paakaenderera mberi kupinda muchivanze chetemberi yaMwari, akasvika pakuziva kuti Jehovha akavaisa panotsvedza. (Pisarema 73:17, 18) Kunoita sokubudirira kupi nokupi kungaitwa nomunhu akaipa ndekwenguva pfupi. Tinofanira kuvayemurirei?
Kusiyana neizvi, munhu anoitirwa nyasha naJehovha akatsiga. Achishandisa dimikira remidzi yakasimba yomuti, Soromoni anoti: “Vanhu vakanaka vane midzi isingadzuriki.” (Zvirevo 12:3, The New English Bible) Midzi isingaoneki yomuti mukuru, somuuyu womuAfrica, ingazadza nzvimbo yakakura uye inogona kuutsigisa pakunenge kuine mafashamo uye mhepo yakasimba. Muuyu unogona kutoramba wakamira panoitika kudengenyeka kwenyika kukuru.
Semidzi yakadaro iri muvhu rakanaka repasi, pfungwa dzedu nemwoyo zvinofanira kuongorora zvakafara Shoko raMwari zvotora mvura yaro inoponesa upenyu. Saka kutenda kwedu kunobva kwava nemidzi yakadzika uye yakasimba, tariro yedu yova yechokwadi neyakasimba. (VaHebheru 6:19) Hatizo‘takurwi kuno nokoko nemhepo yose yokudzidzisa kwenhema.’ (VaEfeso 4:14) Zvechokwadi, tichanzwa migumisiro yemiedzo yakaita semadutu uye tingatotya patinotarisana nedambudziko. Asi ‘midzi yedu inotitsigisa haizodzuriki.’
“Mukadzi Anoita Zvakanaka Ikorona Yomurume Wake”
Vanhu vakawanda vanoziva chirevo chinoti, “Murume wose anobudirira anotsigirwa nomukadzi akanaka.” Achiratidza kukosha kwomukadzi anotsigira, Soromoni anoti: “Mukadzi anoita zvakanaka, ikorona yomurume wake; asi anonyadzisa, wakaita sezvakaora pamapfupa ake.” (Zvirevo 12:4) Mashoko okuti “anoita zvakanaka” anotaura zvinhu zvakawanda zvokunaka. Zvinhu zvakanaka zvine mudzimai akanaka, sezvinorondedzerwa zvakadzama muna Zvirevo chitsauko 31, zvinosanganisira kushanda nesimba, kutendeka, uye uchenjeri. Mukadzi ane zvinhu izvi ikorona kumurume wake nokuti tsika dzake dzakanaka dzinoita kuti murume wake akudzwe omusimudzira pamaonerwe aanoitwa nevamwe. Haambovavariri kumuendera mberi kana kukwikwidzana naye nokuda kwezita. Asi, anotsigira murume wake somubatsiri.
Mukadzi angaita noupenzi sei uye zvichiguma nei? Kuita noupenzi uku kungasanganisira kukakavara uye upombwe. (Zvirevo 7:10-23; 19:13) Mukadzi anoita zvinhu zvakadaro achangobudirira kuparadza murume wake. Akafanana ne“zvakaora pamapfupa ake” mupfungwa yokuti “anoita kuti aparare, sezvinoita chirwere chinopedza simba muviri,” rinodaro rimwe bhuku. “Mashoko emazuva ano anoenderana neizvi angava okuti ‘kenza’—chimwe chirwere chinoramba chichisveta simba romunhu,” rinodaro rimwewo. Vakadzi vechiKristu ngavaedze kuwana nyasha dzaMwari nokuratidza unhu hwakanaka hwemukadzi anoita zvakanaka.
Kubva Mupfungwa, Zviito uye Zvinozoitika
Pfungwa dzinotungamirira kuzviito, uye mabasa kune zvinozoitika. Soromoni anotevera kupa nhevedzano yokubva kwazvinoita mupfungwa kuenda kuzviito, achienzanisa akarurama neakaipa. Anoti: “Mifungo yowakarurama yakarurama; asi mano avakaipa anonyengedzera. Mashoko avakaipa ndookuvandira ropa; asi muromo wavakarurama uchavarwira.”—Zvirevo 12:5, 6.
Pfungwa dzevanhu vakanaka dzakanaka mutsika uye dziri pazvinhu zvakanaka nezvakarurama. Sezvo vakarurama vachikurudzirwa nokuda Mwari uye vanhu, vavariro dzavo dzakanaka. Ukuwo, vakaipa, vanokurudzirwa noudyire. Saka, zvirongwa zvavo—nzira dzokuti vakwanise zvinangwa zvavo—ndezvokunyengera. Zviito zvavo hazvina kutendeka. Havazezi kuteyera musungo munhu asina mhosva, zvichida mudare remitemo, nokumupomera nhema. Mashoko avo “ndookuvandira ropa” nokuti vanoda kuti vakuvadze vanhu vasina mhosva. Vakarurama, vachiziva mazano evakaipa uye uchenjeri hunodiwa hwokuti vangwarire, vanokwanisa kudzivisa ngozi iyi. Vangatokwanisa kunyevera vasina mhosva uye kuvanunura pazvirongwa zvinonyengera zvevakaipa.
Chii chichaitika kune vakarurama nevakaipa? “Vanhu vakaipa vanotsindikirwa havachipo,” anopindura kudaro Soromoni, “asi imba yavakarurama icharamba imire.” (Zvirevo 12:7) Rimwe bhuku rinoti imba, “inomirira veimba yomunhu uye zvinhu zvake zvose zvinokosha, zvinoita kuti akwanise kunyatsorarama.” Ingarevawo mhuri uye vazukuru veakarurama. Chero zvazvingareva, pfungwa yakajeka yechirevo chacho ndeyokuti: Akarurama achamira akasimba pakusangana nedambudziko.
Anozvininipisa Ari Nani Kwazvo
Achisimbisa kukosha kwenjere, mambo weIsraeri anoti: “Munhu acharumbidzwa zvakaenzana nouchenjeri hwake; asi ane mwoyo wakatsauka, achazvidzwa.” (Zvirevo 12:8) Munhu ane njere haakurumidzi kutaura. Anofunga asati ataura uye ane ukama hune rugare nevamwe nokuti “uchenjeri hwake” hunoita kuti anyatsosarudza zvaanoda kutaura. Paanobvunzwa mibvunzo youpenzi kana isina basa, munhu ane njere anokwanisa ‘kudzora mashoko ake.’ (Zvirevo 17:27) Munhu akadaro anorumbidzwa uye anofadza Jehovha. Akasiyana zvachose nomunhu ane kufunga kwakamonyana kunobva mu“mwoyo wakatsauka”!
Chokwadi munhu akachenjera anorumbidzwa, asi chirevo chinotevera chinotidzidzisa kukosha kwokuzvininipisa. Chinoti: “Munhu anoninipiswa, ane muranda hake, anopfuura anozvikudza, asina zvokudya.” (Zvirevo 12:9) Soromoni anoita seari kutaura kuti zviri nani kuva munhu akaderera asina zvakawanda, anongova nomushandi mumwe chete, pane kupedzera zvinodiwa muupenyu uchiedza kuchengetedza upenyu hwepamusoro. Chokwadi iri izano rakanaka kwatiri—kuti tirarame maererano nemawaniro edu!
Upenyu Hwokurima Hunopa Zvidzidzo Zvokunaka
Achishandisa upenyu hwokurima, Soromoni anodzidzisa zvidzidzo zviviri zvokunaka. “Akarurama ane hanya noupenyu hwechipfuwo chake,” anodaro, “asi tsitsi dzowakaipa ihasha.” (Zvirevo 12:10) Munhu akarurama anobata zvipfuwo zvake nomutsa. Anoziva zvazvinoda uye ane hanya noupenyu hwazvo. Munhu akaipa angataura kuti ane hanya nezvipfuwo, asi anenge asiri kuzvinzwira zvepachokwadi zvazvinoda. Vavariro dzake ndedzoudyire, uye mabatiro aanoita zvipfuwo anoenderana nepurofiti yaangawana pazviri. Munhu akadaro chaanoti ndiko kunyatsotarisira zvipfuwo chaizvoizvo angava mabatiro outsinye.
Murayiro wokubata zvipfuwo nomutsa unoshandawo pakutarisira mhuka dzatinogara nadzo dzakadai sekatsi nembwa. Hwaizova utsinye kuchengeta zvipfuwo zvakadai sekatsi nembwa kwava kuzvisiya zvichitambura kana kuzvibata zvisina kunaka! Kana pane chipfuwo chinenge chiri kutambudzika kwazvo nechirwere chakakomba kana ronda, mutsa ungaita kuti tigumise upenyu hwacho.
Achitaurazve nezvoupenyu hwokurima—hwokurima ivhu—Soromoni anoti: “Anorima munda wake, achava nezvokudya zvizhinji.” Chokwadi, kunyatsoshanda nesimba kunobereka zvakanaka. “Asi anotevera zvisina maturo, anoshayiwa njere.” (Zvirevo 12:11) Asina nzwisiso uye atadza kusarudza zvakanaka, munhu “anoshayiwa njere” anotsvaka zvinhu zvisina basa, zvisina maturo zvingangokundikana. Zvidzidzo zviri mundima mbiri Zvi 12:10, 11 idzi zvakajeka: Iva nengoni uye shanda nesimba.
Akarurama Anobereka Zvibereko
“Akaipa anopanga zvaangapamba kune vakashata,” anodaro mambo akachenjera. (Zvirevo 12:12a) Akaipa anoita sei izvozvo? Anoita izvozvo nokuda zvinhu zvinowanika nenzira dzakaipa.
Chii chingataurwa nezvemunhu akanaka? Munhu akadaro anoda kurayirirwa uye akadzika midzi zvakasimba mukutenda. Akarurama, anoruramisira, akangwara uye anozvininipisa, ane tsitsi uye anoshingaira. Uye, ‘mudzi wavakarurama,’ Soromoni anoti, “unobereka zvibereko.” (Zvirevo 12:12b) “Mudzi wowakarurama uchagara nokusingaperi,” inodaro An American Translation. Munhu akadaro akatsiga uye akachengeteka. Zvechokwadi, ‘munhu akanaka anowana nyasha kuna Mwari.’ Saka, ‘ngativimbe naJehovha tiite zvakanaka.’—Pisarema 37:3.
[Mifananidzo iri papeji 31]
Somuti wakanaka, kutenda kwomunhu akarurama kwakadzika midzi zvakasimba