Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvapupu zvaJehovha Zvakaurayiwa Zvinoyeukwa

Zvapupu zvaJehovha Zvakaurayiwa Zvinoyeukwa

Zvapupu zvaJehovha Zvakaurayiwa Zvinoyeukwa

MUSI waMarch 7, 2002, ibwe rinoyeuchidza rakafudugurwa muguta reKörmend kumadokero kweHungary. Raiva rokuyeuchidza rufu rweZvapupu zvaJehovha zvitatu zvakapondwa nevaNazi muna 1945.

Ibwe racho riri pamudhuri wedzimbahwe redhipatimendi rokudzima moto remazuva ano riri muMugwagwa weHunyadi, kwakaurayirwa hama dzacho pamberi pevoruzhinji. Ibwe racho rakaitirwa kuyeuka ‘VaKristu vakaurayiwa muna March 1945 pamusana pokuramba zvavainzi vaite nechikonzero chehana yavo. Antal Hőnisch (1911-1945), Bertalan Szabó (1921-1945), János Zsondor (1923-1945), 2002, Zvapupu zvaJehovha.’

Kuuraya kwacho kwakaitwa kwasara mwedzi miviri chete kuti Hondo Yenyika II ipere. VaKristu ava vakaurayirwei? Pepanhau rokuHungary rinonzi Vas Népe rinotsanangura kuti: “Hitler ava kutonga muGermany, havasi vaJudha chete asiwo nhengo dzeZvapupu zvaJehovha dzakaiswawo mutsara wokutambudzwa uye kurwadziswa, kuiswa mumisasa yevasungwa uye kuurayiwa kana dzaizoramba kusiya zvadzaitenda. . . . Muna March 1945, chisimba nokuuraya ndiwo aiva mararamiro kumadokero orumwe rutivi rweHungary. . . . Chisimba ichi chaisanganisira kudzinga nhengo dzeZvapupu zvaJehovha munyika yacho uye kudziuraya.”

Purogiramu yaiva nechokuita neibwe racho yaiva muzvikamu zviviri. Chikamu chokutanga chakaitirwa muimba yemitambo muBatthyány Castle, uko vakurukuri vaisanganisira Purofesa Szabolcs Szita, mukuru weHolocaust Documentation Center muBudapest; László Donáth, nhengo yeDare reParamende Pakodzero Dzevanhu, Nyaya Dzezvitendero Nemamwewo Mapoka Akasiyana-siyana; uye Kálmán Komjáthy, chapupu chakaona kuurayiwa kwacho iye zvino ava kuona nezvenhoroondo yeguta racho. Vanhu vaidarika 500 vaivapo vakafamba vachipfuura nomuguta nokuda kwechikamu chechipiri chepurogiramu yacho—kuratidzwa kweibwe naMeya József Honfi weKörmend.

Mutsamba yake yokuoneka, Ján Žondor (János Zsondor) akakurudzira hama nehanzvadzi dzake dzechiKristu kusachema. Akanyora kuti: “Mupfungwa dzangu ndichiri nemashoko aJohani anowanika pana Zvakazarurwa 2:10 anoti: ‘Iva akatendeka kunyange kusvikira kurufu.’ . . . Taurirai vari kumusha kuti vasacheme, nokuti ndafira chokwadi uye kwete somupari wemhosva.”

[Mufananidzo uri papeji 32]

Bertalan Szabó

[Mufananidzo uri papeji 32]

Antal Hőnisch

[Mufananidzo uri papeji 32]

Ján Žondor