Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

‘Ivai Norudo Pakati Penyu’

‘Ivai Norudo Pakati Penyu’

Ivai Norudo Pakati Penyu’

“Vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana mune rudo pakati penyu.”—JOHANI 13:35.

1. Chii chakasimbiswa naJesu nguva pfupi asati afa?

“VANA vaduku.” (Johani 13:33) Nemashoko iwayo orudo, Jesu akataura nevaapostora vake manheru akatangira zuva raaizofa. Hatina pamwe pakanyorwa munhoroondo dzeEvhangeri panoti Jesu akanga amboshandisa mashoko okunzwira tsitsi aya pakutaura kwavari. Zvisinei, pausiku ihwohwo hunokosha akanzwa achida kutaura nenzira iyi ine rudo kuratidza kuda zvikuru kwaaiita vateveri vake. Tingatoti Jesu akataura nezvorudo kanenge ka30 usiku ihwohwo. Nei akasimbisa rudo zvakadaro?

2. Nei kuratidza rudo kuchikosha kwazvo kuvaKristu?

2 Jesu akatsanangura chikonzero nei rudo rwakakosha zvakadaro. Akati: “Vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana mune rudo pakati penyu.” (Johani 13:35; 15:12, 17) Kuva muteveri waKristu kunofambirana nokuratidza rudo rwehama. VaKristu vanozivikanwa, kwete nechipfeko chorudzi rwakati kana kuti tumwe tumiitiro, asi norudo rwoushamwari uye runyoro rwavanoratidzirana. Kuva norudo rworudzi urwu ndicho chinhu chechipiri pazvitatu zvikuru zvinodiwa kuti munhu ave mudzidzi waKristu zvakataurwa kumavambo enyaya yakapfuura. Chii chichatibatsira kuramba tine rudo urwu runodikanwa?

‘Kuzviita Zvizere’

3. Pauro akapa murayiro wei maererano norudo?

3 Sezvazvakanga zvakaita pakati pevateveri vaKristu vomuzana remakore rokutanga, rudo runoshamisa urwu nhasi runoonekwa pakati pevadzidzi vechokwadi vaKristu. Pauro akanyorera vaKristu vomuzana remakore rokutanga kuti: “Kana kuri kudanana sehama, hamudi kuti tikunyorerei, nokuti imi munodzidziswa naMwari kuti mudanane; uye, chaizvoizvo, muri kuzviitira hama dzose.” Uyezve, Pauro akawedzera kuti: “Murambe muchizviita zvizere.” (1 VaTesaronika 3:12; 4:9, 10) Isuwo tinofanira kuteerera zvakarayirwa naPauro toedza kuratidzirana rudo “zvizere.”

4. Maererano naPauro naJesu, ndivanaani vatinofanira kunyanya kubatsira?

4 Mutsamba iyoyo yakafuridzirwa, Pauro akakurudzira vaainamata navo kuti “taurai nemweya yakaora mwoyo nenzira inonyaradza” uye “tsigirai vasina simba.” (1 VaTesaronika 5:14) Pane imwe nguva, akayeuchidza vaKristu kuti vaya ‘vakasimba vanofanira kutakura kusava nesimba kwevasina kusimba.’ (VaRoma 15:1) Jesu akapawo mirayiridzo maererano nokubatsira vaya vasina kusimba. Pashure pokufanotaura kuti pausiku hwaaizosungwa Petro aizomusiya, Jesu akaudza Petro kuti: “Kana wangodzokera, simbisa hama dzako.” Nei? Nokuti vaizova vasiyawo Jesu uye nokudaro vaizoda kubatsirwa. (Ruka 22:32; Johani 21:15-17) Naizvozvo, Shoko raMwari rinotirayira kuti tiratidze rudo rwedu kune vaya vasina kusimba mumudzimu nevangave vasingachasonganiri neungano yechiKristu. (VaHebheru 12:12) Nei tichifanira kudaro? Mifananidzo miviri yakajeka yakapiwa naJesu inopa mhinduro yacho.

Gwai Rakarasika uye Mari Yakarasika

5, 6. (a) Jesu akataura mifananidzo ipi miviri mipfupi? (b) Mifananidzo iyi inoratidzei nezvaJehovha?

5 Kuti adzidzise vateereri vake maonero anoita Jehovha vaya vakatsauka, Jesu akapa mifananidzo miviri mipfupi. Mumwe wacho waiva womufudzi. Jesu akati: “Ndoupi wenyu anoti kana ane makwai ane zana, kana akarasikirwa nerimwe rawo, asingasiyi makumi mapfumbamwe nemapfumbamwe murenje oenda kunotsvaka rarasika kusvikira ariwana? Zvino kana ariwana anoriisa pamapfudzi ake ofara. Kana asvika kumba anodana shamwari dzake nevavakidzani vake, achiti kwavari, ‘Farai neni, nokuti ndawana gwai rangu ranga rarasika.’ Saizvozvo ndinokuudzai kuti kuchava nomufaro mukuru kudenga pamusoro pomunhu mumwe anoita zvivi anopfidza kupfuura vakarurama makumi mapfumbamwe nevapfumbamwe vasina chikonzero chokuti vapfidze.”—Ruka 15:4-7.

6 Mufananidzo wechipiri waiva womumwe mukadzi. Jesu akati: “Ndoupi mukadzi ane mari yemadhirakema gumi, anoti kana arasikirwa nemari yedhirakema imwe, asingabatidzi rambi otsvaira imba yake onyatsotsvaka kusvikira aiwana? Zvino kana aiwana anodana vakadzi vari shamwari dzake nevavakidzani, achiti, ‘Farai neni, nokuti ndawana mari yangu yedhirakema yandanga ndarasa.’ Nokudaro, ndinokuudzai, mufaro unovapo pakati pengirozi dzaMwari pamusoro pomunhu mumwe anoita zvivi anopfidza.”—Ruka 15:8-10.

7. Mifananidzo yegwai rakarasika nemari yakarasika ine zvidzidzoi zviviri nokuda kwedu?

7 Chii chatingadzidza mumifananidzo mipfupi iyi? Inotiratidza (1) manzwiro atinofanira kuita nezvevaya vasisina kusimba uye (2) zvatinofanira kuita kuti tivabatsire. Ngatikurukurei pfungwa idzi.

Akarasika asi Anokosheswa

8. (a) Mufudzi nomukadzi vakaita sei pavakarasikirwa nezvinhu zvavo? (b) Zvavakaita zvinotiudzei nezvemaonero avaiita chinhu chavo chakanga charasika?

8 Mumienzaniso yacho yose chimwe chinhu chakanga charasika, asi cherechedza maitiro evaridzi vazvo. Mufudzi haana kuti: ‘Gwai rimwe chii pa99 andasara nawo? Handina basa naro ini.’ Uyu mukadzi haana kuti: ‘Ndinganetsekerei nemari imwe iyoyo? Yandasara nayo iyoyo yakakwana.’ Asi, mufudzi akatsvaka gwai rake rakanga rarasika sokunge kuti ndiro chete raaiva naro. Uye mukadzi akaona kurasika kwemari yake imwe chete sokunge kuti aisava neimwe. Muzviitiko zvose zviri zviviri chinhu chakanga charasika chakaramba chichikosha mupfungwa dzomuridzi wacho. Izvi zvinofananidzirei?

9. Chii chinoenzanisirwa nokunetseka kwakaratidzwa nomufudzi uye nomukadzi?

9 Cherechedza zvakazopedzisira kutaurwa naJesu panyaya dzose dziri mbiri: “Saizvozvo . . . kuchava nomufaro mukuru kudenga pamusoro pomunhu mumwe anoita zvivi anopfidza” uye “nokudaro, ndinokuudzai, mufaro unovapo pakati pengirozi dzaMwari pamusoro pomunhu mumwe anoita zvivi anopfidza.” Naizvozvo, kunetseka kwomufudzi nomukadzi kunoratidza pamwero muduku manzwiro aJehovha nezvisikwa zvake zvokudenga. Sezvo zvakanga zvarasika zvakangoramba zvichikosha kumufudzi uye kumukadzi uya, naizvozvo vaya vakatsauka vakarega kusonganira nevanhu vaMwari vanoramba vachikosha mumeso aJehovha. (Jeremia 31:3) Vanhu vakadaro vangave vasina kusimba mumudzimu, asi havasiri havo kupandukira. Pasinei nokuva kwavo vasina kusimba, kusvikira kumwero wakati vangave vachiri kuchengeta zvinodiwa naJehovha. (Pisarema 119:176; Mabasa 15:29) Naizvozvo, somunguva dzakapfuura, Jehovha haakurumidzi “kuvarasira kure naye.”—2 Madzimambo 13:23.

10, 11. (a) Tinoda kuona sei vaya vakatsauka kubva muungano? (b) Maererano nemifananidzo miviri yaJesu, tinogona sei kuratidza kuti tine hanya navo?

10 Kufanana naJehovha naJesu, isuwo tinonetseka kwazvo nevaya vasina kusimba vasisiri muungano yechiKristu. (Ezekieri 34:16; Ruka 19:10) Tinoona munhu asina kusimba mumudzimu segwai rakarasika—kwete somunhu asingabatsiriki. Hatifungi kuti: ‘Tinganetsekerei nearasika? Ungano iri kungofambira mberi zvakanaka kunyange asipo.’ Asi, kufanana naJehovha, tinoona vaya vakatsauka uye vanoda kudzoka sevanokosha.

11 Zvisinei, tinogona sei kuratidza kuti tine hanya navo? Mifananidzo miviri yaJesu inoratidza kuti tinogona kuita kudaro (1) nokutanga kuvafarira, (2) nokuva vanyoro, uye (3) nokuva vemwoyo wose. Ngatitarirei zvinhu izvi chimwe panguva.

Iwe Tanga Kuvafarira

12. Mashoko okuti “oenda kunotsvaka rarasika” anotiudzei nezvepfungwa dzomufudzi wacho?

12 Mumufananidzo wake wokutanga, Jesu anoti mufudzi acha“enda kunotsvaka rarasika.” Mufudzi ndiye anotanga kuita chiito uye anototsvaka gwai rarasika. Kuoma kwazvo, ngozi, uye daro hazvimudzoreri shure. Kusiyana naizvozvo, mufudzi anoshingirira “kusvikira ariwana.”—Ruka 15:4.

13. Varume vekare vakanga vakatendeka vakabatsira sei vakanga vasina kusimba, uye tingatevedzera sei mienzaniso yomuBhaibheri yakadaro?

13 Saizvozvowo, kubatsira munhu anoda kukurudzirwa kunowanzoda kuti akasimba atange kumufarira. Varume vekare vakanga vakatendeka vainzwisisa izvi. Somuenzaniso, apo Jonatani, mwanakomana waMambo Sauro, akacherechedza kuti shamwari yake yepamwoyo Dhavhidhi aida kukurudzirwa, Jonatani “akasimuka, akaenda kuna Dhavhidhi mudondo, akamusimbisa muna Mwari.” (1 Samueri 23:15, 16) Mazana emakore gare gare, apo Gavhuna Nehemia akaona kuti vamwe vehama dzake dzechiJudha vakanga vasisina kusimba, iyewo ‘akasimuka’ akavakurudzira ‘kurangarira Jehovha.’ (Nehemia 4:14) Isu nhasi tichadawo ‘kusimuka’—kutanga isu kuvafarira—kuti tisimbise vaya vasina kusimba. Asi ndiani muungano anofanira kuita kudaro?

14. Ndiani muungano yechiKristu anofanira kubatsira vaya vasina kusimba?

14 Vakuru vechiKristu, kunyanya, vane mutoro woku‘simbisa maoko asina simba, nokutsigira mabvi anodedera’ uye ‘kuti kune vane mwoyo inotya: Simbai, musatya!’ (Isaya 35:3, 4; 1 Petro 5:1, 2) Zvisinei, cherechedza kuti zano raPauro rokuti “taurai nemweya yakaora mwoyo nenzira inonyaradza” nerokuti “tsigirai vasina simba” harina kungopiwa vakuru chete. Asi, mashoko aPauro aiudzwa “ungano [yose] yevaTesaronika.” (1 VaTesaronika 1:1; 5:14) Naizvozvo kubatsira vaya vasina kusimba ibasa revaKristu vose. Kufanana nomufudzi ari mumufananidzo, muKristu mumwe nomumwe anofanira kunzwa achida ku‘enda kunotsvaka arasika.’ Ichokwadi kuti izvi zvinoitwa zvinobudirira zvikuru tichishandira pamwe nevakuru. Ungava nezvaunoita here kuti ubatsire asina kusimba ari muungano yenyu?

Iva Munyoro

15. Nei mufudzi angave akaita nenzira yaakaita nayo?

15 Mufudzi anoita sei paanozowana gwai rakarasika? “Anoriisa pamapfudzi ake.” (Ruka 15:5) Mashoko iwayo anobaya mwoyo uye anoreva zvakawanda kwazvo! Gwai racho ringave rakamberereka kwemazuva nousiku nomunzvimbo yarisina kujaira, zvichida richitova mungozi yokubatwa neshumba. (Jobho 38:39, 40) Hapana mubvunzo kuti gwai racho raneta nokusadya. Raneta kwazvo zvokusagona kukunda nesimba raro zvipingamupinyi zvarichasangana nazvo parinenge richidzokera kuboka. Naizvozvo, mufudzi anokotama, osimudza gwai racho zvinyoronyoro, oritakura achiriyambutsa zvipingamupinyi zvose kudzokera kuboka. Tingaratidza sei kuva nehanya kwakaratidzwa nomufudzi uyu?

16. Nei tichifanira kuratidza unyoro hwakaratidzwa nomufudzi kugwai rakanga rarasika?

16 Munhu asingachasonganiri neungano angave apera simba mumudzimu. Kufanana negwai rarasana nomufudzi, munhu akadaro angava ave achingodzungaira munzvimbo dzakaipa dzenyika ino. Asina dziviriro yaanowana muboka, ungano yechiKristu, ari mungozi huru yokurwiswa naDhiyabhorosi, uyo “anofamba-famba seshumba inodzvova, iri kutsvaka kudya mumwe munhu.” (1 Petro 5:8) Kuwedzera kune izvi, apera simba nokusadya zvokudya zvomudzimu. Saka, pachake angadaro anyanyopera simba zvokusagona kukurira zvipingamupinyi zvaachasangana nazvo parwendo rwake rwokudzoka kuungano. Naizvozvo, tinofanira kukotama, nenzira yokufananidzira, tosimudza asina kusimba wacho zvinyoronyoro, tomutakura tichidzoka naye. (VaGaratiya 6:2) Izvozvo tingazviita sei?

17. Tingatevedzera sei muapostora Pauro patinoshanyira mumwe munhu asina kusimba?

17 Muapostora Pauro akati: “Ndiani asina simba, ini ndikasava asina simba?” (2 VaKorinde 11:29; 1 VaKorinde 9:22) Pauro ainzwira vanhu tsitsi, kusanganisira vakanga vasina kusimba. Tinoda kuratidza kunzwira tsitsi kwakadaro kune vaya vasina kusimba. Paunenge washanyira muKristu asina kusimba mumudzimu, muvimbise kuti anokosha kuna Jehovha uye kuti zvimwe Zvapupu zviri kumusuwa kwazvo. (1 VaTesaronika 2:17) Muzivise kuti vakagadzirira kumutsigira uye vanoda kuva kwaari “hama inoberekerwa kuti ibatsire pakutambudzika.” (Zvirevo 17:17; Pisarema 34:18) Mashoko edu omwoyo wose angamusimudza zvinyoronyoro uye zvishoma nezvishoma kusvikira pokuti ava kukwanisa kudzoka kuboka. Tinofanira kuzoita sei? Mufananidzo womukadzi nemari yakarasika unotiratidza zvokuita.

Taura Nomwoyo Wose

18. (a) Nei mukadzi anotaurwa mumufananidzo asina kurasa tariro? (b) Mukadzi wacho akabishaira zvakadini, uye zvikaguma nei?

18 Mukadzi anorasikirwa nemari anoziva kuti zvinhu zvakaoma asi hazvirevi kuti hapachina tariro. Kudai mari yacho yanga yadonhera musango guru kana kuti mudhamu rakadzika rine madhaka, zvichida angadai arega kuitsvaka achiti haichawanikwi. Zvisinei, achiziva kuti mari yacho inofanira kuva pane imwe nzvimbo mumba make, painogona kuwanikwa, anotanga kutsvakisisa nomwoyo wose. (Ruka 15:8) Chokutanga, anobatidza rambi kuti mumba make mune rima mujeke. Adaro, anotsvaira uriri nomutsvairo wake, achitarisira kunzwa chichati ngwenjere. Pakupedzisira, anonyatsotsvaka pose pose pakahwanda kusvikira rambi ravheneka mari yesirivha. Kubishaira kwomukadzi wacho kwamupa mubayiro!

19. Zvidzidzoi pakubatsira vasina kusimba zvatingawana kubva pane zvakaitwa nomukadzi womumufananidzo wemari yakarasika?

19 Sezvatinoyeuchidzwa nezviri kutaurwa mumuenzaniso uyu, mutoro wepaMagwaro wokubatsira muKristu asina kusimba hausi chinhu chatisingakwanisi kuita. Panguva imwe iyi, tinoona kuti zvinoda kuti tishande nesimba. Muapostora Pauro akatoti kuvakuru veEfeso: “Nokushanda nesimba zvakadaro munofanira kubatsira vasina simba.” (Mabasa 20:35a) Ramba uchiyeuka kuti mukadzi wacho haawani mari yacho nokungotarira zvachero mumba make, zvisina chinangwa. Aiwa, anoiwana nokuti anotsvaka zvakarongeka “kusvikira aiwana.” Saizvozvowo, patinoedza kuwanazve munhu asina kusimba mumudzimu, nzira yatinoshandisa inofanira kuva yemwoyo wose uye ine chinangwa. Tingaita sei?

20. Chii chingaitwa kubatsira vasina kusimba?

20 Tingabatsira sei asina kusimba kuvaka kutenda nokuonga? Kumudzidzisa Bhaibheri mubhuku rakakodzera rechiKristu kungava ndiko kunotodiwa. Chokwadi, kudzidza Bhaibheri nomunhu asina kusimba kunotibvumira kumubatsira munzira yakarongeka uye zvakanyatsonaka. Mutariri webasa angangova ndiye akanyatsokodzera kusarudza kuti ndiani achapa rubatsiro runodiwa. Angataura kuti inyaya dzipi dzingadzidzwa uye ibhuku ripi ringanyanya kubatsira. Kungofanana nomukadzi womumufananidzo anoshandisa zvishandiso zvinobatsira kuti aite basa rake, nhasi tinewo zvishandiso zvinotibatsira kuita mutoro wedu watakapiwa naMwari wokubatsira vaya vasina kusimba. Zviviri zvezvishandiso zvedu zvitsva, kana kuti mabhuku, zvichabatsira zvikuru mubasa iri. Mabhuku anonzi Namata Mwari Wechokwadi Bedzi uye Swedera Pedyo naJehovha. *

21. Kubatsira vaya vasina kusimba kunounzira sei munhu wose zvikomborero?

21 Kubatsira vaya vasina kusimba kunounzira munhu wose zvikomborero. Uya ari kubatsirwa anova nomufaro wokusanganiswa zvakare neshamwari dzake dzechokwadi. Isu tinowana mufaro mukuru unogona kungounzwa nokupa chete. (Ruka 15:6, 9; Mabasa 20:35b) Ungano yose zvayo inova noushamwari sezvo nhengo imwe neimwe inofarira vamwe norudo. Uye kupfuura zvose, rukudzo runoenda kune Vafudzi vedu vane hanya, Jehovha naJesu, sezvo chido chavo chokutsigira vasina kusimba chinoratidzwa muvashumiri vavo vepasi pano. (Pisarema 72:12-14; Mateu 11:28-30; 1 VaKorinde 11:1; VaEfeso 5:1) Naizvozvo, tine zvikonzero zvakanaka kwazvo zvokuramba ‘tichiva norudo pakati pedu’!

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 20 Akabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

Ungatsanangura Here?

• Nei kuratidza rudo kuchikosha kune mumwe nomumwe wedu?

• Nei tichifanira kuratidza rudo rwedu kune vaya vasina kusimba?

• Zvidzidzoi zvatinodzidziswa nemifananidzo yegwai rakarasika uye mari yakarasika?

• Matanhoi anobatsira atinogona kutora kuti tibatsire mumwe munhu asina kusimba?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 16, 17]

Pakubatsira vasina kusimba, tisu tinotanga kuvafarira uye tinova nounyoro uye vemwoyo wose

[Mufananidzo uri papeji 16, 17]

Kubatsira vaya vasina kusimba kunounzira munhu wose zvikomborero