Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuedzwa Muchoto Chinopisa Chokutambura

Kuedzwa Muchoto Chinopisa Chokutambura

Nyaya Youpenyu

Kuedzwa Muchoto Chinopisa Chokutambura

YAKATAURWA NAPERICLES YANNOURIS

Unyoro hwainhuhwisa muchitokisi hwakatonhodza mapfupa angu. Sezvandaiva ndakagara imomo ndiri ndoga, ndakangofuka kagumbezi katete-tete, ndakanga ndichiri kuona chiso chisitomborina shungu chomudzimai wangu wechiduku pandaizvuzvurudzwa nevarwi kubva mumba mangu mazuva maviri akanga achangodarika, ndichimusiya aine vana vedu vaviri vairwara. Gare gare, mudzimai wangu, uyo akanga asinganamati neni, akanditumira pasuru netsamba yaiti: “Ndiri kukutumira makeke aya, uye ndinovimba kuti ucharwara sezviri kuita vana vako.” Ndaizombodzokera ndiri mupenyu kuti ndione mhuri yangu here?

ICHOCHO chaingova chiitiko chimwe mukurwira kutenda kwechiKristu kwenguva refu uye kwakaoma, kutambura kwaisanganisira kushorwa nevomumhuri, kudzingwa munzanga, makakatanwa omumatare edzimhosva, uye kutambudzwa kunotyisa. Asi sei uye nei ini munhu akanyarara uye aitya Mwari, ndakaguma ndava munzvimbo iyoyo isingafadzi? Ndapota ndiregerei nditsanangure.

Mukomana Murombo Ane Vavariro Dzakakwirira

Pandakaberekwa muna 1909 muStavromeno, kuCrete, nyika yacho yaiva nehondo, urombo, uye nzara. Gare gare, ini nevanun’una vangu vana takasara padiki-diki kubatwa nefuruwenza yeSpain. Ndinoyeuka kuti vabereki vedu vaitipfigira mumba medu kwevhiki dzakati nguva nenguva vachiitira kuti tirege kubatwa nefuruwenza yacho.

Baba, vaivawo zvavo murimi murombo, vaida zvechitendero chaizvo asi vari munhu aigamuchira pfungwa dzevamwe. Pashure pokugara muFrance neMadagascar, vakanga vave noruzivo rwakati mune zvechitendero. Zvisinei, mhuri yedu yakaramba yakavimbika kuChechi yeGreek Orthodox, taipinda Misa musi weSvondo woga woga uye taigamuchira bhishopu womunharaunda yacho mumusha wedu kuti agare pakushanya kwake kwegore negore. Ndaiva mukomana wekwaya, uye muupenyu hwangu ndaida kuzova mupristi.

Muna 1929, ndakapinda basa rechipurisa. Baba vakafa pandaiva pabasa muThessalonica, kuchamhembe kweGreece. Ndichitsvaka kunyaradzwa uye chiedza mune zvokunamata, ndakachinjira kuMount Athos, nzanga yemamongi yaikudzwa nevaKristu veOrthodox se“gomo dzvene.” * Ndakashanda ikoko kwemakore mana uye ndakanyatsoona upenyu hwemamongi ndiri pedyo zvikuru. Pane kuswededzwa pedyo naMwari, ndakaodzwa mwoyo nounzenza nouori zvemamongi zvaiva pachena. Ndakashamiswa apo mumwe wandairemekedza aiva nechinzvimbo chiri pasi pechabhishopu akada kuita unzenza neni. Pasinei nokuvhiringidzika kwakadaro, ndakanga ndichiri kuda kushumira Mwari nomwoyo wose uye kuva mupristi. Ndakatombopfeka nguo yomupristi ndokubva ndatorwa pikicha sechiyeuchidzo. Pakupedzisira, ndakadzokerazve kuCrete.

“NdiDhiyabhorosi Chaiye!”

Muna 1942, ndakaroora musikana akanaka, Frosini, aibva kumhuri yairemekedzwa. Kuroora kwakasimbisa chisarudzo changu chokuva mupristi, sezvo vomumhuri yomudzimai wangu vakanga vakanyura zvikuru mune zvokunamata. * Ndakanga ndakatsunga kuenda kuAthens kunodzidza pachikoro chokudzidzira upristi. Gore ra1943 rava kunopera, ndakasvika pachiteshi chengarava cheIráklion, Crete, asi handina kuenda kuAthens. Izvozvo zvingave zvakaitika nokuti, panguva iyoyo, ndakanga ndawana imwe nyaradzo yakasiyana mune zvokunamata. Chii chakanga chaitika?

Kwemakore, Emmanuel Lionoudakis, mumwe muparidzi wechiduku aishingaira aisonganirana neZvapupu zvaJehovha, akanga achidzidzisa chokwadi cheBhaibheri chinopengenutsa muCrete yose. * Vamwe vanhu vaikwezvwa nokunzwisisika kwaiita Shoko raMwari raiparidzwa neZvapupu vakasiya chitendero chenhema. Muguta raive pedyo reSitía, boka reZvapupu zvaishingaira rakarongwa. Izvi zvakashatirisa bhishopu womunharaunda yacho, uyo—akambenge agara kuUnited States—aizvizivira pachake kuti Zvapupu zvaJehovha zvaigona kubudirira sei sevaparidzi. Akanga akatsunga kubvisa “chitendero chakasiyana” ichi munharaunda yake. Achikurudzirwa naye, mapurisa aigaroisa Zvapupu mujeri uye pamberi pematare zvichipomerwa mhosva dzenhema.

Mumwe weZvapupu izvi akaedza kunditsanangurira chokwadi cheBhaibheri, asi akafungidzira kuti ndakanga ndisingafariri. Naizvozvo akatumira mumwe mushumiri aiva nezivo yakakura kuti azotaura neni. Sezviri pachena mhinduro dzangu pfupi dzakaita kuti Chapupu chechipiri chidzokere kuboka racho duku ndokuti: “Hazvibviri kuti Pericles ave Chapupu. Ndidhiyabhorosi chaiye!”

Kutanga Kushorwa

Ndinofara kuti Mwari haana kundiona nenzira iyoyo. Muna February 1945 mukoma wangu Demosthenes, uyo aiva nechokwadi chokuti Zvapupu zvaJehovha zvaidzidzisa chokwadi, akandipa kabhuku kanonzi Comfort All That Mourn. * Zvaiva mukati mako zvakandifadza. Takarega pakarepo kupinda Chechi yeOrthodox, ndokubatana neboka duku raiva muSitía, ndokupupurira vanun’una vedu nezvokutenda kutsva kwatakanga tawana. Vose vakabvuma chokwadi cheBhaibheri. Sezvaitarisirwa, kusarudza kwangu kusiya chitendero chenhema kwakandivengesa nokundishoresa nomudzimai wangu nemhuri yake. Kwenguva yakati tezvara vangu vakatoramba kutaura neni. Kumba kwaiva nokusawirirana uye kukakavadzana kusingaperi. Pasinei neizvi, musi waMay 21, 1945, ini naDemosthenes takabhabhatidzwa naHama Minos Kokkinakis. *

Pakupedzisira ndakazokwanisa kuita zvandaida ndokushanda somushumiri waMwari wepachokwadi! Ndichiri kuyeuka musi wangu wokutanga muushumiri hwepamba nemba. Ndiine tubhuku 35 mubhegi rangu, ndakaenda nebhazi ndiri ndoga kune mumwe musha. Ndichitya, ndakatanga kuenda pamba nemba. Kuramba ndichienda kwakaita kuti ndiwedzere kushinga. Mumwe mupristi akanga akashatirwa paakasvika, ndakakwanisa kutaura naye noushingi, ndisina hanya nezvaairamba achitaura zvokuti ndiende naye kukamba yemapurisa. Ndakamuudza kuti ndaizobva chete kana ndashanyira musha wacho wose, uye izvozvo ndizvo chaizvo zvandakaita. Ndakafara zvikuru zvokuti handina kutombomirira bhazi kuti riuye asi ndakafamba netsoka makiromita 15 kudzokera kumba.

Mumaoko Emagandanga Ane Utsinye

Muna September 1945, ndakapiwa basa rakawedzerwa muungano yedu yakanga ichangobva kutangwa muSitía. Munguva pfupi yakatevera hondo yezvizvarwa zvomunyika imwe chete yakatanga muGreece. Mapoka evarwi vacho airwisana noruvengo rune utsinye. Achishandisa mamiriro acho ezvinhu, bhishopu akakurudzira boka remagandanga omunharaunda yacho kuti adzinge Zvapupu nenzira ipi neipi yavaiona kuti yakakodzera. (Johani 16:2) Sezvo boka remagandanga acho raiuya kumusha kwedu nebhazi, mumwe mukadzi ane ushamwari aiva mubhazi racho akaita manzwira zvirongwa zvavo zvokuita basa ravo “ravakapiwa naMwari,” ndokutinyevera. Takavanda, uye mumwewo munhu aiva noukama nesu akapindira achitimiririra. Upenyu hwedu hwakaponeswa.

Izvi zvakagadzirira nzira mamwe matambudziko aizouya. Kurohwa nokutyisidzirwa zvakava zvinhu zvenguva dzose. Vashori vedu vakaedza kutimanikidza kuti tidzoke kuchechi, kuti tibhabhatidze vana vedu, uye kuti tiite chiratidzo chomuchinjikwa. Pane imwe nguva, vakarova mukoma wangu kusvikira vava kufunga kuti akanga afa. Zvakandirwadza kuona hanzvadzi dzangu mbiri dzichibvarurirwa zvipfeko zvadzo uye zvadaro kwava kurohwa. Panguva iyoyo, chechi yakamanikidza vana vasere veZvapupu zvaJehovha kuti vabhabhatidzwe.

Muna 1949 amai vangu vakafa. Mupristi akauyazve kwatiri, achitipa mhosva yokusaita maererano nezvaidiwa nomutemo kuti tive netsamba yemariro. Ndakatongwa nedare ndokuwanikwa ndisina mhosva. Izvi zvakapa uchapupu hwakakura sezvo zita raJehovha rakanzwiwa mumashoko okutanga enyaya yacho. Nzira chete yakanga yasara kuvavengi vedu yo“kuti tibvume” yaiva yokutisunga nokutitumira kune imwe nyika. Izvi vakazviita muna April 1949.

Muchoto Chinopisa

Ndaiva mumwe wehama nhatu dzakasungwa. Mudzimai wangu haana kutombouya kuzondiona pakamba yemapurisa yomunharaunda yacho. Takatanga kumira pajeri riri muIráklion. Sezvarondedzerwa pakutanga, ndaiva ndakasurukirwa uye ndakaora mwoyo. Ndakanga ndasiya mudzimai wechiduku akanga asinganamati neni uye vacheche vaviri. Ndakanyengetera nomwoyo wose kuna Jehovha kuti andibatsire. Mashoko aMwari akanyorwa pana VaHebheru 13:5 akauya mupfungwa dzangu okuti: “Handingambokuregerei kana kumbokusiyai.” Ndakanzwisisa uchenjeri hwokuvimba naJehovha zvakazara.—Zvirevo 3:5.

Takaziva kuti takanga tava kuendeswa kuMakrónisos, chitsuwa chakaoma chokumhenderekedzo yeAttica, Greece. Kungotaura nezveMakrónisos kwakanga kwakakwana kutyisidzira munhu wose nokuti kumusasa wevasungwa iwoyo vanhu vaitambudzwa uye vaibatwa sevaranda. Tiri munzira kuenda kujeri, takamira muPiraeus. Kunyange zvazvo takanga tichakaiswa kechemu, takakurudzirwa apo vamwe vatainamata navo vakauya pachikepe ndokutimbundira.—Mabasa 28:14, 15.

Upenyu hwomuMakrónisos hwaityisa zvikuru. Masoja aibata vasungwa zvisina kunaka kubva mangwanani kusvikira usiku. Vasungwa vakawanda vakanga vasiri Zvapupu vakarasikirwa nepfungwa dzavo, vamwe vakafa, uye vakawanda vakasara varemara. Usiku, tainzwa kuchema nokugomera kwevaya vaitambudzwa. Kagumbezi kangu katete-tete kaidziya zvishomanana pausiku hwaitonhora.

Zvishoma nezvishoma, Zvapupu zvaJehovha zvakatanga kuzivikanwa zvikuru mumusasa wacho nokuti zita racho raitaurwa pakudanidzirwa mazita mangwanani oga oga. Saka, taiva nemikana yakawanda yokupupurira. Ndakatova neropafadzo yokubhabhatidza mumwe musungwa wezvematongerwe enyika uyo akanga afambira mberi kusvika pakutsaurira upenyu hwake kuna Jehovha.

Ndiri nhapwa, ndakaramba ndichinyorera mudzimai wangu wandinoda iye asingambondipinduri. Izvi hazvina kundiita kuti ndirege kumunyorera nounyoro, ndichimunyaradza, ndichimuvimbisa kuti ichi chaingova chipingamupinyi chenguva pfupi uye kuti taizofara zvekare.

Panguva iyoyo, nhamba yedu yakawedzera sezvo dzimwe hama dzakauya. Ndichishanda muhofisi, ndakazivana nomukuru mukuru wepamusasa wacho. Sezvo airemekedza Zvapupu, ndakashinga kumubvunza kana taigona kugamuchira mabhuku eBhaibheri kubva kuhofisi yedu iri muAthens. “Izvozvo hazvibviri,” akadaro, “ko vanhu venyu vokuAthens vadii vaarongedza mupasuru yenyu, vonyora zita rangu pairi, vobva vanditumira?” Ndakamira ipapo ndashaya romuromo! Mazuva mashomanana gare gare patakanga tichibvisa zvinhu muchikepe chakanga chauya, mumwe mupurisa akasaruta mukuru mukuru wacho ndokumuudza kuti: “Vakuru, pasuru yenyu yasvika.” “Pasuru yei?” akapindura. Sezvineiwo ndaiva pedyo ndichinzwa zvaitaurwa, saka ndakamuzevezera ndichiti: “Zvimwe ndeyedu, yakatumirwa muzita renyu, sezvamakarayira.” Iyoyo yaiva imwe yenzira idzo Jehovha akava nechokwadi chokuti taipiwa zvokudya zvomudzimu.

Chikomborero Chaisatarisirwa—Zvadaro Mamwezve Matambudziko

Pakupera kwa1950, ndakabudiswa. Ndakadzokera kumba—ndava ndonda, ndacheneruka, ndaonda, uye ndisina chokwadi nokugamuchirwa kwandaizoitwa. Ndakafara zvikuru kuonazve mudzimai wangu nevana! Zvaitova nani zvekare, ndakashamisika kuona kuti ruvengo rwaFrosini rwakanga rwaderera. Tsamba dziya dzandainyora ndiri kujeri dzakanga dzabatsira. Frosini akanga aororwa nokutsungirira uye kupfuurira kwangu. Pashure penguva pfupi, ndakakurukurirana naye kwenguva yakareba kuti tinzwanane. Akabvuma kudzidza Bhaibheri ndokutanga kutenda muna Jehovha nezvipikirwa zvake. Rimwe remazuva aifadza zvikuru muupenyu hwangu raiva muna 1952 pandakamubhabhatidza kuti ave mushumiri waJehovha akazvitsaurira!

Muna 1955 takatanga basa rokugovera kabhuku kainzi Christendom or Christianity—Which One Is “the Light of the World”? kumupristi wose. Ndakasungwa ndokutongwa, pamwe chete nezvimwe Zvapupu. Paiva nemhosva dzakawanda zvikuru pamusoro peZvapupu zvaJehovha zvokuti dare raitofanira kuva nezuva chairo rokudzitonga dzose. Musi iwoyo, vose vane chokuita nezvomutemo vomupurovhinzi yacho vaivapo, uye mudare makanga makati pamu nevapristi. Bhishopu aifamba achienda mberi nokudzoka shure. Mumwe wevapristi akanga andimhan’arira achinyunyuta kuti ndaitendeutsa vanhu. Mutongi akamubvunza kuti: “Kutenda kwako hakuna kusimba here zvokuti ungagona kutendeutswa nokuverenga bhurocha?” Izvi zvakasiya mupristi wacho asina romuromo. Ndakanzi handina mhosva, asi dzimwe hama dzakatongerwa mwedzi mitanhatu mujeri.

Mumakore akazotevera, takaramba tichisungwa, uye mhosva dzaitongwa dzakaramba dzichiwanda. Kutonga mhosva kwakaita kuti magweta edu arambe akabatikana zvikuru. Ndakaendeswa kumatare kanokwana ka17. Pasinei nokushorwa, taigara tichiita basa redu rokuparidza. Takagamuchira nomufaro muedzo uyu, uye miedzo yakaita somoto yakanatsiridza kutenda kwedu.—Jakobho 1:2, 3.

Ropafadzo Itsva uye Miedzo

Muna 1957 takatamira kuAthens. Nenguva pfupi ndakagadzwa kuti ndishande muungano yakanga ichangobva kutangwa. Kutsigira nomwoyo wose kwomudzimai wangu kwakaita kuti upenyu hwedu hurambe huri nyore uye tichiisa mabasa okunamata munzvimbo yokutanga. Saka takakwanisa kupedzera nguva yedu yakawanda mubasa rokuparidza. Mumakore ose iwayo, takakumbirwa kutamira kuungano dzakasiyana-siyana dzaidiwa vaparidzi zvikuru.

Muna 1963 mwanakomana wangu akasvitsa makore 21 uye aifanira kunyoresa mubasa rechiuto. Pamusana pokusava nekwazvakarerekera mune zvematongerwe enyika, Zvapupu zvose zvainge zvanyorwa mubasa rechiuto zvairohwa, zvaitukwa, uye zvaizvidzwa. Ndizvo zvakaitwawo mwanakomana wangu. Saka ndakamupa gumbezi rangu randaiva naro kuMakrónisos kuti ndimukurudzire munzira yokufananidzira kuti atevere muenzaniso wevanhu vomunguva yakapfuura vakanga vakatendeseka. Hama dzainge dzanyorwa dzaitongwa nedare rechiuto uye kazhinji dzaipiwa mutongo wemakore anobvira pamaviri kusvika kumana. Pashure pokusunungurwa dzaidanwa dzopiwazve chirango. Somushumiri wechitendero, ndaikwanisa kushanyira majeri akasiyana-siyana uye ndaionana nomwanakomana wangu uye nezvimwe Zvapupu zvakatendeka kwenguva shoma. Mwanakomana wangu akagara mujeri kweanodarika makore matanhatu.

Jehovha Akatitsigira

Rusununguko rwokunamata rwadzorerwa muGreece, ndakava neropafadzo yokushanda sapiyona chaiye kwenguva pfupi pachitsuwa cheRhodes. Zvadaro muna 1986 kuSitía, Crete kwandakanga ndatangira basa rangu rechiKristu kwakadiwa vaparidzi. Ndakafara kugamuchira basa iroro rokushandazve nevamwe vatendi vandaida avo vandakanga ndaziva kubvira ndichiri pwere.

Sezvo ndiri ini mukuru mumhuri yangu, ndinofara kuona voukama neni vanoda kusvika 70 vari kushumira Jehovha nokuvimbika. Uye nhamba yacho iri kuramba ichiwedzera. Vamwe vakashanda sevakuru, vashumiri vanoshumira, mapiyona, nhengo dzemhuri yeBheteri, uye vatariri vanofambira. Kweanodarika makore 58, kutenda kwangu kwave kuchiedzwa muchoto chinopisa chokutambura. Zvino ndine makore 93, uye sezvandinotarira shure, handizvidembi kuti ndakashumira Mwari. Akandipa simba rokubvuma kukoka kwake kunoti: “Mwanakomana wangu, ndipe mwoyo wako; meso ako ngaafarire nzira dzangu.”—Zvirevo 23:26.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 9 Ona Nharireyomurindi yaDecember 1, 1999, mapeji 30-1.

^ ndima 11 Vapristi veChechi yeGreek Orthodox vanobvumirwa kuroora.

^ ndima 12 Nokuda kwenyaya youpenyu hwaEmmanuel Lionoudakis, ona Nharireyomurindi yaSeptember 1, 1999, mapeji 25-9.

^ ndima 15 Kakabudiswa neZvapupu zvaJehovha asi iye zvino hakachadhindwi.

^ ndima 15 Nokuda kwokukunda zviri pamutemo kwaMinos Kokkinakis, ona Nharireyomurindi, yaSeptember 1, 1993, mapeji 27-31.

[Bhokisi riri papeji 27]

Makrónisos Chitsuwa Chinotyisa

Kwemakore gumi, kubva muna 1947 kusvika muna 1957, chitsuwa chakaoma uye chiri kwacho choga cheMakrónisos chakagarwa nevasungwa vanodarika 100 000. Pakati peava paiva neZvapupu zvakatendeka zvakawanda zvaitumirwa ikoko pamusana pokusava kwazvo nekwazvakarerekera mune zvematongerwe enyika sevaKristu. Kazhinji vaikurudzira kudzingwa kwavo vaiva vafundisi veGreek Orthodox avo vaipomera Zvapupu zvacho kuti vaKomonisti.

Maererano nenzira yoku“ruramisa vanhu” yaishandiswa muMakrónisos, enisaikoropidhiya yechiGiriki Papyros Larousse Britannica inoti: “Nzira dzokutambudza noutsinye, . . . mararamiro asingagamuchirwi munyika yakabudirira, uye tsika dzakaipa dzevarindiri kuvasungwa . . . zvinonyadzisa kunhau dzakaitika muGreece.”

Zvimwe Zvapupu zvaiudzwa kuti zvaisazosunungurwa kunze kwokuti zvasiya zvitendero zvazvo. Kunyange zvakadaro, kuvimbika kweZvapupu zvacho kwakaramba kwakasimba. Uyezve, vamwe vasungwa vezvematongerwe enyika vakasvika pakubvuma chokwadi cheBhaibheri pamusana pokugara neZvapupu.

[Mufananidzo uri papeji 27]

Minos Kokkinakis (wechitatu kubva kurudyi) uye ini, (wechina kubva kuruboshwe) mujeri pachitsuwa cheMakrónisos

[Mufananidzo uri papeji 29]

Ndichishanda nechimwe Chapupu muSitía, kuCrete, kwandaishumira ndichiri pwere