Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Nei Bhaibheri richiti munhu anofanira kuridza mhere kana ava mungozi yokubatwa chibharo?

Ani zvake asati anzwa marwadzo okubatwa chibharo nebhinya rine utsinye haanganzwisisi chaizvoizvo kukanganisa kwazvingaita upenyu hwomunhu. Chiitiko chacho chinotyisa munhu wacho zvikuru zvokuti chingamutambudza kwoupenyu hwake hwose. * Mumwe mukadzi muduku wechiKristu uyo akarwiswa nebhinya makore adarika anorondedzera kuti: “Mashoko haagoni kuratidza kutya kukuru kwandakanzwa usiku ihwohwo kana kuti dambudziko randaifanira kukurira kubvira ipapo.” Zvinonzwisisika kuti vakawanda vanosarudza kusatombofunga nezvenhau iyi inotyisa. Asi, kubatwa chibharo chinhu chinogona kuitika munyika ino yakaipa.

Bhaibheri hariregi kurondedzera nyaya dzokubata chibharo uye dzokuedza kubatwa chibharo dzakaitika munguva yekare. (Genesi 19:4-11; 34:1-7; 2 Samueri 13:1-14) Asi rinopawo mazano ezvinofanira kuitwa nomunhu paanenge ave mungozi yokubatwa chibharo. Zvinotaura Mutemo panhau yacho zvinowanikwa pana Dheuteronomio 22:23-27. Apa panotaura nezvezviitiko zviviri. Muchiitiko chokutanga, murume akawana musikana aiva muguta ndokurara naye. Kunyange zvakadaro, musikana wacho haana kuridza mhere kuti abatsirwe. Somugumisiro, zvakanzi aiva nemhosva “nokuti haana kuridza mhere, ari muguta hake.” Kudai akaridza mhere, vanhu vaiva pedyo vangadai vakakwanisa kuuya kuzomurwira. Muchiitiko chechipiri, mumwe murume akawana musikana ari kusango, ndoku“ita simba naye, akavata naye.” Kuti azvidzivirire, musikana wacho “akaridza mhere, asi kwakanga kusina munhu kumurwira.” Kusiyana nomukadzi womuchiitiko chokutanga, zvakajeka kuti musikana uyu haana kubvumira zviito zvebhinya racho. Akaridzivisa zvakasimba, achiridza mhere kuti abatsirwe, asi akakurirwa. Kuridza mhere kwaakaita kwakaratidza kuti akanga amanikidzwa asingadi; akanga asina mhosva yokuita chakaipa.

Kunyange zvazvo nhasi vaKristu vasiri pasi poMutemo waMosesi, nheyo dzomutemo dzataurwa pano dzinovapa nhungamiro. Nhoroondo iri pamusoro inosimbisa kukosha kwokurwisa uye kwokuridza mhere kuti ubatsirwe. Kuridza mhere kana wava kubatwa chibharo kuchiri kuonekwa senzira inoshanda. Imwe nyanzvi yokudzivirira kuparwa kwemhosva yakati: “Kana mukadzi akarwiswa, chombo chake chikuru chichiri chokuridza mhere.” Kuridza mhere kwomukadzi kungakwezva vamwe, avo vangazomubatsira, kana kuti kungavhundutsa bhinya racho ndokuita kuti ritize. Mumwe musikana wechiKristu akarwiswa nebhinya akati: “Ndakaridza mhere nesimba rangu rose, murume wacho ndokubva atiza. Paakada kuuyazve kwandiri, ndakaridza mhere ndokumhanya. Kare ndaiwanzofunga kuti, ‘Kuridza mhere kungandibatsira sei kana murume akasimba akandibata aine chinangwa chimwe chete mupfungwa dzake?’ Asi ndakadzidza kuti zvinoshanda!”

Kunyange muchiitiko chinosuruvarisa apo mukadzi anokurirwa obva abatwa chibharo, kurwisa kwake uye kuridza mhere kwaanoita kuti abatsirwe hakusi pasina. Asi, kunoratidza kuti akaita zvose zvaaikwanisa kuita kudzivisa munhu aimurwisa. (Dheuteronomio 22:26) Pasinei nedambudziko iri, achiri kukwanisa kuva nehana yakachena, aine kuzviremekedza, uye aine chivimbo chokuti akachena mumaziso aMwari. Chiitiko ichi chinotyisa chingamusiya aine maronda mupfungwa, asi kuziva kuti akaita zvose zvaaigona kudzivisa kubatwa chibharo kwacho kuchamubatsira zvikuru kuti apore zvishoma nezvishoma.

Mukunzwisisa kushanda kwaDheuteronomio 22:23-27, tinofanira kuziva kuti iyi nhoroondo pfupi haibatanidzi mamiriro ezvinhu ose angaitika. Somuenzaniso, haitauri mamiriro ezvinhu apo mukadzi anenge arwiswa asingakwanisi kuridza mhere nokuti chimumumu, afenda, kana avhundutswa zvokutadza kuita chimwe chinhu kana kuti atadziswa kuridza mhere nokuvharwa muromo noruoko kana nechimwe chinhu chinonama. Zvisinei, sezvo Jehovha achikwanisa kuyera zvinhu zvose, kusanganisira manzwiro, anobata nokunzwisisa uye anoruramisira munhau dzakadaro, nokuti “nzira dzake dzose dzakarurama.” (Dheuteronomio 32:4) Anoziva zvakanyatsoitika uye kuedza kwakaita mukadzi wacho kurwisa bhinya racho. Saka, mukadzi akakundikana kuridza mhere asi akaita zvose zvaaikwanisa mumamiriro ezvinhu acho anogona kusiyira nhau yacho mumaoko aJehovha.—Pisarema 55:22; 1 Petro 5:7.

Kunyange zvakadaro, vakadzi vechiKristu vakarwiswa ndokubatwa chibharo vanoramba vachirwadziwa nokunzwa vaine mhosva. Vachifunga maitikiro azvakaita, vanofunga kuti vaifanira kudai vakaita zvakawanda kuti chiitiko chacho chisaitika. Zvisinei, pane kuzvipa mhosva, vanhu vakadaro vanganyengetera kuna Jehovha, vokumbira kuti avabatsire, uye vova nechivimbo nomutsa wake une rudo wakawanda.—Eksodho 34:6; Pisarema 86:5.

Saka vakadzi vechiKristu vari kurarama vaine maronda mupfungwa akabva pakubatwa chibharo vangava nechivimbo chokuti Jehovha anonzwisisa zvakazara manzwiro anorwadza avari kubata nawo. Shoko raMwari rinovavimbisa kuti: “Jehovha uri pedyo navane mwoyo yakaputsika, unoponesa vane mweya yakapwanyika.” (Pisarema 34:18) Rumwe rubatsiro rwokubata nedambudziko ravo rungabva pakugamuchira kunzwisisa kwomwoyo wose uye kutsigira kwounyoro kwevavanonamata navo muungano yechiKristu. (Jobho 29:12; 1 VaTesaronika 5:14) Uyezve, kuedza kwevanhu vacho pachavo kufungisisa zvinhu zvakanaka kuchavabatsira kuwana “rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose.”—VaFiripi 4:6-9.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 Kunyange zvazvo nyaya ino ichitaura nezvevakadzi vanobatwa chibharo, zvinokurukurwa zvinoshandawo kuvarume vari mungozi yokubatwa chibharo.