Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nzira Yokuona Nayo Basa Zvakanaka

Nzira Yokuona Nayo Basa Zvakanaka

Nzira Yokuona Nayo Basa Zvakanaka

MUNYIKA yanhasi inodzvinyirira kwazvo yemisika yepasi pose yezvokutengeserana, ine makwikwi okuti wafa wafa, vazhinji havanzwi vachifara kuenda kubasa mangwanani oga oga. Asi, tinofanira kunakidzwa nebasa redu. Nei? Nokuti takasikwa mumufananidzo waMwari—uye Mwari anofarira basa rake. Somuenzaniso, achitarisa zvaakanga aita pakupera kwe“mazuva” matanhatu okusika, kana kuti nguva dzakareba, “Mwari akaona zvose zvaakaita, onei zvakanaka kwazvo,” inodaro Genesi 1:31.

Kuda kwaJehovha basa pasina mubvunzo ndechimwe chikonzero chokuti anzi ndi“Mwari anofara.” (1 Timoti 1:11) Saka hazvina musoro here kuti kana tikamutevedzera kwazvo tichavawo vanofara? Nezvenyaya iyi, Mambo wekare waIsraeri, aiva muvaki akaisvonaka nomurongi, akanyora kuti: “Chipo chaMwari kuti munhu mumwe nomumwe adye, anwe, afarire zvinhu zvakanaka pakubata kwake kwose.”—Muparidzi 3:13.

Kuva nemaonero ari pakati nepakati, akanaka ebasa kunzvimbo dzanhasi dzokumabasa dziri kuchinja nenguva isipi kungava kwakaoma. Asi Jehovha Mwari anokomborera vaya vanoteerera utungamiriri hwake hworudo. (Pisarema 119:99, 100) Vakadaro vanova vashandi vanokosheswa nevanovimbwa uye kashoma kuti vapererwe nebasa ravo. Vanodzidzawo kuona upenyu hwavo nebasa kwete nemaonero okupfuma chete asi aya okumudzimu. Izvi zvinoita kuti vakwanise kusarudza zvinobatsira muupenyu uye kuona kuti mufaro wavo nepfungwa yokuchengeteka hazvingowaniki nebasa ravo kana mumusika webasa unongochinja-chinja. (Mateu 6:31-33; 1 VaKorinde 2:14, 15) Zvinovabatsira kuva nemaonero echokwadi akanaka okuita zvakanaka pabasa.

Iva Nemashandiro Akanaka Anofadza Mwari

Vamwe vanhu vanoshanda zvokudarika mwero, vachiisa basa ravo mberi kwezvose. Vamwe vanongoraramira kuti zuva ripere pavanogona kusiya basa ravo voenda kumba. Zvakanaka ndezvipi? Bhaibheri rinopindura kuti: “Tsama imwe yorugare inopfuura nokunaka tsama mbiri dzokutambudzika nokudzingana nemhepo.” (Muparidzi 4:6) Kushanda zvakaoma kwazvo kana kuti kwenguva refu, kutaura zvazviri, kunokonzera zvinetso—hakubatsiri “kudzingana nemhepo.” Nei zvakadaro? Nokuti tingakanganisa zvinhu zvinoita kuti tifare zvikuru: ukama hwedu nemhuri yedu neshamwari, kuva kwedu vanhu vanoshingaira pakunamata, utano hwedu, uye kunyange urefu hwoupenyu hwedu. (1 Timoti 6:9, 10) Maonero akanaka ndeokugutsikana nokuwana zvinhu zvishoma paine rugare rwakati pane kuremerwa netsama mbiri dzebasa rinoteverwa nezvinetso uye kusafara.

Richikurudzira maonero akanaka akadaro, Bhaibheri haritenderi usimbe. (Zvirevo 20:4) Usimbe hunoparadza kuzviremekedza uye kuremekedzwa kwatingave tichiitwa nevamwe. Zvakatoipisisa ndezvokuti, hunokuvadza ukama hwedu naMwari. Bhaibheri rinotaura zvakajeka kuti munhu anoramba kushanda haakodzeri kudya zvinenge zvashandwa nevamwe. (2 VaTesaronika 3:10) Asi, anofanira kuchinja nzira dzake oshanda nesimba, okwanisa kuzvitarisira zvinopa rukudzo iye nevaanotarisira. Nokushanda zvakaoma angatokwanisa kubatsira vaya vanoshayiwa zvechokwadi—muitiro unokurudzirwa neShoko raMwari.—Zvirevo 21:25, 26; VaEfeso 4:28.

Kudzidziswa Kubvira Pauduku Kukoshesa Basa

Mashandiro akanaka haangoerekani aitika; anodzidzwa pakuvamba muupenyu. Saka, Bhaibheri rinokurudzira vabereki kuti: “Rovedza mwana[komana kana mwanasikana] nzira yaanofanira kufamba nayo, ipapo kunyange akwegura haangatsauki pairi.” (Zvirevo 22:6) Pane kungoratidza muenzaniso wakanaka sevashandi, vabereki vakachenjera vanotanga kudzidzisa vaduku vavo nokuvapa mabasa epamusha anoenderana nezera ravo. Kunyange zvazvo vana vangasafarira mamwe mabasa, vachasvika pakuzviona senhengo dzinokosheswa mumhuri—zvikurukuru pavanorumbidzwa naAmai naBaba kuti vaita basa nemazvo. Zvinosuwisa kuti vamwe vabereki vanoitira mwana wavo chinhu chinenge chose, zvichida nokuratidza mutsa usiri iwo. Vabereki vakadaro vanofanira kufunga Zvirevo 29:21, iyo inoti: “Kana munhu achitunhira mushandi [kana mwana] wake kubvira pauduku, achazova munhu asingaongi muupenyu hwake hwapashure.”—NW.

Vabereki vanoziva mitoro yavo vanofarirawo kudzidza kwevana vavo, vachivakurudzira kudzidza uye kushanda nesimba vachiri kuchikoro. Izvi zvinogona kuzobatsira vechiduku pavanotanga kushanda kumabasa.

Sarudza Basa Rako Nokuchenjera

Kunyange risingatiudzi rudzi rwebasa ratinofanira kutsvaka, Bhaibheri rinotipa nhungamiro dzakaisvonaka kuitira kuti kubudirira kwedu mune zvokunamata, kushumira kwedu Mwari, uye nemimwe mitoro inokosha kusave panjodzi. Somuenzaniso, muapostora Pauro akanyora kuti: “Nguva yasara ipfupi. Kubvira zvino . . . vari kushandisa nyika [ngavaite] sevasiri kuishandisa zvizere; nokuti mamiriro ezvinhu enyika ino ari kuchinja.” (1 VaKorinde 7:29-31) Hapana chinhu chechigarire kana chakanyatsogadzikana munyika ino yazvino. Kupa nguva yedu yose nesimba kwairi kwakafanana nokuisa mari yatakachengeta upenyu hwose paimba yakavakwa munzvimbo inoitika mafashamo. Ufuza hwakadini!

Pamashoko okuti “vasiri kuishandisa zvizere” dzimwe shanduro dzeBhaibheri dzinoti “varege kuisa pfungwa dzavo dzose kwazviri” uye “savasingabatisisi nazvo.” (Bhaibheri Dzvene; Bhaibheri Mundimi yeUnion Shona) Vanhu vakachenjera havambotadzi kuona kuti nguva yasarira nyika ino “ipfupi” uye kuti ‘kuisa pfungwa dzose kwairi,’ kana ‘kuibatisisa,’ kuchatotungamirira kukuora mwoyo uye kuzvidemba.—1 Johani 2:15-17.

‘Mwari Haambokusiyai’

Jehovha anonyatsoziva zvatinoda kutodarika zvatinoita. Anoziva kuti tiri papi mukuzadzika kwechinangwa chake. Saka, anotiyeuchidza kuti: “Mararamire enyu ngaave okusada mari, muchigutsikana nezvinhu zvinenge zviripo. Nokuti [Mwari] akati: ‘Handingambokuregerei kana kumbokusiyai.’” (VaHebheru 13:5) Mashoko iwayo anonyaradza kwazvo! Achitevedzera kuda kune hanya kunoita Mwari vanhu vake, Jesu akapedza chikamu chikuru cheMharidzo yake yakakurumbira yepaGomo achidzidzisa vadzidzi vake kuti vave nemaonero akanaka ebasa uye zvinhu zvenyama.—Mateu 6:19-33.

Zvapupu zvaJehovha zvinoedza kuteerera dzidziso idzodzo. Somuenzaniso, mumwe mushandirwi paakakumbira Chapupu, mugadziri wemagetsi, kuti chishande mamwe maawa okuwedzera pane enguva dzose, mushandi wacho panguva ino akaramba. Nei? Nokuti akanga asingadi kuti basa rake rokunyika rivhiringidze nguva yake yaaipa kumhuri yake uye kuzvinhu zvokunamata. Sezvo aiva mushandi akaisvonaka uye anovimbwa, mushandirwi wake akaremekedza zvikumbiro zvake. Ichokwadi kuti zvinhu hazviwanzofambi nenzira iyoyo, uye mumwe angatofanira kutsvaka rimwe basa kuitira kuti arambe aine upenyu hwepakati nepakati. Kunyange zvakadaro, vaya vanovimba zvizere naJehovha vanowanzowana kuti mufambiro wavo wakanaka uye tsika dzakanaka pabasa zvinoita kuti vafarirwe newavanoshandira.—Zvirevo 3:5, 6.

Basa Rose Parichange Rava Kugutsa

Munyika ino, isina kukwana, basa uye tarisiro yokuriwana hazvimboregi kunetsa uye kusava nechokwadi. Kutaura zvazviri, zvinhu zvingawedzera kuipa sezvo nyika iri kuwedzera kusagadzikana uye upfumi huchikwira kana kutodzikira. Asi mamiriro ezvinhu aya ndeenguva duku. Nokukurumidza, pachange pasina anenge asina basa. Kupfuura izvozvo, basa rose richange richinakidza uye richigutsa. Izvozvo zvichakwanisika sei? Chii chichaita kuti zvinhu zvichinje kudaro?

Kuburikidza nomuprofita wake Isaya, Jehovha akafanotaura nezvenguva yakadaro. “Ndinosika denga idzva nenyika itsva,” akadaro Jehovha, “zvinhu zvekare hazvingarangarirwi, kana kufungwa mumwoyo.” (Isaya 65:17) Akanga achitaura nezvehurumende yake itsva, iyo ichaita kuti nzanga itsva yevanhu vakasiyana ive chaiyoiyo.—Dhanieri 2:44.

Maererano nokurarama kuchange kuchiita vanhu nokushanda panguva iyoyo, uprofita hwacho hunopfuurira kuti: “Vachavaka dzimba nokugaramo; vachasima minda yemizambiringa, nokudya michero yayo. Havangavaki dzimba, mumwe achizogaramo; havangasimi, mumwe achizodya; nokuti samazuva omuti, ndizvo zvichaita mazuva avanhu vangu; vasanangurwa vangu vachapedza nguva huru vachifarira mabasa amaoko avo. Havangabatiri zvisina maturo, kana kubereka vana, vachakurumidza kuparadzwa; nokuti ndivo vana vavakaropafadzwa naJehovha.”—Isaya 65:21-23.

Nyika itsva iyoyo yaMwari ichachinja zvinhu zvechokwadi! Haudi here kurarama munyika yakadaro, nyika ‘yausingazobatiri zvisina maturo’ asi yauchafarira zvizere “mabasa” okushanda kwako? Kunyange zvakadaro, cherechedza kuti ndiani achawana zvikomborero zvakadaro: “Vana vavakaropafadzwa naJehovha.” Unogona kuva mumwe we“vakaropafadzwa” nokudzidza nezvaJehovha uye kukwanisa kuita zvaanoda. Jesu akati: “Izvi zvinoreva upenyu husingaperi, kupinza kwavo zivo pamusoro penyu, Mwari wechokwadi bedzi, neyowamakatuma, Jesu Kristu.” (Johani 17:3) Zvapupu zvaJehovha zvichafara kukubatsira kuwana zivo iyoyo inopa upenyu nedzidzo yakarongwa yeShoko raMwari, Bhaibheri.

[Bhokisi riri papeji 6]

“ZVINORAMBA ZVICHIDIWA”

“Zvose zvamunoita, zvishandei nemweya wose sokuna Jehovha, kwete kuvanhu,” rinodaro Bhaibheri. (VaKorose 3:23) Zviri pachena kuti munhu anotungamirirwa nenhungamiro iyi yakaisvonaka pamashandiro ake anova mushandi anodiwa. Nechikonzero ichocho, J. J. Luna, mubhuku rake rinonzi How to Be Invisible, anopa zano vashandirwi vanenge vachitsvaka vashandi kutsvaka nhengo dzinoshingaira dzemapoka akati ezvitendero, asi anowedzera kuti: “Chokwadi chaicho ndechokuti tinoguma tatora Zvapupu [zvaJehovha].” Chimwe chaivapowo pazvikonzero zvaakapa ndechokuti zvinozivikanwa kuti zvakavimbika, uye izvozvo zvinoita kuti ‘zvirambe zvichidiwa’ mumabasa akasiyana-siyana.

[Mifananidzo iri papeji 5]

Kuisa basa nezvinhu zvokunamata panzvimbo yakanaka uye nhandaro zvinounza kugutsikana