Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

‘Rambai Muri Mushoko Rangu’

‘Rambai Muri Mushoko Rangu’

Rambai Muri Mushoko Rangu’

“Kana mukaramba muri mushoko rangu, muri vadzidzi vangu chaivo.”—JOHANI 8:31.

1. (a) Jesu paakadzokera kudenga, chii chaakasiya pasi pano? (b) Tichakurukura mibvunzo ipi?

JESU KRISTU, Muvambi wechiKristu, paakadzokera kudenga, haana kusiya pasi pano mabhuku aakanyora, micherechedzo yaakavaka, kana pfuma yaakaunganidza. Vaakatosiya vadzidzi uyewo mirayiridzo chaiyo yezvinodiwa kuti munhu ave mudzidzi. MuEvhangeri yaJohani tinotowana kuti Jesu akataura zvinhu zvitatu zvinodiwa izvo ani naani anoda kuva muteveri wake anofanira kuita. Zvinhu izvi ndezvipi? Chii chatingaita kuti tizviite? Uye tingava sei nechokwadi chokuti isu pachedu tinokodzera kuva vadzidzi vaKristu nhasi? *

2. Ndechipi chiri chinhu chinokosha chinodiwa kuti munhu ave mudzidzi, sezvakanyorwa muEvhangeri yaJohani?

2 Inenge mwedzi mitanhatu asati afa, Jesu akaenda kuJerusarema ndokuparidza kuboka rakanga rakaungana ikoko richida kuchengeta Mutambo Wematumba wevhiki yose. Saka, mutambo wacho pawakanga wava pakati, “vakawanda veboka revanhu vakatenda maari.” Jesu akaramba achiparidza, zvokuti pazuva rokupedzisira romutambo wacho, “vakawanda vakatenda maari” zvakare. (Johani 7:10, 14, 31, 37; 8:30) Panguva iyoyo, Jesu akanyanya kuisa pfungwa dzake pavatendi vatsva ndokutaura chinhu chinokosha chinodiwa kuti munhu ave mudzidzi, sezvakanyorwa nomuapostora Johani kuti: “Kana mukaramba muri mushoko rangu, muri vadzidzi vangu chaivo.”—Johani 8:31.

3. Chii chinodiwa kuti munhu ‘arambe ari mushoko raJesu’?

3 Nemashoko iwayo, Jesu akanga asiri kureva kuti vadzidzi vatsva vakanga vasina kutenda. Asi akanga achitaura kuti vakanga vane mukana wokuva vadzidzi vake vechokwadi—chero bedzi vairamba vari mushoko rake, kana vaizotsungirira. Vakanga vagamuchira shoko rake, asi zvino vaida kuramba vari mariri. (Johani 4:34; VaHebheru 3:14) Chokwadi, Jesu aiona kutsungirira sechinhu chinokosha zvakadaro kuvateveri vake zvokuti mukurukurirano yake yokupedzisira chaiyo nevaapostora vake, yakanyorwa muEvhangeri yaJohani, Jesu akavakurudzira kaviri kuti: ‘Rambai muchinditevera.’ (Johani 21:19, 22) VaKristu vakawanda vokutanga vakaita izvozvo chaizvo. (2 Johani 4) Chii chakavabatsira kutsungirira?

4. Chii chakaita kuti vaKristu vokutanga vakwanise kutsungirira?

4 Muapostora Johani, mudzidzi akanga akatendeka waKristu kwemakore makumi manomwe, akataura chinhu chinokosha. Akarumbidza vaKristu vakatendeka, achiti: “Makasimba uye shoko raMwari rinoramba riri mamuri uye makakunda wakaipa.” Vadzidzi vaKristu ivavo vakatsungirira, kana kuti vakaramba vari mushoko raMwari, nokuti shoko raMwari rakaramba riri mavari. Vairikoshesa kwazvo. (1 Johani 2:14, 24) Saizvozvowo nhasi, kuti ‘titsungirire kusvikira kumugumo,’ tinofanira kuva nechokwadi chokuti shoko raMwari rinoramba riri matiri. (Mateu 24:13) Izvozvo tingazviita sei? Mufananidzo wakataurwa naJesu unopa mhinduro yacho.

“Anonzwa Shoko”

5. (a) Marudzi api evhu akasiyana-siyana anotaurwa naJesu mune mumwe wemifananidzo yake? (b) Mbeu nevhu zviri mumufananidzo waJesu zvinofananidzirei?

5 Jesu akapa mufananidzo womudyari anodyara mbeu, uye wakanyorwa muEvhangeri dzaMateu, Mako, naRuka. (Mateu 13:1-9, 18-23; Mako 4:1-9, 14-20; Ruka 8:4-8, 11-15) Sezvaunoverenga nhoroondo dzacho, uchaona kuti chinhu chinokosha chomufananidzo wacho ndechokuti rudzi rumwe chete rwembeu runowira pamarudzi evhu akasiyana-siyana, zvichiva nemigumisiro yakasiyana. Ivhu rokutanga rakaomarara, rechipiri harina kudzika, uye rechitatu rizere minzwa. Rechina, kusiyana nemamwe acho matatu, ‘ivhu rakanaka kwazvo.’ Maererano nokutsanangura kwaJesu pachake, mbeu ishoko roUmambo rinowanikwa muShoko raMwari, uye ivhu rinofananidzira vanhu vane mwoyo yakasiyana-siyana. Kunyange zvazvo vanhu vanofananidzirwa nemarudzi akasiyana-siyana evhu vaine zvimwe zvinhu zvakafanana, vaya vanofananidzirwa nevhu rakanaka kwazvo vane chinhu chinoita kuti vasiyane nevamwe vose.

6. (a) Rudzi rwechina rwevhu rinotaurwa mumufananidzo waJesu runosiyana sei nemamwe acho matatu, uye izvozvo zvinorevei? (b) Chii chinokosha pakuratidza kutsungirira sevadzidzi vaKristu?

6 Nhoroondo iri pana Ruka 8:12-15 inoratidza kuti muzviitiko zvose zviri zvina, vanhu ‘vanonzwa shoko.’ Zvisinei, vaya vane “mwoyo wakanaka kwazvo” vanoita zvinopfuura “kunzwa shoko.” “Vanorichengeta vobereka zvibereko nokutsungirira.” Ivhu rakanaka kwazvo, zvarakapfava nokudzika, rinobvumira midzi yembeu kunyura pasi, uye somugumisiro, mbeu inomera yoita zvibereko. (Ruka 8:8) Saizvozvowo, vaya vane mwoyo wakanaka kwazvo vanonzwisisa, vanokoshesa, uye vanofungisisa shoko raMwari. (VaRoma 10:10; 2 Timoti 2:7) Shoko raMwari rinoramba riri mavari. Saka, vanobereka zvibereko nokutsungirira. Naizvozvo kunyatsokoshesa Shoko raMwari kunokosha pakuratidza kutsungirira sevadzidzi vaKristu. (1 Timoti 4:15) Zvisinei, tinganyatsokoshesa sei Shoko raMwari zvakadaro?

Mamiriro Omwoyo Nokufungisisa Kune Chinangwa

7. Chii chakabatana zvikuru nomwoyo wakanaka?

7 Cherechedza kuti Bhaibheri rinoramba richibatanidza mwoyo wakanaka kwazvo nechii. “Mwoyo wowakarurama [“unofungisisa,” NW] chaungapindura.” (Zvirevo 15:28) “Mashoko omuromo wangu [“nokufungisisa,” NW] kwomwoyo wangu ngazvifadze pamberi penyu, imi Jehovha.” (Pisarema 19:14) “[‘Kufungisisa,’ NW] kwomwoyo wangu kuchava nenjere.”—Pisarema 49:3.

8. (a) Patinenge tichiverenga Bhaibheri, chii chatisingafaniri kuita, asi tinofanira kuitei? (b) Tinobatsirwa sei nokufungisisa Shoko raMwari tichinyengetera? (Batanidza bhokisi rakanzi “Vakamira Zvakasimba Muchokwadi.”)

8 Kufanana nevanyori veBhaibheri ava, isuwo tinofanira kufungisisa Shoko raMwari nemabasa ake nokuonga uye tichinyengetera. Patinoverenga Bhaibheri kana kuti mabhuku eBhaibheri, hatifaniri kuita sokuti taiva vashanyi vapererwa nenguva vanoshanyira nzvimbo dzokuvhakachira vachimhanya-mhanya, vachitora mifananidzo zvinhu zvose asi vasingawani nguva yokunyatsoona zvinhu zvacho. Pane kudaro, patinenge tichidzidza Bhaibheri, tinoda kutora nguva yokumira somushanyi ari kuyemura runako rwenzvimbo yaari kuona. * Sezvatinofungisisa zvatinoverenga takati zii, shoko raMwari rinochinja mwoyo wedu. Rinobata pfungwa dzedu roumba mafungiro edu. Rinotikurudzirawo kutaurira Mwari zviri mukatikati mepfungwa dzedu mumunyengetero. Pakupedzisira, ukama hwedu naJehovha hunosimbiswa, uye kuda kwedu Mwari kunotiita kuti tirambe tichitevera Jesu kunyange mumamiriro ezvinhu akaoma. (Mateu 10:22) Zviri pachena kuti kufungisisa zvinotaurwa naMwari kunokosha kana tichida kuramba takatendeka kusvikira kumugumo.—Ruka 21:19.

9. Tingava sei nechokwadi chokuti mwoyo wedu unoramba uchigamuchira shoko raMwari?

9 Mufananidzo waJesu unoratidzawo kuti pane zvinokanganisa kukura kwembeu, shoko raMwari. Naizvozvo, kuti tirambe tiri vadzidzi vakatendeka, tinoita zvakanaka (1) kuziva zvipingamupinyi zvinofananidzirwa nevhu risina kunaka rakataurwa mumuenzaniso wacho uye (2) kutora matanho okuzvigadzirisa kana kuzvinzvenga. Nenzira iyoyo, tichava nechokwadi chokuti mwoyo wedu unoramba uchigamuchira mbeu yoUmambo woramba uchibereka.

“Parutivi Pomugwagwa”—Kubatikana

10. Tsanangura rudzi rwokutanga rwevhu rinotaurwa mumufananidzo waJesu, uye tsanangura zvarinoreva.

10 Rudzi rwokutanga rwevhu rinowira mbeu “parutivi pomugwagwa,” apo mbeu ino“tsikwa-tsikwa.” (Ruka 8:5) Ivhu riri parutivi penzira inopinda nomumunda rakaomarara nokutsikwa-tsikwa nevanhu vanofamba. (Mako 2:23) Saizvozvowo, vaya vanobvumira zviitiko zvezuva nezuva zvenyika kuvatorera nguva nesimba ravo zvisina kufanira vangawana kuti vakabatikana zvakanyanya zvokusagona kumbonzwa vachionga shoko raMwari nomwoyo wose. Vanorinzwa, asi vanokundikana kurifungisisa. Saka mwoyo wavo unoramba usingagamuchiri. Vasati vatanga kurida, “Dhiyabhorosi anouya obvisa shoko mumwoyo mavo kuti varege kutenda voponeswa.” (Ruka 8:12) Izvi zvinogona kuitwa kuti zvisaitika here?

11. Tingaita sei kuti mwoyo wedu usave sevhu rakaomarara?

11 Pane zvakawanda zvinogona kuitwa kuti mwoyo usave sevhu risingabereki riri parutivi pomugwagwa. Ivhu rakatsikwa-tsikwa uye rakaomarara rinogona kupfava robereka kana rikarimwa uye vanhu vakachinja kwokufamba nakwo. Saizvozvowo, kuwana nguva yokudzidza nokufungisisa Shoko raMwari kunogona kuguma nokufanana kwomwoyo nevhu rakanaka kwazvo, rinobereka. Chinodiwa kusabatikana zvakanyanya nezvinhu zvemazuva ose zvoupenyu. (Ruka 12:13-15) Pane kudaro, iva nechokwadi chokuti une nguva yokufungisisa “zvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe” muupenyu.—VaFiripi 1:9-11.

“Paruware”—Kutya

12. Ndechipi chikonzero chaicho chokusvava kwezvirimwa murudzi rwechipiri rwevhu rinotaurwa mumufananidzo waJesu?

12 Mbeu painowira parudzi rwechipiri rwevhu, haingorambi iri pamusoro paro, sepavhu rokutanga. Inoita midzi yomera. Asi zvino zuva parinobuda, zvirimwa zvacho zvinotsva nokupisa kwezuva zvosvava. Zvisinei, cherechedza chinhu chinokosha ichi. Chikonzero chaicho chinosvavisa zvirimwa hakusi kupisa ikoko. Inga wani zvirimwa zvinobuda muvhu rakanaka zvinopiswawo nezuva, asi hazvisvavi—zvinotokura zvakanaka. Chii chinoita kuti zvisiyane? Jesu anotsanangura kuti zvirimwa izvi zvinosvava “nemhaka yokusava nevhu rakadzika” uye “yokushaya unyoro.” (Mateu 13:5, 6; Ruka 8:6) “Ruware” ruri pasi pevhu racho runotadzisa mbeu kunyatsodzikisa midzi yayo pasi zvokuti iwane unyoro uye isimbe. Zvirimwa zvacho zvinosvava nokuti ivhu racho harina kudzika.

13. Vanhu vorudzii vakaita sevhu risina kudzika, uye chii chiri chikonzero chemaitiro avo?

13 Chikamu ichi chomufananidzo chinoreva vanhu “vanogamuchira shoko nomufaro” voshingaira kutevera Jesu “kwemwaka bedzi.” (Ruka 8:13) Pavanotsva nezuva riri kupisa kwazvo “rokutambura kana kutambudzwa,” vanotya kwazvo zvokuti vanoshaya mufaro wavo uye simba vorega kutevera Kristu. (Mateu 13:21) Zvisinei, chikonzero chikuru chokutya kwavo hakusi kushorwa. Inga wani mamiriyoni evadzidzi vaKristu anotsungirira kutambura kwakasiyana-siyana, asi anoramba akatendeka. (2 VaKorinde 2:4; 7:5) Chikonzero chaicho chinoita kuti vamwe vatye vobva vatsauka ndechokuti mwoyo yavo yakaita soruware inovatadzisa kufungisisa zvakadzama zvakakwana zvinhu zvakanaka uye zvomudzimu. Somugumisiro, kunzwisisa kwavanoita Jehovha neshoko rake ndokwepamusoro uye hakuna kusimba zvokuti kungakurira kushorwa. Munhu angaita sei kuti zvakadaro zvisaitika?

14. Munhu anofanira kutora matanhoi kuti mwoyo wake usave sevhu risina kudzika?

14 Munhu anofanira kuva nechokwadi chokuti hapana zvipingamupinyi zviri mumwoyo make zvakaita soruware, zvakadai soruvengo rwakadzika midzi, udyire husiri pachena, kana kuti manzwiro akakasharara akafanana neaya asi asingaoneki. Kana chipingamupinyi chakadaro chitoripo kare, simba rine shoko raMwari rinogona kuchibvisa. (Jeremia 23:29; VaEfeso 4:22; VaHebheru 4:12) Pashure pacho, kufungisisa kwomunhu achinyengetera kuchaita kuti ‘shoko risimwe’ mukatikati momwoyo wake. (Jakobho 1:21) Izvi zvichapa simba rokukunda nguva yokuora mwoyo uye ushingi hwokuramba takatendeka pasinei nemiedzo.

“Paminzwa”—Kuva Nemwoyo Miviri

15. (a) Nei tichifanira kunyanyongwarira rudzi rwechitatu rwevhu rakataurwa naJesu? (b) Chii chinozoguma chaitika norudzi rwechitatu rwevhu, uye nei?

15 Rudzi rwechitatu rwevhu, riya rine minzwa, ndiro ratinofanira kunyanyongwarira, nokuti mune dzimwe nzira rakafanana nevhu rakanaka kwazvo. Nemhaka yokufanana nevhu rakanaka kwazvo, ivhu rine minzwa rinobvumira mbeu kuva nemidzi uye kukura. Pakutanga, hapana chakasiyana pakukura kwechirimwa chitsva mumarudzi maviri aya evhu. Zvisinei, nokufamba kwenguva, panozova nezvinozoguma zvavhunga chirimwa ichi. Kusiyana nevhu rakanaka kwazvo, ivhu iri rinomerawo minzwa yakawanda. Sezvo chirimwa chiduku chinobuda muvhu iri, chinovhungwa ne‘minzwa inokura pamwe nacho.’ Kwenguva yakati zvirimwa neminzwa zvinorwirana kudya, chiedza, nezvimbo, asi pakupedzisira minzwa inokurira chirimwa chiya ‘yochivhunga.’—Ruka 8:7.

16. (a) Vanhu vapi vakafanana nevhu rine minzwa? (b) Maererano nenhoroondo nhatu dzeEvhangeri, chii chinofananidzirwa neminzwa?—Ona mashoko omuzasi.

16 Vanhu vorudzii vakafanana nevhu rine minzwa? Jesu anotsanangura kuti: “Ndivo vakanzwa, asi, nemhaka yokutsauswa nokufunganya nepfuma nezvinofadza zvoupenyu huno, vanovhungwa chaizvo vokundikana kuva nechimwe chinhu chakakwana.” (Ruka 8:14) Sokungokura kunoita mbeu yomudyari pamwe chete neminzwa muvhu, naizvozvo vamwe vanhu vanoedza kudzidza shoko raMwari panguva imwe chete vachida “zvinofadza zvoupenyu huno.” Chokwadi cheshoko raMwari chinodyarwa mumwoyo mavo, asi chinokwikwidzana nezvimwe zvinhu izvo zvinenge zvichitodawo kuonekwa. Mwoyo wavo wokufananidzira wakakamukana. (Ruka 9:57-62) Izvi zvinovatadzisa kuva nenguva yakakwana yokufungisisa shoko raMwari zvine chinangwa uye vachinyengetera. Vanotadza kufungisisa shoko raMwari zvizere nokudaro votadza kunyatsova nokunzwisisa kunodiwa kuti vatsungirire. Zvishoma nezvishoma, kufarira kwavo zvinhu zvokumudzimu kunokurirwa nezvinhu zvisiri zvomudzimu zvokuti kuno“vhungwa chaizvo.” * Magumo anosuwisa kwazvo evaya vasingadi Jehovha nomwoyo wose!—Mateu 6:24; 22:37.

17. Zvisarudzoi zvatinofanira kuita muupenyu kuitira kuti tisavhungwe neminzwa yokufananidzira yakataurwa mumufananidzo waJesu?

17 Nokupa zvinhu zvokumudzimu nzvimbo yokutanga pane zvokunyama, hatizovhungwi nemarwadzo nemafaro enyika ino. (Mateu 6:31-33; Ruka 21:34-36) Kuverenga Bhaibheri nokufungisisa pane zvatinoverenga hazvifaniri kuregeredzwa. Tichawana nguva yakawanda yokufungisisa tisingatsauswi uye tichinyengetera kana tikarerutsa upenyu hwedu sezvatinogona. (1 Timoti 6:6-8) Vashumiri vaMwari vakaita kudaro—vakaita sokuti vakadzura minzwa muvhu kuti vape chirimwa chinobereka zvibereko kudya kwakawanda, chiedza, nenzvimbo—vari kukomborerwa naJehovha. Sandra ane makore 26 anoti: “Pandinofungisisa zvikomborero zvangu muchokwadi, ndinoona kuti nyika haina zvainogona kupa zvakaenzana nazvo!”—Pisarema 84:11.

18. Tingaramba sei tiri mushoko raMwari totsungirira sevaKristu?

18 Saka zviri pachena kuti tose zvedu, vakuru nevaduku, ticharamba tiri mushoko raMwari totsungirira sevadzidzi vaKristu chero bedzi shoko raMwari richiramba riri matiri. Naizvozvo, ngativei nechokwadi chokuti ivhu remwoyo yedu yokufananidzira harimboomarari, harisi repamusoro chete, kana kuva neminzwa inovhunga asi rinoramba rakasununguka uye rinobvumira midzi kudzika pasi. Nenzira iyoyo, tichakwanisa kufungisisa shoko raMwari zvizere to“bereka zvibereko nokutsungirira.”—Ruka 8:15.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 1 Munyaya ino, tichakurukura chokutanga chezvinodiwa izvi. Zvimwe zviviri zvacho zvichakurukurwa munyaya dzinotevera.

^ ndima 8 Kuti ufungisise uchinyengetera chimwe chikamu cheBhaibheri chawaverenga, unogona kuzvibvunza somuenzaniso kuti: ‘Chikamu ichi chinoratidza humwe unhu hwaJehovha here? Chinowirirana sei nomusoro weBhaibheri? Ndingazvishandisa sei muupenyu hwangu kana kuzvishandisa kubatsira vamwe?’

^ ndima 16 Maererano nenhoroondo nhatu dzeEvhangeri dzomufananidzo waJesu, mbeu inovhungwa nemarwadzo nemafaro zvenyika ino: “Kufunganya kwegadziriro ino yezvinhu,” “simba rinonyengera repfuma,” “ruchiva rwezvimwe zvinhu zvose,” uye “zvinofadza zvoupenyu huno.”—Mako 4:19; Mateu 13:22; Ruka 8:14; Jeremia 4:3, 4.

Ungapindura Sei?

• Nei tichifanira ku‘ramba tiri mushoko raJesu’?

• Tingabvumira kuti shoko raMwari rirambe riri mumwoyo medu sei?

• Marudzii evanhu anofananidzirwa nemarudzi mana evhu akataurwa naJesu?

• Ungawana sei nguva yokufungisisa shoko raMwari?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 10]

VAKAMIRA ZVAKASIMBA MUCHOKWADI’

VADZIDZI vaKristu vakawanda vane nguva refu gore negore vanoratidza kuti vaka“mira zvakasimba muchokwadi.” (2 Petro 1:12) Chii chinovabatsira kutsungirira? Ona zvimwe zvezvavanotaura.

“Ndinopedzisa zuva rimwe nerimwe nokuverenga chikamu cheBhaibheri nokunyengetera. Zvadaro ndinofunga zvandaverenga.”—Jean, akabhabhatidzwa muna 1939.

“Kufungisisa kuti Jehovha, mumwe munhu akakwirira zvakadaro, anotida sei, kunonyatsoita kuti ndinzwe ndakachengeteka uye ndine simba rokuramba ndakatendeka.”—Patricia, akabhabhatidzwa muna 1946.

“Nokuomerera kutsika dzakanaka dzokuverenga Bhaibheri uye nokunyura mu‘zvinhu zvakadzika zvaMwari,’ ndakakwanisa kuramba ndichienderera mberi.”—1 VaKorinde 2:10; Anna, akabhabhatidzwa muna 1939.

“Ndinoverenga Bhaibheri nemabhuku edu eBhaibheri ndichida kuongorora mwoyo wangu nevavariro dzangu.”—Zelda, akabhabhatidzwa muna 1943.

“Nguva yandinonyanyofarira ndeapo ndinofamba zvangu ndotaura naJehovha mumunyengetero ndongomuzivisa manzwiro andinonyatsoita.”—Ralph, akabhabhatidzwa muna 1947.

“Ndinotanga zuva nokuverenga rugwaro rwezuva uye kuverenga chikamu cheBhaibheri. Izvi zvinondipa chimwe chinhu chitsva chokufungisisa mukati mezuva.”—Marie, akabhabhatidzwa muna 1935.

“Kwandiri, kukurukura ndima imwe neimwe yerimwe bhuku romuBhaibheri kunondikurudzira chaizvo.”—Daniel, akabhabhatidzwa muna 1946.

Ndiriini paunowana nguva yokufungisisa shoko raMwari uchinyengetera?—Dhanieri 6:10; Mako 1:35; Mabasa 10:9.

[Mufananidzo uri papeji 13]

Kana tikaisa zvinhu zvomudzimu pakutanga, tinogona ku“bereka zvibereko nokutsungirira”