Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kudya kwaShe Kwemanheru Kunorevei Kwauri?

Kudya kwaShe Kwemanheru Kunorevei Kwauri?

Kudya kwaShe Kwemanheru Kunorevei Kwauri?

“Munhu wose anodya chingwa kana kunwa kapu yaShe zvisina kufanira achava nemhosva pamusoro pomuviri neropa raShe.”—1 VAKORINDE 11:27.

1. Ndechipi chiitiko chinofadza zvikuru chakarongwa nokuda kwegore ra2003, uye chakatanga sei?

CHIITIKO chinokosha kupfuura zvose chakarongwa nokuda kwegore ra2003 chichaitika pashure pokunyura kwezuva musi waApril 16. Zvapupu zvaJehovha zvichaungana panguva iyoyo kuzochengeta Chirangaridzo chorufu rwaJesu Kristu. Sezvakaratidzwa munyaya yakapfuura, Jesu akatanga kuchengeta uku, kunonziwo Kudya kwaShe Kwemanheru, pashure pokunge iye nevaapostora vake vachengeta Paseka yaNisani 14, 33 C.E. Zviratidzo zveChirangaridzo zvechingwa chisina mbiriso newaini tsvuku zvinofananidzira muviri waKristu usina chivi neropa rake rakadeurwa—chibayiro choga chinogona kudzikinura vanhu kubva muchivi norufu zvakagarwa nhaka.—VaRoma 5:12; 6:23.

2. Inyeveroi yakanyorwa pana 1 VaKorinde 11:27?

2 Vaya vanodya zviratidzo zveChirangaridzo vanofanira kuita kudaro zvakafanira. Muapostora Pauro akajekesa izvozvo paakanyorera vaKristu vomuKorinde yekare, uko Kudya kwaShe Kwemanheru kwakanga kusiri kuchengetwa nenzira kwayo. (1 VaKorinde 11:20-22) Pauro akanyora kuti: “Munhu wose anodya chingwa kana kunwa kapu yaShe zvisina kufanira achava nemhosva pamusoro pomuviri neropa raShe.” (1 VaKorinde 11:27) Mashoko iwayo anorevei?

Vamwe Vaichichengeta Zvisina Kufanira

3. VaKristu vokuKorinde vakawanda vaizvibata sei pakuchengetwa kwoKudya kwaShe Kwemanheru?

3 VaKristu vakawanda vokuKorinde vaidya Chirangaridzo zvisina kufanira. Vakanga vachipesana, uye kwenguva yakati kuti, vamwe vaiuya nezvokudya zvavo zvemanheru ndokuzvidya mukati momusangano wacho kana kuti usati waitwa, kazhinji vachidyisa nokunwisa. Vakanga vasina kupengenuka mupfungwa kana mumudzimu. Izvi zvakavaita vane “mhosva pamusoro pomuviri neropa raShe.” Vaya vakanga vasina kunge vadya zvokudya zvavo zvemanheru vaiva nenzara uye vaitsauswa. Hungu, vakawanda vaidya Kudya kwaShe Kwemanheru vasingaremekedzi uye vasinganyatsooni kukosha kwechiitiko chacho. Hazvishamisi kuti vakazviunzira kutongwa!—1 VaKorinde 11:27-34.

4, 5. Nei kuzviongorora kuchikosha kune vaya vanodya zviratidzo zveChirangaridzo?

4 Sezvo Chirangaridzo chinosvika gore rimwe nerimwe, zvinokosha kuti vaya vanogarodya zviratidzo vazviongorore. Kuti vadye vose zvakafanira zvokudya zvinogoveranwa izvi, vanofanira kuva noutano hwomudzimu hwakanaka. Munhu wose anoratidza kusaremekedza, kunyange kuzvidza chibayiro chaJesu anogona ku‘bviswa pakati porudzi rwaMwari,’ kungofanana nomuIsraeri aidya zvokudya zvinogoveranwa asina kuchena.—Revhitiko 7:20; VaHebheru 10:28-31.

5 Pauro akafananidza Chirangaridzo nokudya kwaigoveranwa muna Israeri wekare. Akataura nezvevadyi vari kugoverana muna Kristu ndokubva ati: “Hamugoni kunwa kapu yaJehovha nekapu yemadhimoni; hamugoni kudyira pa‘tafura yaJehovha’ nepatafura yemadhimoni.” (1 VaKorinde 10:16-21) Kana munhu anogara achidya zviratidzo zveChirangaridzo akaita chivi chakakomba, anofanira kureurura izvi kuna Jehovha uyewo kutsvaka kubatsirwa mumudzimu nevarume vakuru veungano. (Zvirevo 28:13; Jakobho 5:13-16) Kana akapfidza zvechokwadi obereka zvibereko zvakakodzera rupfidzo, anenge asisiri kudya zvisina kufanira.—Ruka 3:8.

Kupinda Sevacherechedzi Vanoremekedza

6. Mwari akachengetera ani ropafadzo yokudya zviratidzo paKudya kwaShe Kwemanheru?

6 Vaya vari kuitira zvakanaka vasara vehama dzaKristu 144 000 vanofanira kudya zviratidzo paKudya kwaShe Kwemanheru here? (Mateu 25:31-40; Zvakazarurwa 14:1) Aiwa. Mwari akachengetera ropafadzo iyoyo vanhu vaakazodza nomudzimu mutsvene kuti vave “vagari venhaka pamwe naKristu.” (VaRoma 8:14-18; 1 Johani 2:20) Saka zvino, vaya vane tariro yokurarama nokusingaperi muparadhiso yepasi pose pasi pokutonga kwoUmambo vanoita sei? (Ruka 23:43; Zvakazarurwa 21:3, 4) Sezvo vasiri vagari venhaka yetariro yokudenga pamwe naJesu, vanopinda Chirangaridzo sevacherechedzi vanoremekedza.—VaRoma 6:3-5.

7. Nei vaKristu vomuzana remakore rokutanga vaiziva kuti vanofanira kudya zviratidzo zveChirangaridzo?

7 VaKristu vechokwadi vomuzana remakore rokutanga vaiva vakazodzwa nomudzimu mutsvene. Vakawanda vavo vaigona kushandisa chimwe kana kupfuura chezvipo zvomudzimu, zvakadai sokutaura nendimi. Naizvozvo, zvaisazova zvakaomera vanhu ivavo kuziva kuti vakazodzwa nomudzimu uye vanofanira kudya zviratidzo zveChirangaridzo. Zvisinei, munguva yedu, izvi zvinogona kuzivikanwa maererano nemashoko akafuridzirwa akadai seaya: “Vose vanotungamirirwa nomudzimu waMwari, ivava vanakomana vaMwari. Nokuti hamuna kugamuchira mudzimu wouranda unoparira rutyo zvakare, asi makagamuchira mudzimu wokugamuchirwa sevanakomana, mudzimu watinodanidzira nawo, kuti: ‘Abha, Baba!’”—VaRoma 8:14, 15.

8. Ndivanaani vanofananidzirwa ne“gorosi” uye “masora” zvinotaurwa muna Mateu chitsauko 13?

8 Kwemazana emakore ose aya, vakazodzwa zvechokwadi vakakura se“gorosi” riri mumunda we“masora,” kana kuti vaKristu venhema. (Mateu 13:24-30, 36-43) Kubvira muma1870, “gorosi” rakanyatsoonekwa, uye makore akati kuti gare gare vatariri vechiKristu vakazodzwa vakaudzwa kuti: “Vakuru . . . vanofanira kurongera vaya vanoungana pamwe chete [kuti vachengete Chirangaridzo] zvinodiwa izvi,—(1) kutenda muropa [raKristu]; uye (2) kuzvitsaurira kuna Ishe nebasa rake, kunyange kusvikira kurufu. Zvino vanofanira kukoka vose vane pfungwa idzi uye nokudaro vakazvitsaurira kuti vabatane mukuchengeta rufu rwaShe.”—Studies in the Scriptures, Series VI, The New Creation, peji 473. *

Kutsvaka “Mamwe Makwai”

9. Kuzivikanwa kwe“boka guru revanhu” kwakajekeswa sei muna 1935, uye izvi zvakaitei pane vamwe vaimbodya zviratidzo zveChirangaridzo?

9 Nokufamba kwenguva, sangano raJehovha rakatanga kutsvaka vamwe kuwedzera kuvateveri vaKristu vakazodzwa. Kufambira mberi kwezvinhu kunocherechedzeka maererano neizvi kwakaitika pakati pema1930. Nguva iyoyo isati yasvika, vanhu vaMwari vaiona “boka guru revanhu” raZvakazarurwa 7:9 seboka romudzimu rechipiri raizobatanidzwa mudenga nevakazodzwa 144 000 vanenge vamutswa—sevaperekedzi vomwenga kana kuti shamwari dzomwenga waKristu. (Pisarema 45:14, 15; Zvakazarurwa 7:4; 21:2, 9) Asi musi waMay 31, 1935, muhurukuro yakapiwa pakokorodzano yeZvapupu zvaJehovha muWashington, D.C., U.S.A., zvakatsanangurwa maererano neMagwaro kuti “boka guru revanhu” (“vazhinji-zhinji,” King James Version) rinoreva “mamwe makwai” anorarama munguva yomugumo. (Johani 10:16) Pashure pekokorodzano iyoyo, vamwe vakanga vambodya zviratidzo zveChirangaridzo vakarega kudya nokuti vakaziva kuti tariro yavo yaiva yepasi pano, kwete yokudenga.

10. Ungarondedzera sei tariro uye mabasa e“mamwe makwai” omuzuva ranhasi?

10 Kunyanya kubvira muna 1935 ndipo pave pachitsvakwa vaya vanova “mamwe makwai,” vanotenda muchibayiro, vozvitsaurira kuna Mwari, votsigira “boka duku” rakazodzwa mubasa rokuparidza Umambo. (Ruka 12:32) Mamwe makwai aya anotarisira kurarama nokusingaperi pasi pano, asi mune zvimwe zvose, akafanana nevasara vomuzuva ranhasi vevagari venhaka yoUmambo. Kufanana nevatorwa vomuIsraeri vainamata Jehovha uye vaizviisa pasi poMutemo, mamwe makwai anhasi anogamuchira mitoro yechiKristu, yakadai sokuparidza mashoko akanaka pamwe chete nenhengo dzaIsraeri womudzimu. (VaGaratiya 6:16) Zvisinei, sezvo pasina mutorwa aigona kuva mambo kana mupristi waIsraeri, hapana kana mumwe wemamwe makwai anogona kutonga muUmambo hwokudenga kana kushanda somupristi.—Dheuteronomio 17:15.

11. Nei musi wokuzvitsaurira womunhu ungakwanisa kuva nechokuita netariro yake?

11 Naizvozvo, pakasvika ma1930, zvakanga zvava kujeka kuti ruzhinji rweboka rokudenga rwakanga rwasarudzwa. Zvino kwemakumi emakore, mamwe makwai, ane tariro yepasi pano, ndiwo ave achitsvakwa. Kana akazodzwa akava asina kutendeka, pamwe munhu ave achishumira Mwari kwenguva refu nokutendeka somumwe wemamwe makwai angadanwa kuti apinde panzvimbo inenge yasiyiwa isina munhu munhamba ye144 000 yacho.

Chikonzero Nei Vamwe Vaine Fungidziro Dzisidzo

12. Munhu anofanira kurega kudya zviratidzo zveChirangaridzo zvaita sei, uye nei?

12 VaKristu vakazodzwa vane chokwadi chakakwana chokuti vakadanwa kudenga. Asi zvakadini kana vamwe vanhu vasina kudanwa vave vachidya zviratidzo zveChirangaridzo? Iye zvino zvavava kuziva kuti havana kubvira vambova netariro yokudenga, zvechokwadi hana yavo ichavaita kuti varege kudya. Mwari haazofariri ani naani anozvitora somunhu akadanwa kudenga kuti anova mambo nomupristi nepo achiziva zvake kuti haana kubvira ambodanwa. (VaRoma 9:16; Zvakazarurwa 20:6) Jehovha akauraya muRevhi ainzi Kora nokuda kwokutsvaka upristi hwaAroni nokuzvitutumadza. (Eksodho 28:1; Numeri 16:4-11, 31-35) Kana muKristu upi noupi akaziva kuti ave achidya zviratidzo zveChirangaridzo nepo asingafaniri kudya, iye anofanira kurega kudya onyengetera kuna Jehovha nokuzvininipisa kuti akanganwirwe.—Pisarema 19:13.

13, 14. Nei vamwe vangafungidzira zvisizvo kuti vakadanwa kudenga?

13 Nei vamwe vangafungidzira zvisizvo kuti vakadanwa kudenga? Kufa kwomurume kana kuti mukadzi wavo kana kuti imwewo njodzi zvingavaita kuti vasafarira upenyu hwepasi pano. Kana kuti vangada kuendawo kunoenda shamwari yavo yapedyo inoti muKristu akazodzwa. Ichokwadi kuti Mwari haana waakapa basa rokutsvaka vamwe nokuda kweropafadzo iyi. Uye haazodzi vadyi venhaka yoUmambo nokuvaita kuti vanzwe manzwi anovataurira kuti vazodzwa.

14 Pfungwa yechitendero chenhema yokuti vanhu vose vakanaka vanoenda kudenga ingaita kuti vamwe vafunge kuti vakadanwa kudenga. Saka, tinofanira kungwarira kuti tisatsauswa nemaonero ekare asina kururama kana zvimwewo zvinhu. Somuenzaniso, vamwe vangazvibvunza kuti: ‘Ndinoshandisa mapiritsi anokanganisa manzwiro angu here? Ndiri munhu anowanzofungisisa zvinhu zvandinogona kuona nenzira isiriyo here?’

15, 16. Nei vashomanana vangagumisa nokukanganisa kuti vakazodzwa?

15 Vashomanana vangazvibvunza kuti: ‘Ndinoda kuva akakurumbira here? Ndinoda chinzvimbo chesimba here iye zvino kana kuti somudyi wenhaka womunguva yemberi pamwe naKristu?’ Apo vadyi venhaka yoUmambo vakadanwa muzana remakore rokutanga, havasi vose vaiva nenzvimbo dzomutoro muungano. Uye vanhu vane kudanwa kwokudenga havatsvaki kukurumbira kana kuzvikudza nezvokuva vakazodzwa. Vanoratidza kuzvininipisa kunotarisirwa kune vaya vane “pfungwa dzaKristu.”—1 VaKorinde 2:16.

16 Vamwe vangave vakasvika pakufunga kuti vane kudanwa kwokudenga nokuti vava nezivo yakati kuti yeBhaibheri. Asi kuzodzwa nomudzimu hakuiti kuti munhu anzwisise kupfuura vamwe, nokuti Pauro akatorayira nokupa zano vamwe vakazodzwa. (1 VaKorinde 3:1-3; VaHebheru 5:11-14) Mwari ane urongwa hwokupa zvokudya zvomudzimu kuvanhu vake vose. (Mateu 24:45-47) Saka hapana anofanira kufunga kuti kuva muKristu akazodzwa kunomupa uchenjeri hunopfuura hwevaya vane tariro yepasi pano. Kuzodzwa nomudzimu hakuratidzwi nokukwanisa chaizvo kupindura mibvunzo yeMagwaro, kupupurira, kana kupa hurukuro dzeBhaibheri. VaKristu vane tariro yepasi pano vanoitawo zvakanaka muzvinhu izvozvi.

17. Chii chinoita kuti munhu azodzwe nomudzimu uye ndiani anosarudza?

17 Kana imwe hama yedu ikabvunza nezvokudanwa kudenga, mukuru kana mumwe muKristu akakura mumudzimu anogona kukurukura nyaya yacho naye. Zvisinei, hapana munhu anogona kusarudzira mumwe izvi. Munhu ane kudanwa uku zvechokwadi haaiti zvokutobvunza vamwe kuti ane tariro yakadaro here. Vakazodzwa vaka“berekwa patsva, kwete nembeu inoora, asi isingaori, nomushoko raMwari mupenyu neanogara nokusingaperi.” (1 Petro 1:23) Nomudzimu wake neShoko, Mwari anodyara “mbeu” inoita kuti munhu wacho ave “chisikwa chitsva,” chine tariro yokudenga. (2 VaKorinde 5:17) Uye Jehovha ndiye anosarudza. Kuzodza kuri, “kwete pane anoda kana pane anomhanya, asi pana Mwari, ane ngoni.” (VaRoma 9:16) Saka munhu angava sei nechokwadi chokuti akadanwa kudenga?

Chikonzero Nei Vaine Chokwadi

18. Mudzimu waMwari unopupurirana sei nomudzimu wevakazodzwa?

18 Kupupura kwomudzimu waMwari kunoita kuti vaKristu vakazodzwa vave nechokwadi chokuti vane tarisiro yokuenda kudenga. “Makagamuchira mudzimu wokugamuchirwa sevanakomana,” akanyora kudaro Pauro, “mudzimu watinodanidzira nawo, kuti: ‘Abha, Baba!’ Iwo mudzimu unopupurirana nomudzimu wedu kuti tiri vana vaMwari. Zvino, kana tiri vana, tiriwo vagari venhaka: vagari venhaka zvechokwadi vaMwari, asi vagari venhaka pamwe naKristu, chero bedzi tichitambura pamwe kuti tipiwe mbiri pamwe.” (VaRoma 8:15-17) Uchitungamirirwa nomudzimu mutsvene, mudzimu, kana kuti pfungwa yakasimba yevakazodzwa inovaita kuti vazvishandisire zvinotaurwa neMagwaro maererano nevana vaJehovha vomudzimu kwavari. (1 Johani 3:2) Mudzimu waMwari unovapa pfungwa yokuva vanakomana vake uye unovapa tariro yakasiyana. (VaGaratiya 4:6, 7) Hungu, upenyu husingaperi hwepasi pano sevanhu vakakwana vakakomberedzwa nenhengo dzemhuri neshamwari hwaizova hwakanaka kwazvo, asi haisiyo tariro yavo yavakapiwa naMwari. Achishandisa mudzimu wake, Mwari akaita kuti vave netariro yokudenga yakasimba kwazvo zvokuti vanoda kurega kubatana kwavo nenyika netarisiro dzayo.—2 VaKorinde 5:1-5, 8; 2 Petro 1:13, 14.

19. Sungano itsva inoita basa rei muupenyu hwomuKristu akazodzwa?

19 VaKristu vakazodzwa vane chokwadi netariro yavo, yokuva kwavo vakapinzwa musungano itsva. Jesu akataura nezvayo paakatanga Chirangaridzo ndokuti: “Kapu iyi inoreva sungano itsva muropa rangu, richadururwa nokuda kwenyu.” (Ruka 22:20) Vanobatanidzwa musungano itsva yacho ndiMwari nevakazodzwa. (Jeremia 31:31-34; VaHebheru 12:22-24) Jesu ndiye murevereri. Zvayakaitwa kuti ishande neropa raKristu rakadeurwa, sungano itsva yakatora vanhu vezita raJehovha, kwete muvaJudha chete asiwo muvanhu vemarudzi ndokuvaita rutivi rwe“mbeu” yaAbrahamu. (VaGaratiya 3:26-29; Mabasa 15:14) Iyi “sungano isingaperi” inoita kuti vaIsraeri vomudzimu vose vakwanise kumutsirwa kuupenyu husingafi mudenga.—VaHebheru 13:20.

20. Vakazodzwa vanopinzwa musungano ipi naKristu?

20 Vakazodzwa vane chokwadi netariro yavo. Vakapinzwa muimwe sungano, sungano yoUmambo. Nezvokugoverana kwavo naKristu, Jesu akati: “Imi ndimi makaramba muneni mumiedzo yangu; uye ndinoita sungano nemi, sokuita sungano youmambo neni kwakaita Baba vangu.” (Ruka 22:28-30) Sungano iyi pakati paKristu nemamwe madzimambo saiye inoramba ichishanda nokusingaperi.—Zvakazarurwa 22:5.

Mwaka weChirangaridzo—Nguva Inofadza

21. Tingabatsirwa sei zvikuru mumwaka weChirangaridzo?

21 Zvikomborero zvomwaka weChirangaridzo zvakawanda. Tinogona kubatsirwa nepurogiramu yokuverenga Bhaibheri yenguva iyi. Inguva yakanyanyonakirawo kunyengetera, kufungisisa nezvoupenyu hwaJesu hwepasi pano norufu rwake, uye yokuita basa rokuparidza Umambo. (Pisarema 77:12; VaFiripi 4:6, 7) Kuchengeta kwacho pachakwo kunotiyeuchidza nezvorudo rwakaratidzwa naMwari naKristu maererano nechibayiro chaJesu chokudzikinura. (Mateu 20:28; Johani 3:16) Urongwa uhwu hunotipa tariro nenyaradzo uye hunofanira kusimbisa kutsunga kwedu kufamba munzira seyakafamba naKristu. (Eksodho 34:6; VaHebheru 12:3) Chirangaridzo chinofanirawo kutisimbisa kuti tizadzikise kuzvitsaurira kwedu sevashumiri vaMwari uye kuti tive vateveri vakatendeka voMwanakomana wake anodiwa.

22. Chipo chaMwari kuvanhu chinopfuura zvimwe zvose chii, uye ndeipi imwe yenzira yokuratidza nayo kuchionga?

22 Chokwadi Jehovha anotipa zvikomborero zvakazonaka! (Jakobho 1:17) Tine nhungamiro yeShoko rake, kubatsira kwomudzimu wake, uye tariro youpenyu husingagumi. Chipo chaMwari chakanakisisa chibayiro chaJesu nokuda kwezvivi zvevakazodzwa nezvevamwe vose vanoratidza kutenda. (1 Johani 2:1, 2) Saka rufu rwaJesu runoreva zvakawanda sei kwauri? Uchava pakati pevaya vanoonga kuburikidza nokuungana pashure pokunyura kwezuva musi waApril 16, 2003, kuti vachengete Kudya kwaShe Kwemanheru here?

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 8 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha asi iye zvino harichadhindwi.

Ungapindura Sei?

• Ndivanaani vanofanira kudya zviratidzo zveChirangaridzo?

• Nei “mamwe makwai” achipinda Kudya kwaShe Kwemanheru sevacherechedzi vanoremekedza chete?

• VaKristu vakazodzwa vanoziva sei kuti vanofanira kudya chingwa newaini paChirangaridzo chorufu rwaJesu?

• Mwaka weChirangaridzo inguva yakanaka kwazvo nokuda kwechii?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Magirafu/Mifananidzo iri papeji 18]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

Vakapinda Chirangaridzo

MUMAMIRIYONI

15 597 746

15

14

13 147 201

13

12

11

10

 9

 8

 7

 6

 5

4 925 643

 4

 3

 2

 1

878 303

63 146

1935 1955 1975 1995 2002

[Mufananidzo uri papeji 18]

Uchavapo here paKudya kwaShe Kwemanheru gore rino?

[Mifananidzo iri papeji 21]

Mwaka weChirangaridzo inguva yakanaka kwazvo yokuwedzera kuverenga Bhaibheri nokuita basa rokuparidza Umambo