Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Nei Isaya 30:21 ichitaura nezveshoko raJehovha serinobva “shure kwenyu,” sezvo ndima dzinotangira ndima Isa 30:20 iyi dzichiisa Jehovha mberi nokutaura kuti, “Maziso enyu achaona Murayiridzi wenyu Mukuru”?—NW.

Isaya 30:20, 21 inoti: “[Murayiridzi wenyu Mukuru haachazozvivanzizve, maziso enyu achaona Murayiridzi wenyu Mukuru, NW]. Nzeve dzenyu dzichanzwa shoko shure kwenyu, richiti: Heyi nzira, fambai nayo! kana muchida kutsaukira kurudyi, kana zvimwe muchida kutsaukira kuruboshwe.”

Mashoko acho akatorwa sezvaari, muverengi anoona Jehovha, Murayiridzi Mukuru, ari mberi kwake asi anonzwa inzwi Rake shure. Zvisinei, mashoko acho ndeokufananidzira uye anofanira kunzwisiswa nenzira iyoyo.

Mutauro uri mundima 20 unoita kuti munhu afunge nezvomuranda ari pana tenzi wake, anogara akagadzirira kuita zvaanorayirwa natenzi wake. Kungofanana nomuranda anotarisisa ruoko rwatenzi wake kuti azive zvaari kuda, nhasi vanhu vaJehovha vanoramba vakanyatsotarisa mirayiridzo inoramba ichibuda inobva muBhaibheri inopiwa naJehovha nesangano rake repasi. (Pisarema 123:1, 2) Chokwadi, vanoita zvavanenge vanzi vaite, vachingwarira chinhu chipi nechipi chinoratidzwa naJehovha no‘muranda wake akatendeka, akangwara.’—Mateu 24:45-47.

Asi zvakadini neshoko iro varanda vake vanonzwa shure? Zvine musoro kugumisa kuti inzwi riri shure inzwi raMwari rakataurwa kubvira kare, richitaura kuburikidza neShoko rake rakanyorwa sezvarinojekeswa ‘nomutariri wake akatendeka.’ (Ruka 12:42) Vashumiri vaMwari vemazuva ano vanonzwa inzwi rake nokudzidza Bhaibheri nokushingaira nokushandisa nhungamiro dzaro muupenyu hwavo vachibatsirwa nemabhuku anogadzirwa no“muranda akatendeka, akangwara,” “mutariri akatendeka.” Nokutarira, uye kuramba vachinyatsoziva nhungamiro inopiwa noMurayiridzi Mukuru nokudzidza Shoko raMwari, rakanyorwa mazana emakore akadarika, vashumiri vake vanomuona nenzira yokufananidzira ari mberi kwavo uye kunzwa inzwi rake shure.—VaRoma 15:4.