Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Upenyu Mumusasa Wevapoteri

Upenyu Mumusasa Wevapoteri

Upenyu Mumusasa Wevapoteri

UNOFUNGEI paunonzwa mashoko okuti “musasa wevapoteri”? Wakamboshanyira mumwe here? Chaizvoizvo wakaita sei?

Panguva yakanyorwa nyaya ino, misasa yevapoteri 13 yakanga yatangwa kumadokero kweTanzania. Vamanikidzwa kubva mumisha yavo nehondo dzomunyika dzavo, vapoteri vanenge 500 000 vokune dzimwe nyika dzomuAfrica vakanga vari kubatsirwa nehurumende yokuTanzania ichishandira pamwe neUnited Nations High Commissioner of Refugees (UNHCR). Upenyu hwakaita sei mumusasa?

Kusvika paMusasa

Mumwe musikana achiri kuyaruka anonzi Kandida anotsanangura zvakaitika apo iye nemhuri yake vakasvikapo makore mashomanana akapfuura: “Vakatipa kadhi rokugoverwa zvinhu rine nhamba dzinoita kuti uzivikanwe, uye mhuri yedu yakaendeswa kumusasa wevapoteri weNyarugusu. Ikoko takapiwa nhamba yomunda neyomugwagwa. Takaratidzwa kwokutema miti nekwokutora uswa zvokushandisa pakuvaka imba yedu duku. Takaforoma zvidhina zvedhaka. UNHCR yakatipa pepa repurasitiki ratakaisa padenga racho. Raiva basa rakaoma, asi takafara apo musha wedu waisada zvinhu zvakawanda wakapera.”

Kadhi rokugoverwa zvinhu rinoshandiswa musi weChitatu pashure pevhiki mbiri dzoga dzoga. “Tinomira mumutsetse pachitoro chomumusasa imomo kuti titore zvokudya zvinogoverwa neUNHCR,” anoenderera mberi achidaro Kandida.

Munhu mumwe anowana zvokudya zvakaita sei zuva rimwe nerimwe?

“Mumwe nomumwe anopiwa dzinenge kapu nhatu dzoupfu hwechibage, kapu imwe yepizi, magiramu 20 esoya, zvipunu zvikuru zviviri zvemafuta okubikisa, magiramu 10 omunyu. Dzimwe nguva tinopiwawo bhaa resipo, rinofanira kupedza mwedzi wose.”

Zvakadini nemvura yakachena? Inowanikwa here? Mumwe mukadzi wechiduku anonzi Riziki anoti: “Hungu, mvura inopombwa nomumapaipi kubva murwizi ruri pedyo ichiiswa mumadziva makuru. Mvura yacho inoiswa chlorine isati yapombwa ichiendeswa kunzvimbo dzakawanda dzainochengeterwa mumusasa mumwe nomumwe. Tinoedzazve kuifashaidza tisati tainwa kuti tisarwara. Tinowanzobatikana kubva mangwanani kusvika manheru tichichera mvura nokuwacha zvipfeko zvedu panzvimbo idzi dzinowanikwa mvura. Tinogona kungowana mugomo wemvura mumwe nehafu pazuva.”

Kana ukatyaira motokari uchipfuura nepane mumwe wemisasa yacho, ungaona zvikoro zvekireshi, zvikoro zvepuraimari, uye zvesekondari. Mungatova nedzidzo yevanhu vakuru mumusasa wacho. Kamba yemapurisa uye hofisi yehurumende zviri nechokunze kwomusasa zvinovimbisa kuti musasa wacho wakachengeteka. Ungaona musika mukuru une mashopu maduku uko vapoteri vanogona kuwana miriwo, michero, hove, huku, uye zvimwe zvokudya zvinokosha. Vamwe vanhu vomunharaunda vanouya kumusika wacho kuzotengesa. Asi vapoteri vacho vanowana kupi mari yokutenga zvimwe zvinhu? Vamwe vanorima kapindu komuriwo votengesa zvavanowana pamusika wacho. Vamwe vangatengesa imwe yefurawa kana pizi dzavanopiwa, vachiita izvozvo senzira yokuwana nayo nyama kana michero. Chokwadi, musasa wacho ungaratidzika somusha mukuru pane kuva musasa. Zvakajairika kuona vamwe vachiseka uye vachifara vari pamusika wacho, sezvavaigona kungoita vari mumisha yavo.

Kana ukamira pachipatara, mumwe wevanachiremba angakuudza kuti mumusasa mune makiriniki mashomanana panorapwa zvirwere zvisina kukomba; zvinoda kukurumidzira uye vanhu vanorwara zvakanyanya vanoendeswa kuchipatara chacho. Zvinonzwisisika kuti dhipatimendi rinotarisira vakadzi vane pamuviri uye kamuri rokusunungukira pachipatara chacho anokosha, tichifunga kuti mumusasa wevapoteri 48 000, munogona kuberekwa vana vanenge 250 pamwedzi.

Kupiwa Zvokudya Zvomudzimu Zvakakwana

Pasi pose, Zvapupu zvaJehovha zvinganetseka nezvehama dzazvo dzazvinonamata nadzo dzinogara mumisasa muTanzania. Vose pamwe chete, kune vapoteri 1 200, vakarongwa kuva ungano 14 nemapoka 3. Vari kuita sei?

Pakati pezvinhu zvakatanga kuitwa nevaKristu vakazvipira ava pavakauya pamisasa yacho kwaiva kukumbira nzvimbo yokuvaka Imba yoUmambo. Izvi zvaizoita kuti vapoteri vakwanise kuziva kwokuwana Zvapupu uye kwokupindira misangano yavo yevhiki nevhiki. Mumusasa weLugufu, mune ungano 7, dzine vaKristu 659 vanoshingaira. Pamisangano yavo yomusi weSvondo, vanopinda vose vakabatanidzwa pamwe chete veungano idzi 7 vanowanzosvika vanenge 1 700.

Zvapupu zviri mumisasa yose zvinobatsirwawo nemagungano makuru echiKristu uye kokorodzano. Pakaitwa kokorodzano yoruwa yokutanga mumusasa weLugufu, 2 363 vakapinda. Zvapupu zvacho zvakanga zvagadzira dziva rokubhabhatidzira nechokunze kwenzvimbo yekokorodzano. Dziva racho raiva gomba rakacherwa pasi, rakaiswa pepa repurasitiki kumadziro kuti richengete mvura yacho. Hama dzaitakura mvura nebhasikoro murwizi rwaiva anenge makiromita maviri kubva pavaiva vari. Zvaireva kuti vaienda kakawanda nokuti vaingotakura magaroni mashanu parwendo rumwe norumwe. Vadzidzi vaida kubhabhatidzwa, vakapfeka zvipfeko zvine mwero, vakamira mumutsetse kuti vabhabhatidzwe. Vose 56 vakabhabhatidzwa vachiita zvokunyudzwa mumvura. Mumwe mushumiri wenguva yakazara akabvunzurudzwa pakokorodzano yacho akatsanangura kuti aidzidza Bhaibheri nevanhu 40. Pane vaaidzidza navo vana vakabhabhatidzwa pakokorodzano iyoyo.

Hofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha yakaronga kuti vatariri vanofambira vashanyire misasa yacho nguva dzose. Mumwe wavo anoti: “Hama dzedu dzinoshingaira muushumiri. Dzine munda wakakura wokuparidzira, uye mune imwe ungano Chapupu chimwe chinopedzera maawa anenge 34 muushumiri pamwedzi. Vakawanda vanodzidza Bhaibheri nevanofarira vashanu kana kupfuura. Mumwe piyona [mushumiri wenguva yakazara] akati aisagona kuwana ndima iri nani kune imwe nzvimbo. Vanhu vari mumisasa vanofarira mabhuku edu zvikuru.”

Mabhuku eBhaibheri anosvika sei mumisasa yacho? Bazi rinoatumira nechitima kuKigoma, taundi riri kumahombekombe ari kumabvazuva kweLake Tanganyika. Ikoko hama dzinogamuchira mabhuku acho dzoronga kuatumira kuungano. Dzimwe nguva dzinohaya rori dzoendesa dzoga mabhuku acho kumisasa yacho yose. Izvi zvinotora anenge mazuva matatu kana mana dzichifamba mumigwagwa isina tara.

Kubatsira Nezvinhu Zvokunyama

Zvapupu zvaJehovha zviri muFrance, Belgium, neSwitzerland zvave zvichibatsira zvikuru mukupa rubatsiro kuvapoteri vari mumisasa iyi. Vamwe vakashanyira misasa iri muTanzania, vatenderwa neBazi Rinoona Nezvomukati Menyika uye UNHCR. Zvapupu zvokuEurope zvakaunganidza matani omukaka wesoy, zvokupfeka, shangu, mabhuku okuchikoro, uye sipo. Zvinhu izvi zvakapiwa kuti zviparadzirwe kuvapoteri vose, maererano nenhungamiro yeBhaibheri inoti: “Chero bedzi tine nguva yakafanira nokuda kwazvo, ngatiitirei vose zvakanaka, asi zvikurukuru vaya vane ukama nesu mukutenda.”—VaGaratiya 6:10.

Aya mabasa omutsa akava nemigumisiro yakanaka zvikuru, zvichiita kuti vapoteri vakawanda vabatsirwe. Refugee Community Committee iri mune mumwe wemisasa yacho yakaratidza kuonga mumashoko aya: “Tichimiririra nzanga yedu yose, tine ropafadzo yokutaura nemi tichikuongai nokuda kwomutsa wenyu wakaratidzwa nesangano renyu katatu . . . Zvipfeko zvacho zvakabatsira varume vanoshayiwa, vakadzi, nevana 12 654, uyewo vana vachangoberekwa . . . Vanhu vanogara mumusasa wevapoteri weMuyovozi panguva ino vanosvika 37 000. Pamwe chete, vanhu 12 654 vakabatsirwa, kana kuti 34,2 kubva muzana yevanhu vacho vose.”

Mune mumwe musasa, vapoteri 12 382 vakapiwa mumwe nomumwe zvipfeko zvitatu, uye mumwe musasa wakapiwa zviuru zvemabhuku echikoro okushandisa muzvikoro zvesekondari nezvepuraimari uye zvekireshi. Mukuru mukuru anoona nezvokuitwa kwebasa weUNHCR mune imwe yenzvimbo dzacho akati: “Tinofara zvikuru nokuda kwomupiro wakagamuchirwa [uchigovera] zvinodiwa zvikuru nevanhu vari mumisasa yevapoteri. Zvinhu zvichangobva kugamuchirwa zvaiva mabhokisi mashanu emabhuku, ayo nzanga yedu yakagovera vapoteri. . . . Tinokutendai zvikuru.”

Kunyange mapepanhau omunharaunda akarumbidza rubatsiro rwaipiwa. Mumwe musoro mukuru waiva muSunday News yaMay 20, 2001, wakati: “Zvipfeko Zvevapoteri vomuTanzania Zviri Kuuya.” Pepanhau raFebruary 10, 2002, rakati: “Nzanga yevapoteri inoonga mupiro wacho nokuti vamwe vana vakanga varega chikoro nemhaka yokushayiwa zvokupfeka, zvino vari kupinda nguva dzose.”

Kumanikidzika Asi Kwete Zvokutadza Kubuda

Kuvapoteri vakawanda, zvinotora rinenge gore kuti vajairane nomuraramire mutsva womumusasa. Vanorarama upenyu huri nyore. Zvapupu zvaJehovha zviri mumisasa iyi zviri kushandisa nguva yazvo yakawanda kuudza vamwe vapoteri mashoko akanaka anonyaradza anobva muShoko raMwari, Bhaibheri. Vanotaura nezvenyika itsva, umo vose “vachapfura minondo yavo vachiiita mapadza, namapfumo avo vachiaita mapanga okuchekerera miti; rudzi rumwe harungazosimudziri rumwe rudzi munondo, havangazodzidzi kurwa.” Zvadaro vose “mumwe nomumwe uchagara pasi pomuzambiringa wake napasi pomuonde wake, hakuna ungazovatyisa, nokuti muromo waJehovha wehondo wakataura izvozvo.” Zviri pachena kuti nechikomborero chaMwari iyi ichava nyika isina misasa yevapoteri.—Mika 4:3, 4; Pisarema 46:9.

[Mufananidzo uri papeji 8]

Dzimba dziri mumusasa weNduta

[Mifananidzo iri papeji 10]

Imba yoUmambo yeLukole (kurudyi) Kubhabhatidza muLugufu (pazasi)

[Mufananidzo uri papeji 10]

Kokorodzano yoruwa mumusasa weLugufu