Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Usarega Mwoyo Womwana Wako Uchingozvikurirawo Zvawo Usina Nhungamiro!

Usarega Mwoyo Womwana Wako Uchingozvikurirawo Zvawo Usina Nhungamiro!

Usarega Mwoyo Womwana Wako Uchingozvikurirawo Zvawo Usina Nhungamiro!

RIRI mumaoko omuumbi ane unyanzvi, ivhu risingakoshi rinogona kuchinjwa kuva mudziyo unokwezva. Nyanzvi shoma dzinogadzira midziyo yakawanda kwazvo dzichishandisa zvinhu zvisingakoshi. Kwezviuru zvemakore, nzanga yave ichiwana kumuumbi makapu, ndiro, hari, makate, nemavhasi okushongedza.

Vaberekiwo vanobatsira nzanga nenzira inokosha nokuumba zviito nounhu hwomwana wavo. Bhaibheri rinofananidza mumwe nomumwe wedu nevhu, uye Mwari akapa vabereki basa rinokosha rokuumba ‘ivhu’ riri vana vavo. (Jobho 33:6; Genesi 18:19) Sokugadzira mudziyo wakaisvonaka wechiumbwa, kuchinja mwana kuti ave munhu mukuru anoziva zvaanoita uye akanaka harisi basa riri nyore. Kuchinja kwakadaro hakungoerekani kwaitika.

Pane zvinhu zvakawanda zvinenge zvichiitika pakuumba mwoyo yevana vedu. Zvinosuruvarisa kuti zvimwe zvezvinhu izvi zvinoparadza. Saka pane kurega mwana achingozvikurirawo zvake nomwoyo usina nhungamiro, mubereki akangwara achadzidzisa mwana wake “nzira yaanofanira kufamba nayo,” achivimba kuti “kunyange akwegura haangatsauki pairi.”—Zvirevo 22:6.

Munguva refu, inonakidza yokurera mwana, vabereki vechiKristu vakangwara vachawana nguva yokubvisa zvinhu zvisina kunaka zvingavhiringidza mwoyo womwana wavo. Rudo rwavo ruchaedzwa kwazvo sezvavanopa nokushivirira mwana wavo “mirayiridzo, uye kuranga, maererano nemarererwo omuKristu.” (VaEfeso 6:4, The New English Bible) Zvechokwadi, basa revabereki, richava nyore zvikuru kana vakakurumidza kuritanga.

Kukurumidza Kutanga

Vaumbi vanoda kushandisa ivhu rinonyatsoumbika asi richikwanisa kubudisa chinhu chinodiwa kana rangoumbwa. Vanatsiridza ivhu racho, vanowanzoda kurishandisa mukati memwedzi mitanhatu. Saizvozvowo, nguva yakanaka zvikuru yokuti vabereki vatange kuumba mwoyo yevana vavo ndeiya painenge ichiri kugamuchira zvikuru uye ichiumbika nyore nyore.

Vanoziva nezvevana vanoti paanozosvika mwedzi misere, mwana anenge atodzidza kuziva mutauro wake, aumba ukama hwepedyo nevabereki vake, ava nounyanzvi hwokufunga, uye atanga kuongorora nyika yakamupota. Nguva yakaisvonaka yokutanga kuumba mwoyo wake ndeiya paanenge achiri muduku. Zvichanakira kwazvo mwana wako saTimoti, ‘kana akasvika pakuziva zvinyorwa zvitsvene kubvira paucheche’!—2 Timoti 3:15. *

Nomuzvarirwo, vana vanotevedzera vabereki vavo. Pane kungotevedzera mabudiro emanzwi, mashoko, uye mashandisirwe enhengo dzomuviri pakutaura, vanodzidza rudo, mutsa, uye tsitsi pavanoona vabereki vavo vachiratidza zvinhu izvi. Kana tichida kudzidzisa mwana wedu maererano nemitemo yaJehovha, mirayiro yaMwari inofanira kutanga kuva mumwoyo yedu. Kuonga kwakadaro kwomwoyo wose kuchaita kuti vabereki vataure nevana vavo nguva dzose nezvaJehovha uye nezveShoko rake. ‘Ataure,’ rinokurudzira kudaro Bhaibheri, “kana ugere mumba mako, kana uchifamba munzira, kana uchivata pasi, kana uchimuka.” (Dheuteronomio 6:6, 7) Francisco naRosa vanotsanangura nzira yavanoita nayo izvi kuvana vavo vaviri vaduku. *

“Kunze kwokukurukurirana kwezuva nezuva, tinoedza kutaura nevana vedu mumwe nomumwe kwemaminitsi asiri pasi pe15 zuva roga roga. Kana taona paine chinetso, tinowedzera nguva—uye zvechokwadi zvinetso tinozviwana. Somuenzaniso, nguva ichangodarika mwanakomana wedu ane makore mashanu akasvika kumba achibva kuchikoro ndokutiudza kuti haadaviri muna Jehovha. Zvaivapo ndezvokuti mumwe waanodzidza naye akanga amuseka uye ati hakuna Mwari.”

Vabereki ava vakaziva kuti vana vanofanira kuva nokutenda muMusiki wavo. Kutenda kwakadaro kunogona kuvakwa nezvinhu zvinoyevedza zvakasikwa naMwari. Chokwadi vana vanoda kupuruzira mhuka, kutanha maruva omusango, kana kutamba pajecha riri pamhenderekedzo yegungwa! Vabereki vanogona kuvabatsira kuti vaone kubatana kuripo kwezvakasikwa noMusiki. (Pisarema 100:3; 104:24, 25) Kushamiswa uye kuremekedza kwavanotanga kuita zvakasikwa naJehovha kunogona kugara kwoupenyu hwavo hwose. (Pisarema 111:2, 10) Pamwe nokunzwisisa kwakadaro, mwana angatanga kuda kufadza Mwari uye kutya kusamufadza. Izvi zvichaita kuti ‘abve pane zvakashata.’—Zvirevo 16:6.

Kunyange zvazvo vana vaduku vakawanda vachida kuziva uye vachidzidza nokukurumidza, kuteerera hakungovipo nyore nyore. (Pisarema 51:5) Dzimwe nguva vangaomerera kuda kuita nenzira yavo kana kuda kuva nechinhu chose chavanoda. Zvinoda kuti vabereki vave vakasimba, vanoshivirira, uye vanoranga kuti pfungwa idzi dzisadzike midzi. (VaEfeso 6:4) Izvi ndizvo zvange zvichisangana naPhyllis naPaul, avo vakabudirira kurera vana vashanu.

Phyllis anoyeuka kuti: “Kunyange zvazvo unhu hwomwana mumwe nomumwe hwaiva hwakasiyana kwazvo, mumwe nomumwe wavo aida kuita nenzira yake. Zvaive zvakaoma, asi pakupedzisira vakadzidza zvinoreva shoko rokuti ‘kwete.’” Paul, murume wake akati: “Kazhinji taivapa zvikonzero zvezvataisarudza kana vakura zvokukwanisa kunzwisisa. Kunyange taiedza nguva dzose kuva nomutsa, takavadzidzisa kuti varemekedze chiremera chedu chatakapiwa naMwari.”

Kunyange zvazvo makore epakuvamba angaita kuti mwana ave nezvinetso, vabereki vakawanda vanowana kuti chinetso chikuru chinovapo mumakore okuyaruka apo mwoyo unenge usati wakura unosangana nemiedzo mitsva yakawanda.

Kusvika Mwoyo Womuyaruki

Muumbi anofanira kuita basa rake ivhu risati raoma. Kuti azvipe imwe nguva, angawedzera mvura kuti ivhu rirambe riri nyoro uye richiumbika. Saizvozvowo, vabereki vanofanira kushanda nesimba kuti mwoyo womuyaruki wavo usave wakaoma. Zvechokwadi, chinhu chikuru chavanoshandisa, iBhaibheri, ravanogona kushandisa ‘kutsiura, kururamisa zvinhu, uye kushongedza mwana wavo nokuda kwebasa rose rakanaka.’—2 Timoti 3:15-17.

Zvisinei, muyaruki angasagamuchira zano revabereki pakarepo sezvaaisiita paaiva muduku. Vayaruki vangatanga kunyanya kuteerera vezera ravo, saka kukurukurirana kwakasununguka uye kwepakarepo nevabereki vavo kungaderera. Ndiyo nguva inoda kuwedzera kushivirira uye unyanzvi, sezvo zvinoitwa nevabereki nevana zvinosvika padanho idzva. Muyaruki anofanira kutarisana nokuchinja kwomuviri wake nepfungwa. Anofanira kutanga kuzvisarudzira nokuva nezvinangwa zvinogona kuchinja upenyu hwake hwose. (2 Timoti 2:22) Munguva iyi yakaoma, anofanira kubata nesimba rinogona kuparadza kwazvo mwoyo wake—kuda kufanana nevezera rake.

Kuda kufanana nevamwe kwakadaro hakungovipo muchiitiko chimwe chinooneka nyore. Asi, kunowanzoratidzwa nemashoko kana zviito zvinotevedzana zvinoita kuti chivimbo chomunhu chiderere. Izvi zvinorwisa nharaunda dzinokundikana vaduku vakawanda—kutya kwakadzika midzi kwokurambwa nevamwe vechiduku. Achiedza kuti azivikanwe uye achida kugamuchirwa, wechiduku angatanga kutsigira “zvinhu zviri munyika” zvinoitwa nevamwe vechiduku.—1 Johani 2:15-17; VaRoma 12:2.

Kuti zvinhu zvitowedzera kuipa, zvagara zvichidiwa nomwoyo usina kukwana zvingasimbisa mashoko evezera rake. Mashoko akadai sokuti “Fara” uye “Ita zvaunoda” anganzwika achifadza chaizvo. María anoyeuka zvakaitika kwaari anoti: “Ndaiteerera vamwe vangu vechiduku vaidavira kuti vane kodzero yokunyatsonakirwa, pasinei nezvinozoitika. Sezvo ndaida kuita zvaiitwa neshamwari dzangu dzokuchikoro, ndakapotsa ndapinda muzvinetso zvakakomba.” Somubereki, unoda kubatsira mwana wako ari kuyaruka kukurira kuda kufanana nevamwe kwakadaro, asi ungazviita sei?

Nemashoko ako nezviito, vimbisa uye gara uchimuvimbisa kuti une hanya naye. Edza kuona mafungire ake pazvinhu, uye edza kunzwisisa zvinetso zvake, izvo zvingave zvakaoma kwazvo kudarika zvinetso zvawakasangana nazvo kuchikoro. Zvikurukuru panguva ino, mwana wako anofanira kukuona somumwe munhu waanogona kuudza zviri pamwoyo. (Zvirevo 20:5) Nemaitiro ake kana kungochinja-chinja unhu, ungaona kuora mwoyo kwake kana kuvhiringidzika. Mubatsire kunyange asina kutaura, uye ‘nyaradza mwoyo wake.’—VaKorose 2:2.

Zvechokwadi zvinokosha kuomerera pane zvakarurama. Vabereki vakawanda vanowana kuti kakawanda vanorwa hondo yezvido zvavo nezvevana vavo, asi havatsuduguki kana zvavasarudza zviri zvinhu kwazvo. Ukuwo, iva nechokwadi chokuti wanzwisisa mamiriro acho ezvinhu usati wasarudza kuranga norudo uye marangiro acho kana zvichidiwa.—Zvirevo 18:13.

Kunyange Muungano

Mudziyo wevhu ungaoneka sowapera, asi kutoti wapiswa mumoto, ungakuvadzwa nemvura yawakagadzirirwa kutakura. Bhaibheri rinofananidza miedzo uye zvinhu zvakaoma nokupisa kwakadaro, sezvo zvichiratidza kuti tiri vanhu vorudzii chaizvoizvo. Zvechokwadi, Bhaibheri riri kutaura zvikurukuru nezvemiedzo yokutenda kwedu, asi mupfungwa yakakura, pfungwa yacho inoshandawo kune mimwe miedzo. (Jakobho 1:2-4) Zvinotoshamisa ndezvokuti mimwe miedzo yakaoma inosangana nevaduku vedu inobva muungano.

Kunyange zvazvo mwana wako ari kuyaruka achiratidza seane utano hwakanaka mune zvokunamata, mukati angave achirwisana nemwoyo miviri. (1 Madzimambo 18:21) Somuenzaniso, Megan akawana pfungwa dzenyika kubva kune vamwe vechiduku vaiuya kuImba yoUmambo:

“Ndakapesvedzerwa nerimwe boka revechiduku vaiona chiKristu sechinofinha uye sechinopinganidza mafaro. Vaitaura zvinhu zvakadai sokuti: ‘Nguva yandinongosvitsa makore 18 chete, ndichasiya chokwadi,’ kana kuti ‘ndiri kuda kwazvo kusiya chokwadi.’ Vakanga vasingadi kutamba nevechiduku vaitaura zvaipesana navo, vachivati vatsvene.”

Zvinongoda pfungwa imwe chete kana mbiri dzakaipa kushatisa vamwe vose. Vanhu vari muboka vanowanzoita zvinoitwa nevoruzhinji. Ufuza uye ushingi husina basa zvingaparadza uchenjeri uye kuva nounhu. Munyika dzakawanda, mave muine zviitiko zvisingafadzi zvevaKristu vechiduku vanopinda muzvinetso nokuti vakatevera voruzhinji.

Zvechokwadi, vayaruki vanoda mwero wakati wesonganiro inoita kuti vafare. Somubereki, ungaipa sei? Fungisisa nezvenhandaro yavo, uye ronga mabasa anonakidza nemhuri yako kana kuti makasangana nevechiduku uye vakuru. Svika pakuziva shamwari dzomwana wako. Dzikoke kuzodya, kana kuti pedza mamwe manheru unadzo. (VaRoma 12:13) Kurudzira mwana wako kuti aite chinhu chakanaka, zvakadai sokudzidzira kuridza chiridzwa chemimhanzi kana kudzidza mumwe mutauro kana kuti humwe unyanzvi. Pamwero mukuru, angakwanisa kuita izvi munzvimbo yakachengeteka yomumusha.

Chikoro Chinogona Kuchengetedza

Kudzidza kuchikoro kwomuyaruki kunogonawo kumubatsira kuti achengete nhandaro munzvimbo yayo. Loli, mutarisiri wechikoro kwemakore 20 pachikoro chakakura, anoti: “Ndakaona vaduku vakawanda veZvapupu vachipinda chikoro. Vakawanda vaiva nomufambiro wairumbidzwa, asi vamwe vakanga vasina kusiyana nevamwe vana. Vaiva mienzaniso yakanaka ndivo vaiwanzofarira zvidzidzo zvavo. Ndinokurudzira zvakasimba vabereki kuti vafarire kwazvo kufambira mberi muzvidzidzo kwevana vavo, vazive vadzidzisi vavo, uye vaite kuti vana vavo vaone kuti mushumo wakanaka unokosha. Vamwe vachabudirira kwazvo, asi vose vanogona kusvika panogutsa voremekedzwa nevadzidzisi vavo.”

Kudzidza kwakadaro kunogona kubatsirawo vayaruki kufambira mberi mune zvokunamata. Kunogona kuvadzidzisa madzidziro akanaka, kuzvidzora mupfungwa, uye kunzwa vaine mutoro wakati. Kukwanisa kwavo kuverenga zvakanaka uye kubata pfungwa hapana mubvunzo kuti kuchavakurudzira kuva vadzidzi vari nani uye vadzidzisi veShoko raMwari. (Nehemia 8:8) Zvinodiwa nebasa ravo rokuchikoro uye zvavanodzidza mune zvokunamata zvinogona kuita kuti vaise nhandaro munzvimbo yayo.

Zvinopa Rukudzo Kwamuri uye Kuna Jehovha

MuGreece yekare mavhasi aiva nesiginicha dzose yomuumbi neyomushongedzi, Saizvozvowo, mumhuri munowanzova nevanhu vaviri vanobatsirana pakuumba vana. Vose baba naamai vanobatsirana pakuumba mwoyo womwana, uye nenzira yokufananidzira mwana wenyu ane “siginicha” dzose. Savaumbi vanobudirira, uye kana kuti savashongedzi, munogona kudada nebasa renyu mukuumba munhu muduku anoyemurwa uye akanaka.—Zvirevo 23:24, 25.

Kubudirira kwebasa guru iri kuchanyanya kuenderana nokuti wakasvika papi pakuumba mwoyo womwana wako. Tinotarisira kuti uchakwanisa kutaura kuti: “Murayiro waMwari wake uri mumwoyo make; pakutsika kwake haangatongotedzemuki.” (Pisarema 37:31) Mwoyo womwana unokosha kwazvo kuti usaregwe uchingozvikurirawo zvawo usina nhungamiro.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 8 Vamwe vabereki vanoverengera mwana wavo Bhaibheri achangoberekwa. Izwi rinozorodza nemaitiro aya anonakidza zvingaita kuti mwana afarire kuverenga muupenyu hwake hwose.

^ ndima 9 Mamwe mazita akachinjwa.