Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kutambudzirwa Chitendero—Nei?

Kutambudzirwa Chitendero—Nei?

Kutambudzirwa Chitendero—Nei?

UNODAVIRA kuti vanhu vanofanira kutambudzirwa chitendero chavo here? Zvichida kwete—chero vasingavhiringidzi kodzero dzevamwe. Asi, kutambudzirwa chitendero kwagara kwenguva refu uye kuchiripo. Somuenzaniso, Zvapupu zvaJehovha zvakawanda muEurope uye mune dzimwe nyika zvakanyimwa kodzero dzazvo uye zvakabatwa noutsinye muzana rose remakore rechi20.

Munguva iyoyo, Zvapupu zvaJehovha zvakasangana nokutambudzwa kwoutsinye, kwakarongwa, uye kwenguva refu, pasi poutongi hwose hukuru hwoudzvinyiriri muEurope. Zvakaitika kwavari zvinotidzidzisei nezvokutambudzirwa chitendero? Uye chii chatingadzidza munzira yavakaita nayo pakutambura kwacho?

“Havasi Rutivi Rwenyika”

Zvapupu zvaJehovha zvinoedza kuva vanhu vanoteerera mutemo, vane runyararo, uye kuva netsika dzakanaka. Hazvimukiri hurumende kana kuda kurwisana nadzo, uye hazvitsvaki kutambudzwa nemhaka yokuda kuurayirwa zvazvinotenda. VaKristu ava havana kwavakarerekera mune zvematongerwe enyika. Izvi zvinowirirana nemashoko aJesu anoti: “[Vateveri vangu] havasi rutivi rwenyika, seni ndisiri rutivi rwenyika.” (Johani 17:16) Hurumende dzakawanda dzinobvuma kuti Zvapupu hazvina kwazvakarerekera. Asi vatongi vane udzvinyiriri havanyanyi kuremekedza zvinorayirwa neBhaibheri zvokuti vaKristu havafaniri kuva venyika.

Chikonzero chacho chakatsanangurwa pamusangano wakaitirwa kuYunivhesiti yeHeidelberg, kuGermany, muna November 2000. Musangano wacho waiva nomusoro waiti “Udzvinyiriri uye Kuzvikwidziridza: Zvapupu zvaJehovha Pasi peHurumende yeGutsaruzhinji Nevatongi vechiKomonisiti Vane Udzvinyiriri.” Dr. Clemens Vollnhals weHannah-Arendt-Institute Research Into Totalitarianism akati: “Utongi hwoudzvinyiriri haupereri mune zvematongerwe enyika chete. Hunorayira kuti munhu wose sezvaari azviise zvakakwana pasi pahwo.”

VaKristu vechokwadi havagoni kuzviisa “zvakakwana” kuhurumende yevanhu, sezvo vakapika zvakakwana kuvimbika kuna Jehovha Mwari oga. Zvapupu zvinorarama pasi pevatongi voudzvinyiriri zvakawana kuti zvinorayirwa neHurumende nezvinodiwa nokutenda kwazvo dzimwe nguva zvinopesana. Zvakaitei kuti zvibate nokupesana kwakadaro? Kubvira kare, Zvapupu zvaJehovha zvakashandisa muupenyu hwazvo nheyo yakataurwa nevadzidzi vaJesu Kristu yokuti: “Tinofanira kuteerera Mwari somutongi panzvimbo pevanhu.”—Mabasa 5:29.

Zviuru zveZvapupu zvakaramba zvakavimbika kuzvitendero zvazvo uye zvakaramba zvisina kwazvakarerekera mune zvematongerwe enyika, pasinei nokutambudzwa zvine utsinye kwazvo. Zvaigona sei kutsungirira? Zvakawana kupi simba rokutsungirira? Rega zvizvipindurire zvoga. Uye regai tione kuti vanhu vose, Zvapupu nevasiri Zvapupu, vangadzidzei kubva kune zvakaitika kwavari.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 4]

Zvapupu zvaJehovha muGermany zvakatambudzwa noutsinye uye kwenguva refu pasi poutongi hwose huri huviri hwoudzvinyiriri muzana rino remakore rechi20

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 4]

“Utongi hwoudzvinyiriri haupereri mune zvematongerwe enyika chete. Hunorayira kuti munhu wose sezvaari azviise zvakakwana pasi pahwo.”—Dr. Clemens Vollnhals

[Mufananidzo uri papeji 4]

Mhuri yokwaKusserow yakanyimwa rusununguko rwayo pamusana pokuti haina kuramba kutenda kwayo

[Mufananidzo uri papeji 4]

Johannes Harms akaurayiwa mujeri reNazi pamusana pezvaaidavira