Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kutanga Kutsvaka Umambo—Upenyu Hwakachengeteka uye Hunofadza

Kutanga Kutsvaka Umambo—Upenyu Hwakachengeteka uye Hunofadza

Nyaya Youpenyu

Kutanga Kutsvaka Umambo—Upenyu Hwakachengeteka uye Hunofadza

YAKATAURWA NAJETHA SUNAL

Tapedza kudya kwemangwanani takanzwa chiziviso muredhiyo chaiti: “Zvapupu zvaJehovha hazvisisiri zvepamutemo, uye basa razvo rarambidzwa.”

MAIVA muna 1950, uye isu vakadzi vana vaiva nemakore okuma20 taishumira semamishinari eZvapupu zvaJehovha muDominican Republic. Takanga tasvika ikoko gore rakanga radarika.

Ndakanga ndisina kumbobvira ndada basa roumishinari muupenyu hwangu. Chokwadi, ndaienda kuchechi ndiri mwana. Zvisinei, baba vangu vakarega kuenda kuchechi panguva yeHondo Yenyika I. Pazuva rokusimbiswa kwangu muChechi yeEpiscopal muna 1933, bhishopu akaverenga ndima imwe chete yeBhaibheri, ndokubva atanga kutaura zvematongerwe enyika. Amai vakagumbuka kwazvo zvokuti havana kuzomboendazve kuchechi.

Mararamiro Edu Akachinja

Vabereki vangu, William Karl naMary Adams vakabereka vana vashanu. Vakomana vaiva Don, Joel, naKarl. Munun’una wangu, Joy, ndiye aiva gotwe, ini ndaiva dangwe. Ndinofanira kuva ndaiva nemakore 13 apo rimwe zuva ndabva kuchikoro, ndakawana Amai vachiverenga kabhuku kakabudiswa neZvapupu zvaJehovha. Kainzi The Kingdom, the Hope of the World. “Ichi ndicho chokwadi,” vakandiudza kudaro.

Amai vakatitaurira tose nezvezvinhu zvavakanga vari kudzidza muBhaibheri. Neshoko nomuenzaniso, vakaita kuti tinzwisise kukosha kwezano raJesu rinoti: ‘Tanga kutsvaka umambo nokururama kwake.’—Mateu 6:33.

Kazhinji ndaisada kuteerera. Ndakamboti, “Amai, regai kundiparidzira kana mukasadaro handizokupukutirii ndiro zvekare.” Asi vakaramba vachitaura nesu nounyanzvi. Vaigaroenda nesu vana tose kuzvidzidzo zveBhaibheri zvaiitirwa mumba maClara Ryan, uyo aigara pedyo nepamba pedu muElmhurst, Illinois, U.S.A.

Clara aiitisawo zvidzidzo zvokuridza piyano. Vadzidzi vake pavairidzira vanhu pamutambo wepagore, aishandisa mukana wacho kutaura nezvoUmambo hwaMwari uye tariro yorumuko. Nemhaka yokufarira mimhanzi, pashure pokudzidzira rudzi rwegitare rinonzi violin kubvira pandaiva nemakore manomwe, ndakateerera zvaitaurwa naClara.

Munguva pfupi isu vana takatanga kupinda misangano yeungano naAmai kumadokero kweChicago. Rwaiva rwendo rurefu nebhazi uye nemotokari, asi kwaiva kumwe kwokudzidziswa kwedu kwokutanga pane zvinorehwa nokutanga kutsvaka Umambo. Muna 1938, makore matatu Amai vabhabhatidzwa, ndakaenda navo kukokorodzano yeZvapupu zvaJehovha kuChicago. Iri raiva rimwe remaguta 50 akanga akabatanidzwa pamwe norunhare rweredhiyo pachiitiko chacho. Zvandakanzwa ikoko zvakandiorora.

Asi, mimhanzi yaindifadzawo zvikuru. Ndakapedza kudzidza kusekondari muna 1938, uye Baba vakanga varonga kuti ndidzidze paAmerican Conservatory of Music muChicago. Saka mumakore maviri akatevera, ndakadzidza nezvemimhanzi, ndakaridza mumaorchestra maviri, uye ndakafunga zvokushanda basa racho.

Mudzidzisi wangu wokuridza violin, Herbert Butler, akanga abva kuEurope achizogara muUnited States. Saka ndakamupa kabhuku kanonzi Refugees, * ndichifunga kuti aizokaverenga. Akakaverenga, uye pashure pechidzidzo changu vhiki yakatevera yacho, akati: “Jetha, unoridza zvakanaka, uye kana ukaenderera mberi nezvidzidzo zvako, ungawana basa muorchestra yeredhiyo kana rokudzidzisa mimhanzi. Asi,” akataurazve akabata neminwe kabhuku kandakanga ndamupa, “ndinofunga mwoyo wako uri pane izvi. Wadii kuita izvi basa roupenyu hwako?”

Ndakafungisisa nezvazvo. Pane kuramba ndiri pachikoro chacho, ndakabvuma kukokwa kwandakaitwa naAmai kuti tiende kukokorodzano yeZvapupu zvaJehovha muDetroit, Michigan, muna July 1940. Taigara mumatende munzvimbo yematurera. Chokwadi, ndakaenda neviolin yangu, uye ndakairidza muorchestra yekokorodzano. Asi munzvimbo yataigara, ndakasangana nemapiyona akawanda (vaparidzi veevhangeri venguva yakazara). Vose vaifara zvikuru. Ndakasarudza kubhabhatidzwa uye ndakakumbira fomu rebasa roupiyona. Ndakanyengetera kuna Jehovha kuti andibatsire kuramba ndiri muushumiri hwenguva yakazara kwoupenyu hwangu hwose.

Ndakatanga kupayona mutaundi rokumusha kwangu. Gare gare, ndakashandira muChicago. Muna 1943, ndakatamira kuKentucky. Zhizha iroro, nguva shomanana kokorodzano yoruwa isati yaitwa, ndakagamuchira tsamba yaindikoka kunopinda kirasi yechipiri yeChikoro cheGiriyedhi, uko kwandaizodzidziswa basa roumishinari. Kirasi yacho yaizotanga muna September 1943.

Pakokorodzano muzhizha iroro, ndaigara nechimwe Chapupu chakandipa zvose zvandaida pazvipfeko zvomwanasikana wacho. Mwanasikana wacho akanga apinda basa rechiuto, uye akanga audza amai vake kuti vagove zvinhu zvake zvose. Kwandiri, zvinhu izvi zvaiva kuzadzika kwevimbiso yaJesu yokuti: “Ipapo, rambai muchitanga kutsvaka umambo nokururama kwake, uye izvi zvimwe zvinhu zvose zvichawedzerwa kwamuri.” (Mateu 6:33) Mwedzi mishanu yokuGiriyedhi yakakurumidza kupera, uye pandakapedza kudzidza musi waJanuary 31, 1944, ndaitarisira zvikuru kupinda mubasa roumishinari.

Ivowo Vakasarudza Basa Renguva Yakazara

Amai vakanga vanyoresa basa roupiyona muna 1942. Panguva iyoyo, hanzvadzi dzangu nhatu nomunun’una wangu vakanga vachiri kupinda chikoro. Amai vaiwanzovaona vabva kuchikoro vobva vaenda navo kuushumiri hwomumunda. Vakavadzidzisawo kuita mabasa epamba. Ivo pachavo vaiwanzononoka kurara vachichisa mbatya uye vachiita mamwe mabasa anokosha kuitira kuti vazokwanisa kuenda muushumiri masikati.

Muna January 1943, pandaipayona muKentucky, hanzvadzi yangu Don yakatangawo kupayona. Izvi zvakagumbura Baba, avo vaitarisira kuti vana vavo vose vaizova nedzidzo yepakoreji, seyavaiva nayo ivo naAmai. Apayona kweanoda kusvika makore maviri, Don akakokwa kuti arambe achiita ushumiri hwake hwenguva yakazara somumwe wenhengo yedzimbahwe reZvapupu zvaJehovha kuBrooklyn, New York.

Joel akatanga kupayona muna June 1943 paaigara kumba. Panguva iyoyo akaedza kunyengetedza Baba kuti vapinde kokorodzano asi akakundikana. Zvisinei, pashure pokunge Joel aedza asingabudiriri kuwana munhu wokudzidza naye Bhaibheri munharaunda yacho, Baba vakabvuma kudzidza naye bhuku rinonzi “The Truth Shall Make You Free.” Vaipindura mibvunzo yacho nyore nyore, asi vairamba vachiti Joel avape uchapupu hweMagwaro hwezvaitaurwa mubhuku racho. Izvozvo zvakabatsira Joel kuita kuti chokwadi cheBhaibheri chive mumwoyo make.

Joel aitarisira kuti Selective Service Board yakanga yasunungura Don ichiti mushumiri yaizomuitirawo zvimwe chete. Asi dare racho parakaona kuti Joel airatidzika kuva muduku zvikuru, rakaramba kumuti mushumiri ndokumutumira tsamba yokuti aende kubasa rechiuto. Paakaramba kunyorwa kuti apinde, gwaro rokusungwa rakapiwa. FBI yamuwana, akapedza mazuva matatu ari mujeri reCook County.

Baba vakashandisa ukoshi hwomusha wedu sebheroauti. Zvadaro, vakaita zvimwe chetezvo kune zvimwe Zvapupu zvechiduku zvakanga zvatarisana nechinetso chakadaro. Kusaruramisira kwenyaya yacho kwakagumbura baba vangu, ndokubva vaenda naJoel kuWashington, D.C., kuti vaone nezvokukwirirazve nyaya yacho. Pakupedzisira, Joel akazonzi mushumiri, mhosva ikabva yapera. Baba vangu vakandinyorera tsamba ndiri kubasa rangu roumishinari vachiti, “ndinofunga kuti tinofanira kupa mbiri yokukunda uku kuna Jehovha!” Pakupera kwaAugust 1946, Joel aivawo akokwa kunoshanda senhengo yepadzimbahwe muBrooklyn.

Karl aiwanzopayona pazororo rechikoro asati apedza chikoro chesekondari kutanga kwa1947, uye akazotanga basa roupiyona hwenguva dzose. Panguva iyoyo, utano hwababa hwakanga husisina kutsarukana, saka Karl akavabatsira pabhizimisi ravo kwenguva yakati asati aenda kunopayona kune imwe nzvimbo. Gare gare muna 1947, Karl akatanga kushanda pamwe naDon naJoel padzimbahwe reBrooklyn senhengo yemhuri yeBheteri.

Joy paakapedza chikoro chesekondari, akatanga kupayona. Zvadaro muna 1951, akandoshandawo nehanzvadzi dzake kuBheteri. Aishanda basa rokuchenesa dzimba uyewo muDhipatimendi Rokuzvinyoresa. Muna 1955 akaroorwa naRoger Morgan, imwe nhengo yemhuri yeBheteri. Makore manomwe gare gare, vasarudza kuva nemhuri yavo, vakabva paBheteri. Nokufamba kwenguva, vakaita vana vaviri, vanoshumirawo Jehovha.

Vana vose pavakanga vava mubasa renguva yakazara, Amai vaipa kurudziro yaidiwa, zvokuti Baba vakatsaurirawo upenyu hwavo kuna Jehovha ndokubhabhatidzwa muna 1952. Kwemakore 15 kusvikira vafa, vakaratidza kuva nyanzvi chaiyo mukuwana nzira dzokuudza nadzo vamwe chokwadi choUmambo, kunyange zvazvo kurwara kwaiita kuti vasaita zvakawanda.

Pashure pokumbomira zvishoma nemhaka yokurwara kwaBaba, Amai vakaramba vachipayona kusvikira vafa. Havana kumbova nemotokari, uye vakanga vasingachovhi bhasikoro. Somunhu aiva nomumhu muduku, vaienda kwose kwose netsoka, kazhinji kure mumaruwa, kunoitisa zvidzidzo zveBhaibheri.

Mumunda Woumishinari

Tapedza kudzidza paChikoro cheGiriyedhi, chikwata chedu chakapayona kuchamhembe kweNew York City kwegore kusvikira tawana magwaro aidiwa pakufamba. Pakupedzisira, muna 1945 takaenda kumugove wedu, kuCuba, uko kwatakajairana nemararamiro matsva zvishoma nezvishoma. Vanhu vaifarira kwazvo mashoko ataiparidza, uye pasina nguva yakati tose takanga tava kudzidza Bhaibheri nevakawanda. Takashanda ikoko kwemakore anoverengeka. Zvadaro takanzizve tiende kunoshandira kuDominican Republic. Rimwe zuva ndakasangana nomumwe mukadzi uyo akandikurudzira kuona mumwe waaiita zvebhizimisi naye, mukadzi wokuFrance ainzi Suzanne Enfroy, uyo aida kubatsirwa kunzwisisa Bhaibheri.

Suzanne aiva muJudha, uye Hitler paakapinda nechisimba muFrance, murume wake akamutamisa iye nevana vavo vaviri kuenda kune imwe nyika. Suzanne akakurumidza kuudza vamwe zvinhu zvaakanga ari kudzidza. Akatanga kutaurira mukadzi uya akanga andikumbira kumushanyira, ndokuzotaura naBlanche, shamwari yake yokuFrance. Vose vakafambira mberi kusvika pakubhabhatidzwa.

“Ndingaitei kuti ndibatsire vana vangu?” Suzanne akandibvunza. Mwanakomana wake akanga achidzidza nezvemishonga, uye mwanasikana wake aidzidzira kutamba, achitarisira kutamba paRadio City Music Hall muNew York. Suzanne akavatumira magazini okuzvinyoresa eNharireyomurindi neMukai! Nemhaka yeizvi, mwanakomana waSuzanne, mudzimai wake, uye mupatya womukadzi wake vose vakava Zvapupu. Murume waSuzanne, Louis, aitya kufarira Zvapupu zvaJehovha kwaiitwa nomudzimai wake nokuti hurumende yeDominican Republic panguva ino yakanga yarambidza basa redu. Asi mhuri yose yatamira kuUnited States, iyewo akazova Chapupu.

Tarambidzwa asi Tichiri Kushumira

Kunyange zvazvo basa reZvapupu zvaJehovha rakarambidzwa muDominican Republic nguva pfupi tatanga kushanda ikoko muna 1949, takanga takatsunga kuteerera Mwari soMutongi panzvimbo pomunhu. (Mabasa 5:29) Takaramba tichitanga kutsvaka Umambo hwaMwari kuburikidza nokuita kuti mashoko akanaka pamusoro pahwo azivikanwe, sokurayira kwakaita Jesu vateveri vake. (Mateu 24:14) Zvisinei, takadzidza kuva ‘vakangwarira senyoka asi tisina mhaka senjiva’ sezvataiita basa redu rokuparidza. (Mateu 10:16) Somuenzaniso, violin yangu yakandibatsira zvikuru. Ndaienda nayo pandaiitisa zvidzidzo zveBhaibheri. Vanhu vandaidzidza navo havana kuita varidzi veviolin, asi mhuri dzinoverengeka dzakava vashumiri vaJehovha!

Pashure pokurambidzwa, isu vasikana vana—ini, Mary Aniol, Sophia Soviak, naEdith Morgan—takatamiswa kubva mumusha wemamishinari muSan Francisco de Macorís kuenda kune mumwe waiva pabazi muSanto Domingo, guta guru. Asi mwedzi mumwe nomumwe, ndaienda kwatakatanga kupiwa basa kunodzidzisa kuridza mimhanzi. Zvaiita kuti ndikwanise kutakura mabhuku ezvokunamata muchikwama cheviolin yangu ndoenda nawo kuhama dzedu dzechiKristu uye ndodzoka nemishumo yebasa ravo rokupupurira.

Hama dzokuSan Francisco de Macorís padzakaiswa mujeri muSantiago nemhaka yokuti vaisava nokwavakarerekera mune zvematongerwe enyika, ndakakumbirwa kuvaendesera mari uye, pazvaibvira, maBhaibheri, uyewo ndaidzoka ndichiudza mhuri dzavo zvaiitika. Kujeri reSantiago, varindiri pavakaona chikwama cheviolin yangu muhapwa mangu, vakabvunza kuti, “Ndechei ichocho?” “Ndechokuvatandadza nacho,” ndakapindura kudaro.

Imwe yenziyo dzandakaridza ndeiya yakanyorwa nechimwe Chapupu chaiva mumusasa wevasungwa weNazi. Rwiyo rwacho zvino rwava nhamba 29 mubhuku renziyo reZvapupu zvaJehovha. Ndakairidza kuitira kuti hama dzedu dzaiva mujeri dzigone kudzidza kuiimba.

Ndakaudzwa kuti Zvapupu zvakawanda zvakanga zvachinjirwa kupurazi raTrujillo, mutungamiriri wehurumende. Ndakaudzwa kuti raiva pedyo nenzira yebhazi. Saka anenge masikati, ndakaburuka bhazi ndokubvunza nzira. Muridzi weimwe shopu duku akanongedza kuseri kwomudungwerungwe wemakomo ndokubva andipa bhiza rake nomukomana wokuti andiperekedze kana ndaizosiya violin yangu sechiratidzo chokuti ndaizodzosa bhiza racho.

Seri kwezvikomo izvozvo, taifanira kuyambuka rwizi, tose takatasva bhiza racho iro richishambira. Ikoko takaona boka remaparrot, neminhenga yawo yaichinja chinja ruvara yegirini nebhuruu ichikwidzima muzuva. Ainakidza kuona zvikuru! Ndakanyengetera ndichiti: “Ndinokuongai, Jehovha, nokuaita zvakaisvonaka kudai.” Pakupedzisira, takasvika papurazi racho na4:00 zuva rovira. Musoja aitarisira akandibvumira nomutsa kuti nditaure nehama dzacho, uye akandibvumira kuvapa zvinhu zvose zvandakanga ndavavigira, kunyange Bhaibheri duku.

Pakudzoka, ndakanyengetera munzira yose, sezvo zvino kwakanga kwasviba. Takasvikazve pashopu iya, tati nyakata nemvura yainaya. Sezvo bhazi rokupedzisira musi wacho rakanga raenda, ndakakumbira muridzi weshopu kuti andimisire rori yaipfuura. Ndaizoenda nevarume vaviri vaiva murori yacho here? Mumwe wavo akandibvunza kuti: “Unoziva Sophie here? Akadzidza nehanzvadzi yangu.” Ndakaziva kuti iyoyo yaiva mhinduro yaJehovha kumunyengetero wangu! Vakaenda neni zvakanaka kuSanto Domingo.

Muna 1953, ndaiva pakati pevaya vokuDominican Republic vakapinda kokorodzano yemarudzi akawanda yeZvapupu zvaJehovha kuYankee Stadium kuNew York. Mhuri yangu yose, kusanganisira baba vangu, yaivako. Mushumo wokuti basa rokuparidza riri kufambira mberi sei muDominican Republic wapiwa, ini naMary Aniol, wandaiva naye mubasa roumishinari, taiva nomugove muduku papurogiramu yacho wokuenzanisira maitiro ataiita basa redu rakanga rarambidzwa.

Mufaro Chaiwo Webasa Rokufambira

Muzhizha iroro ndakasangana naRudolph Sunal, uyo akazova murume wangu gore rakatevera racho. Mhuri yake yakanga yava Zvapupu muAllegheny, Pennsylvania Hondo Yenyika I ichangopera. Apedza nguva yakawanda ari mujeri nemhaka yokusava nokwaakarerekera mune zvematongerwe enyika munguva yeHondo Yenyika II, akatanga kushanda paBheteri kuBrooklyn, New York. Tichangoroorana, akakumbirwa kuti ashanyire ungano somutariri anofambira. Kwemakore 18 akatevera, ndakashanda naye mubasa redunhu.

Basa redu raiita kuti tiende kuPennsylvania, West Virginia, New Hampshire, neMassachusetts, uyewo kune dzimwe nzvimbo. Taiwanzogara nehama dzedu dzechiKristu mudzimba dzavo. Waiva mufaro chaiwo kusvika pakunyatsovaziva uye kushumira Jehovha pamwe navo. Rudo uye mutsa zvatairatidzwa nguva dzose zvaiva zvoushamwari uye zvechokwadi. Pashure pokunge Joel aroora mumwe wandaimbova naye mubasa roumishinari, Mary Aniol, vakapedza makore matatu vari mubasa rokufambira, vachishanyira ungano muPennsylvania neMichigan. Gare gare, muna 1958, Joel akakokwa kuva nhengo yemhuri yeBheteri zvekare, panguva ino aina Mary.

Karl akanga ave ari paBheteri kweanenge makore manomwe paakanzi aende kubasa redunhu kwemwedzi mishomanana kuti awane ruzivo rwakawedzerwa. Pashure pacho akava murayiridzi paChikoro cheGiriyedhi. Muna 1963 akaroora Bobbie, uyo akashanda paBheteri nokutendeka kusvikira afa muna October 2002.

Mumakore ake akawanda ari paBheteri, Don ave achienda kune dzimwe nyika nguva nenguva kunobatsira vaya vanoshanda mumahofisi ebazi uye mubasa roumishinari. Migove yake yakaita kuti aende kuMabvazuva, Africa, Europe uye kunzvimbo dzakasiyana-siyana dzeAmerica. Mudzimai waDon akavimbika, Dolores, anowanzofamba naye.

Mamiriro Edu Ezvinhu Akachinja

Baba vangu vakafa pashure pokurwara kwenguva refu, asi vasati vafa vakandiudza kuti vaifara zvikuru kuti takanga tasarudza kushumira Jehovha Mwari. Vakati takanga tawana zvimwe zvikomborero zvakawanda kudarika zvatingadai takawana kudai takanga taramba tichitsvaka dzidzo yekoreji yavaida kuti titsvake. Ndabatsira Amai kurongedza zvinhu kuti vatamire kunzvimbo iri pedyo nomunun’una wangu Joy, ini nomurume wangu takagamuchira migove yokupayona muNew England kuitira kuti tive pedyo naamai vake, avo panguva iyoyo vaida rubatsiro rwedu. Amai vake vafa, amai vangu vakapedza makore 13 tichigara navo. Ipapo, musi waJanuary 18, 1987, vakapedza basa ravo repasi pano vava nemakore 93.

Pavaiwanzorumbidzwa neshamwari nokuda kwokurera vana vavo vose vachiita kuti vade Jehovha nokumushumira, Amai vaipindura nokuzvininipisa vachiti: “Zvakangoitikawo kuti ndakawana i‘vhu’ rakanaka rokushanda pariri.” (Mateu 13:23) Chaiva chikomborero chakakura kwazvo kuva nevabereki vaitya Mwari avo vakatiitira muenzaniso wakanaka mukushingaira uye mukuzvininipisa!

Umambo Huchiri Pakutanga

Takaramba tichiisa Umambo hwaMwari pakutanga muupenyu hwedu uyewo takaedza kushandisa zano raJesu rokugoverana nevamwe. (Ruka 6:38; 14:12-14) Jehovha akatigoverawo zvataida nenzira yomutsa. Upenyu hwedu hwave hwakachengeteka uye huchifadza.

Ini naRudy hatina kurega kuda kwataiita mimhanzi. Inguva inofadza apo vamwe vanoidawo vanouya kumba kwedu kuzotandara manheru tobva taridza zviridzwa zvedu pamwe. Asi basa rangu harisi rokuridza mimhanzi. Mufaro wokuwedzera muupenyu. Zvino ini nomurume wangu tinofara nokuona zvibereko zvoushumiri hwedu hwokupayona, vanhu vatakabatsira kwemakore.

Pasinei nezvinetso zvoutano panguva ino, ndinogona kutaura kuti tave tichifara zvikuru muupenyu hwedu uye hwave hwakachengeteka makore aya anodarika 60 tiri muushumiri hwenguva yakazara. Mangwanani oga oga pandinomuka, ndinoonga Jehovha nokupindura munyengetero wangu pandakapinda muushumiri hwenguva yakazara makore akawanda kwazvo akadarika, uye ndinofunga kuti, ‘Zvino, nhasi ndingatanga sei kutsvaka Umambo?’

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 14 Kakabudiswa neZvapupu zvaJehovha asi hakachadhindwi.

[Mufananidzo uri papeji 24]

Mhuri yedu muna 1948 (kubva kuruboshwe kuenda kurudyi): Joy, Don, Amai, Joel, Karl, ini, naBaba

[Mufananidzo uri papeji 25]

Amai vaiva muenzaniso mukushingaira muushumiri

[Mufananidzo uri papeji 26]

Karl, Don, Joel, Joy, neni, makore anodarika 50 gare gare

[Mufananidzo uri papeji 27]

Kubva kuruboshwe kuenda kurudyi: Ini, Mary Aniol, Sophia Soviak, naEdith Morgan tiri mamishinari kuDominican Republic

[Mufananidzo uri papeji 28]

NaMary (kuruboshwe) paYankee Stadium, muna 1953

[Mufananidzo uri papeji 29]

Nomurume wangu paaiva mubasa redunhu