Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Ndakawana Zvose Zvandaida”

“Ndakawana Zvose Zvandaida”

“Ndakawana Zvose Zvandaida”

MAERERANO nomushumo weWorld Health Organization, kuora mwoyo kunofungidzirwa kuti panguva ino kunobata vanhu vanodarika mamiriyoni 120 pasi pose. Gore rimwe nerimwe, vanhu miriyoni imwe vanozviuraya uye mamiriyoni ari pakati pe10 ne20 vanoedza kuzviuraya. Vaya vanotambura nokuora mwoyo vangabatsirwa sei? Kurapwa nomushonga kungaderedza kutambura kwacho, uye kutsigirwa mupfungwa kunokosha. Uyezve, vamwe vari kutambura kunzwa kwakadaro vakawana rumwe ruyamuro mumabhuku eBhaibheri eZvapupu zvaJehovha ane mashoko anobatsira, sezvinoratidzwa netsamba inotevera yokuFrance.

“Kasiri kare zvikuru, ndaisagona kuona chinangwa chokuramba ndichirarama. Ndakanyengetera kuna Mwari kuti arege ndife. Zvaiita sokunge ndakanga ndakafa nechomukati. Ndichitsvaka nhungamiro, ndakanyengetera zvikuru kuna Jehovha. Ndakasarudzawo kuverenga Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2002 ndokuripedza mumazuva matatu. Ndinoti rakandikurudzira zvikuru uye rakasimbisa kutenda kwangu.

“Ndakatsvakurudza mumagazini eNharireyomurindi neMukai!, uye ndakashamiswa zvikuru! Ndakaverenga magazini aya nguva dzose kweanodarika makore 15, asi handina kumboziva kuti nyaya dzacho dzinokurudzira uye dzinosimbisa sei. Dzakazara norudo—unhu husingawanzowanikwi mazuva ano. Ndakawana zvose zvandaida.”

Bhaibheri rinoti: “Jehovha uri pedyo navane mwoyo yakaputsika, unoponesa vane mweya yakapwanyika.” (Pisarema 34:18) Pasina mubvunzo, vose vane “mwoyo yakaputsika” kana kuti “mweya yakapwanyika” vanogona kuwana kurudziro uye tariro yenguva yemberi muBhaibheri. Zvapupu zvaJehovha zvinoparadzira mabhuku eBhaibheri kuti zviyamure vaya vanonetseka kubatsirwa nenyaradzo iyoyo yakafuridzirwa naMwari.