Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Shandisa Zvakanaka Kuchinja Kwemamiriro Ezvinhu

Shandisa Zvakanaka Kuchinja Kwemamiriro Ezvinhu

Shandisa Zvakanaka Kuchinja Kwemamiriro Ezvinhu

Pum, Jan, Dries, naOtto, vakuru vechiKristu vana vanogara muNetherlands, vane zvakawanda zvakafanana. Vose vari vana vakaroora uye vane vana. Uyezve, makore akati kuti apfuura, vose vaishanda nguva yakazara kunyika uye vairarama mumisha yomutambarakede. Zvisinei, vose vakarega kushanda kunyika ndokutanga kupedzera nguva yavo yose nesimba mukufambisira mberi zvinhu zvoUmambo. Chii chakaita kuti vakwanise kuchinja seizvi? Vose vari vana vakashandisa zvakanaka kuchinja kwemamiriro ezvinhu.

VAKAWANDA vedu tinochinjirwa nezvinhu pakupedzisira. Kuchinja kwakawanda, kwakadai sokuroora, kuva nevana, kana kuti kutarisira vabereki vakwegura, kunounza mimwe mitoro. Zvisinei, kumwe kunotipa rusunguko rukuru rwokuwedzera ushumiri hwedu hwechiKristu. (Mateu 9:37, 38) Somuenzaniso, vana vedu vakura vangabva pamusha, kana kuti tingarega basa.

Uyezve, nepo chiri chokwadi kuti zvinhu zvingatichinjira kunyange tichida kana kuti kwete, vamwe vaKristu vakabudirira mukuronga kuchinja zvinhu zvavo zvikazarura mikana yokuwedzera basa ravanoita muushumiri. Ndizvozvo chaizvo zvakaitwa naPum, Jan, Dries, naOtto. Sei?

Vana Pavanobva Pamusha

Pum aishanda somutarisiri weakaunzi pafemu inogadzira mishonga. Iye nomudzimai wake, Anny, vaiwanzoshanda semapiyona ebetsero pamwe chete nevanasikana vavo vaviri. Pum naAnny vairongawo nguva yokutandara nevamwe vaiva mapiyona. “Izvi zvaitidzivirira pazvinetso zvingadai zvakakonzerwa nedzimwe songaniro,” vanorondedzera kudaro. Vakurudzirwa nomuenzaniso wevabereki vavo, vanasikana vacho vose vakava mapiyona enguva dzose pavakangopedza chikoro chesekondari.

Vana vavo pavakabva pamusha, Pum naAnny vakaziva kuti kuchinja kwezvinhu uku kwaivapa rusununguko nemari zvakawedzerwa zvavaigona kushandisa kufamba kuenda kunzvimbo dzinonakidza kana kuti kuva nedzimwe nhandaro. Zvisinei, pane kudaro vaviri ava vakasarudza kushandisa kuchinja kwaiva kwaitika kuti vawedzere ushumiri hwavo hwechiKristu. Saka Pum akakumbira munhu waaishandira mvumo yokurega kushanda zuva rimwe pavhiki. Gare gare, Pum akaita zvirongwa zvaimuita kuti atange basa na7:00 mangwanani achipedza na2:00 masikati. Chokwadi, kushanda nguva shoma kwaireva kurarama nemari shoma. Zvisinei, vakabudirira, uye muna 1991, Pum akabatana nomudzimai wake kuva piyona wenguva dzose.

Pashure pacho, Pum akakumbirwa kuva mutevedzeri womutariri weImba Yemagungano yeZvapupu zvaJehovha. Chikumbiro ichocho chaireva kuti vaviri vacho vaifanira kusiya musha wavakanga vagara kwemakore 30 ndokutamira muimba yaiva panzvimbo yeImba yacho Yemagungano. Vakatama. Zvaiva zvakaoma here? Anny anopindura kuti pose paaifunga kumusha, aizvibvunza kuti, ‘Ndiri mudzimai waRoti here?’ Anny akaramba ‘kucheuka.’—Genesi 19:26; Ruka 17:32.

Pum naAnny vanofunga kuti zvavakasarudza zvakaita kuti vawane zvikomborero zvakawanda. Pakati pezvimwe zvinhu zvakawanda, vanonakidzwa nebasa ravo paImba Yemagungano, kugadzirira kokorodzano dzoruwa, uye vanoonana nevatariri vematunhu (vashumiri vanofambira) avo vanopa hurukuro paimba yacho. Vanomboshanyira ungano dzakasiyana-siyana Pum paanenge achishanda somutsivi womutariri wedunhu.

Chii chakaita kuti vaviri ava vabudirire kuwedzera basa ravo? Pum anoti: “Upenyu hwako pahunochinja zvikuru, unofanira kuva akatsunga kushandisa mamiriro acho ezvinhu matsva zvakanakisisa sezvaungagona.”

Kutanga Upenyu Huri Nyore

Jan nomudzimai wake, Woth, vane vana vatatu. SaPum nemhuri yake, Jan akashandisa nokuchenjera kuchinja kwezvinhu. Kwemakore, Jan aiva nebasa raibhadhara kwazvo romubhengi uye mhuri yake yairarama upenyu hwakanaka. Zvisinei, akanzwa chido chokuwedzera ushumiri hwake chichikura. Anotsanangura kuti: “Muupenyu hwangu, kukoshesa kwandaiita chokwadi kwakawedzera, uye kuda kwangu Jehovha kwakakura.” Saka muna 1986, Jan akachinja mumamiriro ake ezvinhu. Anoti: “Ndakashandisa mukana wokurongwazve kwemashandiro epahofisi ndokutanga kushanda maawa mashoma. Vashamisika, vandaishanda navo vakandipa zita romusere rokuti Diwodo nokuti ndaingoshanda musi wedinsdag [Chipiri], woensdag [Chitatu], uye donderdag [China]. Mari yandaitambira yakaderera nezvikamu 40 kubva muzana. Ndakatengesa imba yedu ndokutenga imba iri muigwa kuitira kuti tigone kushumira kwaidiwa vaparidzi voUmambo zvikuru. Gare gare, ndakashandisa mukana wokukurumidza kurega basa, mari yangu yandaiwana yakaderera nezvimwezve zvikamu 20 kubva muzana, asi muna 1993, ndakakwanisa kutanga kushanda sapiyona wenguva dzose.”

Nhasi, Jan inhengo yeDare Rokubata Nechipatara uye ave achishanda nguva dzose somutariri wekokorodzano. Pasinei noutano hwake husina kutsarukana, Woth anoshanda sapiyona webetsero nguva nenguva. Vana vatatu vose zvino vakaroora uye vashumiri voUmambo vanoshingaira, pamwe nevavakaroorana navo.

Jan naWoth vakakwanisa sei kuchinjira kumararamiro akaderera? “Mumazuva ataiva nezvakawanda,” Jan anopindura kudaro, “taiva nechokwadi chokusanyanyobatanidzwa muzvinhu zvokunyama. Mazuva ano zvingava zvakatiomei kumirira kwenguva yakati tisati takwanisa kuwana chimwe chinhu, asi zvikomborero zvomudzimu uye ropafadzo dzatakagamuchira dzinozvitsiva zvikuru.”

SaJan naWoth, Dries nomudzimai wake, Jenny vakasarudzawo kuti upenyu hwavo hurambe huri nyore kuti vawane nguva yakawanda yezvinhu zvoUmambo. Dries naJenny vakashanda semapiyona kusvikira vava vabereki. Panguva iyoyo, kuti atarisire mhuri yake, Dries akashanda samaneja pane imwe femu huru. Vaaishandira vakaonga basa rake ndokumukwidziridza. Zvisinei, Dries akaramba nokuti kubvuma kwaizoreva nguva shoma yokuita zvinhu zvechiKristu.

Kurera mhuri—uyewo kutarisira amai vaJenny vairwara—zvaida nguva yakawanda uye simba zvevaviri vacho. Kunyange zvakadaro, vakaramba vachikudziridza pfungwa youpiyona. Chii chaivabatsira kuita izvi? Jenny anotsanangura achiti: “Taigara nemapiyona, taikoka mapiyona kuzodya, uye taipa vatariri vematunhu pokugara.” Dries anotizve: “Takaita kuti upenyu hurambe huri nyore ndokurega kuva nezvikwereti. Takasarudza kusamboita bhizimisi kana kuti kutenga musha, kuitira kuti mumazuva aizouya taisazotadziswa nezvinhu zvakadaro.”

Kusarudza kwaDries naJenny kuva nomukana waizovapa nguva yakawanda yezvinhu zvoUmambo kwakava nemibayiro. Vanakomana vavo vose zvino vanoshanda sevakuru, uye mumwe anopayona pamwe chete nomudzimai wake. Dries naJenny vakashanda semapiyona chaiwo, uye gare gare Jenny akaenda naDries mubasa redunhu. Zvino vanoshanda sevazvipiri paBheteri, uko Dries anoshanda senhengo yeDare reBazi.

Kukurumidza Kurega Basa

SaDries naJenny, Otto nomudzimai wake, Judy vaipayona vasati vava nevanasikana vavo vaviri. Judy paaiva nepamuviri pomwana wavo wokutanga, Otto akawana basa roudzidzisi.

Vana vacho pavaikura, Otto naJudy vaiwanzogamuchira mapiyona mumusha mavo kuitira kuti vanasikana vavo vaone mufaro une vashandi vechiKristu venguva yakazara. Nokufamba kwenguva, mwanasikana wavo mukuru akava piyona. Gare gare, akapinda Chikoro cheGiriyedhi uye iye zvino anoshanda somumishinari nomurume wake kune imwe nyika yokuAfrica. Mwanasikana wavo muduku akatanga kupayona muna 1987, naJudy akabva avawo piyona.

Kuchinja kwemamiriro ezvinhu pakwakabvumira Otto kushanda maawa mashoma kuchikoro, akashandisa imwe nguva yacho kupayona. Pakupedzisira, akasiya basa rake zvachose. Nhasi, Otto anoshandisa mano ake somudzidzisi kusimbisa ungano mune zvokunamata mubasa rokufambira.

Otto anopa zano ripi kune vaya vanokurumidza kurega basa ravo rokunyika? “Paunorega basa, usasarudza kumbozorora kwegore kana kupfuura. Hazvina kuoma kujaira ‘kuzorora.’ Nokukurumidza, unenge watokanganwa nezvokupayona. Pane kudaro, tangai mabasa enyu akawedzerwa oushumiri pakarepo.”

Kushandisa Ruzivo Rwako

Ichokwadi kuti hama dzakaita saPum, Jan, Dries, naOtto iye zvino hadzisisina simba nougwinyi zvadzaiva nazvo padzaiva duku. Asi dzakakura mupfungwa, muzivo, uye muuchenjeri. (Zvirevo 20:29) Dzinoziva zvazvinoreva kuva vanababa, uye mukushanda nevadzimai vadzo, dzine pfungwa yakati yezvinobatanidzwa kuva amai. Nevadzimai vadzo, dzakabata nezvinetso zvemhuri ndokurongera vana vadzo zvinangwa zvechiKristu. Otto anoti: “Pandinopa zano somutariri wedunhu munhau dzine chokuita nemhuri, zvinobatsira nokuti ndakarera mhuri ini pachangu.” Ruzivo rwaDries sababa runomuitawo kuti ave nhengo inokosha kumhuri yeBheteri, ine vashandi vechiduku vakawanda.

Chokwadi, zivo yavo pachavo inobatsira hama dzakadaro kutarisira zvinodiwa zvakasiyana-siyana muungano. Zvinoita sokunge kuti ruzivo rwavo rwakavandudza zvishandiso zvavanoshandisa, kuitira kuti vashandise simba ravo zvakanakisisa. (Muparidzi 10:10) Kutaura zvazviri, munguva yakati, vanogona kuramba vachiita zvakawanda kudarika vaya vakasimba mumuviri asi vaine ruzivo rushoma.

Hama dzakadaro, pamwe nevadzimai vavo, mienzaniso yakaisvonaka kune vechiduku vari pakati pevanhu vaJehovha. Vechiduku vanoona kuti varume nevakadzi vakaita seava vakasangana nezvinetso zvakawanda uye zvikomborero izvo zvinotaurwa mumabhuku edu echiKristu. Zvinokurudzira kuona varume nevakadzi vanoratidza pfungwa yakaita seyaKarebhi uyo akakumbira basa rakanga rakaoma, kunyange akanga akwegura.—Joshua 14:10-12.

Tevedzera Kutenda Kwavo

Ungatevedzera kutenda uye zviito zvevarume nevakadzi vataurwa munyaya ino here? Yeuka, vakaita chokwadi nzira yavo youpenyu. Vakakudziridza chido chokupayona muvana vavo. Vakadaro, sezvinotaurwa naJan kuti, “nokuva muenzaniso mukuda Jehovha nesangano rake, nokuronga ushamwari hwakanaka, uye nokudzidzisa vana kuzvitsigira.” Vaishanda nokutambawo pamwe semhuri. “Panguva yezororo,” anoyeuka kudaro Pum, “mhuri yose yaiwanzobuda mubasa rokuparidza mangwanani uye yaitandara pamwe masikati.”

Uyezve, vaKristu ava vaifanoronga, zvokuti mamiriro avo ezvinhu paakachinja, vakanga vakagadzirira kushandisa mamiriro ezvinhu matsva. Vakava nezvinangwa ndokuita zvisarudzo zvakavabatsira kukurumidza kusvitsa zvinangwa zvavo. Vakatsvaka nzira dzokuita basa shoma rokunyika uye vakazvipira kurarama nemari shoma. (VaFiripi 1:10) Vadzimai vacho vakatsigira varume vavo zvakakwana. Vose pamwe vaiva nechido chakasimba chokupinda pa“musuo muhombe webasa” uye, somugumisiro, vakava nezvikomborero zvakawanda zvakabva kuna Jehovha.—1 VaKorinde 16:9; Zvirevo 10:22.

Unewo chido chokuwedzera ushumiri hwako here? Kana uinacho, kushandisa zvakanaka kuchinja kwemamiriro ezvinhu kungaratidza kuva kiyi yokuita izvozvo chaizvo.

[Mufananidzo uri papeji 20]

Pum naAnny vachitarisira Imba Yemagungano

[Mufananidzo uri papeji 20]

Jan naWoth vari mubasa rokuparidza

[Mufananidzo uri papeji 21]

Dries naJenny vachishanda paBheteri

[Mufananidzo uri papeji 21]

Otto naJudy vachigadzirira kushanyira ungano yaitevera