Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

‘Shingai uye Simbai!’

‘Shingai uye Simbai!’

‘Shingai uye Simbai!’

“Shingai! Ini ndakunda nyika.”—JOHANI 16:33.

1. Tichifunga zvaizonosangana nevaIsraeri muKanani, vakakurudzirwa kuita sei?

APO vaIsraeri vakanga vava kuda kuyambuka Rwizi rweJodhani vachipinda muNyika Yakapikirwa, Mosesi akavaudza kuti: “Simbai, mutsunge mwoyo, musatya kana kuvhundutswa navo; nokuti Jehovha Mwari wako ndiye unoenda newe.” Zvadaro Mosesi akadana Joshua, uyo akanga achizotungamirira vaIsraeri kupinda muKanani, ndokumuudza zvakare pake oga zano rokuti ashinge. (Dheuteronomio 31:6, 7) Gare gare, Jehovha pachake akakurudzira Joshua, achiti: “Simba, utsunge mwoyo . . . Asi usimbe nokutsunga mwoyo kwazvo.” (Joshua 1:6, 7, 9) Mashoko iwayo aiva akakodzera nguva yacho. VaIsraeri vaizoda ushingi hwokurwisana nevavengi vaiva nesimba vaiva kune rimwe divi reJodhani.

2. Mamiriroi ezvinhu atinozviwana tiri maari nhasi, uye chii chatinoda?

2 Nhasi, vaKristu vechokwadi munguva pfupi iri kutevera vachayambukira munyika itsva yakapikirwa uye, kufanana naJoshua, vanofanira kushinga. (2 Petro 3:13; Zvakazarurwa 7:14) Zvisinei, mamiriro edu ezvinhu akasiyana neaJoshua. Joshua akarwa nemapakatwa nemapfumo. Isu tinorwa hondo yomudzimu uye hatimboshandisi zvombo chaizvo. (Isaya 2:2-4; VaEfeso 6:11-17) Uyezve, Joshua aifanira kurwa hondo dzakawanda dzinotyisa kunyange pashure pokupinda muNyika Yakapikirwa. Asi isu tinorwa hondo dzedu dzinotyisa kwazvo iye zvino—tisati tapinda munyika itsva. Ngatikurukurei mamwe mamiriro ezvinhu anoda kuti tishinge.

Nei Tichifanira Kurwa?

3. Bhaibheri rinozivisei nezvomushori wedu mukuru?

3 Muapostora Johani akanyora kuti: “Tinoziva kuti tinobva kuna Mwari, asi nyika yose iri musimba rewakaipa.” (1 Johani 5:19) Mashoko iwayo anoratidza chikonzero chikuru nei vaKristu vachifanira kurwa kuti vachengete kutenda kwavo. MuKristu paanoramba akatendeseka, kusvikira pamwero wakati Satani Dhiyabhorosi anenge achikundwa. Naizvozvo, Satani anoita se“shumba inodzvova” iri kuedza kutyisidzira nokuparadza vaKristu vakatendeka. (1 Petro 5:8) Chokwadi, anorwa nevaKristu vakazodzwa neshamwari dzavo. (Zvakazarurwa 12:17) Muhondo iyi, anoshandisa vanhu vanoita kuda kwake vachiziva kana kuti vasingazivi. Zvinotoda kushinga kuti timire takasimba mukurwisana naSatani nevaanoshandisa.

4. Jesu akapa nyeveroi, asi vaKristu vechokwadi vakaratidza unhui?

4 Sezvo Jesu aiziva kuti Satani nevanhu vake vacharamba zvakasimba mashoko akanaka, Akanyevera vateveri vake kuti: “Vanhu vachakutambudzai uye vachakuurayai, uye muchavengwa nemarudzi ose nemhaka yezita rangu.” (Mateu 24:9) Mashoko iwayo akazadzika muzana remakore rokutanga, uye anozadzika nhasi. Chokwadi, kutambura kwave kuchiita zvimwe Zvapupu zvaJehovha zvemazuva ano kunongorwadza sokutambura kupi zvakwo kwakaitwa nevamwe munhoroondo yose. Kunyange zvakadaro, vaKristu vechokwadi vakashinga pakubata nezvinhu zvakaoma kudaro. Vanoziva kuti “kutya munhu kunouyisa musungo,” uye havadi kubatwa mumusungo.—Zvirevo 29:25.

5, 6. (a) Mamiriroi ezvinhu anoda kuti tive vakashinga? (b) VaKristu vakatendeka vanoita sei apo ushingi hwavo hunoedzwa?

5 Pane zvimwe zvinetso kunze kwokutambudzwa zvinoda kuti tishinge. Kune vamwe, kutaura nevanhu vavasingazivi nezvemashoko akanaka kwakaoma. Ushingi hwevamwe vana vanoenda kuchikoro hunoedzwa pavanodanwa kuti vaite mhiko yokuvimbika kunyika kana kuti kumureza. Sezvo mhiko yakadaro ichitova kutaura kwechitendero, vana vechiKristu vakasarudza kuita nenzira inofadza Mwari vasingatyi, uye mukurumbira wavo wakanaka kwazvo wave uchifadza.

6 Tinodawo ushingi apo vashori vanoshandisa zvinobudisa nhau kuparadzira mishumo yenhema pamusoro pevashumiri vaMwari kana kuti pavanoedza kumisa kunamata kwechokwadi kuburikidza nokuronga “kuita zvakashata nemitemo.” (Pisarema 94:20) Somuenzaniso, tinofanira kunzwa sei apo zvinotaurwa nepepanhau, redhiyo, kana kuti terevhizheni maererano neZvapupu zvaJehovha kuri kumonyaniswa kwemashoko kana kuti nhema chaidzo? Tinofanira kushamiswa here? Kwete. Tinotarisira zvinhu zvakadaro kuitika. (Pisarema 109:2) Uye hatishamiswi apo vamwe vanodavira nhema idzodzo nemashoko akamonyaniswa akabudiswa, sezvo ‘asina mano achitenda mashoko ose.’ (Zvirevo 14:15) Kunyange zvakadaro, vaKristu vakatendeka vanoramba kudavira mashoko ose ose anotaurwa pamusoro pehama dzavo, uye havambobvumiri nhema dzinoparadzirwa kuvatadzisa kupinda misangano yechiKristu, kuvaita kuti vasashingairire mubasa romumunda, kana kuti vanete mukutenda. Kusiyana neizvi, “[va]nozvirumbidza sevashumiri vaMwari . . . nomumbiri noruzvidzo, nomumashoko akaipa nemashoko akanaka; sevanyengeri [mukuona kwevashori] asi [chaizvoizvo vari] vechokwadi.”—2 VaKorinde 6:4, 8.

7. Mibvunzo ipi yokuzviongorora yatinofanira kuzvibvunza?

7 Pauro, achinyorera Timoti, akati: “Mwari haana kutipa mudzimu woumbwende, asi wesimba . . . Naizvozvo usanyara kupupurira Ishe wedu.” (2 Timoti 1:7, 8; Mako 8:38) Taverenga mashoko iwayo, tinogona kuzvibvunza kuti: ‘Ndinonyara nokutenda kwangu here, kana kuti ndakashinga? Kubasa kwangu (kana kuti kuchikoro), ndinoita kuti vakandipoteredza vazive kuti ndiri Chapupu chaJehovha here, kana kuti ndinoedza kuzvivharidzira? Ndinonyara kuva akasiyana nevamwe here, kana kuti ndinonzwa ndichida kubuda pachena nokuda kwoukama hwangu naJehovha?’ Kana pane anozeza kuparidza mashoko akanaka kana kuti kutenda zvinhu zvisingatendwi nevakawanda, ngaayeuke zano raJehovha kuna Joshua, rokuti: ‘Shinga uye simba.’ Usambokanganwa kuti haasi maonero evatinoshanda navo kana kuti evatinodzidza navo kuchikoro anokosha, asi maonero aJehovha naJesu Kristu.—VaGaratiya 1:10.

Nzira Yokuva Nayo Noushingi

8, 9. (a) Pane imwe nguva, vaKristu vokutanga vakaedzwa sei kushinga kwavo? (b) Petro naJohani vakaita sei pavaityisidzirwa, uye chii chakaitika kwavari nehama dzavo?

8 Tingava sei noushingi huchaita kuti tikwanise kuramba takatendeseka munguva dzino dzakaoma? Ko vaKristu vokutanga vakava sei noushingi? Funga zvakaitika apo mupristi mukuru nevarume vakuru muJerusarema vakaudza Petro naJohani kuti varege kuparidza muzita raJesu. Vadzidzi vacho vakaramba uye vakatyisidzirwa ndokuzosunungurwa. Pashure pacho, vakabatanazve nehama, uye vose vakanyengetera pamwe chete, vachiti: “Jehovha, inzwai kutyisidzira kwavo, mubvumire varanda venyu kuti varambe vachitaura shoko renyu vasingatyi.” (Mabasa 4:13-29) Jehovha akavasimbisa nomudzimu mutsvene, uye sezvakazopupurirwa nevatungamiriri vechiJudha, vaka“zadza Jerusarema” nokudzidzisa kwavo.—Mabasa 5:28.

9 Ngationgororei zvakaitika ipapo. Vadzidzi pavakatyisidzirwa nevatungamiriri vechiJudha, havana kubvuma kumanikidzwa kurega. Asi, vadzidzi vakanyengetera vachikumbira ushingi hwokuramba vachiparidza. Zvadaro vakaita maererano nezvavakanga vanyengeterera, uye Jehovha akavasimbisa nomudzimu wake. Zvakaitika kwavari zvinoratidza kuti zvakazonyorwa naPauro makore akatevera munyaya yakasiyana zvinoshanda kuvaKristu pavanotambudzwa. Pauro akati: “Ndine simba rokuita zvinhu zvose nemhaka youyo anondipa simba.”—VaFiripi 4:13.

10. Zvakaitika kuna Jeremia zvinobatsira sei vanhu vaya vangogara vachitya?

10 Kunyange zvakadaro zvakadini kana munhu angogarawo achitya? Angagona here kunyange zvakadaro kushumira Jehovha noushingi iye achishorwa? Zvechokwadi! Yeuka zvakataurwa naJeremia apo Jehovha akamugadza kuti ave muprofita. Jaya racho rakati: “Ndiri mwanana hangu.” Sezviri pachena, ainzwa asina kukodzera. Kunyange zvakadaro, Jehovha akamukurudzira nemashoko aya: “Usati ndiri mwanana; nokuti kunaani naani wandinenge ndichikutuma, unofanira kuenda, nechinhu chipi nechipi chandinenge ndichikurayira, unofanira kuchitaura. Usatya nokuda kwavo, nokuti zvanzi naJehovha: Ini ndinewe, kuti ndikurwire.” (Jeremia 1:6-10) Jeremia akavimba naJehovha, uye nesimba raJehovha akaguma akurira kutya kwake ndokuva chapupu chakashinga zvinoshamisa muna Israeri.

11. Chii chinobatsira vaKristu nhasi kuita saJeremia?

11 VaKristu vakazodzwa nhasi vane basa rakafanana neraJeremia, uye vachitsigirwa ne“boka guru” re“mamwe makwai,” anoramba achizivisa zvinangwa zvaJehovha, kunyange vanhu vacho vasingakendengi, vachiseka, uye vachivatambudza. (Zvakazarurwa 7:9; Johani 10:16) Vanokurudzirwa nemashoko aJehovha kuna Jeremia, anoti: “Usatya.” Havambokanganwi kuti vakapiwa basa naMwari uye vari kuparidza shoko rake.—2 VaKorinde 2:17.

Mienzaniso Yokushinga Yatinofanira Kutevedzera

12. Jesu akaratidza muenzaniso upi wakanaka kwazvo wokushinga, uye akakurudzira sei vateveri vake?

12 Tinogona kubatsirwa pakuedza kwedu kuva noushingi kana tikafungisisa mienzaniso yevamwe avo, kufanana naJeremia, vakaita noushingi. (Pisarema 77:12) Somuenzaniso, sezvatinoongorora ushumiri hwaJesu, tinoshamiswa noushingi hwake paakaedzwa naSatani uye paakatarisana nokushora kwakasimba kwevatungamiriri vechiJudha. (Ruka 4:1-13; 20:19-47) Nesimba raJehovha, Jesu akanga asingazununguki, uye kwasara nguva pfupi kuti afe, akati kuvadzidzi vake: “Munyika munotambudzika, asi shingai! Ini ndakunda nyika.” (Johani 16:33; 17:16) Kana vadzidzi vaJesu vaizotevera muenzaniso wake, ivowo vaizokunda. (1 Johani 2:6; Zvakazarurwa 2:7, 11, 17, 26) Asi vaizofanira ku“shinga.”

13. Pauro akakurudzira vaFiripi kutii?

13 Makore akati kuti pashure porufu rwaJesu, Pauro naSirasi vakakandirwa mujeri muFiripi. Gare gare, Pauro akakurudzira veungano yeFiripi kuti varambe ‘vakamira vakasimba mumudzimu mumwe, nemweya mumwe vachibishairira pamwe kutenda mashoko akanaka, uye vasingambotyiswi nevanopikisana navo.’ Kuti avasimbise kuita izvi, Pauro akati: “Chinhu ichochi [kutambudzwa kwevaKristu] uchapupu hwokuparadzwa [kwevatambudzi], asi hwokuponeswa kwamuri; uye chiratidzo ichi chinobva kuna Mwari, nokuti makapiwa ropafadzo nokuda [kwa]Kristu, kwete kuti mumutende bedzi, asiwo kuti mutambure nokuda kwake.”—VaFiripi 1:27-29.

14. Chii chakaguma chaitika muRoma pamusana pokusatya kwaPauro?

14 Pauro paakanyorera ungano yaiva muFiripi, aiva mujeri zvakare, iye zvino muRoma. Kunyange zvakadaro, akaramba achiparidzira vamwe asingatyi. Zvikaguma nei? Akanyora kuti: “Zvisungo zvangu pamusoro paKristu zvakazivikanwa pakati peVarindi vose voMuzinda waMambo nevamwe vose; uye dzakawanda dzehama munaShe, dzichinzwa dzine chivimbo nemhaka yezvisungo zvangu zvomujeri, dziri kutonyanya kuratidza ushingi kuti dzitaure shoko raMwari dzisingatyi.”—VaFiripi 1:13, 14.

15. Tingawanepi mienzaniso yakanaka kwazvo yokutenda ichaita kuti tinyatsotsunga kuva vakashinga?

15 Muenzaniso waPauro unotikurudzira. Ndizvo zvinoitawo mienzaniso yakanaka kwazvo inoratidzwa nevaKristu vemazuva ano vakatsungirira kutambudzwa munyika dzinotongwa noudzvinyiriri kana kuti nevafundisi. Nyaya dzevanoverengeka vavo dzave dzichishumwa mumagazini eNharireyomurindi neMukai! uye muMabhuku Egore eZvapupu zvaJehovha. Sezvaunoverenga nhoroondo idzodzo, yeuka kuti vanhu vane nyaya dziri kutaurwa vaingovawo vanhu vakafanana nesu; asi pavakanga vari mumamiriro ezvinhu akaoma, Jehovha akavapa simba rinopfuura romuzvarirwo uye vakatsungirira. Tinogona kuva nechokwadi chokuti achatiitirawo izvozvo kana mamiriro ezvinhu achida kuti adaro.

Kushinga Kwedu Kunofadza Nokukudza Jehovha

16, 17. Nhasi tingava sei noushingi?

16 Kana munhu akamira akasimba nokuda kwechokwadi nokururama, ikoko kushinga. Kana munhu akaita kudaro pasinei zvapo nokunzwa achitya nechomukati, akatoshinga zvikuru. Chokwadi, muKristu chero upi zvake anogona kuva akashinga kana achinyatsoda kuita kuda kwaJehovha, kana akatsunga kuramba akatendeka, kana achivimba naMwari nguva dzose, uye kana achigaroyeuka kuti Jehovha akambosimbisa vanhu vasingaverengeki vakaita saiye. Uyezve, patinoona kuti kushinga kwedu kunofadza nokukudza Jehovha, tinototsunga zvakanyanya kuti tisapera simba. Takagadzirira kutsungirira kusekwa kana zvinopfuura izvozvo nokuti tinomuda zvikuru.—1 Johani 2:5; 4:18.

17 Usambokanganwa kuti patinenge tichitambura pamusana pokutenda kwedu, hazvirevi kuti taita chimwe chinhu chakashata. (1 Petro 3:17) Tiri kutambura pamusana pokutsigira uchangamire hwaJehovha, nokuda kwokuita zvakanaka, uye nokuda kwokusava venyika. Maererano neizvi, muapostora Petro akati: “Kana muchiti mukaita zvakanaka motambura uye motsungirira, ichi chinhu chinofadza Mwari.” Petro akatiwo: “Vanotambura maererano nokuda kwaMwari ngavarambe vachiisa mweya yavo kuMusiki akatendeka vachiita zvakanaka.” (1 Petro 2:20; 4:19) Hungu, kutenda kwedu kunofadza Mwari wedu ane rudo, Jehovha, uye kunomukudza. Ichi chikonzero chakakura kwazvo chokuti tishinge!

Kutaura Nevane Simba

18, 19. Patinomira noushingi pamberi pomutongi, tinenge tichitopa shoko rokuti kudii?

18 Jesu paakaudza vateveri vake kuti vaizotambudzwa, akatiwo: “[Vanhu] vachakuisai kumatare emunzvimbo imomo, uye vachakuzvamburai mumasinagogi avo. Chokwadi, muchamanikidzwa kuenda pamberi pemagavhuna nemadzimambo nokuda kwangu, nokuda kwouchapupu kwavari uye nokuna mamwe marudzi.” (Mateu 10:17, 18) Kuti umire pamberi pomutongi nokuti wapomerwa nhema zvinoda kushinga. Kunyange zvakadaro, patinoshandisa zviitiko zvakadaro noushingi kupupurira kuvanhu ivavo, tiri kuita kuti nguva yakaoma ive mukana wokuita chimwe chinhu chinokosha. Tinenge tichitotaurira vanenge vachititonga mashoko aJehovha, akanyorwa muPisarema rechipiri, anoti: “Zvino chivai nenjere, imi madzimambo; munyeverwe, imi vatongi venyika. Shumirai Jehovha nokutya.” (Pisarema 2:10, 11) Kakawanda, apo Zvapupu zvaJehovha zvakapomerwa zvenhema mudare, vatongi vakatsigira rusununguko rwokunamata, uye tinoonga izvozvo. Zvisinei, vamwe vatongi vakabvuma kushandiswa nevashori. Kune vakadaro, Magwaro anoti: “Munyeverwe.”

19 Vatongi vanofanira kuziva kuti mutemo wakakwirira kupfuura yose ndowaJehovha Mwari. Vanofanira kuyeuka kuti vanhu vose, kusanganisira vatongi, vanozvidavirira kuna Jehovha Mwari naJesu Kristu. (VaRoma 14:10) Kana tirisu, tingave tichiruramisirwa nevatongi vevanhu kana kwete, tinofanira kushinga nokuti Jehovha anotitsigira. Bhaibheri rinoti: “Vakakomborerwa vose vanovimba naye.”—Pisarema 2:12.

20. Nei tingafara kana tichifanira kutsungirira kutambudzwa nokureverwa nhema?

20 MuMharidzo Yepagomo, Jesu akati: “Munofara imi apo vanhu vanokuzvidzai nokukutambudzai nokukureverai zvenhema chinhu chakaipa chorudzi rwose nokuda kwangu. Farai musvetuke nomufaro, sezvo mubayiro wenyu uri mukuru kumatenga; nokuti nenzira iyoyo vakatambudza vaprofita vakakutangirai.” (Mateu 5:11, 12) Ichokwadi kuti kutambudzwa pachakwo hakufadzi, asi kumira kwedu takasimba pasinei nokutambudzwa, kusanganisira mishumo yenhema inobudiswa munhau, chikonzero chokufara. Zvinoreva kuti tiri kufadza Jehovha uye tichawana mubayiro. Kushinga kwedu kunoratidza kuti tine kutenda kwechokwadi uye kunotivimbisa kuti Mwari anotifarira. Chokwadi, kunoratidza kuti tinovimba zvizere naJehovha. Kuvimba kwakadaro kunokosha kumuKristu, sezvicharatidzwa nenyaya inotevera.

Wadzidzei?

• Mamiriroi ezvinhu nhasi anoda kuti tishinge?

• Tingava sei noushingi?

• Ndivanaani vari mienzaniso yakanaka kwazvo youshingi?

• Nei tichida kuita noushingi?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 9]

Simone Arnold (iye zvino Liebster) kuGermany, Widdas Madona kuMalawi, uye Lydia naOleksii Kurdas kuUkraine vakaratidza ushingi vakadzivisa akaipa

[Mifananidzo iri papeji 10]

Hatinyari nemashoko akanaka

[Mufananidzo uri papeji 11]

Ushingi hwaPauro ari mujeri hwakaita zvakawanda nokuda kwemashoko akanaka

[Mufananidzo uri papeji 12]

Kana tikatsanangurira mutongi chisarudzo chedu chinotungamirirwa neMagwaro takashinga, tiri kupa shoko rinokosha