Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vakakunda Kutambudzwa

Vakakunda Kutambudzwa

Vakakunda Kutambudzwa

FRIEDA JESS akaberekwa muna 1911 kuDenmark, kwaakazotama nevabereki vake kuenda kuHusum kuchamhembe kweGermany. Makore akati gare gare akawana basa muMagdeburg, uye muna 1930 akabhabhatidzwa kuva Mudzidzi weBhaibheri, sokuzivikanwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha panguva yacho. Hitler akatanga kutonga muna 1933, uye kuna Frieda uku kwakava kutanga kwokubatwa noutsinye kwemakore 23 nehurumende youdzvinyiriri, kwete imwe chete, asi mbiri.

Muna March 1933 hurumende yeGermany yakaita sarudzo. Dr. Detlef Garbe, mukuru weNeuengamme Concentration Camp Memorial iri pedyo neHamburg, anotsanangura kuti: “Hurumende yeGutsaruzhinji yaida kumanikidza ruzhinji kuvhotera kanzura wavo nomutungamiriri, Adolf Hitler.” Zvapupu zvaJehovha zvakatevera zano raJesu rokuramba zvisina kwazvakarerekera mune zvematongerwe enyika uye kusava “rutivi rwenyika,” saka hazvina kuvhota. Zvakaguma nei? Zvapupu zvakarambidzwa basa razvo.—Johani 17:16.

Frieda akaita mabasa ake echiKristu zvakavanzika, kunyange kutobatsira kudhinda magazini yeNharireyomurindi. “Mamwe emagazini acho aipinzwa zvakavanzika mumisasa yevasungwa kuitira hama dzatainamata nadzo,” anodaro. Akasungwa muna 1940 uye akabvunzurudzwa neGestapo, pashure pacho akapedza mwedzi yakawanda ari mujeri rake oga. Akatsungirira sei? Anoti: “Munyengetero ndiwo waiva utiziro hwangu. Ndakatanga kunyengetera mangwanani-ngwanani uye ndainyengetera kakawanda pazuva. Munyengetero wakandipa simba uye wakandibatsira kuti ndisanyanye kufunganya.”—VaFiripi 4:6, 7.

Frieda akasunungurwa, asi muna 1944 Gestapo yakamusungazve. Panguva ino akatongerwa kugara mujeri reWaldheim kwemakore manomwe. Frieda anoenderera mberi achiti: “Mapurisa ejeri akandishandisa nevamwe vakadzi muimba dzokuwachira uye dzezvimbuzi. Ndaiwanzova nomumwe wokuCzechoslovakia, saka ndaitaura naye kakawanda nezvaJehovha uye zvandinotenda. Kukurukurirana ikoko kwakandichengeta ndakasimba.”

Kusunungurwa asi Kwete Kwenguva Refu

Jeri reWaldheim rakasunungurwa nemauto eSoviet muna May 1945, uye Frieda akanga akasununguka kudzokera kuMagdeburg uye kuushumiri hwake hwepachena asi kwete kwenguva refu. Zvapupu zvakatangazve kubatwa norusarura, panguva ino nezviremera zvaiva muSoviet Occupational Zone. Gerald Hacke weHannah-Arendt-Institute Research Into Totalitarianism anonyora kuti: “Zvapupu zvaJehovha zvaiva rimwe remapoka mashoma munzanga rakangoramba richitambudzwa nevadzvinyiriri vose munyika yeGermany.”

Nei rusarura rwacho rwakatangazve? Apazve, nyaya huru yaiva yokusava nokwawakarerekera kwechiKristu. Muna 1948, East Germany yakaita sarudzo, uye sezvinotsanangurwa naHacke, “chikonzero chikuru [chokutambudzwa kweZvapupu zvaJehovha] chaiva chokuti hazvina kubatanidzwa musarudzo yacho.” Muna August 1950, Zvapupu zvaJehovha zvakarambidzwa muEast Germany. Mazana akasungwa, kusanganisira Frieda.

Frieda akazviwana adzokera mudare uye akatongerwa kugara mujeri kwemakore matanhatu. “Panguva ino ndaiva nehama dzangu dzechiKristu, uye kuva navo kwakabatsira kwazvo.” Abudiswa muna 1956, akatamira kuWest Germany. Pazera remakore 90, Frieda zvino anogara muHusum, achiri kushumira Mwari wechokwadi, Jehovha.

Frieda akatambudzwa kwemakore 23 pasi poutongi huviri hwoudzvinyiriri. “VaNazi vakaedza kundiparadza ini pachangu; vaKomonisiti vakaedza kuparadza kuvimbika kwangu. Ndakawana kupi simba? Kudzidza Bhaibheri kwakanaka pandainge ndakasununguka, kunyengetera nguva dzose pandaiva ndoga, kusonganira nehama dzangu dzechiKristu pose pazvaikwanisika, uye kuudzawo vamwe zvandinotenda pose paiwanika mukana.”

Utongi Hwoudzvinyiriri muHungary

Imwe nyika umo Zvapupu zvaJehovha zvakatsungirira kubatwa norusarura kwemakumi emakore yaiva Hungary. Zvimwe zvakatambudzwa, kwete noutongi huviri chete hwoudzvinyiriri, asi hutatu. Tine muenzaniso waÁdám Szinger. Ádám akaberekerwa muPaks, kuHungary, muna 1922 uye akarererwa muchiPurotesitendi. Muna 1937 vamwe Vadzidzi veBhaibheri vakashanyira musha waÁdám, uye pakarepo akaratidza kufarira shoko ravo. Zvaakadzidza muBhaibheri zvakaita kuti abvume kuti dzidziso dzechechi yake dzaisava dzomuBhaibheri. Saka akasiya Chechi yePurotesitendi ndokubatana neVadzidzi veBhaibheri muushumiri hwavo hwepachena.

Udzvinyiriri hwakanga huri kuwedzera muHungary. Kakawanda, mapurisa aiona Ádám achiparidza paimba neimba uye aimutora kunomubvunzurudza. Kudzvinyirirwa kweZvapupu kwakawedzera, uye muna 1939 mabasa azvo akarambidzwa. Muna 1942, Ádám akasungwa, ndokuendeswa kujeri, uye akarohwa zvakaipisisa. Chii chakamubatsira pazera remakore 19 kutsungirira kutambura uye kugara mwedzi yakawanda mujeri? “Ndichiri kumba, ndakanyatsodzidza Bhaibheri uye ndakawana nzwisiso yakanaka yezvinangwa zvaJehovha.” Ádám akatozobhabhatidzwa somumwe weZvapupu zvaJehovha abudiswa mujeri. Hwaiva usiku muna August 1942, murwizi rwaiva pedyo nomusha wake.

Jeri muHungary, Musasa Wechibharo muSerbia

Panguva iyoyo, mukati mehondo yenyika yechipiri, Hungary yakabatana neGermany kurwisa Soviet Union, uye 1942 ava kupera, Ádám akanyorwa kuti ashande muchiuto. Anoti: “Ndakataura kuti handingakwanisi kushanda muchiuto pamusana pezvandakanga ndadzidza muBhaibheri. Ndakatsanangura kusava kwangu nokwandakarerekera.” Akatongerwa kugara mujeri kwemakore 11. Asi Ádám haana kupedza nguva yakawanda ari muHungary.

Muna 1943 Zvapupu zvaJehovha zvinenge 160 zvakaunganidzwa, ndokukwidzwa muzvikepe, ndokuendeswa nomuRwizi rweDanube kuSerbia. Ádám aivapowo. MuSerbia vasungwa ava zvino vakanga vava pasi poudzori hweParamende Yechitatu yaHitler. Vakapfigirwa mumusasa wechibharo paBor ndokumanikidzwa kushanda mumugodhi wekopa. Rinenge gore rimwe gare gare, vakadzorerwazve kuHungary, uko Ádám akasunungurwa nemauto eSoviet mukutanga kwezhizha ra1945.

Hungary Pasi Poutongi hwechiKomonisiti

Asi rusununguko haruna kugara nguva refu. Ma1940 ava kupera, zviremera zvechiKomonisiti muHungary zvakadzora mabasa eZvapupu zvaJehovha, sezvakanga zvaitwa neVadzvinyiriri hondo isati yatanga. Muna 1952, Ádám, uyo pari zvino akanga ava nemakore 29 uye aroora, ava nevana vaviri, akasungwa achibva apomerwa mhosva paakaramba zvakare basa rechiuto. Ádám akatsanangurira dare kuti: “Aka hakasi kokutanga kuramba basa rechiuto. Munguva yehondo, ndakaenda kujeri uye ndakaendeswa kuSerbia nokuda kwechikonzero ichochi. Ndinoramba kupinda muchiuto pamusana pehana yangu. Ndiri Chapupu chaJehovha, uye ndinoramba ndisina kwandakarerekera mune zvematongerwe enyika.” Mutongo waÁdám waiva wokugara mujeri kwemakore masere, gare gare ukazoderedzwa kuva makore mana.

Ádám akaramba achibatwa norusarura kusvika pakati pema1970, patodarika makore 35 mushure mokunge Vadzidzi veBhaibheri vatanga vashanyira musha wevabereki vake. Munguva iyi, akatongerwa kugara mujeri kwemakore 23 nematare matanhatu, akaiswa mumisasa nemajeri asiri pasi pegumi. Akatsungirira kuramba achitambudzwa pasi poutongi hutatu—hwechiFascist hondo yechipiri isati yatanga muHungary, hweHurumende yeGermany yeGutsaruzhinji muSerbia, uye hwevaKomonisiti kuHungary munguva yehondo yemashoko.

Ádám achiri kugara muguta rokumusha kwake rePaks, achishumira Mwari nokuvimbika. Ane mano anodarika omuzvarirwo anomugonesa kutsungirira uye kukunda zvinhu zvakaoma here? Kwete. Anotsanangura kuti:

“Kudzidza Bhaibheri, munyengetero, uye kusonganira nehama dzangu dzechiKristu kwaikosha. Asi ndinoda kusimbisa zvimwe zvinhu zviviri. Chokutanga, Jehovha ndiye Anopa simba. Ukama hwepedyo naye hwakandiraramisa. Uye chechipiri, ndakachengeta mupfungwa VaRoma chitsauko 12, inoti: ‘Musazvitsivira.’ Saka handina kuchengeta chigumbu. Kakawanda ndaiwana mukana wokutsiva vaya vakanditambudza, asi handina kudaro. Hatifaniri kushandisa simba ratinopiwa naJehovha kudzorera chakaipa nechakaipa.”

Kupera Kwechitambudzo

Frieda naÁdám iye zvino vava kukwanisa kunamata Jehovha pasina chinovavhiringidza. Asi, kunyange zvakadaro, zviitiko zvakadaro zvinoratidzei nezvokutambudzirwa chitendero? Kuti kutambudza kwakadaro hakubudiriri—zvikurukuru kana kukaitwa pavaKristu vechokwadi. Nepo kutambudza Zvapupu zvaJehovha kwakapedza zvinhu zvakawanda uye kwakakonzera kutambura kwakaipisisa, kwakatadza kusvika pachinangwa chakwo. Nhasi, Zvapupu zvaJehovha zviri kuwedzera muEurope umo vadzvinyiriri vakuru vaviri vakambotonga.

Zvapupu zvakaitei pazvakatambudzwa? Sokuratidza kunoita nhoroondo yaFrieda naÁdám, zvakashandisa zano reBhaibheri rinoti: “Usazvirega uchikundwa nezvakaipa, asi ramba uchikunda zvakaipa nezvakanaka.” (VaRoma 12:21) Zvakanaka zvinogona kunyatsokunda zvakaipa here? Hungu, kana zvichiwirirana nokutenda kwakasimba muna Mwari. Kukunda kweZvapupu zvaJehovha chitambudzo muEurope kwaiva kukunda kwomudzimu waMwari, kuratidzwa kwesimba rezvakanaka rinobva mukutenda kunokonzerwa nomudzimu mutsvene muvaKristu vanozvininipisa. (VaGaratiya 5:22, 23) Munyika yanhasi ine chisimba, ichochi chidzidzo chingada kufungisiswa nevanhu vose.

[Mifananidzo iri papeji 5]

Frieda Jess (ava kunzi Thiele) panguva yokusungwa kwake uye iye zvino

[Mifananidzo iri papeji 7]

Ádám Szinger panguva yaaiva mujeri uye iye zvino