Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vimba naJehovha Nomwoyo Wako Wose

Vimba naJehovha Nomwoyo Wako Wose

Vimba naJehovha Nomwoyo Wako Wose

“Vanoziva zita renyu vachavimba nemi.”—PISAREMA 9:10.

1, 2. Ndezvipi zvimwe zvinhu zvisingabatsiri zvinovimba nevanhu kuti vachengeteke?

NHASI, apo zvinhu zvakawanda kwazvo zvinoda kuvhiringidza rugare rwedu, zvingori muropa kuti titsvake mumwe munhu kana kuti chimwe chinhu chichatichengetedza. Vamwe vanofunga kuti kuva nemari yakawanda kuchaita kuti ramangwana ravo rive rakachengeteka, asi chokwadi ndechokuti mari haisi yokuvimba nayo zvachose. Bhaibheri rinoti: “Unovimba nepfuma yake, uchawa.” (Zvirevo 11:28) Vamwe vanoisa tariro muvatungamiriri vevanhu, asi kunyange vakanakisisa vavo vanokanganisa. Uye pakupedzisira, vose vanofa. Nenzira yokuchenjera, Bhaibheri rinoti: “Regai kuvimba namachinda, kana nomwanakomana womunhu usingagoni kubatsira.” (Pisarema 146:3) Mashoko iwayo akafuridzirwa anotiyambirawo kuti tisavimba kuti tinogona kuzviitira zvinhu pasina anotibatsira. Isuwo tinongova ‘vanakomana vomunhu.’

2 Muprofita Isaya akashora vatungamiriri vorudzi rwaIsraeri muzuva rake nokuti vaivimba no“utiziro hwenhema.” (Isaya 28:15-17) Mukutsvaka kwavo kuchengeteka, vakaita mubatanidzwa wezvematongerwe enyika nemarudzi avakanga vakavakidzana nawo. Kubatana ikoko kwakanga kusina kuvimbika—kwaiva kwenhema. Saizvozvowo, nhasi vatungamiriri vezvitendero vakawanda vanoumba ukama nevatungamiriri vezvematongerwe enyika. Kuyanana ikokowo kucharatidza kuva “nhema.” (Zvakazarurwa 17:16, 17) Hakuzounzi kuchengeteka kunogara.

Mienzaniso Yakanaka yaJoshua naKarebhi

3, 4. Mushumo wakapiwa naJoshua naKarebhi wakanga wakasiyana sei nowakapiwa nedzimwe tsori gumi?

3 Saka ndokupi kwatinofanira kuisa tariro kuti tichengeteke? Kwakaiswa tariro naJoshua naKarebhi muzuva raMosesi. VaIsraeri vachangosunungurwa muIjipiti, rudzi rwacho rwakanga rwagadzirira kupinda muNyika Yakapikirwa. Varume gumi nevaviri vakatumwa kunosora nyika yacho, uye pakapera mazuva 40, vakadzoka kuzopa mushumo wavo. Vaviri chete, Joshua naKarebhi, ndivo vakataura zvakanaka nezvemikana yaiva nevaIsraeri yokupinda muKenani. Vamwe vacho vakabvuma kuti nyika yacho yakanga ichifadza asi vakati: “Vanhu vagere munyika iyo vane simba, maguta akakombwa namasvingo, makuru kwazvo . . . Hatigoni kukwira kundorwa navanhu avo, nokuti vanotikurira nesimba.”—Numeri 13:27, 28, 31.

4 VaIsraeri vakateerera tsori gumi dziya vakatanga kutya, zvokuti vakatonyunyutira Mosesi. Pakupedzisira, Joshua naKarebhi, varwadziwa zvikuru, vakati: “Nyika yatakapfuura napakati payo kuisora, inyika yakanaka kwazvo kwazvo. Kana Jehovha achifara nesu, uchatiisa kunyika iyo, nokutipa iyo; inyika inoyerera mukaka nouchi. Asi regai kumukira Jehovha, uye musatya vanhu venyika iyo.” (Numeri 14:6-9) Kunyange zvakadaro, vaIsraeri vakaramba kuteerera uye, somugumisiro, havana kubvumirwa kupinda muNyika Yakapikirwa panguva iyoyo.

5. Nei Joshua naKarebhi vakapa mushumo wakanaka?

5 Nei Joshua naKarebhi vakapa mushumo wakanaka, nepo tsori gumi dzakapa wakashata? Vose vari 12 vakaona maguta mamwe chetewo akasimba nemarudzi akanga akadzika midzi. Uye gumi vacho vaiva vakarurama pavakataura kuti vaIsraeri vakanga vasina kusimba zvokugona kukurira nyika yacho. Joshua naKarebhi vaizvizivawo. Zvisinei, gumi ava vakatarira zvinhu neziso renyama. Ukuwo, Joshua naKarebhi vakavimba naJehovha. Vakanga vaona mabasa ake esimba muIjipiti, paGungwa Dzvuku, uye mujinga meGomo reSinai. Naizvozvo, makumi emakore akazotevera, kungonzwa nezvemabasa iwayo kwakanga kwakakwana kuita kuti Rakabhi wokuJeriko aise upenyu hwake pangozi nokuda kwevanhu vaJehovha! (Joshua 2:1-24; 6:22-25) Joshua naKarebhi, zvapupu zvakaona mabasa aJehovha, vaiva nechivimbo chakakwana chokuti Mwari aizoramba achirwira vanhu vake. Makore makumi mana gare gare, kuvimba kwavo kwakasimbiswa apo chizvarwa chitsva chevaIsraeri, chichitungamirirwa naJoshua, chakafamba chichipinda muKanani ndokukunda nyika yacho.

Chikonzero Nei Tichifanira Kuvimba naJehovha Zvakakwana

6. Nei vaKristu nhasi vakaomerwa, uye vanofanira kuvimba naani?

6 Mudzino “nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo,” isu, kufanana nevaIsraeri, takatarisana nevavengi vakasimba kutipfuura. (2 Timoti 3:1) Mutsika, mumudzimu uye, dzimwe nguva, kunyange mumuviri, tinonzwa tichimanikidzwa kuita zvatisingadi. Hatikwanisi kurwisa zvinhu zvakadaro pachedu, sezvo zvichibva kusimba rinopfuura revanhu, Satani Dhiyabhorosi. (VaEfeso 6:12; 1 Johani 5:19) Saka, toenda kupi? Achinyengetera kuna Jehovha, mumwe murume akatendeka wekare akati: “Vanoziva zita renyu vachavimba nemi.” (Pisarema 9:10) Kana tichiziva Jehovha zvechokwadi uye tichinzwisisa zvinomiririrwa nezita rake, tichavimba naye zvakasimba sezvaingoita Joshua naKarebhi.—Johani 17:3.

7, 8. (a) Zvakasikwa zvinotipa sei zvikonzero zvokuvimba naJehovha? (b) Bhaibheri rinopa zvikonzeroi zvokuvimba naJehovha?

7 Nei tichifanira kuvimba naJehovha? Joshua naKarebhi vakaita izvozvo, chimwe chikonzero chiri chokuti vakanga vaona kuratidzwa kwesimba rake. Kana nesuwo. Somuenzaniso, funga mabasa aJehovha okusika, kusanganisira chadenga, nemabhiriyoni acho emapoka enyeredzi. Masimba akakura kwazvo anodzorwa naJehovha anoratidza kuti iye, chaizvoizvo, ndiye Wemasimba Ose. Sezvatinofungisisa zvishamiso zvezvakasikwa, tinotobvumirana naJobho, uyo akati nezvaJehovha: “Ndiani ungamudzivisa? Ndiani ungati kwaari: Unoiteiko?” (Jobho 9:12) Chokwadi ndechokuti, kana Jehovha ari kudivi redu, hapana watinofanira kutya pasi nokudenga.—VaRoma 8:31.

8 Zvakare, funga nezveShoko raJehovha, Bhaibheri. Iri tsime rouchenjeri hwaMwari risingapwi rine simba pakutibatsira kukurira miitiro yakaipa toita kuti upenyu hwedu huenderane nokuda kwaJehovha. (VaHebheru 4:12) Bhaibheri ndiro rinoita kuti tisvike pakuziva Jehovha nezita uye kuona zvinorehwa nezita rake. (Eksodho 3:14) Tinoona kuti Jehovha anogona kuva chero chaanosarudza—Baba vane rudo, Mutongi akarurama, Murwi anokunda—kuti azadzise zvinangwa zvake. Uye tinoona mazadzikire anoita shoko rake nguva dzose. Sezvatinodzidza Shoko raMwari, tinosvika pakutaura sezvakaita munyori wepisarema kuti: “Ndinovimba neshoko renyu.”—Pisarema 119:42; Isaya 40:8.

9. Rudzikinuro norumuko rwaJesu zvinosimbisa sei chivimbo chedu muna Jehovha?

9 Rudzikinuro chimwezve chikonzero chokuvimba naJehovha. (Mateu 20:28) Zvinofadza sei kuti Mwari akatumira Mwanakonama wake pachake kuti afe sorudzikinuro nokuda kwedu! Uye rudzikinuro rune simba zvechokwadi. Runofukidza zvivi zvevanhu vose vanopfidza, voenda kuna Jehovha nomwoyo wakatendeseka. (Johani 3:16; VaHebheru 6:10; 1 Johani 4:16, 19) Rutivi rwourongwa hwokubhadhara rudzikinuro rwaiva rumuko rwaJesu. Chishamiso ichocho, chakapupurirwa nemazana ezvapupu zvakaona, chimwezve chikonzero chokuvimba naJehovha. Ivimbiso yokuti zvatinotarisira hazvizokundikani kuzadzika.—Mabasa 17:31; VaRoma 5:5; 1 VaKorinde 15:3-8.

10. Tine zvikonzero zvipi zvatinongoziva pachedu zvokuvimba naJehovha?

10 Izvi zvinongova zvimwe zvezvikonzero nei tichigona uye tichifanira kuvimba naJehovha zvakakwana. Kune zvimwe zvakawanda, zvimwe zvacho zvatinongoziva pachedu. Somuenzaniso, nguva nenguva, tinotarisana nemamiriro ezvinhu akaoma muupenyu hwedu. Sezvatinotsvaka nhungamiro yaJehovha mukuzvitarisira, tinoona kuti nhungamiro iyoyo inoshanda sei. (Jakobho 1:5-8) Kana tikavimba naJehovha zvikuru muupenyu hwedu hwezuva nezuva toona migumisiro yakanaka yokuita kudaro, kuvimba kwedu naye kunowedzerawo kusimba.

Dhavhidhi Akavimba naJehovha

11. Dhavhidhi akavimba naJehovha pasinei nokuti zvinhu zvakanga zvakamira sei?

11 Mumwe aivimba naJehovha ndiDhavhidhi womuIsraeri yekare. Dhavhidhi akanga achivhimwa naMambo Sauro, uyo aida kumuuraya, uye neuto rine simba revaFiristiya, vakanga vachiedza kukunda Israeri. Kunyange zvakadaro, akapona uye akatokunda. Nei? Dhavhidhi pachake anotsanangura kuti: “Jehovha ndiye chiedza changu nomuponesi wangu; ndingagotya aniko? Jehovha ndiye simba roupenyu hwangu; ndingagovhundutswa naaniko?” (Pisarema 27:1) Isuwo tichabudirira kana tikavimba naJehovha zvakadaro.

12, 13. Dhavhidhi akaratidza sei kuti tinofanira kuvimba naJehovha kunyange zvazvo vashori vachishandisa ndimi dzavo sezvombo zvokutirwisa nazvo?

12 Pane imwe nguva Dhavhidhi akanyengetera kuti: “Inzwai inzwi rangu, Mwari, pakuchema kwangu; chengetai upenyu hwangu ndirege kutyiswa nomuvengi. Ndivanzei pakurangana kwakavanda kwavanoita zvakaipa; pabope ravanobata zvakaipa; ivo vakarodza rurimi rwavo somunondo, vakashumba miseve yavo, iwo mashoko anovava; kuti vapfure wakarurama, vakavanda ivo.” (Pisarema 64:1-4) Hatinyatsoziva kuti chii chakaita kuti Dhavhidhi anyore mashoko aya. Asi tinoziva kuti nhasi, vashori nenzira yakafanana ‘vanorodza rurimi rwavo,’ vachishandisa kutaura sechombo chokurwisa nacho. Vano‘pfura’ vaKristu, vachishandisa mashoko anotaurwa kana kuti akanyorwa se“miseve” yokuvarevera nhema. Kana tikavimba naJehovha tisingazununguki, chii chichaitika?

13 Dhavhidhi anoenderera mberi achiti: “Mwari uchavapfura, vachakuvadzwa kamwe kamwe nomuseve. Naizvozvo vachagumbuswa, ndimi dzavo dzichivapupurira zvakaipa. . . . Vakarurama vachafara muna Jehovha, vachavimba naye.” (Pisarema 64:7-10) Hungu, kunyange zvazvo vavengi vachirodza rurimi rwavo kuti vatirwise, pakupedzisira ‘ndimi dzavo dzichavapupurira zvakaipa.’ Jehovha pakupedzisira anochinja zvinhu kuti zvigume zvakanaka, kuitira kuti vaya vakavimba naye vafare maari.

Chivimbo chaHezekiya Chakasimbiswa

14. (a) Hezekiya akavimba naJehovha akatarisana nemamiriro ezvinhu api aityisa? (b) Hezekiya akaratidza sei kuti akanga asingadaviri nhema dzomuAsiriya?

14 Mambo Hezekiya mumwewo aiva nechivimbo chake muna Jehovha chakasimbiswa. Panguva yokutonga kwaHezekiya, uto raiva nesimba reAsiriya rakanga richida kurwisa Jerusarema. Uto iroro rakanga rakunda mamwe marudzi. Rakanga ratokunda kunyange maguta aJudha kusvikira kwangosara Jerusarema chete, uye Saniheribhi akaganza achiti aizokundawo guta iroro. Achishandisa Rabhisheki, akataura—zvakarurama—kuti kuvimba neIjipiti kuti vabatsirwe kwaizoshaya basa. Zvisinei, akabva ati: “Mwari wako, waunovimba naye, ngaarege kukunyengera, achiti: Jerusarema haringapiwi muruoko rwamambo weAsiriya.” (Isaya 37:10) Zvisinei, Hezekiya aiziva kuti Jehovha haanyengeri. Saka akanyengetera, achiti: “Jehovha, Mwari wedu, tiponesei paruoko [rwomuAsiriya], kuti ushe hwose hwenyika huzive kuti ndimi Jehovha, iyemi moga.” (Isaya 37:20) Jehovha akateerera munyengetero waHezekiya. Muusiku humwe chete, ngirozi yakauraya masoja 185 000 eAsiriya. Jerusarema rakadzivirirwa, uye Saniheribhi haana kuzombotsikazve ivhu reJudha. Vose vakanzwa nezvechiitiko ichi vakaziva ukuru hwaJehovha.

15. Chii bedzi chichatibatsira kugadzirira mamiriro api neapi ezvinhu akaoma atingazviwana tava maari munyika ino isina kugadzikana?

15 Nhasi, kufanana naHezekiya, takaita sokuti tiri muhondo. Isu hondo yedu ndeyokumudzimu. Kunyange zvakadaro, sevarwi vomudzimu, tinofanira kuva nounyanzvi hwokupukunyuka. Tinofanira kutarisira kuti ticharwiswa togadzirira, kuti tikwanise kuzvidzivirira. (VaEfeso 6:11, 12, 17) Munyika ino isina kugadzikana, zvinhu zvinogona kungoerekana zvachinja. Vanhu vanogona kungotanga mhirizhonga. Nyika dzine nhoroondo yokubvumira rusununguko rwokunamata dzinogona kubvisa rusununguko irworwo. Kana chete tikazvigadzirira kuburikidza nokuva nechivimbo chisingazununguki muna Jehovha, sezvakaitwa naHezekiya, tichava takagadzirira chinhu chipi nechipi chingaitika.

Kuvimba naJehovha Kunorevei?

16, 17. Tinoratidza sei kuti tinovimba naJehovha?

16 Kuvimba naJehovha hakusi kwokungotaura nomuromo chete. Mwoyo wedu unobatanidzwawo uye kunoratidzwa nezviito zvedu. Kana tichivimba naJehovha, tichavimba zvizere neShoko rake, Bhaibheri. Tichariverenga mazuva ose, kufungisisa pamusoro paro, uye kuribvumira kutungamirira upenyu hwedu. (Pisarema 119:105) Kuvimba naJehovha kunosanganisirawo kuvimba nesimba romudzimu mutsvene. Tichibatsirwa nomudzimu mutsvene, tinogona kuva nezvibereko zvinofadza Jehovha uye tinogona kudzura miitiro yakaipa yakadzika midzi. (1 VaKorinde 6:11; VaGaratiya 5:22-24) Saka, vachibatsirwa nomudzimu mutsvene, vakawanda vakakwanisa kurega kusvuta kana kushandisa zvinodhaka. Vamwe vakarega upenyu hwounzenza. Hungu, kana tichivimba naJehovha, tichaita zvinhu musimba rake, kwete redu.—VaEfeso 3:14-18.

17 Kuwedzera kune izvi, kuvimba naJehovha kunoreva kuvimba nevaanovimba navo. Somuenzaniso, Jehovha akaronga kuti “muranda akatendeka, akangwara” atarisire zvinhu zvoUmambo zvepasi pano. (Mateu 24:45-47) Hatiedzi kuzviitira toga zvinhu, uye hatiiti sokuti hatizivi kugadzwa kwomuranda uyu, nokuti tinovimba nourongwa hwaJehovha. Uyezve, vakuru vanoshumira muungano dzechiKristu dzokwedu uye, maererano nomuapostora Pauro, vanogadzwa nomudzimu mutsvene. (Mabasa 20:28) Kana tikashandira pamwe nourongwa hwevakuru muungano, tinoratidzawo kuti tinovimba naJehovha.—VaHebheru 13:17.

Tevedzera Muenzaniso waPauro

18. VaKristu nhasi vanotevedzera sei muenzaniso waPauro, asi chii chavasingavimbi nacho?

18 Muapostora Pauro akatarisana nematambudziko akawanda muushumiri hwake, sezvatinongoitawo. Muzuva rake chiKristu chakanga chichipiwa zita rakashata kuzviremera, uye dzimwe nguva aiedza kugadziridza pfungwa dzenhema idzodzo kana kusimbisa basa rokuparidza zviri pamutemo. (Mabasa 28:19-22; VaFiripi 1:7) Nhasi, vaKristu vanotevedzera muenzaniso wake. Pose pazvinobvira, tinobatsira vamwe kuti vajekerwe nebasa redu, tichishandisa nzira chero dzipi zvadzo dziripo. Uye tinoshanda kuti tidzivirire nokusimbisa mashoko akanaka zviri pamutemo. Zvisinei, hatiisi chivimbo chedu chakazara muzvinhu zvakadaro, mukuti hationi kubudirira kana kukundikana sokunoenderana nokubudirira kwedu munyaya dzomumatare kana kutaurwa zvakanaka pamusoro pedu. Asi, tinovimba naJehovha. Tinoyeuka zvaakakurudzira Israeri wekare, kuti: “Pakunyarara napakutenda ndipo pachava nesimba renyu.”—Isaya 30:15.

19. Padzakatambudzwa, kuvimba kwehama dzedu naJehovha kwakasimbiswa sei?

19 Dzimwe nguva munhoroondo yedu yemazuva ano, basa redu rakarambidzwa kana kuti harina kunyatsosununguka muEastern neWestern Europe, mudzimwe nyika dzeAsia neAfrica, uye munyika dzeSouth neNorth America. Izvi zvinoreva here kuti takakanganisa kuvimba naJehovha? Aiwa. Nepo dzimwe nguva akambobvumira kutambudzwa kunorwadza nokuda kwechinangwa chake chakanaka, nenzira yorudo Jehovha akasimbisa vaya vakatambudzwa zvakadaro. Vachitambudzwa kudaro, vaKristu vakawanda vakaita mukurumbira wakanaka wokutenda nokuvimba naMwari.

20. Kunyange tingabatsirwa norusununguko rwepamutemo, munzira dzipi matisingazochinji maitiro edu?

20 Kune rimwe divi, munyika dzakawanda tinozivikanwa zviri pamutemo, uye dzimwe nguva tinotaurwa zvakanaka nezvedu munhau. Tinoonga izvozvo uye tinoziva kuti izvi zvinobatsirawo pachinangwa chaJehovha. Nechikomborero chake, tinoshandisa rusununguko rwakakura irworwo, kwete kuti tivandudze mararamiro edu pachedu, asi kuti tishumire Jehovha pachena uye zvakazara. Zvisinei, tichingoitira kuremekedzwa nezviremera, hatizomboiti zvinopesana nokusava kwedu nedivi ratakarerekera, kuderedza basa redu rokuparidza, kana kuti neimwe nzira ipi zvayo kuderedza basa redu ratinoitira Jehovha. Tinotongwa noUmambo hwaMesiya uye tinotsigira zvizere uchangamire hwaJehovha. Tariro yedu haisi munyika ino, asi munyika itsva, umo Umambo hwaMesiya hwokudenga huchava hurumende bedzi inotonga pasi pano. Hapana mabhomba, kana zvombo zvinokandwa, kunyange kurwisa kwenyukireya kunogona kuzunungusa hurumende iyoyo kana kuipfura kuti ikoromoke kudenga ikoko. Haikundiki uye ichazadzika chinangwa chaJehovha nokuda kwayo.—Dhanieri 2:44; VaHebheru 12:28; Zvakazarurwa 6:2.

21. Takatsunga kutevera nzira ipi?

21 Pauro anoti: “Hatisi vaya vanodzokera shure kunoparadzwa, asi vaya vane kutenda kunochengeta mweya uri mupenyu.” (VaHebheru 10:39) Naizvozvo, tose zvedu ngatishumire Jehovha nokutendeka kusvikira kumugumo. Tine zvikonzero zvose zvokuvimba zvizere naJehovha iye zvino uye munguva yose iri kuuya.—Pisarema 37:3; 125:1.

Wadzidzei?

• Nei Joshua naKarebhi vakadzoka nomushumo wakanaka?

• Ndezvipi zvimwe zvikonzero nei tichifanira kuvimba naJehovha zvakazara?

• Kuvimba naJehovha kunorevei?

• Tichivimba naJehovha, takatsunga kusarudza kuitei?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 15]

Nei Joshua naKarebhi vakapa mushumo wakanaka?

[Mufananidzo uri papeji 16]

Zvakasikwa zvinotipa chikonzero chakasimba chokuvimba naJehovha

[Kwazvakatorwa]

Mifananidzo yose iri mitatu: NdeyeAnglo-Australian Observatory, mufananidzo naDavid Malin

[Mufananidzo uri papeji 18]

Kuvimba naJehovha kunoreva kuvimba nevaya vaanovimba navo