Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvinotaura Bhaibheri Panyaya Yokuva Musoro

Zvinotaura Bhaibheri Panyaya Yokuva Musoro

Zvinotaura Bhaibheri Panyaya Yokuva Musoro

NYAYA yeari musoro yakabuda pachena pakasikwa vanhu vokutanga. Munhu akasikwa mumufananidzo waMwari, uye akanga aine rusununguko. Aiva norusununguko rwokuita zvakanaka kana zvakaipa. Nokuteerera Musiki wake norudo uye nokuzvidira, aiva muchinzvimbo chokuunzira Mwari rukudzo nembiri. Aigona kurumbidza Mwari nokuchenjera pamusana pounhu Hwake hunoshamisa uye aigona kutsigira uchangamire Hwake.

Asi rusununguko rwaAdhamu rwaiva neparwaigumira. Aigona kuramba achifara chero bedzi aibvuma kuti Jehovha ndiye changamire. Izvi zvairatidzwa nomuti wokuziva zvakanaka nezvakaipa, uyo Adhamu akarambidzwa kudya. Kuudya kwaizova kusateerera, kupandukira kuva changamire kwaMwari.—Genesi 2:9, 16, 17.

Zvinokoshawo kuti vanamati vaMwari nhasi vazive maonero aanoita kuva musoro. Nhungamiro inokosha yokuva musoro iri pana 1 VaKorinde 11:3 inoti: “Musoro womurume wose ndiKristu; uyewo musoro womukadzi murume; uyewo musoro waKristu ndiMwari.”

Nzvimbo yaJesu Kristu

Somusoro weungano yechiKristu, Jesu Kristu ane kodzero yokusarudza zvinhu zvine chokuita nayo uye yokuratidza simba pamusoro payo. (VaEfeso 5:23) Asi kuva musoro kunoitawo kuti anzwe achisungirwa kugamuchira mutoro wokutarisira ungano uye achiva nomutoro wezvaanosarudza.

Jesu Kristu agara achiita maererano nenhungamiro yokuva musoro, achiratidza kuziva zvakazara kuva musoro kwaBaba vake mushoko nechiito. Kunyange pashure pokutonga nyika kwechiuru chemakore, achabvuma kuva musoro kwaJehovha pasi pose nokumugamuchidza Umambo, ‘achizviisa pasi poUyo akaisa zvinhu zvose pasi pake, kuti Mwari ave zvinhu zvose kumunhu wose.’—1 VaKorinde 15:24-28; VaFiripi 2:5-8.

Nzvimbo Yomurume

Kunyange murume ari musoro wemhuri, haazvimiririri pasina waanoti ndiye “musoro” wake. Asi, anosungirwa kutevera nhungamiro nomuenzaniso zvakapiwa nomusoro wake, Kristu. (1 Johani 2:6) Izvi zvinodaro, kwete bedzi maererano nemabasa ake echitendero, asiwo mumabasa ake pachake.

Somuenzaniso, kana ari murume ane mhuri, ipapo achiremekedza musoro wake, Kristu, anofanira kuteerera zano rokugara nomudzimai wake nokuziva, ‘achimukudza sezvinoitwa mudziyo usina simba.’ Anofanirawo kuedza napose paanogona kudzidzisa vana vake zvakanaka.—1 Petro 3:7; VaEfeso 6:4.

Sezvo murume aiva iye akatanga kusikwa, anopiwa nzvimbo iri pamusoro peyomukadzi. (1 Timoti 2:12, 13) Mukadzi akaitwa norumbabvu rwakatorwa kumurume. (Genesi 2:22, 23) Akasikirwa murume, kwete murume nokuda kwomukadzi. (1 VaKorinde 11:9) Naizvozvo, muurongwa hwaMwari hwemhuri, nguva dzose mukadzi aifanira kuzviisa pasi pomurume wake uye aisafanira kubvuta simba rake. (VaEfeso 5:22, 23) Uyewo, muungano yechiKristu mukadzi haafaniri kudzidzisa vamwe varume vakazvitsaurira kana kuva nesimba pamusoro pavo.—1 Timoti 2:12.

Pakati pevaHebheru vomunguva yekare chinzvimbo chepamusoro chaiva nomurume mumhuri uye muurongwa hwedzinza chaizivikanwa. Sara aizviisa pasi, achiti kuna Abrahamu “ishe,” uye zvakanaka zvinotaurwa nezvake nokuti aiziva kuva musoro kwake.—Genesi 18:12; 1 Petro 3:5, 6.

Nzvimbo Yomukadzi

Munguva yekare, pane imwe nguva mukadzi aipfeka chifukidziro chomusoro kuratidza kuzviisa pasi. (Genesi 24:65) Achitaura nezvourongwa hwokuva musoro muungano yechiKristu, muapostora Pauro akatsanangura kuti kana mukadzi akanyengetera kana kuprofita muungano, achitora chinzvimbo icho Mwari akapa murume, anofanira kupfeka chifukidziro chomusoro.

Achiita zvinhu izvi kwenguva iyoyo chete nemhaka yokuti panenge pasina murume wechiKristu akazvitsaurira kuti azviite, kunyange zvazvo angava nebvudzi refu, mukadzi wacho haafaniri kuita nharo achiti bvudzi rake refu rakakwana kuratidza kuzviisa pasi kwake. Pane kudaro, anofanira kuita kuti mabasa ake pachake aratidze kuzviisa kwake pasi uye kubvuma kwaanoita kuti murume ndiye musoro. Mukadzi wechiKristu anoita izvi nokupfeka chifukidziro chomusoro se“chiratidzo chesimba.”—1 VaKorinde 11:5-16.

Izvi zvinofanira kuitwa “nemhaka yengirozi,” idzo dzinocherechedza mabasa omuKristu wacho uye dzine hanya nawo, sevaya vanoshumira ungano yechiKristu. Nokupfeka chifukidziro chomusoro pachinodiwa pakuita zvinhu zvokunamata, mukadzi wechiKristu ari kubvuma urongwa hwaMwari hwokuva musoro.—VaHebheru 1:14.

Urongwa hwechiKristu uhwu hwakakodzera muungano uye mumhuri hahutadzisi mukadzi kushumira Mwari, uyewo hahuvhiringidzi zvaanoita pamabasa ake emhuri uye mimwe mitoro. Hunomupa rusununguko rwakazara rwepaMagwaro rwokushumira ari munzvimbo yake, uku achiita zvinofadza Mwari maererano nenhungamiro inoti: “Mwari akaisa mitezo mumuviri, mumwe nomumwe wao, sezvaaida.”—1 VaKorinde 12:18.

Vakadzi vakawanda vomunguva yekare vaiva neropafadzo dzakaisvonaka kunyange vaibvuma kuva musoro kwomurume uye vakava noupenyu hunofadza nohunogutsa. Pakati peava paiva naSara, Ribheka, Abhigairi, uye vakadzi vechiKristu vakadai saPrisira naFebhi.

Kubatsira Kwokuva Musoro

Kuva musoro kwepamutemo kunopa kodzero dzakati, asiwo kunobatanidza mabasa kana kuti mitoro. Somuenzaniso, murume mukuratidza kuva kwake musoro ane kodzero yokupedzisira kusarudza uye kutarisira mhuri. Uyezve, kunyange zvakadaro, ane basa rokubvuma mutoro wemhuri yake. Ane mutoro mukuru wokupa mhuri yake zvinhu zvokunyama nezvokunamata.—1 Timoti 5:8.

Murume wechiKristu anofanira kushandisa kuva musoro kwake nenzira yokuchenjera, achida mudzimai wake sezvaanozviita. (VaEfeso 5:33) Jesu Kristu anoshandisa kuva musoro kwake paungano yechiKristu nenzira iyi. (VaEfeso 5:28, 29) Somusoro wevana vake, baba havafaniri kuvatsamwisa asi vanofanira kuvarera “mukuranga nomukutungamirira ndangariro kwaJehovha.”—VaEfeso 6:4.

Sevafudzi veboka raMwari, “varume vakuru” vari muungano yechiKristu havafaniri kuremedza “makwai” aMwari asi vanofanira kuyeuka kuzviisa kwavo pasi paJesu Kristu naJehovha Mwari. (1 Petro 5:1-4) VaKristu, vateveri vaJesu Kristu, vanobvumawo kuva musoro wezvose kwaJehovha, vachinyengetera kwaari vachibvuma kuti iye ndiBaba uye Mwari Wemasimba Ose.—Mateu 6:9; Zvakazarurwa 1:8.

Chokwadi, kushandisa zvakarurama kuva musoro kwepaMagwaro kunobatsira vanhu. Rugare nechinzwano zvinovapo zvinounza mbiri kuMusiki wevanhu.