Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Asati Adzidza Bhaibheri uye Azoridzidza—Upenyu Hwake Hwakanyatsochinja

Asati Adzidza Bhaibheri uye Azoridzidza—Upenyu Hwake Hwakanyatsochinja

“Swederai Pedyo naMwari, uye Achaswedera Pedyo Nemi”

Asati Adzidza Bhaibheri uye Azoridzidza—Upenyu Hwake Hwakanyatsochinja

UPENYU hwaMatsepang hwakanga husingafadzi uye husina chinangwa! Aiva musikana wechiduku wokuLesotho, nyika iri pakati peSouth Africa. Matsepang akakura ari muKaturike. Zvisinei, pane kubatsirwa kuswedera pedyo naMwari, kwemakore akabatwa zvisina kunaka nemasisita ayo aishandisa mari kumunyengera kuita unzenza.

Nemhaka yeizvi, Matsepang akaodzwa mwoyo nechitendero uye haana kuzoda kutenda Musiki ane rudo anotarisira zvepachokwadi vanhu vaakasika. Matsepang aiva nemaronda akadzama omupfungwa uye kunzwa kwokusakosha, nemhaka yokuzvidzwa uye kubatwa zvisina kufanira kwaakaitwa. Akakura akazova munhu ane chisimba noutsinye. Izvi zvakaita kuti aite zvechitsotsi.

Matsepang akazova mumwe wechikwata chaibira vanhu vaifamba nezvitima. Akasungwa ndokutongerwa kugara mujeri muSouth Africa. Gare gare, akadzingirwa kumusha kwake kuLesotho, kwaakaramba achiita zvechitsotsi, kudhakwa, chisimba, nounzenza.

Aora mwoyo kwazvo muupenyu hwake, akanyengetera kuti Mwari amubatsire. Akavimbisa kuti, “Mwari, kana ndikararama, ndichaita zvose zvandinokwanisa kukushumirai.”

Nguva pfupi yakatevera, mamishinari aiva Zvapupu zvaJehovha akasvika kwaari. Vakataura nezvokudzidza naye Bhaibheri. Pakudzidza kwaaiita, akasvika pakuziva kuti Mwari haasi munhu asina hanya. Kutaura zvazviri, akanzwisisa kuti Satani, “baba venhema,” anoshandisa manomano uye nzira dzokunyengera kusimudzira mune vamwe pfungwa yokuti havakoshi uye kuvaita kuti vafunge kuti Jehovha haangambovadi.—Johani 8:44; VaEfeso 6:11.

Asi, Matsepang akanyaradzwa kwazvo paakaziva kuti tinogona kuva nokuzviremekedza kwakanaka kana tikapfidza zvivi zvedu zvomunguva yakadarika, totsvaka kukanganwirwa naMwari, uye toedza kumufadza! Akabatsirwa kunzwisisa kuti “Mwari mukuru kune mwoyo yedu” uye anotiona nenzira ingava yakasiyana nokure nokuzviona kwatinoita.—1 Johani 3:19, 20.

Matsepang akafara kuverenga mashoko aya omunyori wepisarema Dhavhidhi anoti: “Jehovha uri pedyo navane mwoyo yakaputsika, unoponesa vane mweya yakapwanyika.” (Pisarema 34:18) Somumwe wevaya “vane mweya yakapwanyika,” akasvika pakunzwisisa kuti Jehovha haasiyi vashumiri vake, kunyange kana vamwe vavo vakaora mwoyo kana kuti vakanzwa vasingakoshi. Zvakafadza mwoyo wake kuziva kuti Mwari ane hanya nemakwai ake ose uye anoatsigira munguva yakaoma. (Pisarema 55:22; 1 Petro 5:6, 7) Akaororwa zvikuru nemashoko okuti: “Swederai pedyo naMwari, uye achaswedera pedyo nemi.”—Jakobho 4:8.

Simba reShoko raMwari, Bhaibheri, rakakurumidza kuva pachena muupenyu hwake. Akatanga kupinda misangano yechiKristu nguva dzose ndokusiya tsika dzake dzaisava dzepamagwaro. Zvikaguma nei? Haachanzwi asina kukodzerwa norudo nenyasha zvaMwari. Kubvira paakabhabhatidzwa kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha, apedzera zviuru zvemaawa muushumiri hwechiKristu somuzivisi wemashoko akanaka oUmambo. Pasinei nemaronda omunguva yakadarika, zvino anorarama upenyu hunofadza uye hune chinangwa. Kuratidzwa kwesimba reBhaibheri rokuvandudza upenyu kwakakura zvikuru!—VaHebheru 4:12.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 9]

“Mwari, kana ndikararama, ndichaita zvose zvandinokwanisa kukushumirai”

[Bhokisi riri papeji 9]

Nhungamiro dzeBhaibheri Dzinoshanda

Nhungamiro dzeBhaibheri dzakanyaradza vanhu vasina kubatwa zvakanaka dzinosanganisira idzi dzinotevera:

“Mundangariro dzangu zhinji mukati mangu kunyaradza kwenyu [Mwari] kunofadza mweya wangu.” (Pisarema 94:19) “Kunyaradza” kwaJehovha kunowanikwa muShoko rake inyaradzo huru. Kufunga nezvako patinofungisisa uye patinonyengetera kunobatsira kuderedza pfungwa ndokutipa chivimbo chokuti Mwari iShamwari inonzwisisa.

“[Jehovha] unoporesa vane mwoyo yakaputsika, unosunga mavanga avo.” (Pisarema 147:3) Kana tichionga ngoni dzaJehovha uye urongwa hwake hwokukanganwira zvivi zvedu achishandisa chibayiro chorudzikinuro chaJesu, tinogona kusvika kuna Mwari nechivimbo pasinazve kupa mwoyo wedu mhosva. Izvi zvingaunza nyaradzo isingaenzaniswi uye rugare rwepfungwa.

“Hapana munhu angagona kuuya kwandiri [Jesu Kristu] kana Baba, vakandituma, vakasamukweva; uye ndichamumutsa pazuva rokupedzisira.” (Johani 6:44) Nomudzimu mutsvene wake uye basa rokuparidza Umambo, Jehovha anotiswededza kune Mwanakomana wake obva atipa tariro youpenyu husingaperi.