Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Edza Kuona Vamwe Sokuonekwa Kwavanoitwa naJehovha

Edza Kuona Vamwe Sokuonekwa Kwavanoitwa naJehovha

Edza Kuona Vamwe Sokuonekwa Kwavanoitwa naJehovha

“Jehovha haaoni somunhu.”—1 SAMUERI 16:7.

1, 2. Maonero aiita Jehovha Eriabhi akanga akasiyana sei neaSamueri, uye tingadzidzei pane izvi?

MUZANA remakore rechi11 B.C.E., Jehovha akatuma muprofita Samueri basa repachivande. Akarayira muprofita wacho kuti aende kuimba yomumwe murume ainzi Jese onozodza mumwe wevanakomana vaJese kuti ave mambo waIsraeri womunguva yemberi. Samueri paakaona dangwe raJese, Eriabhi, akagutsikana kuti aiva awana akanga asarudzwa naMwari. Asi Jehovha akati: “Usatarira chiso chake, kana mumhu wake, nokuti ndamuramba; nokuti Jehovha haaoni somunhu, nokuti munhu unotarira zviri kunze, asi Jehovha unotarira zviri pamwoyo.” (1 Samueri 16:6, 7) Samueri akanga akundikana kuona Eriabhi sokuonekwa kwaaiitwa naJehovha. *

2 Zviri nyore kwazvo kuti vanhu vakanganise pamaonero avanoita vamwe! Kune rimwe divi, tinganyengedzwa nevanhu vakaita seguyu rakatsvuka kunze asi mukati rizere masvosve. Ukuwo, tingava nehasha tichiomesa musoro mumaonero atinoita vanhu vakatendeseka vane unhu hwatisingawirirani nahwo.

3, 4. (a) Kana pakati pevaKristu vaviri pakamuka chinetso, mumwe nomumwe wavo anofanira kutsunga kuitei? (b) Mibvunzoi yatinofanira kuzvibvunza patinova nokusawirirana kwakakomba nehama yedu yechiKristu?

3 Zvinetso zvingamuka kana tichikurumidza kutonga vamwe—kunyange vaya vatave tichiziva kwemakore. Pamwe wakambokakavadzana chaizvo nomumwe muKristu aimbova shamwari yepedyo. Unoda kudzorera ukama hwacho here? Chii chichakubatsira kuita izvi?

4 Wadii kumbotora nguva uchitarira hama kana hanzvadzi yako yechiKristu zvakanaka, uye nechinangwa chakanaka? Uye ita izvi uchifunga nezvemashoko aJesu anoti: “Hapana munhu angagona kuuya kwandiri kana Baba, vakandituma, vakasamukweva.” (Johani 6:44) Zvadaro zvibvunze kuti: ‘Nei Jehovha akakwevera munhu uyu kuMwanakomana Wake? Zvii zvakanaka zviri paunhu hwomunhu uyu? Ndave ndichirerutsa kana kuti kusakoshesa zvinhu izvi here? Icho chakanga chamboita kuti tishamwaridzane chii? Chii chakaita kuti ndifarire munhu uyu?’ Pakutanga, ungazviona zvakaoma kufunga nezvezvinhu zvakanaka, zvikurukuru kana wave wakamugumbukira kwenguva yakati kuti. Zvisinei, iri idanho rinokosha pakugadzirisa kusawirirana kwenyu. Kupa muenzaniso wemaitirwo angaitwa izvi, ngatitsvakei zvinhu zvakanaka zvaiva muvarume vaviri avo dzimwe nguva vanomboonekwa sevanhu vakaipa. Muprofita Jona nomuapostora Petro.

Kutarisa Jona Sezvaari

5. Jona akatumwa kuita chii, uye iye akaita sei?

5 Jona aiva muprofita muumambo hwokuchamhembe hweIsraeri mumazuva aMambo Jerobhoami II, mwanakomana waJoashi. (2 Madzimambo 14:23-25) Rimwe zuva, Jehovha akarayira Jona kubva muIsraeri achienda kuNinevhe, guta guru roUmambo hwaiva nesimba hweAsiriya. Aifanira kunoitei? Aifanira kunonyevera vagari veko kuti guta ravo guru raizoparadzwa. (Jona 1:1, 2) Pane kuita zvaakanga arayirwa naMwari, Jona akatiza! Akakwira ngarava yakanga yakananga kuTashishi, iyo yaiva kure zvikuru neNinevhe.—Jona 1:3.

6. Nei Jehovha akasarudza Jona kuti aende kuNinevhe?

6 Chii chinouya mupfungwa dzako paunofunga nezvaJona? Unofunga nezvake somuprofita akanga asingateereri here? Kungomutarisa usingafungisisi kungaita kuti ufunge izvozvo. Asi Mwari akagadza Jona somuprofita nokuti akanga asingateereri here? Hazvingambodaro! Jona anofanira kunge aiva nohumwe unhu hwakanaka. Funga mukurumbira wake somuprofita.

7. Jona akanga achishumira Jehovha mumamiriroi ezvinhu muIsraeri, uye kuziva izvi kunoita kuti umuone sei?

7 Jona akanga atoshanda nokutendeka muIsraeri, ndima yakanga ine vanhu vasingateereri. Muprofita Amosi, uyo akararama panenge panguva yakararamawo Jona, akatsanangura vaIsraeri vezuva racho sevanhu vaida mafaro, vaidisisa zvinhu zvenyama. * Zvinhu zvakaipa zvakanga zvichiitika munyika macho, asi vaIsraeri vakanga vasina hanya nazvo. (Amosi 3:13-15; 4:4; 6:4-6) Asi, zuva nezuva Jona aiita basa rake rokuvaparidzira akatendeka. Kana uri muzivisi wemashoko akanaka, unoziva maomero azvakaita kutaura nevanhu vanoda mafaro uye vasingakendengi. Naizvozvo, kunyange tichiziva zvikanganiso zvaJona, ngatiyeukewo unhu hwake hwokutendeseka nokutsungirira sezvaaiparidzira vaIsraeri vakanga vasina kutenda.

8. Muprofita wechiIsraeri aizosangana nezvinetsoi muNinevhe?

8 Kutumwa kuenda kuNinevhe raiva basa rakatooma zvikuru. Kuti asvike kuguta iroro, Jona aifanira kufamba netsoka makiromita anenge 800—rwendo rwakaoma rwaizotora unenge mwedzi mumwe. Angosvika ikoko, muprofita uyu aizofanira kuparidzira vaAsiriya, vaizivikanwa noutsinye hwavo. Vaiwanzotambudza vanhu nenzira youtsinye muhondo dzavo. Vaitodada noutsinye hwavo ihwohwo. Ndosaka Ninevhe rakadanwa kuti “guta reropa”!—Nahumi 3:1, 7.

9. Apo dutu guru rakada kuurayisa vafambisi vengarava, Jona akaratidza unhui?

9 Asingadi kuteerera murayiro waJehovha, Jona akakwira ngarava yakamuendesa kure kure nokwaakanga atumwa. Kunyange zvakadaro, Jehovha haana kusiyana nomuprofita wake kana kuronga mumwe munhu kuti aende panzvimbo yake. Asi, Jehovha akaita kuti Jona afunge zvakanaka. Mwari akaita kuti mugungwa macho muitike dutu guru. Ngarava yaiva naJona yakakandwa-kandwa nemafungu. Vanhu vasina mhosva vakanga vava kuda kuparara, nemhaka yaJona chete! (Jona 1:4) Jona aizoita sei? Asingadi kuti vanhu vakanga vari mungarava vafe nemhaka yake, Jona akavaudza kuti: “Ndisimudzei, mundikandire mugungwa, ipapo gungwa richakunyararirai.” (Jona 1:12) Akanga asina chikonzero chokufunga kuti vafambisi vengarava pavaizomukandira kunze kwengarava, Jehovha aizomununura mugungwa. (Jona 1:15) Zvisinei, Jona akanga achida hake kubhadhara mubayiro wacho kuitira kuti vaifamba nengarava varege kufa. Pano hatisi kuona here unhu hwakadai soushingi, kuzvininipisa, uye rudo huchiratidzwa?

10. Chii chakaitika pashure pokunge Jehovha atumazve Jona?

10 Pakupedzisira, Jehovha akanunura Jona. Zvakanga zvichangobva kuitwa naJona zvakamutadzisa kuzoshumirazve Mwari munzvimbo ine chiremera here? Aiwa, Jehovha nenzira yengoni uye yorudo akatumazve muprofita uyu kunoparidzira vaNinevhe. Apo Jona akasvika kuNinevhe, akashinga kuudza vagari veko kuti uipi hwavo hwakakura hwakanga hwaonekwa naMwari uye kuti guta ravo rakanga richizoparadzwa mumazuva 40. (Jona 1:2; 3:4) Vanzwa shoko raJona rakanga risingapotereri, vanhu vomuNinevhe vakapfidza, uye guta ravo harina kuparadzwa.

11. Chii chinoratidza kuti Jona akadzidza chidzidzo chinokosha?

11 Nanhasi Jona akanga asati ava nemaonero akanaka. Zvisinei, achishandisa muenzaniso unoonekwa Jehovha akabatsira Jona nokushivirira kuti adzidze kuti Iye haangooni zviri kunze chete. Anoongorora mwoyo. (Jona 4:5-11) Chinoratidza kuti Jona akava nechidzidzo chinokosha inhoroondo yokutendeseka yaakanyora iye pachake. Kuda kwake kushuma zvikanganiso zvake achizvitaura nenzira yaimunyadzisa zvinowedzera kuratidza kuzvininipisa kwake. Zvinoda kushinga kuti ubvume chikanganiso!

12. (a) Tinoziva sei kuti Jesu anoonawo vanhu semaonero anoita Jehovha? (b) Tinokurudzirwa kuramba tichiona sei vanhu vatinoparidzira mashoko akanaka? (Ona bhokisi riri papeji 18.)

12 Mazana emakore akazotevera, Jesu Kristu akataura zvakanaka nezvechimwe chiitiko muupenyu hwaJona. Akati: “Sezvo Jona akanga ari mudumbu rehove hombe mazuva matatu nousiku hutatu, nokudaro Mwanakomana womunhu achava mumwoyo wepasi mazuva matatu nousiku hutatu.” (Mateu 12:40) Kana Jona azomutswa, achaziva kuti Jesu akafananidza nguva Yake pachake ari muguva nenguva iyi iyo muprofita uyu akanga asiri kushanda. Hatifari here kushumira Mwari asingasiyi vashumiri vake pavanoita zvikanganiso? Munyori wepisarema akanyora kuti: “Sokunzwira tsitsi kwababa vana vake, saizvozvo Jehovha unonzwira tsitsi vanomutya. Nokuti iye unoziva chatakaitwa nacho, unorangarira kuti tiri guruva.” (Pisarema 103:13, 14) Chokwadi, “guruva” iri—kusanganisira vanhu vasina kukwana nhasi—rinogona kuita zvakawanda kwazvo nokutsigira kwomudzimu mutsvene waMwari!

Kuona Petro Zvakakodzera

13. Unhui hwaPetro hungauya mupfungwa, asi nei Jesu akamusarudza somuapostora?

13 Zvino ngatimbokurukurai kwenguva pfupi muenzaniso wechipiri, womuapostora Petro. Dai waizonzi urondedzere zvakaita Petro, waizobva wangotanga kufunga nezvounhu hwakadai semawara, kuvhundukira zvinhu, kunyange kuzvikudza here? Chokwadi Petro aimboratidza unhu hwakadaro dzimwe nguva. Zvisinei, Jesu aizosarudza Petro somumwe wevaapostora vake 12 kudai Petro aiva chaizvo munhu ane mawara, anovhundukira zvinhu, kana kuti anozvikudza here? (Ruka 6:12-14) Hazvingambodaro! Zviri pachena kuti Jesu haana kuita basa nezvinhu zvakashata izvi uye akaona unhu hwakanaka hwaPetro.

14. (a) Chii chingatibatsira kunzwisisa kuti nei Petro aiita seaitaurisa? (b) Nei tichifanira kufara kuti Petro aibvunza-bvunza mibvunzo?

14 Petro dzimwe nguva aiita sokuti ndiye mutauriri wevamwe vaapostora. Vamwe vangaona izvi sezvinoratidza kusava nomwero. Asi ndizvo zvazviri here chaizvo? Vamwe vanoti Petro angave aiva mukuru pazera kupfuura vamwe vaapostora vose—pamwe kunyange kuna Jesu pachake. Kana zvirizvo, pamwe izvi zvingatibatsira kuziva kuti nei Petro ariye aiwanzotanga kutaura. (Mateu 16:22) Zvisinei, pane chimwe chinhu chokufunga nezvacho. Petro aiva munhu aiva akasimba mumudzimu. Kuda kwake kuziva kwaimuita kuti abvunze mibvunzo. Izvi zvinobatsira isu. Jesu akataura zvinhu zvinoverengeka zvinokosha achipindura mibvunzo yaPetro, uye izvozvo zvakachengetwa muBhaibheri. Somuenzaniso, Jesu aipindura zvakanga zvataurwa naPetro paakataura nezvo“mutariri akatendeka.” (Ruka 12:41-44) Uye funga mubvunzo waPetro wokuti: “Takasiya zvinhu zvose tikakuteverai; chii chaizvoizvo chichavapo nokuda kwedu?” Izvi zvakaita kuti Jesu ape chipikirwa chinosimbisa, chokuti: “Munhu wose akasiya dzimba kana vanun’una kana hanzvadzi kana baba kana amai kana vana kana minda nokuda kwezita rangu achagamuchira zvimwe zvinowanziridzwa kakawanda uye achagara nhaka youpenyu husingaperi.”—Mateu 15:15; 18:21, 22; 19:27-29.

15. Nei zvichigona kunzi Petro aiva akavimbika zvechokwadi?

15 Petro aiva nohumwe unhu hwakanaka kwazvo—aiva akavimbika. Apo vazhinji vevadzidzi vakarega kutevera Jesu nokuti havana kunzwisisa imwe yedzidziso yake, ndiPetro akataura akamiririra vaapostora 12, akati: “Ishe, tichaenda kuna ani? Mune mashoko oupenyu husingaperi.” (Johani 6:66-68) Mashoko iwayo anofanira kuve akafadza Jesu zvokuti! Gare gare, apo chikwata chevanhu chakauya kuzosunga Tenzi, vazhinji vevaapostora vake vakatiza. Zvisinei, Petro akatevera chikwata chacho ari nechokure akasvikopinda mukati chaimo moruvazhe rwomupristi mukuru. Kushinga ndiko kwakamuita kuti aende ikoko, kwete kutya. Jesu paaibvunzurudzwa, Petro akaenda paiva neboka revaJudha vaidziya moto. Mumwe wevaranda vomupristi mukuru akamuziva akamupomera kuti aiva naJesu. Chokwadi, Petro akaramba Tenzi wake, asi ngatisakanganwe kuti kwaiva kuvimbika uye kuva nehanya naJesu kwakaita kuti Petro ave mumamiriro ezvinhu ane ngozi iwayo, zvisina mumwe wevaapostora akashinga kuzviita.—Johani 18:15-27.

16. Takurukura nezvounhu hwakanaka hwaJona naPetro nokuda kwechikonzero chipi chinoshanda?

16 Unhu hwakanaka hwaPetro hwaipfuura nokure zvikanganiso zvake. Ndizvo zvakanga zvakaitawo Jona. Sokutarisa kwataita Jona naPetro nechinangwa chakanaka zvikuru kupfuura zvatingawanzoita, saizvozvowo tinofanira kuzvidzidzisa kuona zvakanaka hama nehanzvadzi dzedu dzechiKristu dzomuzuva ranhasi. Kuita kudaro kuchaita kuti tive noukama huri nani nadzo. Nei izvi zvichidiwa chaizvo?

Kushandisa Chidzidzo Chacho Nhasi

17, 18. (a) Nei vaKristu vangatadza kuwirirana? (b) Izano ripi reBhaibheri rinogona kutibatsira kugadzirisa zvinetso zvatinova nazvo nehama dzedu?

17 Varume, vakadzi, uye vana vapfumi nevarombo uyewo vakadzidza nevasina nevemadzinza akasiyana-siyana vari kunamata Jehovha nhasi vakabatana. (Zvakazarurwa 7:9, 10) Zvechokwadi tinoona unhu hwakatsaukana-tsaukana zvikuru muungano yechiKristu! Sezvo tiri kunamata Mwari tiri pedyo nepedyo, hazvimbokundikani kuti dzimwe nguva pachava nokusawirirana.—VaRoma 12:10; VaFiripi 2:3.

18 Nepo tisiri mapofu asingaoni zvikanganiso zvehama dzedu, hatipedzi nguva tichifunga zvikanganiso izvi. Tinoedza kutevedzera Jehovha, uyo akaimbwa nezvake nomunyori wepisarema kuti: “Dai imi Jehovha, mairangarira zvisakarurama, ndianiko wairamba amire, Ishe?” (Pisarema 130:3) Pane kuramba tichifunga nezvounhu hungatiparadzanisa, tino‘tevera zvinhu zvinoparira rugare uye zvinhu zvinovaka mumwe nomumwe.’ (VaRoma 14:19) Tinoedza kuona vanhu sokuonekwa kwavanoitwa naJehovha, tichifuratira zvikanganiso uye tichifunga nezvounhu hwakanaka. Patinoita izvi, zvinotibatsira ‘kuramba tichishivirirana.’—VaKorose 3:13.

19. Rondedzera matanho anoshanda angatorwa nomuKristu pakugadzirisa kusawirirana kwakakomba.

19 Zvakadini kana pakamuka kusanzwisisana kwatisingagoni kugadzirisa mumwoyo medu? (Pisarema 4:4) Izvi zvati zvamboitika here pakati pako nehama yako? Unodii kuedza kugadzirisa nyaya yacho? (Genesi 32:13-15) Chokutanga, nyengetera kuna Jehovha, uchimukumbira kuti akutungamirire. Zvadaro, uchifunga nezvounhu hwakanaka kwazvo hwomunhu wacho, enda unotaura naye “nounyoro hwouchenjeri.” (Jakobho 3:13) Muudze kuti unoda kuti muve norugare. Yeuka zano rakafuridzirwa rinoti: ‘Kurumidza kunzwa, unonoke kutaura, unonoke kuva nehasha.’ (Jakobho 1:19) Zano roku‘nonoka kuva nehasha’ rinoreva kuti munhu wauri kutaura naye angaita kana kutaura chimwe chinhu chingakutsamwisa. Kana izvozvo zvikaitika, kumbira kubatsirwa naJehovha kuramba uchizvidzora. (VaGaratiya 5:22, 23) Bvumira hama yako kutaurawo, uye nyatsoteerera. Usaidimburira panzira, kunyange usingabvumirani nezvose zvainotaura. Maonero ayo angave asiriwo, asi iwayo ndiwo maonero ainoitawo. Edza kuona chinetso chacho semaonero airi kuchiita. Izvozvo zvingatosanganisira kuzviona semaonero anokuita hama yako.—Zvirevo 18:17.

20. Pakugadzirisa kusawirirana, mamwe matanhoi angangoguma aitwa pakuyanana?

20 Kana wava kufanira kutaurawo, taura nenyasha. (VaKorose 4:6) Udza hama yako zvaunofarira pairi. Kumbira ruregerero nokuda kwezvipi nezvipi zvaungave wakaitawo iwe pachako zvakakonzera kusanzwisisana kwacho. Kana zvaunoedza kuita nokuzvininipisa zvikaguma nokuyanana, onga Jehovha. Kana zvikasadaro, ramba uchikumbira kuti Jehovha akutungamirire paunenge uchitsvaka mimwe mikana yokuva norugare.—VaRoma 12:18.

21. Nyaya iyi yakubatsira sei kuona vamwe sokuonekwa kwavanoitwa naJehovha?

21 Jehovha anoda vashumiri vake vose. Anofara kutishandisa tose mubasa rake pasinei nokusakwana kwedu. Sezvatinodzidza zvakawanda nezvemaonero aanoita vamwe, kuda kwatinoita hama nehanzvadzi dzedu kuchakura. Kana rudo rwedu nokuda kwehama dzedu dzechiKristu rwatonhora, runogona kumutsidzirwa. Tichava nechikomborero chakakura kana tikaedza chaizvo kuona zvakanaka vamwe—hungu, kuvaona sokuonekwa kwavanoitwa naJehovha!

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 1 Nokufamba kwenguva zvakazobuda pachena kuti Eriabhi akanga akanaka pachiso aisava munhu akakodzera kuva mambo weIsraeri. Apo hofori yechiFiristiya Goriyati yakadenha vaIsraeri muhondo, Eriabhi, pamwe chete nevamwe varume veIsraeri, vakadedera nokutya.—1 Samueri 17:11, 28-30.

^ ndima 7 Nemhaka yokumwe kukunda kukuru kwaiitwa uye kudzorerwa kwenyika yakanga yambopambwa uye mutero unofanira kuve waiunganidzwa somugumisiro, zviri pachena kuti Jerobhoami II akaita zvakawanda kuti awedzere upfumi hwoumambo hwokuchamhembe.—2 Samueri 8:6; 2 Madzimambo 14:23-28; 2 Makoronike 8:3, 4; Amosi 6:2.

Ungapindura Sei?

• Jehovha anoona sei zvikanganiso zvevashumiri vake vakatendeka?

• Unhui hwakanaka kwaJona naPetro hwaunogona kutaura?

• Watsunga kuti uchada kuramba uchiona sei hama dzako dzechiKristu?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Bhokisi riri papeji 18]

Funga Nezvokuti Vamwe Vanoonekwa Sei naMwari

Sezvaunofungisisa nyaya yomuBhaibheri yaJona, unoona here kuti zvinodiwa kuti uve nemaonero matsva evanhu vaunoparidzira mashoko akanaka nguva dzose? Vangaita sevanoda mafaro kana kuti vasingakendengi, kufanana nevaIsraeri, kana kuti vangave vachishora shoko raMwari. Kunyange zvakadaro vanoonekwa sei naJehovha Mwari? Kunyange vamwe vanhu vakakurumbira munyika ino vangatendeukira kuna Jehovha rimwe zuva, sezvakaita mambo weNinevhe akapfidza pamusana pokuparidza kwaJona.—Jona 3:6, 7.

[Mufananidzo uri papeji 15]

Unoona vamwe sokuonekwa kwavanoitwa naJehovha here?

[Mufananidzo uri papeji 16, 17]

Jesu akawana chimwe chinhu chakanaka chokutaura pamusoro pezvakaitika kuna Jona