Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Dare Repamusoro Rinotsigira Kunamata Kwechokwadi mu“Nyika yeArarat”

Dare Repamusoro Rinotsigira Kunamata Kwechokwadi mu“Nyika yeArarat”

Dare Repamusoro Rinotsigira Kunamata Kwechokwadi mu“Nyika yeArarat”

Baba vane vana vatatu vokuArmenia vane bvudzi rachena vanomira pamberi pedare repamusorosoro romunyika mavo. Rusununguko rwavo uye rwevakawanda vavanonamata navo ruri pangozi. Dare racho rinoteerera sezvavanotora mashoko muBhaibheri kuti vatsanangure zvitendero zvavo. Kuti tinzwisise kuti dare iri rakaguma sei nokukunda kukuru kwokunamata kwechokwadi munyika iyoyo, ngatikurukurei zvakaita kuti zvidaro.

ARMENIA iri kumabvazuva kweTurkey uye nechokumaodzanyemba kwomudungwerungwe wemakomo eCaucasus. Ine vanhu vanodarika mamiriyoni matatu. Yerevan, guta guru renyika yacho, yakatarisana nenhongonya mbiri dzinoyevedza dzeGomo reArarat, uko, maererano nengano dzeko, panova ndipo pakamira areka yaNoa pashure peBoporodzi renyika yose.—Genesi 8:4. *

Zvapupu zvaJehovha zvave zvichiita basa razvo rechiKristu muArmenia kubvira muna 1975. Armenia yawana rusununguko kubva kune yaimbova Soviet Union muna 1991, State Council for Religious Affairs yakaumbwa kuti masangano ezvitendero anyoreswe. Zvisinei, dare iri rave richiramba kunyora Zvapupu zvaJehovha, pamusana bedzi pokusava nokwazvakarerekera mune zvematongerwe enyika sevaKristu. Saka kubvira muna 1991 Zvapupu zvechiduku zvinodarika 100 muArmenia zvakawanirwa mhosva uye zvakaiswa mujeri kakawanda pamusana pokuramba kwazvo basa rechiuto zvichishandisa Bhaibheri.

Dare racho rakakumbirawo hofisi yomuchuchisi wehurumende kuongorora zviito zvechitendero zvaLyova Margaryan, mukuru wechiKristu uye gweta rinoshanda zvakaoma panzvimbo yesimba reatomu munharaunda yacho. Pakupedzisira, Hama Margaryan vakapomerwa mhosva pasi peChikamu 244, chisaririra chomutemo weSoviet wakabudiswa munguva yaKhrushchev, nechinangwa chokuvhiringidza uye pakupedzisira kwava kuparadza Zvapupu zvaJehovha uye mamwe mapoka echitendero.

Mutemo iwoyo unoita kuti ive mhosva kuronga kana kuti kutungamirira boka rechitendero, nechikonzero chokuparidza zvinodavirwa nechitendero, ‘chinokwezva vechiduku kuti vapinde misangano yechitendero chisingazivikanwi zviri pamutemo’ uye ‘chinoita kuti nhengo dzacho dzirambe mabasa adzo ehurumende.’ Kuti atsigire kutaura kwake, muchuchisi wacho akasimbirira nezvokuvapo kwevana vaduku pamisangano inoitiswa naHama Margaryan muguta reMetsamor. Muchuchisi wacho akatiwo Hama Margaryan vakanga vamanikidzira nhengo dzechiduku dzeungano kuramba basa rechiuto.

Kutonga Kunotanga

Kutonga kwacho kwakatanga musi weChishanu, July 20, 2001, mudare roruwa reArmavir Mutongi Manvel Simonyan achitungamirira. Kwakaenderera mberi kutosvika muna August. Pakupa uchapupu, vaipupurira kutonga kwacho vakazobvuma kuti vamiririri veNational Security Ministry (yaimbonzi KGB) vakanga vataura mamwe emashoko akanga anyorwa pamusoro paHama Margaryan uye vakanga vavamanikidza kusaina magwaro acho. Mune chimwe chiitiko, mumwe mukadzi akataura kuti mumwe mukuru mukuru weSecurity Ministry akanga amurayiridza kutaura kuti “Zvapupu zvaJehovha zvinopikisa hurumende yedu uye chitendero chedu.” Mukadzi wacho akataura kuti akanga asingazivi chero upi zvake weZvapupu zvaJehovha asi akanga angonzwa kupomerwa kwazvaiitwa paterevhizheni yomuNyika yacho.

Chijana chavo pachakasvika, Hama Margaryan vakataura kuti vana vaduku vanopinda misangano yeZvapupu zvaJehovha vanoita kudaro vachibvumirwa nevabereki vavo. Vakatsanangurawo kuti kana riri basa rechiuto, munhu anozvisarudzira. Muchuchisi wacho akaramba achibvunzurudza kwemazuva anoverengeka. Vachishandisa Bhaibheri, Hama Margaryan vakapindura zvinyoronyoro mibvunzo pamusoro pezvitendero zvavo, panguva imwe chete muchuchisi wacho achiongorora Magwaro acho muBhaibheri rake pachake.

Musi waSeptember 18, 2001, mutongi wacho akazivisa kuti Margaryan “akanga asina mhosva,” achitaura kuti “hapana chaiva kunze kwomutemo” pane zvaaiita. Mushumo wairondedzera nyaya yacho wakaiswa muAssociated Press. Waiti: “Nhasi mutungamiriri weZvapupu zvaJehovha muArmenia anzi haana mhosva dzokutendeutsa nedzokumanikidza vechiduku kuramba basa rechiuto. Pashure pokutongwa kwemwedzi miviri, Dare rati hapana uchapupu hwakakwana pamusoro pomutungamiriri wacho, Levon Markarian [Lyova Margaryan]. Aigona kuiswa mujeri kwemakore anogona kusvika mashanu. . . . Kunyange zvazvo Bumbiro Romutemo weArmenia richibvumira rusunguko rwechitendero, zvakaomera mapoka matsva kunyoresa zviri pamutemo uye mitemo yacho inotsigira sangano guru reArmenian Apostolic Church.” Mupepanhau rayo romusi waSeptember 18, 2001, Organization for Security and Cooperation in Europe (OSCE) yakati: “Kunyange zvazvo ichigamuchira mutongo wacho, Hofisi yeOSCE ine urombo nokuti inoti iyi inyaya yaisambofanira kuenda kudare.”

Kutonga Kunoenderera Mberi

Kunyange zvakadaro, vachuchisi vacho vakakwirira, uye kukwirira kwacho kwakatora imwezve mwedzi mina. Pakutanga kutonga kwacho, pachakasvika chijana chaHama Margaryan chokuti vataure, vakabvunzwa mubvunzo wokutanga nomutongi weboka racho. Hama Margaryan pavakatanga kupindura, sachigaro akapindira ndokuvashora. Pashure pacho, haana kuzombobvumira Hama Margaryan kupedzisa kupindura kunyange mubvunzo mumwe. Asingapi zvikonzero, akabvisawo mibvunzo mizhinji yavaibvunzwa nevaimiririra mupomerwi. Pakutonga kwacho, vanyanyisi vechitendero vanovenga Zvapupu, vakanga vakazara mudare macho, vakaramba vachituka Hama Margaryan. Chikamu chacho chapera, mishumo yakawanda yemanyepo uye yaivhiringidza pakutonga kwacho yakabudiswa paterevhizheni, somuenzaniso ichiti, Hama Margaryan, chaizvoizvo vakanga vabvuma mhosva yavo.

Kutonga kwacho kwava pakati nepakati, sachigaro weboka revatongi vacho vatatu akashamisa vacherechedzi nokubudisa tsamba yakabva kuState Council for Religious Affairs ichirayira kuti hofisi yomuchuchisi itore matanho pamusoro paHama Margaryan. Izvi zvakashamisa vacherechedzi venyika dzakawanda vaivapo, sezvo pakukumbira kwayo kuva nhengo muDare reEurope, Armenia yakabvuma mutoro wayo wokuva nechokwadi chokuti Chechi dzose kana nzanga dzechitendero, zvikurukuru dziya dzinonzi ‘dzisiri dzegamuchidzanwa,’ dzingaita zvechitendero zvadzo pasina rusaruro.”

Sezvo kutonga kwacho kwakaenderera mberi kusvika kuvhiki dzaitevera, mamiriro acho ezvinhu akawedzera kuoma. Vaipikisa vakaramba vachinetsa uye vachirwisa Zvapupu mukati nokunze kweimba yedare. Vakadzi vari Zvapupu vaikaviwa mipimbira. Chimwe Chapupu pachakarohwa asi chisingadzoreri, chakarohwa pamuzongoza nokumashure uye chaitofanira kuendeswa kuchipatara.

Panguva iyoyo, mumwe mutongi mutsva akanzi atonge mhosva yacho. Pasinei nokuedza kutyisidzira vaimiririra mupomerwi kwaiitwa nevashoma vaiva muvateereri, sachigaro mutsva uyu akaramba achidzora mamiriro acho ezvinhu, akatodaidza mapurisa kuti abude nomumwe mukadzi aiva mudare akanga achituka vaimiririra mupomerwi.

Mudare Repamusorosoro muArmenia

Pakupedzisira, musi waMarch 7, 2002, dare rokukwirira rakatendera mutongo wedare rokutonga. Zvinoshamisa kuti zuva rimwe mutongo uyu usati waziviswa, State Council for Religious Affairs yakaparadzwa. Muchuchisi wacho akakwirirazve mhosva yacho, nguva ino kudare repamusorosoro reArmenia—rinonzi Dare reCassation. Vachuchisi zvino vakakumbira kuti Dare ridzorere mhosva yacho kuti itongwezve nokuda “kwokupa mutongo wakaipa.”

Boka revatongi vatanhatu, sachigaro wacho ari Mutongi Mher Khachatryan, rakaungana na11:00 mangwanani musi waApril 19, 2002. Mumashoko ake okutanga, mumwe wevachuchisi akaratidza kushatirwa zvikuru kuti matare maviri akanga apfuura akakundikana kuwanira Hama Margaryan mhosva. Zvisinei, nguva ino aiva muchuchisi akanyararidzwa achiri kutaura ndokubvunzwa mibvunzo nevana vevatongi vacho. Mumwe mutongi akatsiura muchuchisi wacho pamusana pokuedza kuita kuti Dare rive nekwarakarerekera nokubatanidza basa rokuparidza uye kusanyorwa zviri pamutemo kweZvapupu zvaJehovha pamhosva yaipomerwa Hama Margaryan—zvose zvakanga zvisina kurondedzerwa sezvakaipa muChikamu 244. Zvadaro mutongi wacho akarondedzera zviito zvomuchuchisi wacho so“kutambudza achipomera mhosva yakaipa.” Mumwe mutongi akataura mhosva dzakasiyana-siyana dzeDare reEurope umo Zvapupu zvaJehovha zvakanzi “chitendero chinozivikanwa” chine kodzero yokudzivirirwa neEuropean Convention on Human Rights. Panguva ino, mupristi aiva mudare racho akadanidzira kuti Zvapupu zvaJehovha zvaikamura nyika. Dare rakamuudza kuti anyarare.

Ipapo vatongi vakadana Lyova Margaryan muvateereri—zvisina kumboitwa mudare repamusoro iri. Hama Margaryan vakapupurira zvakaisvonaka pamusoro penzvimbo yechiKristu yeZvapupu zvaJehovha panhau dzakasiyana-siyana. (Mako 13:9) Pashure penguva pfupi yokufungisisa nhau yacho, Dare rakadzoka ndokubvumirana pamutongo wokuti “vakanga vasina mhosva.” Hama Margaryan vakanyatsoratidza kuti vafara. Mumutongo waro wakanyorwa, Dare rakati: “Basa [raLyova Margaryan] iri harinzi imhosva nomutemo uripo, uye kupomera uku kunopesana neChikamu 23 choMutemo weArmenia uye Chikamu 9 cheChibvumirano cheEurope.”

Migumisiro yoMutongo Wacho

Dai kutonga kwacho kwakanga kwabudirira, kungadai kwakabvumira kuti zvimwe Zvapupu zvomuArmenia zviri vakuru muungano dzose zvisungwe. Tinovimba kuti mutongo wakajeka wakapiwa neDare uchaita kuti parege kuva nokushushwa kwakadaro. Mutongo usingadiwi waigonawo kuva chikonzero chokuenderera mberi kuramba kunyora Zvapupu zvaJehovha zviri pamutemo. Tinoonga kuti Dare zvino rakabvisa chikonzero chenhema ichi.

Nokufamba kwenguva tichaona kana Zvapupu zvaJehovha zvinodarika 7 000 munyika iyoyo zvikanyoreswa zviri pamutemo. Panguva ino, kunamata kwechokwadi kuchiri kupenyu uye kuchakanaka mu“nyika yeArarat.”

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 Ichi ndicho chimwe chikonzero nei vaArmenia vachibatanidza nyika yavo neGomo reArarat. Munguva yekare, Armenia yaiva umambo hukuru hwaiva nendima yaisanganisira makomo iwayo. Saka, pana Isaya 37:38, shanduro yeBhaibheri yeSeptuagint yechiGiriki inoshandura mashoko okuti “nyika yeArarat” kuti “Armenia.” Gomo reArarat zvino riri kuTurkey, pedyo nomuganhu wayo wokumabvazuva.

[Mufananidzo uri papeji 12]

Lyova Margaryan paaitongwa

[Mufananidzo uri papeji 13]

Hama Margaryan nemhuri yavo