Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kudya Kwemanheru Kwokupedzisira—Chii?

Kudya Kwemanheru Kwokupedzisira—Chii?

Kudya Kwemanheru Kwokupedzisira—Chii?

UNOFUNGEI paunonzwa mashoko okuti “kudya kwemanheru kwokupedzisira”? Vanhu vakawanda vachafunga nezvomufananidzo waidiwa zvikuru muMilan, Italy, wakaitwa nomunyori wemifananidzo Leonardo da Vinci (1452-1519). Chokwadi ndechokuti Kudya Kwemanheru Kwokupedzisira kwave kuri musoro wakajairika kuvanyori vemifananidzo, vanyori vemabhuku, uye vaimbi mumazana ose emakore.

Zvisinei, Kudya Kwemanheru Kwokupedzisira chii, uye kunorevei kune vanhu vari kurarama muzana remakore rechi21? Maenisaikoropidhiya nemaduramazwi achakuudza kuti Kudya Kwemanheru Kwokupedzisira, kunonziwo Kudya kwaShe Kwemanheru, kudya kwakaitwa naJesu Kristu nevaapostora vake manheru asati afa rufu rwake rwechibayiro. Sezvo kwaiva kudya kwemanheru kwokupedzisira kwakaitwa naJesu nevateveri vake vakatendeka, kubvira kare kwainzi Kudya Kwemanheru Kwokupedzisira. Uye sezvo kwakatangwa naShe Jesu Kristu pachake, zita rokuti Kudya kwaShe Kwemanheru rakakodzera.

Kwemazana emakore, vakawanda vakabayira upenyu hwavo pane zvavaifunga kuti zvikonzero zvinokosha. Dzimwe dzenzufu idzi dzakabatsira vamwe vanhu kwenguva yakati. Kunyange zvakadaro, kana zvichienzaniswa, hapana nzufu dzokuzvipira idzodzo dzinonyatsokosha sezvinoita rufu rwaJesu Kristu, sokurumbidzwa kwadzaiitwa. Uyezve, hapana rufu munhau yevanhu yakazara nenhamo rungangoguma nomukurumbira pasi pose. Nei?

Kuti tipindure mubvunzo iwoyo uye kuti tikubatsire kuwana kuti Kudya kwaShe Kwemanheru kunorevei kwauri, tinokukumbira kuverenga nyaya inotevera.