Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ratidza “Unyoro Hwose Kuvanhu Vose”

Ratidza “Unyoro Hwose Kuvanhu Vose”

Ratidza “Unyoro Hwose Kuvanhu Vose”

“Ramba uchivayeuchidza . . . kuti vave vanonzwisisa, vachiratidza unyoro hwose kuvanhu vose.”—TITO 3:1, 2.

1. Nei zvisiri nyore kuratidza unyoro nguva dzose?

“IVAI vatevedzeri vangu,” akanyora kudaro muapostora Pauro, “seni ndiri waKristu.” (1 VaKorinde 11:1) Nhasi vashumiri vaMwari vose vanoedza kwazvo kuteerera nyevero iyi. Chokwadi, hazvisi nyore, nokuti takagara nhaka kuvabereki vedu vokutanga zvishuwo zvoudyire uye unhu husingapindirani nomuenzaniso waKristu. (VaRoma 3:23; 7:21-25) Kunyange zvakadaro, pakunouya pakuratidza unyoro, tose zvedu tinogona kubudirira kana tikaedza nepatinogona napo. Asi kuvimba nokutsunga kwedu chete hakuna kukwana. Chiizve chinodiwa?

2. Tingaratidza sei “unyoro hwose kuvanhu vose”?

2 Unyoro hwaMwari chimwe chezvibereko zvomudzimu mutsvene. Tikaramba tichiteerera kutungamirira kwesimba raMwari rinobata basa, zvibereko zvaro zvinova pachena zvikuru. Ipapo chete ndipo patichakwanisa kuratidza “unyoro hwose” kuvanhu vose. (Tito 3:2) Ngationgororei kuti tingatevedzera sei muenzaniso waJesu ndokuita kuti vaya vatinosonganirana navo ‘vawane zororo.’—Mateu 11:29; VaGaratiya 5:22, 23.

Mumhuri

3. Mamiriroi ezvinhu mumhuri anoratidza mudzimu wenyika?

3 Imwe nzvimbo inokosha unyoro ndimo mumhuri. World Health Organization inofungidzira kuti chisimba chomumhuri chinoisa utano hwevakadzi panjodzi huru kudarika tsaona dzemotokari nemarariya zvakabatanidzwa. Somuenzaniso, muLondon, England, chikamu chimwe kubva muzvina chemhosva dzose dzechisimba dzinomhan’arwa ndedzomumhuri. Mapurisa anowanzosangana nevanhu vanoratidza kunzwa kwavo no“kupopota nokutaura zvakaipa.” Zvakatonyanya kuipa, vamwe vakaroorana vakabvumira “pfini” kukanganisa ukama hwavo. Zvose izvi kuratidzwa kunosuruvarisa kwo“mudzimu wenyika” uye izvozvo hazvina nzvimbo mumhuri dzechiKristu.—VaEfeso 4:31; 1 VaKorinde 2:12.

4. Unyoro hungava nomugumisiroi pamhuri?

4 Kuti tikurire mafungiro enyika, tinoda mudzimu waMwari. “Pane mudzimu waJehovha, pane rusununguko.” (2 VaKorinde 3:17) Rudo, mutsa, kuzvidzora, uye mwoyo murefu zvinosimbisa kubatana kwevarume nevadzimai vasina kukwana. (VaEfeso 5:33) Unyoro hunoita kuti pamusha pafadze uye hwakasiyana nokukakavadzana uye kupopotedzana kunoparadza mhuri dzakawanda. Zvinotaurwa nomunhu zvinokosha, asi nzira yaanozvitaura nayo ndiyo inobudisa zviri seri kwemashoko ake. Zvinhu zvinotinetsa nezvinotidya mwoyo zvikataurwa nounyoro zvinoderedza hasha. Mambo akachenjera Soromoni akanyora kuti: “Mhinduro nyoro inodzora kutsamwa; asi shoko rinorwadza mwoyo rinomutsa hasha.”—Zvirevo 15:1.

5. Unyoro hungabatsira sei mumusha mune vanhu vane zvitendero zvakasiyana?

5 Unyoro hunokosha zvikuru mumusha mune vanhu vane zvitendero zvakasiyana. Pamwe nemabasa omutsa, hungabatsira kuti vaya vasingadi vauye kuna Jehovha. Petro akapa zano madzimai echiKristu achiti: “Zviisei pasi pevarume venyu chaivo, kuitira kuti, kana pane vasingateereri shoko, vawanwe pasina shoko nomufambiro wevakadzi vavo, nemhaka yokuva zvapupu zvakaona mufambiro wenyu wakachena pamwe noruremekedzo rukuru. Uye kushonga kwenyu ngakurege kuva kwokuruka bvudzi kwokunze uye kwokupfeka zvishongo zvendarama kana kwokupfeka nguo dzokunze, asi ngakuve munhu akavanzika wemwoyo akapfeka chipfeko chisingaori chomudzimu wakanyarara uye munyoro, uyo unokosha zvikuru mumaziso aMwari.”—1 Petro 3:1-4.

6. Kuratidza unyoro kungasimbisa sei ushamwari pakati pevabereki nevana?

6 Ukama pakati pevabereki nevana hunogona kukanganiswa, zvikurukuru kana pasina kuda Jehovha. Asi mumhuri dzose dzechiKristu, unyoro hunofanira kuratidzwa. Pauro akapa vanababa zano rokuti: “Musatsamwisa vana venyu, asi rambai muchivarera mukuranga nomukutungamirira ndangariro kwaJehovha.” (VaEfeso 6:4) Kana unyoro hukapararira mumhuri, ushamwari hwepedyo pakati pevabereki nevana hunosimbiswa. Dean, mumwe wevana vashanu, akayeuka nezvababa vake achiti: “Baba vaiva vanyoro. Handimboyeuki ndichikakavadzana navo—kunyange pandaiva ndichiri kuyaruka. Nguva dzose vaiva vanyoro zvikuru, kunyange pavaiva vakatsamwa. Dzimwe nguva vaindiendesa mukamuri rangu kana kunditorera ropafadzo dzangu, asi hatina kumbokakavadzana. Vaisangova baba vedu chete. Vaivawo shamwari yedu, uye takanga tisingadi kuvaodza mwoyo.” Zvechokwadi unyoro hunobatsira kusimbisa ushamwari pakati pevabereki nevana.

Muushumiri Hwedu

7, 8. Nei kuratidza unyoro muushumiri hwomumunda kuchikosha?

7 Imwe nzvimbo inokosha unyoro muushumiri hwomumunda. Sezvatinoudza vamwe mashoko akanaka oUmambo, tinosangana nevanhu vane unhu hwakasiyana. Vamwe vanoteerera nomufaro shoko retariro ratinovavigira. Vamwewo, pamusana pezvikonzero zvakasiyana-siyana, vangaramba. Pano ndipo patingabatsirwa zvikuru nounyoro kuti tiite basa redu rokupupurira kusvikira kurutivi ruri kure zvikuru rwepasi.—Mabasa 1:8; 2 Timoti 4:5.

8 Muapostora Petro akanyora kuti: “Tsvenesai Kristu saShe mumwoyo menyu, muchigara makagadzirira kuzvidzivirira kune munhu wose anokubvunzai chikonzero chetariro iri mamuri, asi muchiita kudaro nounyoro noruremekedzo rukuru.” (1 Petro 3:15) Nokuti mumwoyo yedu tinoti Kristu ndiye Muenzaniso wedu, tinoedza zvose zvatinogona kuratidza unyoro noruremekedzo patinopupurira vaya vanotaura nehasha. Mufambiro uyu unowanzova nemigumisiro yakanaka kwazvo.

9, 10. Rondedzera zvakaitika zvinoratidza kukosha kwounyoro muushumiri hwomumunda.

9 Mudzimai wake paakadavira munhu akanga agogodza pamusuo wemba yavo, Keith akaramba ari mumba. Paakaziva kuti mueni wavo aiva mumwe weZvapupu zvaJehovha, mudzimai waKeith akapomera Zvapupu nehasha kuti zvinoitira vana utsinye. Hama yacho yakaramba yakanyarara. Zvinyoronyoro, yakati: “Ndine urombo kuti munofunga nenzira iyoyo. Ndapota ndingakuratidzai here zvinodavirwa neZvapupu zvaJehovha?” Keith akanga akateerera kukurukurirana kwacho uye zvino akauya pamusuo kuzomisa kukurukurirana nehama yacho.

10 Gare gare, vaviri vacho vakatanga kuzvidemba kuti vakanga vaitira hasha mueni wavo. Unyoro hwake hwakanga hwavaorora. Vakashamisika kuti vhiki imwe gare gare hama yacho yakadzoka, uye Keith nomudzimai wake vakaibvumira kuti itsanangure panobva zvayaidavira muMagwaro. “Mumakore maviri akatevera, takateerera zvikuru zvaitaurwa nezvimwe Zvapupu,” vakazodaro. Vakabvuma kudzidza Bhaibheri, uye pakupedzisira vose vakabhabhatidzwa kuratidza kuzvitsaurira kwavo kuna Jehovha. Chapupu chiya chakatanga kushanyira Keith nomudzimai wake chakafara zvikuru! Chapupu chacho chakasangana nevaviri ava makore akazotevera ndokuona kuti zvino vakanga vava hama nehanzvadzi dzaanonamata nadzo. Unyoro hunobudirira.

11. Unyoro hungazarurira mumwe munhu nzira yokugamuchira chokwadi chechiKristu munzirai?

11 Zvakaitika kuna Harold ari musoja zvakamuita munhu akakasharara uye asina chokwadi nokuvapo kwaMwari. Kuwedzera kuzvinetso zvake, tsaona yemotokari yakakonzerwa nomutyairi akanga akadhakwa yakasiya Harold aremara zvachose. Zvapupu zvaJehovha pazvakashanya kumba kwake, Harold akati zvirege kumushanyira. Asi rimwe zuva, chimwe Chapupu chinonzi Bill chaida kushanyira munhu aifarira aigara misuo miviri chete kubva pane waHarold. Asingazivi, Bill akagogodza pamusuo waHarold. Paakazarura musuo achifamba nemidonzvo, Bill akabva akumbira ruregerero, achitsanangura kuti akanga achida kushanyira imba yaiva pedyo. Harold akaita sei? Bill akanga asingazivi kuti Harold akanga aona nhau paterevhizheni pachiratidzwa Zvapupu zvichivaka imwe Imba yoUmambo itsva munguva pfupi zvikuru. Ashamiswa nokuona vanhu vakawanda kudaro vachishandira pamwe, akachinja maonero aaiita Zvapupu. Aororwa nokukumbira ruregerero nomutsa kwaBill uye unyoro hwake hunofadza, Harold akasarudza kubvuma kushanyirwa neZvapupu. Akadzidza Bhaibheri, akafambira mberi, ndokuva mushumiri waJehovha akabhabhatidzwa.

Muungano

12. Nhengo dzeungano yechiKristu dzinofanira kusava nounhu hupi hwenyika?

12 Nzvimbo yechitatu umo unyoro hunokosha muungano yechiKristu. Kurwisana hakuzivani munzanga yanhasi. Nharo, kukakavadzana, nokupopotedzana ndozvakajairwa nevaya vanoona upenyu sezvinoita nyika. Nguva nenguva, unhu hwenyika hwakadaro hunopinda zvishoma nezvishoma muungano yechiKristu hwoguma nemagakava uye kupopotedzana. Hama dzine mitoro dzinosuruvariswa padzinofanira kugadzirisa zvinetso izvi. Kunyange zvakadaro, kuda Jehovha uye hama dzadzo kunodziita kuti dziedze kubatsira vanotadza kuti vapfidze vodzoka.—VaGaratiya 5:25, 26.

13, 14. ‘Kudzidzisa nounyoro vaya vasingadi’ kungaguma nei?

13 Muzana remakore rokutanga, Pauro neshamwari yake Timoti vakasangana nezvinetso zvaibva kune vamwe vaiva muungano. Pauro akanyevera Timoti kuti angwarire hama dzaiva dzakaita semidziyo ye“basa risingakudzwi.” Pauro akati, “muranda waShe haafaniri kurwa, asi anofanira kuva munyoro kune vose, anokwanisa kudzidzisa, anoramba achizvidzora pakuitirwa zvakaipa, achidzidzisa nounyoro vasingadi.” Patinoramba tiri vanyoro kunyange patinodenhwa, vaya vasingabvumirani nesu vanowanzokurudzirwa kuongororazve kutsoropodza kwavo. Uyewo, Jehovha ‘angavapa rupfidzo ruchitungamirira kuzivo yakarurama pamusoro pechokwadi,’ sokunyorazve kunoita Pauro. (2 Timoti 2:20, 21, 24, 25) Ona kuti Pauro anobatanidza rupfave uye kuzvidzora nounyoro.

14 Pauro aiita zvaaiparidza. Pakubata ‘nevaapostora vakanaka zvikuru’ muungano yeKorinde, akakurudzira hama dzacho achiti: “Zvino ini Pauro, ndinokutetererai nounyoro nomutsa zvaKristu, kunyange ndichioneka somuduku pakati penyu, asi kana ndisiri ikoko ndakashinga kwamuri.” (2 VaKorinde 10:1; 11:5) Zvechokwadi Pauro akatevedzera Kristu. Ona kuti akateterera hama idzi “nounyoro” hwaKristu. Saka haana kuva nemafungiro okumanikidza, okudzvinyirira. Hapana mubvunzo kuti kukurudzira kwake kwakafadza vaya vaiva muungano vaiva nemwoyo inogamuchira. Akagadzirisa ukama hwakanga hwakanganisika ndokubatsira kuti pave norugare nokubatana muungano. Tose zvedu hatingadi here kuedza kutevedzera izvi? Zvikurukuru vakuru vanofanira kutevedzera zviito zvaKristu naPauro.

15. Nei unyoro huchikosha pakupa zano?

15 Basa rokubatsira vamwe haringoitwi chete kana rugare nechinzwano zveungano zviri pangozi. Ukama husati hwakanganiswa, hama dzinoda nhungamiro yorudo. “Hama, kunyange mumwe munhu akadarika asati azviziva, imi mune zvinhu zvinodiwa zvomudzimu edzai kururamisa munhu akadaro,” akakurudzira kudaro Pauro. Asi sei? “Nounyoro, muchizvichenjerera, muchityira kuti nemiwo mungaedzwa.” (VaGaratiya 6:1) Kuramba tiri va“nyoro” hakusi nyore nguva dzose, zvikurukuru nokuti vaKristu vose, kusanganisira varume vakagadzwa, vanonzwa vachida kutadza. Kunyange zvakadaro, unyoro ndihwo huchaita kuti zvive kune anotadza kuti agadzirise.

16, 17. Chii chingabatsira kukurira kusada kushandisa zano kupi nokupi?

16 MuchiGiriki chakashandiswa, shoko rinoshandurwa kuti “kururamisa” ringarevawo kugadzirisa kana kuti kuisa mapfupa anenge avhunika panzvimbo yawo, chinhu chinorwadza. Chiremba anokurudzira anobatanidza mapfupa acho anotaura zvakanaka nezvokubatsira kwomuitiro wacho. Kudzikama kwake kunonyaradza. Mashoko mashoma anofanotaurwa anonyaradza marwadzo acho. Saizvozvowo, kururamiswa mune zvokunamata kungava kunorwadza. Asi unyoro huchabatsira kuti kugamuchirike zviri nyore, zvichiita kuti pavezve noukama hwakanaka ndokuzarura nzira yokuti anotadza achinje mararamiro ake. Kunyange kana zano racho richirambwa pakutanga, unyoro hwomunhu wacho anobatsira hungaderedza kusada kutevera zano rakanaka reMagwaro kupi nokupi.—Zvirevo 25:15.

17 Pakubatsira kururamisa vamwe, nguva dzose pane ngozi yokuti zano racho ringatorwa sokutsoropodza. Mumwe munyori anoti: “Pakutsiura vamwe hatitombofaniri kuva nemafungiro akasimba okuzvitutumadza, asi tinofanira kuva vanyoro.” Kukudziridza unyoro hunobva pakuzvininipisa kuchabatsira mupi wezano wechiKristu kunzvenga ngozi iyi.

“Kuvanhu Vose”

18, 19. (a) Nei vaKristu vangaona zvakaoma kuratidza unyoro mukubata nezviremera zvenyika? (b) Chii chichabatsira vaKristu kuratidza unyoro kune vaya vane simba, uye zvingangoguma nei?

18 Imwe nzvimbo iyo vakawanda vanoona zvakaoma kuratidza unyoro ndeyokubata nezviremera zvenyika. Chokwadi, zvinoita vamwe vane chiremera zvinoratidza hasha uye kushayikwa kwokunzwirana ngoni. (Muparidzi 4:1; 8:9) Zvisinei, kuda kwatinoita Jehovha kuchatibatsira kuziva chiremera chake chinopfuura zvimwe zvose asi tichizviisa pasi zvine mwero pezviremera zvehurumende. (VaRoma 13:1, 4; 1 Timoti 2:1, 2) Kunyange kana vaya vane zvinzvimbo zvepamusoro vakaedza kutirambidza kuratidza pachena kunamata kwedu Jehovha, tinotsvaka nomufaro nzira dzichiri dzakazaruka dzokuti tipe chibayiro chedu chokurumbidza.—VaHebheru 13:15.

19 Hatimborwi chero zvodini. Tinoedza kuva vanonzwisisa asi tisingaiti zvinopesana nemitemo yakarurama. Nokuita izvi, hama dzedu dzinobudirira kuita ushumiri hwadzo munyika 234 pasi pose. Tinoteerera zano raPauro rokuti ‘tive vanozviisa pasi uye kuti tive vanoteerera hurumende nevane simba sevatongi, kuti tive vakagadzirira basa rose rakanaka, kuti tisataure zvakaipa pamusoro pomunhu upi noupi, kuti tisave vanorwa, kuti tive vanonzwisisa, tichiratidza unyoro hwose kuvanhu vose.’—Tito 3:1, 2.

20. Vaya vanoratidza unyoro vane mibayiro yei?

20 Vaya vanoratidza unyoro vakachengeterwa zvikomborero zvakawanda. “Vanofara vanyoro,” akadaro Jesu, “sezvo vachagara nhaka yepasi.” (Mateu 5:5) Hama dzaKristu dzakazodzwa nomudzimu, dzikaramba dzine unhu uhwu—unyoro, dzinovimbisa mufaro wavo uye ropafadzo yokutonga pasi pano muUmambo. Kana riri “boka guru revanhu” ve“mamwe makwai,” vanoramba vachiratidza unyoro ndokutarisira mberi kuupenyu muParadhiso pasi pano. (Zvakazarurwa 7:9; Johani 10:16; Pisarema 37:11) Zvechokwadi inguva yemberi yakaisvonaka zvikuru! Saka, ngatisambokanganwa chiyeuchidzo chakapiwa vaKristu veEfeso naPauro chokuti: “Naizvozvo, ini musungwa munaShe, ndinokutetererai kuti mufambe zvakafanira kudanwa kwamakadanwa nako, nepfungwa dzinozvidukupisa zvakakwana nounyoro.”VaEfeso 4:1, 2.

Kudzokorora

• Zvikomboreroi zvinouya nokuratidza unyoro

• mumhuri?

• muushumiri hwomumunda?

• muungano?

• Vanyoro vanovimbiswa mibayiro yei?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 21]

Unyoro hunokosha zvikuru mumusha mune vanhu vane zvitendero zvakasiyana

[Mufananidzo uri papeji 21]

Unyoro hunosimbisa zvisungo zvemhuri

[Mufananidzo uri papeji 23]

Zvidzivirire nounyoro noruremekedzo rukuru

[Mufananidzo uri papeji 24]

Unyoro hwomupi wezano hungabatsira uya anotadza