Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unyoro—Unhu hwechiKristu Hunokosha

Unyoro—Unhu hwechiKristu Hunokosha

Unyoro—Unhu hwechiKristu Hunokosha

“Pfekai . . . unyoro.”—VAKOROSE 3:12.

1. Chii chinoita kuti unyoro huve unhu hunoshamisa?

KANA munhu ari munyoro, zvinofadza kuva naye. Nepo, “rurimi runyoro runovhuna mapfupa,” akadaro Mambo akachenjera Soromoni. (Zvirevo 25:15) Unyoro unhu hunoshamisa hunobatanidza kunaka nesimba.

2, 3. Unyoro nomudzimu mutsvene zvinobatana papi, uye tichakurukurei munyaya ino?

2 Muapostora Pauro akabatanidza unyoro pakutsanangura kwaakaita “zvibereko zvomudzimu,” zviri pana VaGaratiya 5:22, 23. Shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “unyoro” VaG 5 mundima 23 muShanduro yeNyika Itsva rinowanzoshandurwa kuti “kuzvirereka” kana kuti “rupfave” mune dzimwe shanduro dzeBhaibheri. Chokwadi ndechokuti mune mimwe mitauro mizhinji, zvakaoma kuwana shoko rinonyatsoenderana neiri rechiGiriki, nokuti shoko rechiGiriki rinotsanangura unyoro hwomumwoyo uye mutsa kwete rupfave rwokunze kana kuzvirereka, uye zvakaita pfungwa nomwoyo zvomunhu, kwete mufambiro womunhu.

3 Kutibatsira kunzwisisa zvizere zvinoreva unyoro uye kukosha kwahwo, ngatikurukurei mienzaniso mina yomuBhaibheri. (VaRoma 15:4) Patinoita kudaro, hatizongodzidzi chiri unhu uhwu asiwo mawanirwo ahungaitwa ndokuratidzwa mune zvose zvatinoita.

“Unokosha Zvikuru Mumaziso aMwari”

4. Tinoziva sei kuti Jehovha anokoshesa unyoro?

4 Sezvo unyoro huri chimwe chezvibereko zvomudzimu waMwari, zvinonzwisisika kuti hunofanira kuva huri pedyo napedyo zvikuru nounhu hwaMwari hwakanakisisa. Muapostora Petro akanyora kuti “mudzimu wakanyarara uye munyoro, unokosha zvikuru mumaziso aMwari.” (1 Petro 3:4) Zvechokwadi, unyoro unhu hwaJehovha; anohukoshesa zvikuru. Chokwadi, izvi zvoga chikonzero chakakwana kuvashumiri vaMwari vose kuti vakudziridze unyoro. Kunyange zvakadaro, Mwari wemasimba ose, Chiremera chikuru pazvinhu zvose, anoratidza sei unyoro?

5. Pamusana pounyoro hwaJehovha, tine tariro yei?

5 Vanhu vaviri vokutanga, Adhamu naEvha, pavakarega kuteerera murayiro waMwari wakajeka wokusadya muti wokuziva zvakanaka nezvakaipa, vakaita izvozvo vachiziva. (Genesi 2:16, 17) Kusateerera ikoko kwemaune kwakaguma nechivi, rufu, uye kuparadzaniswa naMwari ivo nevana vavo vavaizobereka. (VaRoma 5:12) Kunyange zvazvo Jehovha aiva nechikonzero chakanaka chokupa mutongo iwoyo, haana kungosiya mhuri yevanhu sokunge kuti haimbogoni kuchinja uye kudzikinurwa. (Pisarema 130:3) Pane kudaro, nomutsa wake uye kuda kwake kusava anonyanyorayira—kuratidzwa kwounyoro—Jehovha akagovera nzira yokuti vanhu vanotadza vagone kusvika kwaari ndokuwana nyasha dzake. Hungu, kuburikidza nechibayiro chorudzikinuro choMwanakomana wake, Jesu Kristu, Jehovha anoita kuti zvibvire kuti isu tiswedere kuchigaro chake choumambo chakakwirira tisingatyi kana kuvhunduka.—VaRoma 6:23; VaHebheru 4:14-16; 1 Johani 4:9, 10, 18.

6. Unyoro hwakaratidzwa sei mukubata kwaMwari naKaini?

6 Nguva refu Jesu asati auya pasi pano, unyoro hwaJehovha hwakaratidzwa apo Kaini naAbheri, vanakomana vaAdhamu, vakapa Mwari zvibayiro. Achinzwisisa zvaiva mumwoyo yavo, Jehovha akaramba chibayiro chaKaini asi ‘akagamuchira’ Abheri nechibayiro chake. Maonero aMwari akanaka Abheri akatendeka nechibayiro chake akaita kuti Kaini asafara. “Kaini akatsamwa kwazvo, chiso chake chikaunyana,” inodaro nhoroondo yeBhaibheri. Jehovha akaita sei? Akagumburwa nemaitiro aKaini akaipa here? Aiwa. Nounyoro, akabvunza Kaini chikonzero nei akanga akatsamwa kwazvo. Jehovha akatotsanangura zvaigona kuitwa naKaini kuti awane ‘mufaro.’ (Genesi 4:3-7) Chokwadi, Jehovha ndiye muenzaniso wakakwana wounyoro.—Eksodho 34:6.

Unyoro Hunokwezva uye Hunozorodza

7, 8. (a) Tingasvika sei pakunzwisisa unyoro hwaJehovha? (b) Mashoko aMateu 11:27-29 anozivisei nezvaJehovha naJesu?

7 Imwe yenzira dzakanakisisa dzokunzwisisa unhu hwaJehovha husingaenzaniswi ndeyokudzidza upenyu uye ushumiri hwaJesu Kristu. (Johani 1:18; 14:6-9) Paaiva muGarireya mugore rechipiri rebasa rake rokuparidza, Jesu akaita mabasa esimba akawanda muKorazini, Bhetisaidha, Kapenaume, uye munzvimbo yaiva pedyo. Asi, vanhu vakawanda vaidada uye vaisafarira, uye vakaramba kutenda zvaaiparidza. Jesu akaita sei? Kunyange zvazvo akavayeuchidza zvakasimba nezvemigumisiro yokusava kwavo nokutenda, akanzwira tsitsi mamiriro ezvokunamata aisiririsa emaam ha·aʹret, varombo, vanhuwo zvavo vaiva pakati pavo.—Mateu 9:35, 36; 11:20-24.

8 Zvakazoitwa naJesu zvakaratidza kuti ai“ziva kwazvo Baba” uye aivatevedzera. Kuvanhuwo zvavo, Jesu akavakoka noushamwari achiti: “Uyai kwandiri, imi mose munoshanda zvakaoma uye makaremerwa, uye ndichakuzorodzai. Takurai joko rangu mudzidze kwandiri, nokuti ndiri munyoro uye anozvininipisa mumwoyo, uye muchawana zororo remweya yenyu.” Mashoko iwayo akanyaradza nokuzorodza kwazvo vaya vakanga vakaora mwoyo uye vakadzvinyirirwa! Anototizorodzawo nhasi. Kana tikapfeka unyoro zvepachokwadi, ipapo tichava pakati pevaya avo “Mwanakomana anoda kuzarurira” Baba vake.—Mateu 11:27-29.

9. Unhu hupi huri pedyo napedyo nounyoro, uye Jesu muenzaniso wakaisvonaka sei munhau iyi?

9 Unyoro huri pedyo napedyo zvikuru nokuzvininipisa, kuva “anozvininipisa mumwoyo.” Asi kudada kunokonzera kuzvikudza uye kazhinji kungaita kuti munhu abate vamwe nehasha uye noutsinye. (Zvirevo 16:18, 19) Jesu akaratidza kuzvininipisa muushumiri hwake hwose hwepasi pano. Kunyange paakapinda muJerusarema mazuva matanhatu asati afa ndokurumbidzwa saMambo wevaJudha, akanga akasiyana zvikuru nevatongi venyika. Akazadzika uprofita hwaZekaria pamusoro paMesiya hunoti: “Tarira! Mambo wako ari kuuya kwauri, ari munyoro, akatasva mbongoro, hungu, akatasva mwana wembongoro, mwana wemhuka inotakuriswa zvinhu.” (Mateu 21:5; Zekaria 9:9) Muprofita akatendeka Dhanieri akaona mune zvaakaratidzwa Jehovha achipa Mwanakomana wake simba rokutonga. Asi, muuprofita hwakatangira uhwu, anorondedzera Jesu somu“duku pakati pevanhu.” Zvechokwadi unyoro nokuzvininipisa zviri pedyo napedyo.—Dhanieri 4:17; 7:13, 14.

10. Nei unyoro hwechiKristu husingarevi kushaya simba?

10 Unyoro hwakanaka hunoratidzwa naJehovha naJesu hunotibatsira kuswedera pedyo navo. (Jakobho 4:8) Chokwadi, unyoro hahurevi kushaya simba. Kana! Jehovha, Mwari wemasimba ose, anoratidza simba rakawanda. Anotsamwira zvikuru kusarurama. (Isaya 30:27; 40:26) Jesu akaratidzawo kutsunga kusabvumirana pane zvisina kufanira, kunyange paaiedzwa naSatani Dhiyabhorosi. Akaramba kushivirira kutengeserana kusiri kwepamutemo kwaiitwa nevatungamiriri vechitendero vomuzuva rake. (Mateu 4:1-11; 21:12, 13; Johani 2:13-17) Asi akaramba ari munyoro paaibata nezvikanganiso zvevadzidzi vake, uye aishivirira kusava nesimba kwavo. (Mateu 20:20-28) Imwe nyanzvi yeBhaibheri yakarondedzera unyoro nenzira iyi yakakodzera ichiti: “Murupfave irworwo mune kusimba kwakaita sesimbi.” Ngatiratidzei unhu uhwu hwakaita sohwaKristu—unyoro.

Munhu Munyoro Pane Vose Vomuzuva Rake

11, 12. Tichifunga nezvokurerwa kwake, chii chakaita kuti unyoro hwaMosesi hushamise?

11 Muenzaniso wechitatu watichakurukura ndewaMosesi. Bhaibheri rinomurondedzera so“munhu munyoro kwazvo, kupfuura vanhu vose vaiva panyika.” (Numeri 12:3) Rondedzero iyi yakanyorwa ichifuridzirwa naMwari. Unyoro hwaMosesi hunoshamisa hwakamuita kuti agamuchire nhungamiro yaJehovha.

12 Kurerwa kwaMosesi kwaishamisa. Jehovha akava nechokwadi chokuti mwanakomana uyu wevabereki vakatendeka vechiHebheru akachengetedzwa ari mupenyu panguva younyengeri neyokuuraya. Mosesi akapedza makore ake okutanga achitarisirwa naamai vake, avo vakanyatsomudzidzisa nezvaMwari wechokwadi, Jehovha. Gare gare, Mosesi akabviswa mumusha wake kuti anogara kunzvimbo yaitove yakasiyana zvikuru. “Mosesi akadzidziswa muuchenjeri hwose hwevaIjipiti,” akarondedzera kudaro muKristu wepakutanga akafira kutenda Stefani. “Chaizvoizvo, [Mosesi] akanga ane simba mumashoko ake nezviito.” (Mabasa 7:22) Kutenda kwake kwakabuda pachena paakaona kusaruramisira kwaiitirwa hama dzake nevatungamiriri vevaranda vaFarao. Mosesi aifanira kutiza muIjipiti achienda kunyika yeMidhiani, pamusana pokuuraya muIjipiti waakaona achirova muHebheru.—Eksodho 1:15, 16; 2:1-15; VaHebheru 11:24, 25.

13. Kugara kwaMosesi muMidhiani kwemakore 40 kwakaguma nei kwaari?

13 Ava nemakore 40, Mosesi aifanira kuzvitarisira murenje. MuMidhiani akasangana nevanasikana vanomwe vaRehueri ndokuvabatsira kucherera mvura boka guru remakwai ababa vavo. Pavakadzokera kumba vasikana vacho vakatsanangurira Rehueri nomufaro kuti “muEgipita” akanga avarwira pavafudzi vaivanetsa. Akokwa naRehueri, Mosesi akagara nemhuri yacho. Matambudziko aakanga atambura haana kumushatirisa; uyewo haana kumuita kuti arege kudzidza kugadzirisa upenyu hwake kuti huwirirane nemararamiro ake matsva. Chido chake chokuita zvinodiwa naJehovha hachina kumbochinja. Kwemakore 40, paaifudza makwai aRehueri, akaroora Zipora, ndokurera vanakomana vake, Mosesi akakudziridza ndokuvandudza unhu hwakamusiyanisa nevamwe. Chokwadi, nokutsungirira matambudziko, Mosesi akadzidza unyoro.—Eksodho 2:16-22; Mabasa 7:29, 30.

14. Rondedzera zvakaitika kuna Mosesi paaitungamirira Israeri zvakaratidza unyoro hwake.

14 Jehovha amugadza kuva mutungamiriri worudzi rwaIsraeri, unyoro hwaMosesi hwakanga huchiri kuoneka. Rimwe jaya rakaudza Mosesi kuti Erdhadhi naMedhadhi vakanga vachiprofita mumusasa—kunyange zvazvo vakanga vasipo Jehovha paakadururira mudzimu wake pavarume vakuru 70 vaizoshanda sevabatsiri vaMosesi. Joshua akati: “Ishe wangu, Mosesi, vadzivisei.” Mosesi akapindura nounyoro achiti: “Ko une shungu nokuda kwangu here? Dai vanhu vose vaJehovha vaiva vaprofita, Jehovha akaisa mweya wake pamusoro pavo!” (Numeri 11:26-29) Unyoro hwakabatsira kupodza mamiriro ezvinhu iwayo akaoma.

15. Kunyange zvazvo Mosesi aiva asina kukwana, nei muenzaniso wake uri wokutevera?

15 Pane imwe nguva zvinoita sokuti Mosesi akakundikana kuva munyoro. PaMeribha, pedyo neKadheshi, haana kupa mbiri kuna Jehovha, Muiti Wezvishamiso. (Numeri 20:1, 9-13) Kunyange zvazvo Mosesi akanga asina kukwana, kutenda kwake kusingachinji kwakamutsigira kwoupenyu hwake hwose, uye unyoro hwake hunoshamisa hunotikurudzira kunyange nhasi.—VaHebheru 11:23-28.

Hasha Nounyoro

16, 17. Inyeveroi yatinowana munhoroondo yaNabhari naAbhigairi?

16 Muenzaniso unonyevera unobva panguva yaDhavhidhi, muprofita waMwari Samueri achangofa. Ndewevanhu vaviri, Nabhari nomudzimai wake, Abhigairi. Vaviri ava vaiva vakasiyana zvikuru! Abhigairi aiva “akangwara,” asi murume wake akanga “ane mwoyo mukukutu, akaipa pamugarire wake.” Nabhari nokuvirima akaramba kupa varume vaDhavhidhi zvokudya zvavakanga vakumbira, varume vakanga vabatsira kudzivirira makwai akawanda aNabhari pambavha. Nechikonzero chakanaka, Dhavhidhi neboka revarume vake vakasungira minondo yavo ndokuenda kunosangana naNabhari.—1 Samueri 25:2-13.

17 Abhigairi paakanzwa zvakanga zvaitika, akakurumidza kugadzira chingwa, waini, nyama, nemakeke uye maonde ndokuenda kunosangana naDhavhidhi. “Mhosva ngaive kwandiri, ishe wangu,” akamuteterera. “Ndinokumbira kuti murandakadzi wenyu ataure nemi, munzwe mashoko omurandakadzi wenyu.” Mwoyo waDhavhidhi wakapomhodzwa nokuteterera kwaAbhigairi kwounyoro. Ateerera tsanangudzo yaAbhigairi, Dhavhidhi akati: “Jehovha Mwari waIsraeri ngaakudzwe, iye wakakutuma nhasi kuzosangana neni; nokungwara kwako ngakukudzwe, newevo ukudzwe, nokuti wakandidzivirira nhasi kuti ndirege kuteura ropa.” (1 Samueri 25:18, 24, 32, 33) Pakupedzisira hasha dzaNabhari dzakaita kuti afe. Unhu hwakanaka hwaAbhigairi hwakazomuunzira mufaro wokuva mudzimai waDhavhidhi. Unyoro hwake muenzaniso kune vose vanoshumira Jehovha nhasi.—1 Samueri 25:36-42.

Tevera Unyoro

18, 19. (a) Kuchinjai kunova pachena patinopfeka unyoro? (b) Chii chingatibatsira kuzviongorora zvakanaka?

18 Naizvozvo, unyoro hunodiwa. Hunodarika rupfavewo zvarwo, unhu hunofadza hunozorodza vamwe. Zvichida kare taiva takajaira kutaura nehasha uye tisina mutsa. Zvisinei, patakadzidza chokwadi cheBhaibheri, takachinja ndokuva vanhu vakanaka zvikuru. Pauro akataura nezvokuchinja uku paakakurudzira vaKristu vaainamata navo achiti: “Pfekai rudo rukuru kwazvo rwetsitsi, mutsa, pfungwa dzinozvidukupisa, unyoro, nemwoyo murefu.” (VaKorose 3:12) Bhaibheri rinofananidza kuchinja uku nokuchinja kwezvikara zvomusango—mhumhi, mbada, shumba, bheya, nemhungu—kuzvipfuyo zvepamba zvisingakuvadzi—gwai, mbudzana, mhuru nemhou. (Isaya 11:6-9; 65:25) Kuchinja kwounhu kwakadaro kunoshamisa zvikuru zvokuti vacherechedzi vanoshamisika. Kunyange zvakadaro, isu tinoti kuchinja kwakadaro kunokonzerwa nokushanda kwomudzimu waMwari, nokuti unyoro hunobatanidzwa muzvibereko zvake zvakanaka kwazvo.

19 Izvi zvinoreva here kuti tangochinja sezvinodiwa uye tazvitsaurira kuna Jehovha, hatichafaniri kushandira kuva vanyoro? Kwete. Somuenzaniso, zvipfeko zvitsva zvinoda kuramba zvichitarisirwa kuti zvirambe zvakachena uye zvichiratidzika zvakanaka. Kutarira muShoko raMwari nokufungisisa mienzaniso yarinayo kunotibatsira kuzvitarira patsva uye zvine chinangwa. Girazi reShoko raMwari rakafuridzirwa rinozivisei pamusoro pako?—Jakobho 1:23-25.

20. Tingabudirira sei kuratidza unyoro?

20 Tinozvarwa tiine unhu hwakasiyana. Vamwe vevashumiri vaMwari vanoona zviri nyore kuratidza unyoro kudarika vamwe. Kunyange zvakadaro, vaKristu vose vanofanira kukudziridza zvibereko zvomudzimu waMwari, kusanganisira unyoro. Pauro akarayira Timoti norudo achiti: “Tevera kururama, kuzvipira kuna Mwari, kutenda, rudo, kutsungirira, unyoro.” (1 Timoti 6:11) Shoko rokuti “tevera” rinoratidza kuti zvinoda kushanda zvakaoma. Imwe shanduro yeBhaibheri inoshandura kurudziro iyi kuti ‘tsunga mwoyo wako.’ (New Testament in Modern English, naJ. B. Phillips) Kana ukaedza kufungisisa mienzaniso yakanaka iri muShoko raMwari, inogona kuramba iri mupfungwa dzako, sokunge chinhu chava kugara mauri. Ichakuumba nokukutungamirira.—Jakobho 1:21.

21. (a) Nei tichifanira kutevera unyoro? (b) Chii chichakurukurwa munyaya yedu inotevera?

21 Mufambiro wedu pane vamwe unoratidza kuti tinoita zvakanaka sei munhau iyi. “Ndiani akachenjera uye anonzwisisa pakati penyu?” anobvunza kudaro mudzidzi Jakobho. “Ngaaratidze pamufambiro wake wakanaka kwazvo mabasa ake nounyoro hwouchenjeri.” (Jakobho 3:13) Tingaratidza sei unhu uhwu hwechiKristu kumba, muushumiri hwechiKristu, uye muungano? Nyaya inotevera inopa nhungamiro dzinobatsira.

Kudzokorora

• Wadzidzei nezvounyoro kubva mumuenzaniso wa-

• Jehovha?

• Jesu?

• Mosesi?

• Abhigairi?

• Nei tichifanira kutevera unyoro?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 16]

Nei Jehovha akagamuchira chibayiro chaAbheri?

[Mufananidzo uri papeji 17]

Jesu akaratidza kuti unyoro nokuzvininipisa zviri pedyo nepedyo

[Mufananidzo uri papeji 18]

Mosesi akaratidza muenzaniso wakanaka kwazvo wounyoro