Zvandakaitawo Mukufambisira Mberi Dzidzo yaMwari Pasi Pose
Nyaya Youpenyu
Zvandakaitawo Mukufambisira Mberi Dzidzo yaMwari Pasi Pose
YAKATAURWA NAROBERT NISBET
Mambo Sobhuza II vokuSwaziland vakagamuchira ini nomunun’una wangu George pamuzinda wavo. Maiva muna 1936, asi ndichiri kunyatsoyeuka kukurukurirana kwatakaita. Zvakaita kuti ndikurukurirane kwenguva yakareba namambo kwaiva kujairana kwandakaita nebasa guru redzidzo yeBhaibheri. Zvino mugore rechi95 roupenyu hwangu, ndinotarira shure nomufaro kune zvandakaitawo mubasa racho, rakaita kuti ndiende kumakondinendi mashanu.
ZVAKANGOTANGA muna 1925 apo mumwe aiita zvokutengesa tii anonzi Dobson akatanga kushanyira mhuri yedu muEdinburgh, Scotland. Ndakanga ndava kuda kusvika makore makumi maviri uye ndaidzidzira kugadzira mishonga. Kunyange zvazvo ndakanga ndichiri muduku, zvisinei ndaiva nehanya nokuchinja kunokosha kwakanga kwakonzerwa nehondo yenyika ya1914-18 kumhuri uye upenyu hwechitendero. Pane kumwe kushanya kwavo, vaDobson vakatisiyira bhuku rinonzi The Divine Plan of the Ages. Nhoroondo yaro yoMusiki akachenjera ane “urongwa” chaihwo yakaratidza kuva nomusoro zvikuru uye yakakodzera Mwari wandaida kunamata.
Munguva pfupi ini naamai takatanga kupinda misangano yeVadzidzi veBhaibheri, sokuzivikanwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha panguva iyoyo. Muna September 1926 ini naAmai takaratidza kuzvitsaurira kwedu kuna Jehovha nokunyudzwa mumvura pane imwe kokorodzano muGlasgow. Mumwe nomumwe aida kubhabhatidzwa
akapiwa gauni refu raiva nemabhandi aisungirwa muzviziso zvegumbo kuti tiise pamusoro pezvipfeko zvedu zvataigara tichishambirisa. Panguva iyoyo raionekwa kuva chipfeko chakakodzera nguva iyoyo inokosha.Mumazuva iwayo okutanga, kunzwisisa kwataiita nhau dzakawanda kwaida kunatsiridzwa. Vakawanda, kana vasiri vose, vomuungano vaipemberera Krisimasi. Vashomanana vaiita ushumiri hwomumunda. Kunyange vamwe vakuru veungano vaishora kuparadzirwa kwemabhuku musi weSvondo, nokuti vaifunga kuti kwaiputsa Sabata. Zvisinei, nyaya dzomuNharireyomurindi muna 1925, dzakatanga dzichirumbidza zvikuru magwaro akadai saMako 13:10 inoti: “Mashoko akanaka anofanira kutanga aparidzwa kumarudzi ose.”
Basa renyika yose iroro raizoitwa sei? Pandakatanga kuedza kuparidza pamba nemba nenzira iri nyore, ndakangoudza saimba wacho kuti ndakanga ndichitengesa mabhuku echitendero anonakidza ndokubva ndagovera bhuku rinonzi The Harp of God, raitsanangura dzidziso dzeBhaibheri gumi dzinokosha, richidzienzanisa netambo gumi dziri parudimbwa. Gare gare, takapiwa kadhi rokupupurira naro, raiva nemashoko mapfupi okuti saimba averenge. Taishandisawo hurukuro dzakarekodwa dzemaminitsi mana nehafu dzaigona kuridzwa pagiramufomu inotakurika. Marudzi epakutanga airema zvikuru kutakura, asi marudzi akazouya akanga ati rerukei, uye mamwe aigona kuridzwa kunyange akamiswa.
Kubva muna 1925 kusvika kuma1930, takaita basa redu rokupupura nepose pataigona napo. Zvadaro kutanga kwema1940, Chikoro chaMwari Choushumiri chakatangwa muungano dzose. Takadzidziswa kuparidza mashoko oUmambo isu pachedu tichiita zvokutaura zvakananga kuna saimba uyo aizoteerera. Takadzidzawo kukosha kwokudzidza Bhaibheri nevanhu vanofarira. Mupfungwa yakati, tingati uku kwaiva kutanga kwebasa redzidzo yeBhaibheri yepasi pose kuri kuitwa nhasi.
Kukurudzirwa naHama Rutherford
Kuda kwandaiita kuwedzera kushanda mubasa rokudzidzisa kwakaita kuti ndinyorese muushumiri hwoupiyona hwenguva yakazara muna 1931. Ndaifanira kutanga pakarepo kokorodzano yokuLondon ichingopera. Zvisinei, pane imwe nguva yokumbozorora nokuda kwezvokudya zvemasikati, Hama Joseph Rutherford, avo vaitarisira basa racho panguva iyi, vakakumbira kutaura neni. Vaiva nourongwa hwokuti pave napiyona aizoenda kuAfrica. “Ungada kuenda here?” vakabvunza kudaro. Kunyange ndakashamisika zvishoma, ndakakwanisa kutaura zvakasimba kuti: “Hungu, ndingada.”
Mumazuva iwayo chinangwa chedu chikuru chaiva chokuparadzira mabhuku akawanda eBhaibheri sezvataigona, uye izvozvo zvaireva kuramba tichifamba. Ndakakurudzirwa kuramba ndisina kuroora, sezvaiva zvakaita hama dzakawanda dzaiva nenzvimbo dzokutarisira panguva iyoyo. Ndima yangu yaitangira kuCape Town, nechokumaodzanyemba kwakaperera Africa, ichienda nechokumabvazuva kwekondinendi yacho, kusanganisira zvitsuwa zveIndian Ocean zviri pedyo nemahombekombe. Kuti ndisvike kumuganhu wokumadokero ndaifanira kupfuura nomujecha rinopisa reKalahari Desert ndokukwidza kusvika kunotangira Rwizi rweNile kuLake Victoria. Ini nomumwe wangu taifanira kupedza mwedzi mitanhatu, gore rimwe nerimwe tiri munyika imwe kana dzinodarika dzomuAfrica dziri munzvimbo huru iyi.
Makatoni Mazana Maviri Emabhuku EchiKristu
Pandakasvika muCape Town, ndakaratidzwa makatoni 200 emabhuku aifanira kuenda kuEast Africa. Mabhuku acho akanga akadhindwa mumitauro mina yokuEurope nemina yokuAsia, asi hapana aiva mumitauro yomuAfrica. Pandakabvunza kuti nei mabhuku aya ose aivapo ini ndisati ndatombosvikako, ndakaudzwa kuti aifanira kuva aFrank naGray Smith, mapiyona maviri akanga achangoenda kunoparidza kuKenya. Vachangosvika kuKenya, vose vakabatwa nemarariya, uye Frank akafa.
Kunyange zvazvo izvi zvakaita kuti ndifunge kaviri, hazvina kundiodza mwoyo. Ini nomumwe wangu, David Norman, takabva muCape Town nengarava tichienda kumugove wedu
wokutanga, makiromita 5 000 kuTanzania. Murume aitengesa matikiti muMombasa, Kenya, akatarisira mabhuku edu ndokutumira makatoni acho kwose kwataikumbira kuti aende. Pakutanga, takapupurira munzvimbo dzemabhizimisi—mashopu nemahofisi—mutaundi imwe neimwe. Mamwe emabhuku edu aisanganisira seti yemabhuku 9 netubhuku 11, ayo akasvika pakuzivikanwa seseti yomuraraungu pamusana pemavara awo akanga akasiyana-siyana.Gare gare takasarudza kushanyira chitsuwa cheZanzibar, makiromita 30 kubva kumahombekombe okumabvazuva. Kwemazana emakore, Zanzibar yaiva musimboti wokutengeswa kwenhapwa asi yaivawo yakakurumbira nezvokurungisa (cloves), zvataigona kunzwa zvichinhuhwira kwose kwose mutaundi yacho. Kuwana nzira yedu kwaiti netsei, nokuti taundi yacho yaiva yakavakwa pasina kana purani. Migwagwa yaimonyoroka zvinokangaidza, uye zvaiva nyore kuti tirasike. Hotera yedu yaiva yakanaka, asi yaiva nemisuo yakaiswa zvihuri nemadziro akasimba uye yairatidzika sejeri kwete hotera. Asi, takava nemigumisiro yakanaka ikoko uye takafara kuona kuti maArab, maIndia, uye vamwe vaida kugamuchira mabhuku edu.
Zvitima, Zvikepe, uye Motokari
Kufamba muEast Africa mumazuva iwayo kwakanga kusiri nyore. Somuenzaniso, pataibva kuMombasa tichienda kunzvimbo dzakakwirira dzeKenya, chitima chedu chakamiswa nebute remhashu. Mamiriyoni emhashu akafukidza pasi nenjanji, zvichiita kuti itsvedze zvikuru kuti mavhiri echitima afambepo. Mushonga waitongova kugeza njanji yacho nemvura inopisa yaibva muchitima icho chichifamba. Nenzira iyi, chitima chakafamba zvishoma nezvishoma kusvikira tazopfuura paiva nebute remhashu iri. Uye takanzwa kufara chitima pachakatanga kukwira panzvimbo yakakwirira uye takanga tava kukwanisa kunakidzwa nemamiriro okunze anotonhorera enzvimbo dzacho dzakakwirira!
Kunyange zvazvo mataundi omumhenderekedzo dzegungwa aifambika zviri nyore nechitima uye nechikepe, nzvimbo dzokumamisha dzaigona kusvikwa zvakanaka nemotokari. Ndakafara apo munun’una wangu George akauya, nokuti takakwanisa kutenga motokari huru, yakanga yakakura zvakakwana kuva nenzvimbo yemibhedha, kicheni, nzvimbo yokuchengetera zvinhu, uye mahwindo asingapindi utunga. Taivawo nemagudzanzwi aiva akasungirirwa padenga rayo. Saka yakashongedzwa kudai, taikwanisa kupupurira pamba nemba masikati ndokukoka vanhu kuzonzwa hurukuro dzedu dzemanheru mumisika. Kaseti yaizivikanwa zvikuru yatairidza yainzi “Hero Inopisa Here?” Takamboita rwendo rwokubva kuSouth Africa kuenda kuKenya, makiromita 3 000 tiri mu“karavhani” yedu, uye panguva ino taifara kuva notubhuku twakasiyana-siyana mumitauro inoverengeka yomuAfrica, utwo vanhu vomunharaunda yacho vakagamuchira nomufaro.
Chaitifadza ndechokuti panzendo dzakaita seiyi, taikwanisa kuona mhuka dzomusango dzakawanda.
Chokwadi, kuti tive vakachengeteka tairamba tiri mumotokari kana kwasviba, asi zvaisimbisa kutenda zvikuru kuona zvisikwa zvaJehovha zvakasiyana-siyana kudaro zviri munzvimbo yazvinogara.Kupikiswa Kunotanga
Kunyange taingwaririra mhuka dzomusango, izvi zvaiva pasina kana tichienzanisa nezvataifanira kuita pataitarisana nezviremera zvehurumende zvakasiyana-siyana uye vatungamiriri vechitendero vaipenga kwazvo vakatanga kupikisa pachena basa redu rokuparidza Umambo. Chimwe chinetso chikuru chataifanira kurwisana nacho chaiva chomumwe mupengo aizviti Mwana Lesa, kureva kuti “Mwanakomana waMwari,” uye chikwata chake chaizivikanwa seKitawala sezvineiwo zvaireva kuti “Watchtower.” Pane imwe nguva tisati tasvika, munhu uyu akanga ayeredza vanhu vakawanda vomuAfrica, achiti ari kuvabhabhatidza. Pakupedzisira akasungwa ndokuurayiwa. Gare gare, ndakava nomukana wokutaura neakamuuraya wacho ndichitsanangura kuti murume uyu akanga asinei chokuita neWatch Tower Society yedu.
Takavawo nezvinetso nevaRungu vakawanda avo vakanga vasingafariri basa redu rokudzidzisa, zvikurukuru pamusana pezvikonzero zvemari. Mumwe maneja weimba yokuchengetera zvinhu akanyunyuta kuti: “Kana muRungu achizoramba ari munyika muno, munhu womuAfrica haafaniri kuona kubiridzirwa kwaari kuitwa.” Nechikonzero ichochowo, mutungamiriri weimwe kambani yomugodhi wegoridhe akandimanikidza kubuda muhofisi yake. Zvadaro akatsamwa akandiperekedza kunosvika kumugwagwa.
Hapana mubvunzo kuti yafurirwa zvikuru nevapikisi vechitendero vakadaro uye vezvokutengeserana ivavo, hurumende yeRhodesia (zvino Zimbabwe) yakazotidzinga munyika yacho. Takakwirira nhau iyi uye takabudirira kubvumirwa kugara, chero bedzi taisazoparidzira vanhu vomuAfrica. Chikonzero chakapiwa nomumwe mukuru mukuru chaiva chokuti mabhuku edu aiva “asina kukodzera pfungwa dzevanhu vomuAfrica.” Zvisinei, mune dzimwe nyika, basa redu rokudzidzisa vanhu vomuAfrica harina kumbovhiringidzwa, uye raitogamuchirwa. Imwe yenyika idzi yaiva Swaziland.
Kugamuchirwa Pamuzinda waMambo muSwaziland
Swaziland inyika duku inozvitonga yemakiromita 17 364 mativi ose iri muSouth Africa. Muno ndimo matakasangana nenyanzvi yokutaura Mambo Sobhuza II, vambotaurwa pakutanga penyaya ino. Vaiva nezivo yomutauro wechiRungu yakakura yavakawana pavaiva kuyunivhesiti yokuBritain. Vakapfeka mbatya dzisiri dzebasa, vakatigamuchira zvakanaka zvikuru.
Takakurukura navo nezveParadhiso, iyo iri chinangwa chaMwari chepasi pano kuvanhu vanoda. Kunyange vakanga vasingafariri zvikuru musoro wacho, vakajekesa kuti mupfungwa dzavo maitova nezvinhu zvakada kudaro. Mambo wacho aiva akazvipira kuvandudza mararamiro evarombo neevanhu vasina kudzidza. Akanga asingadi zvaiitwa nemamishinari akawanda echiKristudhomu, aiita seaifarira zvikuru kuva nenhengo dzakawanda dzechechi kupfuura
kudzidzisa vanhu. Zvisinei, mambo wacho aiva akajaira basa remapiyona edu anoverengeka, uye akatirumbidza nokuda kwebasa redu rokudzidzisa Bhaibheri, zvikurukuru sezvo taida kuriita pasina mubhadharo kana kuda chimwe chinhu.Dzidzo yeBhaibheri Inowedzera
Muna 1943 Chikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi chakatangwa kuti chidzidzise mamishinari. Kutevera vose vanofarira vaiwanikwa kwakasimbiswa pane kungoomerera pakugovera mabhuku eBhaibheri. Muna 1950, ini naGeorge takakokwa kunopinda kirasi yechi16 yeGiriyedhi. Kuno ndiko kwandakatanga kuonana naJean Hyde, hanzvadzi yakazvipira yokuAustralia iyo yakanga yanzi iende kubasa roumishinari kuJapan tose tapedza kudzidza. Ndakanga ndisina pfungwa yokuroora panguva iyoyo, saka ushamwari hwedu hwakambomira.
Tapedza kudzidza paGiriyedhi, ini naGeorge takanzi tiende kunoita mamishinari kuMauritius, chitsuwa chiri kuIndian Ocean. Takashamwaridzana nevanhu vacho, takadzidza mutauro wavo, uye takadzidza Bhaibheri navo. Gare gare, munun’una wangu William nomudzimai wake, Muriel, vakapedzawo kudzidza paGiriyedhi. Vakaendeswa kuyaimbova ndima yangu yokuparidzira—Kenya.
Makore masere akakurumidza kupera, zvadaro pakokorodzano yemarudzi akawanda muNew York muna 1958, ndakasanganazve naJean Hyde. Takamutsiridza ushamwari hwedu ndokubva tavimbisana kuroorana. Ndakachinjwa kubva kuMauritius ndokuenda kuJapan, uye ikoko ini naJean takaroorana muna 1959. Ipapo takatanga kuva nenguva inofadza zvikuru yebasa roumishinari kuHiroshima, panguva iyoyo kwaingova neungano duku imwe. Nhasi, muguta iroro mune ungano 36.
Sayonara kuJapan
Makore zvaakafamba, zvinetso zvoutano zvakatanga kuita kuti basa redu roumishinari riwedzere kutiomera tose tiri vaviri, uye pakupedzisira zvaiva zvakafanira kuti tibve muJapan ndokunogara munyika yokumusha kwaJean, Australia. Musi watakabva muHiroshima waisuruvarisa. Pachiteshi chezvitima, takati sayonara, kana kuti chisarai, kushamwari dzedu dzose.
Zvino tinogara muAustralia, uye tichiedza nepatinogona napo kuita zvishoma zvatinokwanisa, tiri kushumira Jehovha tiri muUngano yeArmidale iri mudunhu reNew South Wales. Waive uri mufaro mukuru zvikuru kuudza vanhu vakawanda kwazvo chokwadi chinokosha chechiKristu kweanoda kusvika makore makumi masere! Ndakaona kuwedzera kwakanaka kwepurogiramu yedzidzo yeBhaibheri uye ndakazvionera zviitiko zvinokosha pakunamata. Hapana munhu kana boka revanhu vangada kuti vazviwanire mbiri pabasa iri. Chokwadi, kutora mashoko omunyori wepisarema, “ichi chinhu chakabva kuna Jehovha; zvinoshamisa kana tichizviona.”—Pisarema 118:23.
[Mufananidzo uri papeji 28]
Munun’una wangu George neimba yedu yemotokari
[Mufananidzo uri papeji 28]
Ini paLake Victoria
[Mufananidzo uri papeji 29]
Vadzidzi vepachikoro chesekondari vakapinda hurukuro yavose muSwaziland muna 1938
[Mifananidzo iri papeji 30]
NaJean pazuva romuchato wedu muna 1959 uye nhasi