Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha Ane Hanya Nevanhuwo Zvavo

Jehovha Ane Hanya Nevanhuwo Zvavo

Jehovha Ane Hanya Nevanhuwo Zvavo

TINOFANIRA kuva vakasiyana nevamwe kana kuti vanoshamisa munzira yakati kuti ticherechedzwe naMwari here? Abraham Lincoln, purezidhendi wechi16 weUnited States, anonzi akati: “Ishe anoda vanhuwo zvavo. Ndicho chikonzero nei achivasika vakawanda.” Vakawanda vanofunga kuti ivo vanhuwo zvavo vasina chimwe chinhu chokupa chinokosha. Kuva munhuwo zvake kunogona kupa pfungwa yokuva “murombo, akaderera.” Kungaratidzawo kusava neropafadzo kana chinzvimbo chinokosha, kuderera kupfuura zvinotarisirwa, kana kuti kunyange kuva asingakoshi. Unoda kuva pakati pevanhu vorudzii? Vanozvitutumadza, vanozvikudza, vanodada here? Haungadi here kuva pakati pevanhu vane ushamwari, vanozvininipisa, vane mwero avo vanoratidza kufarira vamwe nomwoyo wose, noushamwari?

Sezvo kutamba nepfungwa dzevamwe uye kusekwa zvakazara munyika nhasi, vamwe vanoona zvakaoma kutenda kuti Mwari anonyatsovafarira. “Ndakabva kumhuri yairatidza rudo rushoma. Ndaizvidzwa, ndaitsvinyirwa, uye ndaisekwa. Saka, pakutanga muupenyu ndainzwa ndisingakoshi,” akanyora kudaro mumwe muverengi wemagazini ino. “Ndichine pfungwa dzisiri nyore kubuda mumusoro dzezvakaitika kwandiri kare dzinondiodza mwoyo pandinosangana nenjodzi.” Asi, pane zvikonzero zvokudavira kuti Mwari anonyatsofarira vanhuwo zvavo.

Kufarira Kunoita Mwari Vanhuwo Zvavo

“Jehovha mukuru, unofanira kurumbidzwa kwazvo; ukuru hwake hahunganzverwi,” akanyora kudaro Mambo Dhavhidhi. (Pisarema 145:3) Zvisinei, izvi hazviiti kuti Jehovha arege kutitarisira norudo uye netsitsi. (1 Petro 5:7) Somuenzaniso, munyori wepisarema akati: “Jehovha uri pedyo navane mwoyo yakaputsika, unoponesa vane mweya yakapwanyika.”—Pisarema 34:18.

Zvinhu zvinokwezva munyika, zvakadai sorunako rwomuviri, mukurumbira, kana kuti pfuma, handizvo zvinonzi naMwari zvinokosha. Mutemo waMwari kuna Israeri wakaratidza kufarira kune tsitsi kwaanoita varombo, nherera, chirikadzi, uye vatorwa. Mwari akaudza vaIsraeri, vakanga vabatwa noutsinye muIjipiti kuti: “Usaitira mutorwa zvakaipa, kana kumumanikidza . . . Usatambudza chirikadzi kana nherera. Kana ukatongovatambudza, vakadana kwandiri, ndichateerera kudana kwavo.” (Eksodho 22:21-24) Uyezve, muprofita Isaya akaratidza kuvimba kwake nokutarisira kwaMwari varombo achiti: “Imi maiva nhare yavarombo, nhare younoshayiwa pakutambudzika kwake, utiziro panguva yemvura zhinji, mumvuri pakupisa kwezuva, kana mhepo yavanotyisa ichiita semvura zhinji.”—Isaya 25:4.

Muushumiri hwake hwose, Jesu Kristu, uyo ari “mufananidzo wa[Mwari] chaiwo,” akava muenzaniso kuvadzidzi vake mukuratidza kufarira kwechokwadi vanhuwo zvavo. (VaHebheru 1:3) Pakuona mapoka evanhu ayo “aibatwa zvisina kufanira uye akanga akapararira kufanana nemakwai asina mufudzi,” Jesu “akasiririswa navo.”—Mateu 9:36.

Onawo kuti vanhu vorudzii vakasarudzwa naJesu kuva vaapostora vake—varume vakarondedzerwa se“vanhuwo zvavo uye vasina kudzidza.” (Mabasa 4:13) Jesu afa, vateveri vake vakatanga kukoka vanhu vemarudzi ose kuti vateerere Shoko raMwari. Muapostora Pauro akanyora kuti “upi noupi asingatendi kana kuti munhuwo zvake” aigona kuuya muungano yechiKristu ndokuva mutendi. (1 VaKorinde 14:24, 25) Pane kungosarudza vaya vanoyemurwa maererano nezvinodiwa nenyika, Mwari akasarudza vanhuwo zvavo vakawanda kuti vaite basa rake. “Munoona kudana kwaakakuitai, hama,” akadaro muapostora Pauro, “kuti havasi vakawanda vevakachenjera nenzira yenyama vakadanwa, havasi vane simba vakawanda, havasi vakawanda veimba huru; asi Mwari akasarudza zvinhu zvoupenzi zvenyika, kuti anyadzise vanhu vakachenjera; uye Mwari akasarudza zvinhu zvisina simba zvenyika, kuti anyadzise zvinhu zvakasimba; uye Mwari akasarudza zvinhu zvakaderera zvenyika nezvinhu zvinozvidzwa, zvinhu zvisipo, kuti aparadze zvinhu zviripo, kuti parege kuva nenyama ingazvirumbidza pamberi paMwari.”—1 VaKorinde 1:26-29.

Nhasi, Mwari anotifarirawo nomwoyo wose. Mwari anoda kuti “vanhu vose vaponeswe uye vasvike pazivo yakarurama yechokwadi.” (1 Timoti 2:4) Kana Mwari akada vanhu zvokuti akatumira Mwanakomana wake pasi pano kuzotifira, hatina chikonzero chokufunga kuti hatidiwi kana kuti hatikoshi. (Johani 3:16) Jesu Kristu akaratidza vateveri vake kukosha kwokubata kunyange uya asingakoshi zvikuru pahama dzake dzomudzimu sokunge vaibata naJesu pachake. Akati: “Kusvikira kumwero wamakazviitira mumwe wevaduku pane vose vehama dzangu idzi, makazviitira ini.” (Mateu 25:40) Pasinei nokuti nyika ingationa sei, kana tichida chokwadi, tinokosha mumaziso aMwari.

Ndiwo manzwiro akaita Francisco, * mumwe mukomana nherera wokuBrazil, pashure pokukudziridza ukama hwake naMwari. Anotsanangura kuti: “Kuziva Jehovha nesangano rake kwakandibatsira kukurira manzwiro angu okusachengeteka nokutya. Ndakaziva kuti Jehovha anonyatsofarira mumwe nomumwe wedu.” Jehovha akava Baba chaivo kuna Francisco.

Kuva Nehanya Nevechiduku

Jehovha anofarira zvepachokwadi vechiduku kwete bedzi seboka asi somunhu mumwe nomumwe. Chokwadi, tingava vaduku kana vakuru, hatimbodi kuzviona setinokosha zvikuru. Asi, tingava nounyanzvi uye unhu uhwo Mwari angashandisa munguva yemberi. Jehovha anoziva kunatsiridzwa uye kudzidziswa kwatinoda kuti tishandise zvakazara zvatinokwanisa kuita. Somuenzaniso, ona nhoroondo iri pana 1 Samueri chitsauko 16. Sezvo vamwe vaigona kuva mambo weIsraeri vairatidzika sevakakodzera kumuprofita Samueri, Jehovha akatsanangura zvikonzero Zvake zvokusarudza Dhavhidhi, mwanakomana wokupedzisira waJese, kuva mambo weIsraeri wenguva yaitevera achiti: “Usatarira chiso chake, kana mumhu wake, nokuti ndamuramba [mukoma waDhavhidhi]; nokuti Jehovha haaoni somunhu, nokuti munhu unotarira zviri kunze, asi Jehovha unotarira zviri pamwoyo.”—1 Samueri 16:7.

Nhasi vechiduku vangavimba kuti Jehovha anovafarira zvepachokwadi here? Funga nezvaAna, imwe mhandara yokuBrazil. Sezvinongoita dzimwe pwere dzakawanda, akavhiringidzwa nokuona uori nokusaruramisira. Ipapo baba vake vakatanga kuenda naye nomupatya wake uye munun’una wake kumisangano yechiKristu. Nokufamba kwenguva, akatanga kunakidzwa nezvaaidzidza pamusoro peShoko raMwari. Ana akatanga kuverenga Bhaibheri pamwe nemabhuku echiKristu uye kunyengetera kuna Jehovha Mwari. Zvishoma nezvishoma, akatanga kuva noukama hwepedyo naMwari. Anotsanangura kuti: “Ndainakidzwa nokuchovha bhasikoro rangu ndichienda kuchikomo chiri pedyo nomusha wedu kwandaigona kuona kuvira kwezuva kwakanaka kwazvo. Ndakanyengetera kuna Jehovha ndokumuonga pamusana pomutsa wake norupo, ndichiedza kuratidza madiro andaimuita. Kusvika pakuziva Jehovha Mwari nezvinangwa zvake kwakandipa rugare rwepfungwa uye kunzwa ndakachengeteka.” Iwewo unoedza kuwana nguva yokufungisisa kutarisira kwaJehovha kune rudo here?

Chokwadi, mamiriro edu ezvinhu angaita kuti zvitiomere kuva noukama hwepedyo naJehovha. Tora somuenzaniso Lidia. Paakaudza baba vake nyaya yaimunetsa zvikuru, vakangoramba kumupa nzeve, vachiti “Tibvirepo iwe.” Kunyange ainzwisisa kuti baba vake vaida kuti akanganwe chinetso chacho, Lidia anoti: “Kudzidza Bhaibheri kwakandipa zvose zvandaida uye zvimwe zvakawanda. Unhu hwaJehovha hunokwezva hwakaita kuti ave shamwari yangu yepamwoyo. Zvino ndinaBaba vane rudo, vanonzwisisa vandinganyatsotaurira zvandinofunga uye zvandinotya zvikuru. Ndinogona kupedza maawa akawanda ndichitaura noMunhu anokosha zvikuru pasi nokudenga, ndiine chokwadi chokuti achanditeerera.” Ndima dzeBhaibheri dzakadai saVaFiripi 4:6, 7 dzakamubatsira kuona kutarisira kwaJehovha kworudo. Chikamu ichocho chinoti: “Musafunganya pamusoro pechimwe chinhu, asi muzvinhu zvose kukumbira kwenyu ngakuziviswe Mwari nokunyengetera nokuteterera pamwe nokuonga; uye rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose rucharinda mwoyo yenyu nemasimba enyu okufunga naKristu Jesu.”

Rubatsiro Rwokutarisira Zvaunoda

Jehovha anoratidza kuva nehanya kwake nomushumiri wake mumwe nomumwe uyewo neungano yake pasi pose. Isu tingaratidza kuda kwedu Baba vedu vokudenga nokuronga nguva yokutaura navo. Hatifaniri kurerutsa ukama hwedu naye. Dhavhidhi aigara achifunga nezvoukama hwake naJehovha. Akati: “Ndiratidzei nzira dzenyu, Jehovha; ndidzidzisei nzira dzenyu. Ndiperekedzei muzvokwadi yenyu, mundidzidzise; nokuti ndimi Mwari muponesi wangu; ndinokutarirai zuva rose.”—Pisarema 25:4, 5.

Pfungwa yokuva noukama hwepedyo naMwari ingava itsva kwauri. Chero chinetso chipi chaungava nacho, nguva dzose unogona kuva nechokwadi chokuti Wokumusorosoro achakwanisa kukubatsira, maererano nokuda kwake. (1 Johani 5:14, 15) Saka, dzidza kuita kuti minyengetero yako ive yakananga, uchifunga nezvemamiriro ako ezvinhu uye zvaunoda.

Kukosha kwokuziva zvatinoda kunosimbiswa mumunyengetero wakapiwa naMambo Soromoni temberi payaitsaurirwa: “Kana nzara ikavapo panyika, kana denda rikavapo, kana nyunji nokuvuva zvikavapo, nemhashu nehonye; kana vavengi vavo vakavakomba panyika ine maguta avo; kana nyatwa kana hosha ipi neipi ikavapo; kana munhu upi noupi, kana vanhu venyu vose vaIsraeri vakanyengetera kana kukumbira, mumwe nomumwe achiziva kutambudzika kuri pamwoyo wake kana kuchema kwake . . . Inzwai henyu iko kudenga, . . . mukanganwire muripire mumwe nomumwe zvakafanira mufambire wake wose.” (2 Makoronike 6:28-30) Chokwadi, iwe bedzi ‘ndiwe woga unoziva kutambudzika kwako nokurwadziwa kwako.’ Saka, zvinokosha zvikuru kuziva zvaunoshayiwa chaizvo uye zvaunoda. Kana ukadaro, “[Jehovha acha]kupa zvinodikanwa nomwoyo wako.”—Pisarema 37:4.

Simbisa Ukama Hwako naJehovha

Jehovha anofara kuita kuti vanhuwo zvavo vave noukama hwepedyo naye. Shoko rake rinotivimbisa kuti: “‘Ndichava baba venyu, uye imi muchava vanakomana nevanasikana vangu,’ anodaro Jehovha Wemasimba Ose.” (2 VaKorinde 6:18) Chaizvoizvo, Jehovha noMwanakomana wake vanoda kuti tibudirire ndokuwana upenyu husingaperi. Zvinokurudzira zvikuru kuziva kuti Jehovha achatibatsira kutarisira mitoro yedu mumhuri, kubasa, uye muungano yechiKristu!

Kunyange zvakadaro, tose tinotarisana nenguva inonetsa. Utano husina kunaka, zvinetso zvemhuri, mari shoma yatinowana, kana kuti chimwe chinhuwo chingaita kuti tirwadziwe. Tingasaziva mabatiro atingaita nomuedzo. Zvinetso zvinoramba zvichiwedzera zvinokonzerwa zvakananga kana kuti zvisina kunanga nomupomeri akaipa, Satani Dhiyabhorosi, uyo ari kurwa hondo yezvokunamata nevanhu vaMwari. Zvisinei, pane mumwe munhu anotinzwisisa uye anotibatsira kuramba tiine ukama hwakanaka naJehovha. Hapana mumwe kunze kwaJesu Kristu ari munzvimbo yake yakakwirira mumatenga. Tinoverenga kuti: “Tine mupristi mukuru, kwete asingagoni kunzwira tsitsi kusava nesimba kwedu, asi akaedzwa muzvinhu zvose sesu, asi asina chivi. Naizvozvo, ngatiswederei norusununguko rwokutaura kuchigaro choumambo chomutsa usina kufanirwa, kuti tiwane ngoni uye tiwane mutsa usina kufanirwa nokuda kwokubetserwa panguva yakafanira.”—VaHebheru 4:15, 16.

Zvinokurudzira zvikuru kuziva kuti hatifaniri kuva nomukurumbira kana kuva vakapfuma kuti tiwane nyasha dzaMwari! Kunyange kana uri mumatambudziko anorwadza, iva somunyori wepisarema akanyengetera kuti: “Ini ndiri murombo nomushayiwi; kunyange zvakadaro Ishe unondifunga; imi muri mubatsiri wangu nomurwiri wangu.” (Pisarema 31:9-14; 40:17) Iva nechokwadi chokuti Jehovha anoda vanhu vanozvininipisa, vanhuwo zvavo. Chaizvoizvo, ‘tinogona kukandira kufunganya kwedu kwose paari nokuti ane hanya nesu.’—1 Petro 5:7.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 10 Mamwe mazita akachinjwa.

[Mifananidzo iri papeji 29]

Vakawanda vevateveri vaJesu vakanga vari vanhuwo zvavo uye vasina kudzidza

[Mufananidzo uri papeji 30]

VaKristu vanovavarira kuva nokutenda kwakasimba

[Mifananidzo iri papeji 31]

Hatifaniri hedu kuva nomukurumbira kuti tiwane nyasha dzaMwari