Ungawanepi Zvinhu Chaizvo Zvinokosheswa Pakunamata?
Ungawanepi Zvinhu Chaizvo Zvinokosheswa Pakunamata?
“KANA uchizonamata muchitendero pamusana bedzi pokuti ndicho chave chichinamatwa nemhuri yako, unodii kusarudza chitendero cheCeltic chainamatwa nemadzitateguru edu makore 2 000 akapfuura?” anobvunza kudaro Rodolphe achiseka zvake. Zvinoita kuti muteereri wake wechiduku anyemwerere.
“Ukama hwangu naMwari hunokosha kwazvo kwandiri,” anotaura kudaro Rodolphe. “Handitombobvumirani nepfungwa yokuti ndinofanira kumanikidzirwa netsika kuva muchitendero, nemhaka bedzi yokuti nhengo dzemhuri yangu dzairarama makumi kana kuti kunyange mazana emakore akapfuura dzainamata muchitendero chakati.” Rodolphe akanyatsoongorora zvinhu; haana kungotora nyaya inokosha iyi sechimwe chinhu chaakangogara nhaka zvake.
Kunyange zvazvo kugamuchidzana chitendero kwezvizvarwa kuri kudzikira mazuva ano, vazhinji havasati vasiyana nechitendero chemhuri yavo. Asi zvakanaka here nguva dzose kuomerera kuzvinhu zvokunamata zvinokosheswa nevabereki vako? Bhaibheri rinotii?
Pashure pemakore 40 murenje, Joshua, uyo akatsiva Mosesi, akapa vaIsraeri nyaya yokuti vasarudze: “Kana muchiti zvakaipa kushumira Jehovha, zvitsaurirei nhasi wamunoda kushumira, kana vamwari vaishumirwa namadzibaba enyu mhiri kwoRwizi, kana vamwari vavaAmori vamugere munyika yavo; asi kana ndirini naveimba yangu tichashumira Jehovha.”—Joshua 24:15.
Mumwe wemadzibaba aitaurwa naJoshua aiva Tera, baba vaAbrahamu, uyo aigara kuUri, panguva yacho yaiva kumabvazuva kworwizi rweYufratesi. Bhaibheri haritauri zvakawanda nezvaTera, kunze kwokuti ainamata vamwe vanamwari. (Joshua 24:2) Mwanakomana wake Abrahamu, kunyange aisaziva chinangwa chaMwari zvizere, akanga achida kusiya guta rokumusha kwake apo Jehovha akamurayira kuti adaro. Chokwadi, Abrahamu akasarudza chitendero chakasiyana nechababa vake. Nokuita kudaro, Abrahamu akawana zvikomborero zvaakavimbiswa naMwari, uye akava munhu anozivikanwa nezvitendero zvakawanda sa“baba vavose vanotenda muna Mwari.”—VaRoma 4:11, Today’s English Version.
Bhaibheri rinorondedzerawo zvakanaka nyaya yaRute, amai vakabereka tateguru vaJesu Kristu. Rute, mukadzi wechiMoabhi akanga akaroorwa nomuIsraeri, akava chirikadzi uye aifanira kuita chisarudzo: kugara munyika yake kana kudzoka kuIsraeri navamwene vake. Achiona kukosha kwokunamatwa kwakakwirira kwaJehovha zvichienzaniswa nokunamata zvidhori kwaiita vabereki vake, Rute akataurira vamwene vake kuti: “Vanhu venyu vachava vanhu vangu, naMwari wenyu uchava Mwari wangu.”—Rute 1:16, 17.
Richitaura nezvokukosha kwechinyorwa ichi mumabhuku eBhaibheri anogamuchirwa seMagwaro matsvene, Dictionnaire de la Bible rinotsanangura kuti nhoroondo iyi inoratidza “nzira iyo mukadzi akazvarirwa kune imwe nyika, akazvarirwa muvahedheni vaiitira vaIsraeri utsinye uye vaivengwa nevaIsraeri vacho, . . . akava nayo amai vakabereka tateguru vaMambo mutsvene Dhavhidhi nokutungamirira kwaMwari, pamusana pokuda kwaaiita rudzi rwaJehovha nokunamatwa kwake.” Rute haana kutya kusarudza chitendero chakanga chakasiyana nechevabereki vake, uye pamusana pechisarudzo ichocho, akawana chikomborero chaMwari.
Nyaya inorondedzera kuvamba kwechiKristu inonyatsojekesa zvikonzero nei vadzidzi vaJesu vakasiya zvitendero zvemadzitateguru avo. Muhurukuro yaikurudzira zvikuru, muapostora Petro akakurudzira vateereri vake kuti ‘vaponeswe pachizvarwa chino chakakombama’ nokupfidza zvivi zvavo vobhabhatidzwa muzita raJesu Kristu. (Mabasa 2:37-41) Mumwe wemienzaniso inoshamisa zvikuru ndowaSauro, muJudha aitambudza vaKristu. Paaienda kuDhamasiko, akaona chiratidzo chaKristu, uye pashure pacho Sauro akava muKristu akazivikanwa somuapostora Pauro.—Mabasa 9:1-9.
Ruzhinji rwevaKristu vokutanga haruna kusangana nechishamiso chakadaro. Kunyange zvakadaro, vose vaifanira kusiya chiJudha chavo kana kuti kunamatwa kwevanamwari vechihedheni vakasiyana-siyana. Vaya vaigamuchira chiKristu vaiita kudaro vachinyatsoziva zvose zvaibatanidzwa, kazhinji pashure pokukurukurirana kwenguva refu nezvebasa raJesu saMesiya. (Mabasa 8:26-40; 13:16-43; 17:22-34) VaKristu vokutanga ivavo vainyatsoziva kuti vaifanira kuchinja muupenyu hwavo. VaJudha nevaisava vaJudha vakakokwa, asi shoko racho rakangoramba riri rimwe chete. Kuti vafadze Mwari, zvakanga zvakafanira kuti vatevere manamatiro matsva, aya echiKristu.
Chisarudzo Chakatikodzera
Ushingi hwaitodiwa chaizvo muzana remakore rokutanga kuti munhu arambe tsika dzechitendero dzemhuri—chiJudha, kunamatwa kwamambo, kunamatwa kwavanamwari vechihedheni—uye kupinda sangano raishorwa nevaJudha nevaRoma. Munguva pfupi kusarudza uku kwakatungamirira kukutambudzwa noutsinye. Nhasi, zvinoda kushinga kwakadaro kuti munhu arambe “kumedzwa obva ava mupfungwa iyi yakatekeshera yokufanana nevamwe vose,” sokutaura kunoita Hippolyte Simon, bhishopi wechiKaturike weClermont-Ferrand, mubhuku rake rinonzi Vers une France païenne? (Kuitwa kweFrance Nyika Yechihedheni?) Zvinoda kushinga kuti ubatanidzwe nesangano rechitendero rinopindwa nevashoma rinomboshorwa dzimwe nguva, reZvapupu zvaJehovha.
Paul, mumwe wechiduku wokuBastia, kuCorsica, uyo akarererwa muchitendero cheKaturike, aiita mabasa echechi pano neapo, akadai sokutengesa makeke kuti aunganidze mari yesangano rokuyamura rechechi yeKaturike. Achida kunzwisisa Bhaibheri zviri nani, akabvuma kugara achikurukura neZvapupu zvaJehovha. Nokufamba kwenguva, akaona kuti zvaakanga achidzidza zvaizomubatsira kwenguva refu. Naizvozvo, Paul akagamuchira nomwoyo wose zvinhu zvinokosheswa muBhaibheri akava mumwe weZvapupu zvaJehovha. Vabereki vake vakaremekedza zvaakasarudza, uye hazvina kukanganisa ukama hwavo hwemhuri hwepedyo.
Amélie anogara kumaodzanyemba kweFrance. Zvizvarwa zvina zvemhuri yake zvave zviri Zvapupu zvaJehovha. Nei akasarudza kugamuchira zvinhu zvinokosheswa pakunamata nevabereki vake? “Hauvi mumwe weZvapupu zvaJehovha nokuti vabereki vako kana kuti vanasekuru navanambuya Zvapupu zvaJehovha kana
kuti vaiva Zvapupu zvaJehovha,” anotaura kudaro. “Asi rimwe zuva, unozviudza kuti, ‘Chitendero changu nokuti izvi ndizvo zvandinodavira.’” Kufanana nezvimwe Zvapupu zvaJehovha zvechiduku zvakawanda, Amélie anoziva kuti zvinhu zvaanotenda zvakasimba zvinomupa chinangwa muupenyu uye zvinoita kuti afare nokusingaperi.Nei Tichifanira Kugamuchira Zvinokosheswa naMwari
Bhuku raZvirevo, chitsauko 6, ndima 20, rinokurudzira vaya vanoda kufadza Mwari richiti: “Mwanakomana wangu, chengeta murayiro wababa vako; usarasa kudzidzisa kwamai vako.” Pane kukurudzira kuteerera zvinhu zvausingazivi, zano iroro rinokurudzira vechiduku kugamuchira zvinodiwa naMwari nokusimbisa kutenda kwavo uye nokuzvisarudzira kunamata Mwari. Muapostora Pauro akaudza shamwari dzake kuti ‘dzive nechokwadi nezvinhu zvose,’ kuti dziongorore kuti zvadzaidzidziswa zvaipindirana here neShoko raMwari nokuda Kwake, uye kuita maererano nazvo.—1 VaTesaronika 5:21.
Zvingave zvakarererwa mumhuri yechiKristu kana kuti kwete, Zvapupu zvaJehovha zvinopfuura mamiriyoni matanhatu, zviduku nezvakura, zvakasarudza kuita izvozvo. Nokunyatsodzidza Bhaibheri, vakawana mhinduro dzakavimbika dzemibvunzo yavo pamusoro pechinangwa choupenyu uye vakava nenzwisiso yakajeka yezvinodiwa naMwari kuvanhu. Vawana zivo iyi, vakagamuchira zvinhu zvinokosheswa naMwari ndokuita zvavanokwanisa kuti vaite kuda kwaMwari.
Kunyange uri muverengi wenguva dzose wemagazini ino kana kuti kwete, wadii kubvuma chikumbiro cheZvapupu zvaJehovha chokuti zvikubatsire kutarira muBhaibheri woongorora zvinhu zvarinoti ndizvo zvinokosha pakunamata. Nenzira iyi, uchakwanisa ‘kuravira woona kuti Jehovha akanaka’ wowana zivo inotungamirira kuupenyu husingaperi, kana ikashandiswa.—Pisarema 34:8; Johani 17:3.
[Mufananidzo uri papeji 5]
Zvizvarwa zvina zveimwe mhuri yeZvapupu zvaJehovha muFrance
[Mufananidzo uri papeji 7]
Rute akasarudza kushumira Jehovha pane vanamwari vemadzitateguru ake