Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unoyeuka Here?

Unoyeuka Here?

Unoyeuka Here?

Wakanakidzwa nokuverenga nyaya dzichangopfuura dzeNharireyomurindi here? Ona kana uchikwanisa kupindura mibvunzo inotevera:

Tingabatsirwa sei nokudzidza nezvemhuri yaShafani?

Shafani aiva mukopi uye munyori waMambo Josiya weJudha. Somurume aiva nesimba muumambo, Shafani akatsigira basa ramambo rokudzorera kunamata kwechokwadi. Vaviri vevanakomana vaShafani vakatsigira muprofita Jeremiya. Uye mumwe mwanakomana nevazukuru vaviri vakashandisawo simba ravo mukutsigira kunamata kwechokwadi. Saizvozvowo, tinofanira kushandisa pfuma uye simba redu kutsigira kunamata kwechokwadi.—12/15, mapeji 19-22.

Irene Hochstenbach akakurira sei urema hwakakura ndokukwanisa kushumira Jehovha?

Paaiva nemakore manomwe, akava matsi. Pasinei nokuva matsi, akadzidza kutaura nevamwe uye zvino anofamba nomurume wake (mutariri wedunhu) sezvaanoshumira ungano dziri muNetherlands.—1/1, mapeji 23-6.

Mabhuku api matsva maviri anobatsira pakudzidza akabudiswa paKokorodzano Dzoruwa dze“Vazivisi Voumambo Vanoshingaira”?

VaKristu pasi pose vakafara kugamuchira bhuku raNamata Mwari Wechokwadi Bedzi, rakaitirwa kudzidzwa nevatsva kana vachinge vapedza kudzidza bhuku raZivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi; rimwe bhuku idzva ndiSwedera Pedyo naJehovha, rinotaura nezvounhu hwaJehovha uye mabasa ake. Rinoratidzawo kutevedzera kwatingamuita mukuratidza unhu hwake.—1/15, mapeji 23-24.

Ipfungwa ipi iri pana Zvirevo 12:5 inoti: “Mifungo yowakarurama yakarurama”?

Pfungwa dzevanhu vakanaka dzakanaka mutsika uye dziri pazvinhu zvakanaka nezvakarurama. Sezvo vakarurama vachikurudzirwa nokuda Mwari uye vanhu, vavariro dzavo dzakanaka.—1/15, peji 30.

Munhu angabatsirwa nechii kuti aone basa zviri pakati nepakati?

Zvinobatsira kudzidziswa kukoshesa basa kubva pauduku. Bhaibheri rinotikurudzira kuva netsika yakanaka yokushanda, tisingaiti unyope. (Zvirevo 20:4) Rinokurudzirawo vaKristu kusava vakanyanyobatikana nebasa. Tinofanira kuziva kuti basa rinoitirwa Mwari rinofanira kuva nenzvimbo inokosha muupenyu hwedu. (1 VaKorinde 7:29-31) Uyezve, vaKristu vechokwadi vane chivimbo chokuti Mwari haazovasiyi.—2/1, mapeji 4-6.

Atari inotanga kutaurwa papi muBhaibheri?

Ndepana Genesi 8:20, pachitaura nezveatari yakavakwa naNoa paakabuda muareka pashure peBoporodzi. Zvisinei, zvimwe Kaini naAbheri vakashandisa atari pakupa zvibayiro zvavo. (Genesi 4:3, 4)—2/15, peji 28.

VaKristu vangashandisa zvakanaka sei kuchinja kwemamiriro ezvinhu?

Vamwe vakabvuma—kana kuti vakatanga—kuchinja mumabasa avo izvo zvakavapa nguva yakawanda youshumiri. Vamwe vakawedzera nguva yavo uye mikana yokuita basa raMwari apo mitoro yavo yemhuri yakaderera, zvakadai seapo vana vavo vakava vanhu vakuru uye pavakaroora.—3/1, mapeji 19-22.

Mienzaniso yaJona nomuapostora Petro inotibatsira sei kuona vamwe sokuonekwa kwavanoitwa naJehovha?

Vose vari vaviri Jona naPetro vaiva nezvikanganiso zvainyatsozivikanwa mukufunga kwavo uye zvavaiita kumiedzo yokutenda nokuteerera. Kunyange zvakadaro, Jehovha akanyatsoona unhu hwakanaka mavari ndokuramba achivashandisa mubasa rake. Vamwe pavanotigumbura kana kutiodza mwoyo, tinogona kuramba tichitarira unhu hwavo hwakanaka hwatingava takaona huchikwezva munguva yakapfuura uye pane zvakanaka zvinoonekwa naMwari mavari.—3/15, mapeji 16-19.

Nei shanduro dzeBhaibheri dzisingapindirani muzvitsauko nendima zvebhuku reMapisarema?

Pane kusiyana kwezvitsauko nendima pakati pebhuku racho mumutauro wechiHebheru wepakuvamba nokushandurirwa kwarakaitwa muchiGiriki muSeptuagint. Shanduro dzichangoburwa dzingasiyana, zvichibva pakuti dzakabva murugwaro rwechiHebheru here kana muSeptuagint.—4/1, peji 31.