Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Chii Chaungada Kubvunza Mwari?

Chii Chaungada Kubvunza Mwari?

Chii Chaungada Kubvunza Mwari?

VANHU pasi pose vane mibvunzo yakakosha pamusoro poupenyu. Unayowo here? Vakawanda vakabvunza vafundisi vavo asi havana kupiwa mhinduro dzinogutsa. Vamwe vakafungisisa mibvunzo iyi vari voga. Vamwe vakanyengeterera nhungamiro. Chaizvoizvo zvinobvira here kuti uwane mhinduro kuna Mwari pamusoro penyaya dzinokuvhiringidza? Pamibvunzo iyo vakawanda vakataura kuti vaizoda kubvunza Mwari pane iyi.

Mwari, ndimi ani chaizvoizvo?

Maonero anoita vanhu Mwari ane chokuita netsika dzavo, nechitendero chevabereki vavo, uye zvichida nezvavanosarudza ivo pachavo. Vamwe vanhu vanoshandisa zita romumwewo Mwari zvake; vamwe vanongomuti Mwari. Chaizvoizvo zvine basa here? Kunongova naMwari mumwe wechokwadi uyo anozvizivisa kwatiri uye zita rake here?

Nei paine kutambura kwakawanda kudai?

Kana kusazvibata zvakanaka kwomunhu kana kuti unzenza hwakuvadza utano hwake kana kuti hwamuita murombo, anganyunyuta. Asi angava achinyatsoziva chikonzero nei ari kutambura.

Zvisinei, vamwe vakawanda vanotambura zvikuru pamusana pezvikonzero zvisiri zvavo. Vamwe vane zvirwere zvisingaperi. Vamwe vanotambura pamusoro pezvinetso zvinoita sezvisingakundiki zvokuwana pokugara uye zvokudya zvakakwana zvemhuri dzavo. Mamiriyoni anotambura pamusana poutsotsi, hondo, chisimba chisingasaruri, njodzi dzinongozviitikira dzoga, kana kuti kusaruramisira kwevanhu vane chiremera.

Zvinonzwisisika kuti vakawanda vanobvunza kuti: ‘Nei zvinhu zvakadai zvakapararira? Nei Mwari achibvumira kutambura kwose uku?’

Nei ndiri pano? Chinangwa choupenyu ndechei?

Mibvunzo iyi inowanzomuka pakuora mwoyo kunonzwiwa nomunhu ane basa rezuva nezuva risinganyatsomugutsi—uye izvozvo ndezvechokwadi nezvevanhu vakawanda. Mamiriyoni evamwe vanodavira kuti mararamiro omunhu mumwe nomumwe neimwe nzira akafanosarudzwa naMwari. Ndizvo here? Zvechokwadi kana Mwari ane chinangwa newe chinokosha, hapana mubvunzo kuti uchada kuziva kuti ndechipi.

Pamabhuku ose ari munyika, pane rimwe rinonyatsotaura kuti rakafuridzirwa naMwari. Sezvaungatarisira mashoko anobva chaizvoizvo kuna Mwari pamusoro pevanhu vose, bhuku iri rinowanikwa mumitauro yakawanda kudarika rimwe bhuku ripi neripi rati rambonyorwa. Iro iBhaibheri Dzvene. Mariri, Musiki wedenga nepasi, Mwari pachake, anozivisa kuti iye ndiani uye zita rake. Unoziva zita iroro here? Unoziva zvinotaura Bhaibheri nezvorudzi rwoMunhu ruri Mwari here? Unoziva zvarinotaura nezvezvinodiwa naMwari kwauri here?

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 2]

BUTIRO: Chad Ehlers/Index Stock Photography

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]

Gomo: Chad Ehlers/Index Stock Photography