Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Ivai Nehana Yakanaka”

“Ivai Nehana Yakanaka”

“Ivai Nehana Yakanaka”

“ITA zvinoda hana yako” izano rinowanzonzwiwa. Asi kuti hana yedu ive mutungamiriri akavimbika, inofanira kunyatsodzidziswa kuziva zvakanaka nezvakaipa, uye tinofanira kubvuma kutungamirirwa nayo.

Chimbofunga zvakaitika kune mumwe murume ainzi Zakeyo, sezvakanyorwa muBhaibheri. Zakeyo, uyo aigara muJeriko, aiva muteresi mukuru uye munhu akapfuma. Sokutaura kwake, akanga awana upfumi hwake nokubiridzira—chokwadi muitiro wairwadza vamwe. Hana yaZakeyo yaimunetsa here pamusoro pezviito zvake zvisina kururama? Kana yaidaro, zviri pachena kuti akanga asingaiteereri.—Ruka 19:1-7.

Zvisinei, mukana wakamuka wakaita kuti Zakeyo afungezve mararamiro ake. Jesu akauya kuJeriko. Zakeyo mupfupi aida kuona Jesu, asi aisakwanisa kumuona pamusana pegurusvusvu revanhu. Saka akamhanyira mberi ndokukwira mumuti kuti aone zviri nani. Afadzwa nechido chikuru chaZakeyo, Jesu akamuudza kuti aizomushanyira kumba kwake. Zakeyo akafara kuratidza mutsa kumueni wake akakurumbira.

Zvakaonekwa naZakeyo uye zvaakanzwa paaitandara naJesu zvakapinda mumwoyo wake ndokumuita kuti achinje nzira dzake. Akazivisa kuti: “Tarirai! Ishe, hafu yezvinhu zvangu, ndichapa varombo, uye zvinhu zvose zvandakabiridzira munhu nokumupomera nhema ndichadzorera zvava zvina.”—Ruka 19:8.

Hana yaZakeyo yakanga yadzidziswa, uye akaiteerera ndokubvuma zvayaida. Migumisiro yacho yakanaka yakanga yakakura zvikuru. Fungidzira manzwiro akaita Zakeyo Jesu paakamuudza kuti: “Nhasi ruponeso rwauya mumba muno.”—Ruka 19:9.

Muenzaniso unokurudzira zvikuru! Unoratidza kuti zvisinei nokuti taimborarama sei, tinogona kuchinja. SaZakeyo, tinogona kuteerera mashoko aJesu—akanyorwa muBhaibheri—ndokukudziridza pfungwa yedu yezvakarurama nezvisina kururama. Zvadaro, sezvakakurudzirwa nomuapostora Petro, tinogona ‘kuva nehana yakanaka.’ Tinogona kuteerera hana yedu yakadzidziswa toita zvakarurama.—1 Petro 3:16.