Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mawanire Akaita Vamwe Mhinduro

Mawanire Akaita Vamwe Mhinduro

Mawanire Akaita Vamwe Mhinduro

MAMIRIYONI evanhu anonyengetera. Vamwe vane chokwadi chokuti minyengetero yavo inopindurwa. Vamwe havana chokwadi kana minyengetero yavo ichimbonzwiwawo. Vamwewo vanotsvaka mhinduro asi havana kumbofunga nezvokukumbira Mwari mumunyengetero.

Bhaibheri rinozivisa Mwari wechokwadi kuti ‘Munzwi womunyengetero.’ (Pisarema 65:2) Kana uchinyengetera, une chokwadi chokuti minyengetero yako inonanga kuna Mwari wechokwadi here? Minyengetero yako ndeiya yaachapindura here?

Kuvanhu vakawanda munzvimbo dzose dzepasi pano, mhinduro yakaratidza kuti ndihungu! Vakawana sei mhinduro dzacho? Vakadzidzei?

Mwari—Iye Ndiani?

Mumwe mudzidzisi muPortugal uyo akanga adzidziswa nemasisita nevapristi, aiita zvinodiwa muchitendero chake nomwoyo wose. Chechi payakachinja ndokusiya zvaakanga adzidziswa kuti zvinokosha, akavhiringidzika. Kufamba kwakaita kuti azive nzira dzokunamata dzokuMabvazuva, uye akatanga kunetseka kana kuina Mwari wechokwadi mumwe chete. Aifanira kunamata sei? Paakabvunza mupristi wake nezvezvinhu zviri muBhaibheri, mibvunzo yake yakarambwa, uye akaora mwoyo.

Chechi yeKaturike yakanga yaparadzira kabhuku muguta rinogara mudzidzisi uyu ichinyevera kuti vanhu vomuchechi mavo vasakurukura neZvapupu zvaJehovha. Asi mibvunzo yake yakaramba iripo. Rimwe zuva Zvapupu pazvakashanya pasuo rake, akateerera ndokuratidza kufarira zvaakanzwa. Yaiva nguva yake yokutanga kutaura nazvo.

Kuti awane mhinduro yemibvunzo yake yakawanda, mukadzi uyu akatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu. Vhiki imwe, neimwe aiva nemibvunzo yakawanda yokuvabvunza. Aida kuziva zita raMwari, kana pachingova naMwari mumwe chete wechokwadi, kana achibvumira kushandiswa kwemifananidzo pakunamata, uye nezvimwe zvakawanda. Akaona kuti mhinduro dzose dzaaipiwa dzaibva muBhaibheri, kwete pfungwa dzomunhu, saka akashamiswa uye akafara nezvaakanga achidzidza. Zvishoma nezvishoma, akawana mhinduro dzemibvunzo yake yakawanda. Nhasi, anonamata Jehovha nomudzimu nechokwadi, sezvakataura Jesu Kristu kuti “vanamati vechokwadi” vaizoita.—Johani 4:23.

MuSri Lanka, imwe mhuri yaigaroverenga Bhaibheri pamwe chete, asi yakanga isingawani mhinduro dzemibvunzo yakawanda yaikosha kwairi. Kunyange zvazvo vaida kubatsirwa, mupristi wavo aisagona kuvabatsira. Zvisinei, Zvapupu zvaJehovha zvakashanya ndokusiyira mhuri yacho mabhuku eBhaibheri anobatsira. Gare gare, Zvapupu zvaJehovha pazvakapa mhuri yacho mhinduro dzinogutsa dzemibvunzo yavo yeBhaibheri, vakabvuma kudzidza Bhaibheri. Zvavakadzidza zvakavanakidza zvikuru.

Kunyange zvakadaro, dzidziso dzokuchechi dzakanga dzarovererwa kubva pauduku dzakatadzisa mudzimai wacho kuona kuti Baba vaJesu Kristu ndivo “Mwari wechokwadi bedzi,” sezvakataurwa naiye Jesu. (Johani 17:1, 3) Akanga adzidziswa kuti Jesu akaenzana naBaba uye kuti “chakavanzika” ichi hachifaniri kupokanwa. Akanyengetera kuna Jehovha nomwoyo wose uye apererwa nezano, achishandisa zita rake akamukumbira kuti amuratidze kuti Jesu ndiani. Zvadaro akanyatsoongororazve magwaro nezvazvo. (Johani 14:28; 17:21; 1 VaKorinde 8:5, 6) Sokunge kuti mafunurwa akadonha kubva pamaziso ake, zvino akanyatsoona kuti Jehovha—Musiki wedenga nepasi uye Baba vaJesu Kristu—ndiye Mwari wechokwadi.—Isaya 42:8; Jeremia 10:10-12.

Kutambura—Nei?

Jobho, munhu akatambura zvakanyanya. Vana vake vose vakaurayiwa nemvura yaiva nemhepo zhinji, uye akasara ava murombo. Akatamburawo urwere hunorwadza ndokutsungirira zvinetso zvaibva kushamwari dzenhema. Pakati pezvinhu zvose izvi, Jobho akataura nokusafunga. (Jobho 6:3) Asi Mwari akafunga mamiriro acho ezvinhu. (Jobho 35:15) Akaziva zvaiva mumwoyo waJobho uye akamupa zano raaida. Nhasi anodarowo kune vanhu.

MuMozambique, Castro aingova nemakore gumi apo amai vake vakafa. Akarwadziwa. “Nei vakafa vachitisiya?” akabvunza kudaro. Kunyange akanga arerwa nevabereki vaitya Mwari, panguva ino hapana chaiva nomusoro kwaari. Chii chaigona kugutsa pfungwa dzake nomwoyo wake? Akawana nyaradzo nokuverenga Bhaibheri duku reChichewa ndokurikurukura nemadzikoma ake.

Zvishoma nezvishoma, Castro akasvika pakunzwisisa kuti amai vake vakanga vafa, kwete nokusaruramisira kwaMwari, asi pamusana pokusakwana kwakagarwa nhaka. (VaRoma 5:12; 6:23) Chipikirwa cheBhaibheri chorumuko chakamunyaradza zvikuru nokuti akaona kuti rumuko ndirwo rwaiva hwaro hwokuvimba kuti aizoonazve amai vake. (Johani 5:28, 29; Mabasa 24:15) Zvinosuruvarisa kuti makore mana chete gare gare, baba vake vakafa. Asi nguva ino Castro akanga ava kukwanisa kubata zviri nani nokufirwa kwacho. Nhasi, anoda Jehovha uye anoshandisa upenyu hwake mubasa raMwari nokuvimbika. Mufaro waakawana uri pachena kuna vose vanomuziva.

Vanhu vakawanda vakafirwa nevadiwa vanowana nyaradzo muchokwadi cheBhaibheri ichocho chakanyaradza Castro. Vamwe vakasangana nenhamo huru pamusana pezviito zvevanhu vakaipa vanobvunza, sezvakaita Jobho kuti: “Vakaipa vanoraramireiko?” (Jobho 21:7) Vanhu pavanonyatsoteerera mhinduro dzaMwari sezviri muShoko rake, vanodzidza kuti nzira yaMwari yokubata nayo nhau inovabatsira chaizvoizvo.—2 Petro 3:9.

Barbara, uyo akakurira muUnited States, haana kuzvionera kutyisa kwehondo. Asi akakura apo nyika dzakawanda dzairwisana pasi pose. Mishumo youtsinye hwehondo ndidzo dzaiva nhau dzezuva nezuva. Paaiita zvidzidzo zvake kuchikoro, akashamiswa nezviitiko zvenhau dzakaitika zvakabudisa pachena nzira dzaiita sedzisingafungidziriki. Chii chakazvikonzera? Mwari aiva nehanya nezvaiitika here? Aitenda kuti Mwari aripo, asi aingofunga zvakasiyana-siyana nezvake.

Zvisinei, maonero aBarbara upenyu akachinja zvishoma nezvishoma pamusana pokusonganirana neZvapupu zvaJehovha. Aizviteerera uye aidzidza Bhaibheri nazvo. Aipinda misangano paImba yoUmambo. Akatopinda imwe yekokorodzano dzavo huru. Uyezve, paaibvunza mibvunzo, aiona kuti akanga asingawani pfungwa dzakasiyana kubva kuZvapupu zvakasiyana. Asi, Zvapupu zvacho zvaitaura zvinopindirana pamusana pokuti kufunga kwazvo kwaibva muBhaibheri.

Zvapupu zvacho zvakaonesa uchapupu hweBhaibheri hwokuti nyika inofurirwa naSatani Dhiyabhorosi, mutongi wayo, uye kuti inoratidza simba rake. (Johani 14:30; 2 VaKorinde 4:4; VaEfeso 2:1-3; 1 Johani 5:19) Zvakatsanangura kuti zviitiko zvaishamisa Barbara zvakanga zvafanotaurwa muBhaibheri. (Dhanieri, chitsauko 2, 7, uye 8) Mwari akafanozvitaura nokuti anokwanisa kuona zviri mberi paanosarudza kuita kudaro. Mwari akanga aita kuti zvimwe zvezviitiko izvozvo zviitike. Zvimwe akanga angozvibvumira kuti zviitike. Zvapupu zvacho zvakaratidza Barbara kuti Bhaibheri rinofanotaurawo zviitiko zvakanaka nezvakaipa zvomuzuva redu uye kuti rinotsanangura zvazvinoreva. (Mateu 24:3-14) Zvakamuratidza zvipikirwa zveBhaibheri zvenyika itsva umo kururama kuchatekeshera uye kutambura kuchava chinhu chomunguva yakapfuura.—2 Petro 3:13; Zvakazarurwa 21:3, 4.

Zvishoma nezvishoma, Barbara akatanga kunzwisisa kuti kunyange Jehovha Mwari asiri iye anokonzera kutambura kwevanhu, haakudzivisi nokumanikidza vanhu kuteerera mitemo yake pavanosarudza kusaiteerera. (Dheuteronomio 30:19, 20) Mwari akaita urongwa hwokuti tirarame nokusingaperi tichifara, asi iye zvino ari kutipa mukana wokuratidza kana tichirarama maererano nenzira dzake dzakarurama. (Zvakazarurwa 14:6, 7) Barbara akasarudza kudzidza zvinodiwa naMwari uye kurarama maererano nazvo. Akaonawo pakati peZvapupu zvaJehovha rudo rwuya rwakanzi naJesu rwaizozivisa vateveri vake vechokwadi.—Johani 13:34, 35.

Iwewo unogona kubatsirwa nourongwa hwakamubatsira.

Upenyu Hune Chinangwa

Kunyange vaya vanoita sokuti upenyu huri kuvafambira zvakanaka vangatsvaka mhinduro dzemibvunzo inovavhiringidza. Somuenzaniso, Matthew, mumwe murume wechiduku muBritain, aigaronzwa achipanga zvikuru kuwana Mwari wechokwadi uye chinangwa choupenyu. Baba vake vakafa paaiva nemakore 17. Pashure pacho, Matthew akaita dhigirii reyunivhesiti rezvemimhanzi. Zvadaro akawedzera kuziva kusava nematuro kwomuraramiro wake wokunyanya kuda zvinhu zvenyama. Akabva pamba ndokunogara kuLondon, uye ikoko akatanga kushandisa zvinodhaka, kuenda kumanight club, kuita zvounyanzvi hwenyeredzi, kuita zvemidzimu, uye chiBuddha cheZen nohumwe uzivi—aiita zvose izvi mukutsvaka nzira youpenyu inogutsa. Ashaya kuti odini akachema kuna Mwari kuti amubatsire kuwana chokwadi.

Mazuva maviri gare gare Matthew akasangana neshamwari yake yekare ndokuitsanangurira mamiriro ake ezvinhu akaipa. Murume uyu akanga adzidza neZvapupu zvaJehovha. Matthew paakaratidzwa 2 Timoti 3:1-5, akashamiswa nokuti Bhaibheri rinorondedzera zvakarurama sei nyika yakatipoteredza. Paakaverenga Mharidzo yepaGomo, yakabaya mwoyo wake. (Mateu, zvitsauko 5-7) Pakutanga, aizengurira nokuti akanga averenga mabhuku aishora Zvapupu zvaJehovha, asi pakupedzisira akasarudza kupinda misangano paImba yoUmambo yaiva pedyo.

Matthew akanakidzwa nezvaakanzwa ndokutanga kudzidza Bhaibheri nomumwe wevakuru veungano. Nokukurumidza akaziva kuti zvaakanga achidzidza ndizvo zvaaimbotsvaka, mhinduro yomunyengetero wake wepakutanga kuna Mwari. Akawana mibayiro sezvaakasiya miitiro isingafadzi Jehovha. Sezvaaikudziridza kutya Mwari kwakanaka, akakurudzirwa kuita kuti upenyu hwake hupindirane nemirayiro yaMwari. Matthew akaziva kuti upenyu hwakadaro hune chinangwa chaicho.—Muparidzi 12:13.

Matthew kana kuti vamwe vambotaurwa munyaya ino havana kumbotaura kuti vaizowana nzira youpenyu inogutsa nokufanosarudzirwa. Asi vakadzidza kuti Jehovha Mwari ane chinangwa chine rudo chinobatanidza vose vanosarudza nomufaro kuteerera mirayiro yake. (Mabasa 10:34, 35) Chinangwa ichocho chinosanganisira upenyu husingaperi munyika isina hondo, isina zvirwere nenzara—isina kunyange rufu. (Isaya 2:4; 25:6-8; 33:24; Johani 3:16) Ndizvo zvaunoda here? Kana zvirizvo, unogona kudzidza zvakawanda nezvokuwana kiyi youpenyu hunogutsa nokupinda misangano yeBhaibheri paImba yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha. Unokokwa noushamwari kuti uite kudaro.

[Mufananidzo uri papeji 7]

Nyengetera kuna Mwari nomwoyo wose, uchishandisa zita rake

[Mufananidzo uri papeji 7]

Dzidza Bhaibheri nevaya vanonyatsodzidzisa zviri mariri

[Mifananidzo iri papeji 7]

Pinda misangano paImba yoUmambo

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 4]

Mukwiri: Chad Ehlers/Index Stock Photography