Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vanoshumira Hama dzechiKristu Munyika Dzose

Vanoshumira Hama dzechiKristu Munyika Dzose

Vanoshumira Hama dzechiKristu Munyika Dzose

WAKAMBONZWA here nezvemazita okuti “vashumiri vomunyika dzose” uye “vazvipiri vomunyika dzose”? Zvapupu zvaJehovha zvinoumba mapoka aya zvinopa nguva uye unyanzvi hwazvo kuti zvibatsire kuvaka zvivako zvinoshandiswa kudhindira nokuparadzira shoko roUmambo reBhaibheri. Vazvipiri vakadaro vanobatsirawo kuvaka Dzimba Dzemagungano neDzimba dzoUmambo, dzinoshanda senzvimbo dzokudzidzisira Bhaibheri. Panguva ino, vazvipiri ava vari kubatsira mumabasa okuvaka munyika 34, zvikurukuru munyika dzisina kupfuma. Vashumiri vakadaro vanosangana nezvinetsoi chaizvo uye mufaro sezvavanoshumira hama dzechiKristu munyika dzose? Vanonzwa sei nezve“basa dzvene” ravanoita? (Zvakazarurwa 7:9, 15) Kuti tione, ngatinzwei vazvipiri avo vakashumira muMexico.

Vazvipiri vokune dzimwe nyika vakatanga kusvika muMexico muna May 1992. Nguva pfupi pashure pacho, vakatungamirira mukuwedzera bazi racho, iro rinotarisira basa reZvapupu zvaJehovha muMexico. Kuwedzera kwacho kwaibatanidza zvivako zvitsva 14, kusanganisira pokugara pevazvipiri vanoshanda pahofisi yebazi, nzvimbo yokudhindira, uye chivako chemahofisi.

Kuti vabatsire mubasa iri rokuvaka, vazvipiri vanopfuura 730 vokuCanada, Great Britain, United States, nedzimwe nyika vakashanda pfudzi nepfudzi nemazana evazvipiri vanobva kunzvimbo dzose dzeMexico. Uyezve, Zvapupu zvinopfuura 28 000 zvinopinda neungano 1 600 dziri munzvimbo iri pedyo nehofisi yebazi zvaibatsira mumabasa okuvaka mukupera kwevhiki. Vose vaishanda nomwoyo unoda uye vaipa unyanzvi hwavo pachena. Vaizviona seropafadzo kushumira Jehovha seizvi. Paiitwa basa rose rokuvaka kwacho, vairamba vachifunga mashoko akafuridzirwa anowanikwa pana Pisarema 127:1 anoti: “Kana Jehovha asingavaki imba, vavaki vayo vanobata pasina.”

Zvinetso Zvavanotarisana Nazvo

Zvinetsoi zvinotarisana nevazvipiri vomunyika dzose pavanenge vachishumira vari kune imwe nyika? Hezvino zvimwe zvezvavakacherechedza. Curtis nomudzimai wake Sally, vokuUnited States, vakabatsira mumabasa okuvaka muGermany, India, Mexico, Paraguay, Romania, Russia, Senegal, neZambia. Curtis anorondedzera kuti: “Chinetso chokutanga chaiva chokusiya mwanasikana wedu, aishanda sapiyona [mushumiri wenguva yakazara], uye ungano yokumusha kwedu muMinnesota. Ini nomudzimai wangu takapinda neungano iyoyo kwemakore 24, uye tainzwa takasununguka zvikuru ikoko.”

Sally anoti: “Kugara mumamiriro ezvinhu asina kujairika kwakaoma, zvichida zvakatonyanya kumukadzi pane kumurume, asi ndakadzidza kuti zvinobvira kugadzirisa. Ndakatodzidza kushivirira tumbuyu, twakazowanda!” Anotizve: “Mune imwe nyika, gumi vedu isu vazvipiri taigara muchivako chisina kicheni uye chaingova nedzimba mbiri dzokugezera. Ikoko ndakadzidza kuva anoshivirira zvikuru.”

Kudzidza mutauro mutsva ndechimwe chinetso chinoda kuedza chaizvo uye kuzvininipisa. Sharon, uyo ashanda nomurume wake mumabasa okuvaka munyika dzakasiyana-siyana, anoti: “Kusaziva mutauro womunyika yaunoshanda chinetso. Pakutanga, zvakaoma kuswedera pedyo nehama nehanzvadzi dzako dzaunonamata nadzo kana usingakwanisi kutaura zviri nyore manzwiro ako. Zvinokangaidza. Asi hama dzatinosangana nadzo mubasa redu rokune dzimwe nyika dzinotishivirira zvikuru uye dzinofarira kwazvo kugara kwedu zvakanaka. Pasina nguva refu, tinotanga kukurukurirana pasinei nechinetso chomutauro.”

Kuita Ushumiri Kunoda Kushinga

Kunyange zvazvo vazvipiri ivavo vakazvipira vachibatsira zvikuru kufambira mberi kwebasa rokuvaka, vanoziva kuti chinhu chinokosha zvikuru kuva vaparidzi vemashoko akanaka oUmambo hwaMwari. Saka, vanotsigira zvizere basa rokuparidza rinoitwa neungano dzavanopinda nadzo. Åke nomudzimai wake Ing-Mari, vakabatsira mumabasa okuvaka muGuadeloupe, Malawi, Mexico, neNigeria, vanobvuma kuti kushandisa mumwe mutauro muushumiri hwomumunda munyika yokumwe zvinoda kushinga.

Ing-Mari anorondedzera kuti: “Pakutanga taishanda zvishoma, sezvo taigaroenda neZvapupu zvomuungano uye pamusana pokunyara, taiwanzoita kuti ivo vataure. Zvisinei, mamwe mangwanani takasarudza kubuda mubasa romumunda tiri toga. Makumbo edu aidedera uye hana dzedu dzairova zvikuru. Takasangana nomumwe mukadzi wechiduku uyo akateerera mharidzo yangu yandakanga ndagadzirira. Ndakaverenga rugwaro ndokugovera mabhuku. Ipapo mukadzi wacho akati: ‘Ndiudzei chimwe chinhu. Ndine hama yangu inodzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Ini ndingadzidzawo sei?’ Ndakashaya romuromo. Ndakazvidzikamisa ndokumuudza kuti ndaigona kudzidza naye Bhaibheri.”

Ing-Mari anotizve: “Fungidzirai mufaro wangu nokuonga kwangu Jehovha pamusana pokukomborera kuedza kwedu uye chido chedu chokuudza vamwe chokwadi.” Mukadzi uyu akafambira mberi zvakanaka uye akabhabhatidzwa kuva Chapupu pakokorodzano yoruwa muMexico City. Åke naIng-Mari vanotaura nezvoushumiri hwavo muchidimbu seizvi: “Tinokoshesa zvikuru migove yedu mumabasa okuvaka akasiyana-siyana, asi hapana chinopfuura mufaro nokugutsikana zvokubatsira munhu kuti agamuchire chokwadi.”

Chido Chokurega Zvimwe Zvinhu

Chokwadi, vazvipiri vanosiya mhuri neshamwari vanozvibayira kushumira hama dzavo mune dzimwe nyika, asi vanowanawo mufaro usingaenzaniswi. Ndowei?

Howard, uyo akashanda nomudzimai wake, Pamela, muAngola, Colombia, Ecuador, El Salvador, Guyana, Mexico, nePuerto Rico anotsanangura kuti: “Iropafadzo kuonana nehama nehanzvadzi munyika dzakasiyana-siyana uye kuzvionera chisungo chorudo chine hama dzedu munyika dzakawanda. Tinowanzoverenga nezvazvo, asi paunogara uye kushanda nevamwe vane tsika uye ruzivo zvakasiyana nezvako, unokoshesa ukama hwedu hunokosha zvakatonyanya.”

Gary, uyo akabatsira mumabasa okuvaka muColombia, Costa Rica, Ecuador, Mexico, neZambia, anonzwawo kuti chirongwa ichi chamubatsira zvikuru. Anorondedzera kuti: “Kurovedzwa kwandakawana mumakore aya ndichisonganirana nehama dzine zivo yezvokunamata dzinoshanda pamapazi munyika dzandakanzi ndiende kwakandibatsira kuva akashongedzera zviri nani zvinetso mumabasa angu. Zvave zvichisimbisa kutenda nokuti zvinopa mukana wokuona kubatana kunozivisa sangano raJehovha repasi pose—kubatana kunopfuura kusiyana mumutauro, dzinza, kana tsika.”

Munguva iyoyo, basa rokuvaka muMexico rakapera, zvivako zvebazi zvakawedzerwa zvakatsaurirwa gore rino. Vachikurudzirwa nokuda kwavo Mwari, vashumiri vomunyika dzose nevazvipiri vomunyika dzose vakabatsira zvikuru pakuwedzera kwokunamata kwechokwadi muMexico uye kune dzimwe nyika. Chido chavo nokuzvipira kushumira hama dzavo dzechiKristu munyika dzose kunoongwa zvikuru neZvapupu zvaJehovha pasi pose.

[Mufananidzo uri papeji 25]

Ecuador

[Mufananidzo uri papeji 25]

Colombia

[Mufananidzo uri papeji 25]

Angola

[Mufananidzo uri papeji 26]

Basa rinotanga pazvivako zvitsva pabazi reMexico

[Mufananidzo uri papeji 26]

Bindu repabazi

[Mufananidzo uri papeji 26]

Pazasi: Dzimwe nhengo dzeDhipatimendi Rokuvaka mberi kwechimwe chezvivako zvitsva

[Mufananidzo uri papeji 27]

Vazvipiri vokuvaka vanonakidzwa nokutsigira basa rokuparidza neungano dzavanopinda nadzo