Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Inzwa Zvinotaura Mudzimu!

Inzwa Zvinotaura Mudzimu!

Inzwa Zvinotaura Mudzimu!

“Ane nzeve ngaanzwe zvinotaura mudzimu kuungano.”—ZVAKAZARURWA 3:22.

1, 2. Izano ripi rinodzokororwa pamusoro pemashoko aJesu kuungano nomwe dzinotaurwa muna Zvakazarurwa?

VASHUMIRI vaJehovha vanofanira kuteerera mashoko aJesu Kristu akafuridzirwa nomudzimu kuungano nomwe dzinotaurwa mubhuku reBhaibheri raZvakazarurwa. Zvechokwadi, rimwe nerimwe remashoko aya rine zano iri: “Ane nzeve ngaanzwe zvinotaura mudzimu kuungano.”—Zvakazarurwa 2:7, 11, 17, 29, 3:6, 13, 22.

2 Takatodzidza pamusoro pemashoko aJesu kungirozi, kana kuti vatariri veEfeso, Simina, nePegamo. Tingabatsirwa sei nezvaakataura nomudzimu mutsvene kune dzimwe ungano ina?

Kungirozi yeTiyatira

3. Tiyatira raiva kupi, uye rainyanya kuzikanwa nokuda kwokugadzira chii?

3 “Mwanakomana waMwari” anorumbidza nokutsiura ungano yeTiyatira. (Verenga Zvakazarurwa 2:18-29) Tiyatira (zvino yava Akhisar) rakanga rakavakwa richitevedza rukova runodira muRwizi Gediz (rwaimbova Hermus) ruri kumavirazuva muAsia Minor. Guta racho raizivikanwa nokuda kwemabasa emaoko ounyanzvi akasiyana-siyana. Vagadziri vedhayi vemo vaishandisa mudzi werimwe gwenzi kubudisa ruvara rwavaifarira kwazvo, rutsvuku kana kuti pepuru. Ridhiya, uyo akava muKristu apo Pauro akashanyira Firipi yeGirisi, akanga ari “mutengesi wezvepepuru, weguta reTiyatira.”—Mabasa 16:12-15.

4. Ungano yomuTiyatira yakarumbidzwa nokuda kwechii?

4 Jesu anorumbidza ungano yeTiyatira nokuda kwemabasa ayo akanaka, rudo, kutenda, kutsungirira, uye basa muushumiri. Chokwadi ‘mabasa avo enguva pfupi yakanga yapfuura aipfuura aya ekare.’ Zvisinei, kunyange kana tine mukurumbira wakanaka, hatifaniri kumboregeredza tsika dzedu.

5-7. (a) Ndiani aiva “mukadzi uya Jezebheri,” uye chii chaifanira kuitwa nokufurira kwake? (b) Shoko raKristu kuungano yeTiyatira rinobatsira vakadzi vanotya Mwari kuitei?

5 Ungano yomuTiyatira yairegerera kunamata zvidhori, dzidziso dzenhema, uye unzenza zvichiitwa. Pakati pavo paiva no“mukadzi uya Jezebheri”—zvimwe boka revakadzi vaiva nemiitiro yakafanana neiya yaMambokadzi Jezebheri akaipa woUmambo hwendudzi gumi hwaIsraeri. Dzimwe nyanzvi dzinoti ‘muprofitakadzi’ weTiyatira akaedza kunyengera vaKristu kunamata vanamwari navanamwarikadzi vemibatanidzwa yenyanzvi dzokutengeserana uye kuita mitambo inosanganisira zvokudya zvakabayirwa kuzvifananidzo. Ngaparege kumbova nomuprofitakadzi akazvigadza anotsvaka kutsausa vamwe muungano yechiKristu nhasi!

6 Kristu ‘akanga ave kuda kukandira mukadzi uya Jezebheri pamubhedha wourwere, nevaiita upombwe naye mukutambudzika kukuru, kunze kwokuti vaizopfidza zviito zvake.’ Vatariri havambofaniri kubvumira dzidziso nokufurira kwakaipa ikoko, uye hapana muKristu anofanira kuita ufeve chaihwo nehwomudzimu kana kuti kunamata zvifananidzo kuti aone kuti “zvinhu zvakadzama zvaSatani” zvakanyatsoipa. Kana tikateerera nyevero yaJesu, ‘tichabatisisa zvatinazvo,’ uye chivi hachizotibati ushe. Nokuti vakaramba miitiro isingadiwi naMwari, kuchiva, nezvinangwa, vakazodzwa vanomutswa vanogamuchira “simba pamusoro pemarudzi” uye vachabatana naKristu mukuaparadza. Ungano dzomuzuva ranhasi dzine nyeredzi dzokufananidzira, uye vakazodzwa vachapiwa “nyamasase,” Chikomba, Jesu Kristu pavanomutswa vachienda kudenga.—Zvakazarurwa 22:16.

7 Ungano yeTiyatira yakanyeverwa kuti isaregerera vakadzi vakatsauka pakutenda vachifurira vamwe zvakaipa. Shoko raKristu rakafuridzirwa nomudzimu kuungano yacho rinobatsira vakadzi vanotya Mwari kuti vachengete nzvimbo yavo yavakapiwa naMwari nhasi. Havaedzi kuva nesimba pavarume uye havaedzi kukwezva chero hama dzipi kuti dzipinde muufeve chaihwo kana kuti hwomudzimu. (1 Timoti 2:12) Pane kudaro, vakadzi ivavo vanoratidza muenzaniso wezviito zvakanaka nebasa rinoita kuti Mwari arumbidzwe. (Pisarema 68:11; 1 Petro 3:1-6) Kana ungano ikachengeta zvainazvo—dzidziso yakachena nomufambiro uye basa roUmambo rinokosha—Kristu achauya nemibayiro yakakomborerwa, kwete kuzoiparadza.

Kungirozi yeSadhisi

8. (a) Sadhisi rakanga riri kupi, uye ndeapi mamwe mashoko anozikanwa nezvaro? (b) Nei ungano yakanga iri muSadhisi yaida kubatsirwa?

8 Ungano yaiva muSadhisi yaida kubatsirwa nokukurumidza nokuti yakanga yakafa mumudzimu. (Verenga Zvakazarurwa 3:1-6.) Sadhisi raiva guta rakanga rakabudirira raiva makiromita anenge 50 nechezasi kweTiyatira. Zvokutengeserana, kuorera kweivhu racho, uye kugadzirwa kwemicheka yeshinda nemakapeti zvakabatsira kuriita kuti rive guta rakanga rakapfuma raichimbova nevagari vanenge 50 000. Maererano nomunyori wenhau dzakaitika Josephus, Sadhisi rakanga rine vaJudha vakawanda muzana remakore rokutanga B.C.E. Pakati pematongo eguta racho pane sinagogi netemberi yamwarikadzi weEfeso Atemisi.

9. Chii chinofanira kuitwa kana basa redu kuna Mwari riri rechipameso?

9 Kristu akaudza ngirozi yeungano yeSadhisi kuti: “Ndinoziva zviito zvako, kuti une zita rokuti uri mupenyu, asi wakafa.” Zvakadini kana tine mukurumbira wokuva vakamuka mumudzimu asi tisingakendengi zvedu paropafadzo dzechiKristu uye mabasa edu ari echipameso uye mumudzimu ‘tava kuda kufa’? Kana zvakadaro tinofanira ‘kuramba tichifunga nzira yatakagamuchira nokunzwa nayo’ shoko roUmambo, uye tinofanira kumutsiridza basa redu mubasa rinoyera. Zvechokwadi tinofanira kutanga kuitawo chimwe chinhu nomwoyo wose pamisangano yechiKristu. (VaHebheru 10:24, 25) Kristu akanyevera ungano yaiva muSadhisi kuti: “Kunze kwokuti ukamuka, ndichauya sembavha, uye hauzombozivi kuti paawa ipi yandichauya pauri.” Zvakadini nezuva redu? Nguva pfupi iri kutevera tichafanira kuzvidavirira.

10. Kunyange mumamiriro ezvinhu akaita seomuSadhisi, vamwe vaKristu vashoma vangaitei?

10 Kunyange mumamiriro ezvinhu akafanana neaiva muSadhisi, pangave nevashomanana ‘vasingasvibisi nguo dzavo dzokunze uye vanogona kufamba naKristu vakapfeka zvichena nokuti vakafanira.’ Vanochengeta kuzivikanwa kwavo kwechiKristu, vachiramba vasina kusvibiswa, vasina gwapa retsika nerechitendero kubva munyika ino. (Jakobho 1:27) Nokudaro, Jesu ‘haazombodzimi mazita avo mubhuku roupenyu, asi achati anovaziva pamberi paBaba vake nengirozi.’ Vanzi vakafanira kufamba naKristu, boka rake romwenga revakazodzwa richashongedzwa nomucheka werineni wakachena, wakajeka uyo unoratidza mabasa akarurama evatsvene vaMwari. (Zvakazarurwa 19:8) Ropafadzo dzebasa dzinoshamisa dzakavamirira mudenga dzinovakurudzira kuti vakunde nyika ino. Zvikomborero zvakamirirawo vaya vanotarisira upenyu husingaperi hwepasi pano. Mazita avo akanyorwawo mubhuku roupenyu.

11. Chii chatinofanira kuita kana tava kuda kurara mumudzimu?

11 Hapana chero mumwe wedu anoda kupinda muchimiro chomudzimu chinosiririsa secheungano yaiva muSadhisi. Asi zvakadini kana tikaona kuti tava kurara mumudzimu? Tinofanira kuita chiito nokukurumidza kuti zvitinakire. Ngatitii tava kukweverwa kunzira dzisingadiwi naMwari kana kuti tava kuregeredza kupinda misangano kana muushumiri hwedu. Ngatinyengetere nomwoyo wose kuna Jehovha tichikumbira kuti atibatsire. (VaFiripi 4:6, 7, 13) Kuverenga Bhaibheri mazuva ose uye kudzidza Magwaro nemabhuku e“mutariri akatendeka” kuchatibatsira kuti tirambe takamuka mumudzimu. (Ruka 12:42-44) Ipapo tichaita sevaya vaiva muSadhisi vakanga vane tendero yaKristu, uye tichave chikomborero kuhama dzedu.

Kungirozi Iri muFiradhefiya

12. Ungarondedzera sei mamiriro ezvinhu zvechitendero muFiradhefiya rekare?

12 Jesu akarumbidza ungano yeFiradhefiya. (Verenga Zvakazarurwa 3:7-13) Firadhefiya (zvino yava Alasehir) rakanga riri muzinda wokugadzira waini waibudirira kwazvo waiva nechokumavirira kweAsia Minor. Saka mwari waro mukuru aiva Dionysus, mwari wewaini. Sezviri pachena, vaJudha vaiva muFiradhefiya vakaedza vasingabudiriri kunyengetedza vaKristu vechiJudha imomo kuti varambe vane dzimwe tsika dzoMutemo waMosesi kana kuti vadzokere kwadziri.

13. Kristu akashandisa “kiyi yaDhavhidhi” sei?

13 Kristu “ane kiyi yaDhavhidhi,” uye nokudaro akapiwa basa rokutarisira zvinodiwa noUmambo pamwe neimba yokutenda. (Isaya 22:22; Ruka 1:32) Jesu akashandisa kiyi iyoyo kuvhura mikana neropafadzo dzoUmambo kuvaKristu vaiva muFiradhefiya rekare nokumwewo. Kubva muna 1919 akavhurira “mutariri akatendeka” “musuo muhombe” wokuparidza Umambo usina muvengi anogona kuvhara. (1 VaKorinde 16:9; VaKorose 4:2-4) Chokwadi, suo reropafadzo dzoUmambo rakavharirwa kune avo ve“sinagogi raSatani,” nokuti havasi vaIsraeri vomudzimu.

14. (a) Jesu akapikira ungano yeFiradhefiya kuti chii? (b) Tingaita sei kuti tisazowa “paawa yokuedzwa”?

14 Jesu akapikira vaKristu veFiradhefiya rekare kuti: “Nokuti wakachengeta shoko pamusoro pokutsungirira kwangu, ndichakuchengetawo paawa yokuedzwa, ichauya mupasi rose rinogarwa, kuzoedza vanogara pasi pano.” Kuparidza kunoda kutsungirira sokwakaratidzwa naJesu. Haana kumbodzokera shure nokutya muvengi asi akaramba achiita kuda kwaBaba vake. Naizvozvo, Kristu akamutsirwa kuupenyu hwokudenga hwokusafa. Kana tikabatisisa chisarudzo chedu chokunamata Jehovha totsigira Umambo nokuparidza mashoko akanaka, tichadzivirirwa pakuwa munguva ino yokuedza, “awa yokuedzwa.” Ticha‘ramba takabatisisa zvatinazvo’ zvatakapiwa naKristu nokuedza kuwedzera zvinodiwa noUmambo izvozvo. Kuita izvi kuchaguma nekorona yokudenga inokosha kwazvo nokuda kwevakazodzwa uye upenyu husingaperi hwepasi pano nokuda kweshamwari dzavo dzakavimbika.

15. Chii chinodiwa kune avo vachava ‘mbiru mutemberi yaMwari’?

15 Kristu anowedzera kuti: “Anokunda—ndichamuita mbiru mutemberi yaMwari wangu, . . . uye ndichanyora paari zita raMwari wangu nezita reguta raMwari wangu, Jerusarema idzva rinoburuka kudenga kubva kuna Mwari wangu, uye zita rangu riya idzva.” Vatariri vakazodzwa vanofanira kusimudzira kunamata kwechokwadi. Vanofanira kuramba vachiita zvinodiwa kuti vave nhengo dze“Jerusarema idzva” nokuparidza nezvoUmambo hwaMwari nokuramba vakachena mumudzimu. Izvi zvinokosha kana vachida kuva mbiru mutemberi yokudenga ine mbiri uye kana vachizova nezita reguta raMwari sevagari varo vokudenga vova nezita raKristu somwenga wake. Uyewo, vanofanira kuva nenzeve dzinonzwa “zvinoreva mudzimu kuungano.”

Kungirozi yeRaodhikiya

16. Ndeapi mamwe emashoko anozivikanwa pamusoro peRaodhikiya?

16 Kristu akatsiura ungano yakanga isingakendengi yeRaodhikiya. (Verenga Zvakazarurwa 3:14-22) Raodhikiya raiva guta rakanga rakabudirira kwazvo raigadzira zvinhu uye raiva muzinda wemabhangi. Rakanga riri makiromita anenge 150 nechokumabvazuva kweEfeso uye rakanga riri pamharadzano dzemigwagwa mikuru yokutengesa mubani rakaorera roRwizi Lycus. Mbatya dzaigadzirwa neshinda nhema yomunharaunda yacho dzaiva dzakakurumbira kwazvo. Somuzinda wechikoro chezvokurapa chakanga chakakurumbira kwazvo, Raodhikiya zvimwe raigadzira mushonga wemaziso wainzi Phrygian powder. Asclepius, mwari wemishonga, ndiye akanga ari mumwe wevanamwari vakuru veguta racho. Raodhikiya rinoratidza seraiva nevaJudha vanoverengeka, vamwe vacho vanoita sevakanga vakapfuma kwazvo.

17. Nei vanhu veRaodhikiya vakatsiurwa?

17 Achitaura neungano yomuRaodhikiya kuburikidza ne“ngirozi” yayo, Jesu anotaura nechiremera se“chapupu chakatendeka nechechokwadi, wokutanga wezvakasikwa naMwari.” (VaKorose 1:13-16) Vanhu veRaodhikiya vakatsiurwa nokuti vakanga vasinga“tonhori kana kupisa” mumudzimu. Nokuti vakanga vachidziya, Kristu aizovabudisa mukanwa make. Zvinofanira kunge zvakava nyore kwavari kunzwisisa pfungwa iyoyo. Pedyo navo Hiraporisi raiva nezvitubu zvinopisa, uye Korose raiva nemvura inotonhora. Zvisinei, sezvo mvura yaiunzwa kuRaodhikiya nemapaipi kwemufambo wakati rebei, inofanira kunge yainge yava kudziya payaizosvika muguta racho. Pamwe pacho, yaipfuura nomumugero. Pedyo neRaodhikiya, yaipfuura nomumwena wakacherwa nomumatombo akanga akabatanidzwa.

18, 19. VaKristu vomuzuva ranhasi vakaita sevomuRaodhikiya vangabatsirwa sei?

18 Vanhu vakaita seveRaodhikiya nhasi havapisi zvinochangamutsa kana kuti kutonhora zvinonyevenutsa. Kufanana nemvura inodziya, vanopfirwa kuti pu! Jesu haadi kuti vave vatauriri vake, “vamiririri vanotsiva Kristu” vakazodzwa. (2 VaKorinde 5:20) Kutoti vakapfidza, vacharasikirwa neropafadzo yavo sevazivisi voUmambo. Vanhu veRaodhikiya vaitsvaka pfuma yepasi pano uye ‘vakanga vasingazivi kuti vaisiririsa uye vainzwisa tsitsi, vaiva varombo, vari mapofu uye vasina kupfeka.’ Kuti vabvise urombo hwavo hwomudzimu, upofu, uye kusapfeka, vapi nevapi vakaita saivo nhasi vanofanira kutenga kuna Kristu ‘ndarama yakanatswa’ yokutenda kwakaedzwa, “nguo dzokunze chena” dzokururama, uye “chizoro chemaziso” chinoita kuti aone zvomudzimu. Vatariri vechiKristu vanofara kuvabatsira kuti vazive zvinodiwa zvavo zvomudzimu kuitira kuti “vapfume mukutenda.” (Jakobho 2:5; Mateu 5:3) Uyezve, vatariri vanofanira kuvabatsira kushandisa “chizoro chemaziso” chomudzimu—kuti vagamuchire nokuwirirana nokudzidzisa kwaJesu, zano, muenzaniso, uye mafungiro. Uyu mushonga unorapa “kuchiva kwenyama nokuchiva kwemaziso nokuratidzwa kwokushamisira kwezvinhu zvoupenyu zvomunhu.”—1 Johani 2:15-17.

19 Jesu anotsiura nokuranga vose vaanoda. Vatariri vari pasi pake vanofanira kuita zvimwezvo nounyoro. (Mabasa 20:28, 29) Vanhu veRaodhikiya vaifanira ‘kushingaira vopfidza,’ vochinja mafungire avo nenzira youpenyu. Pane vamwe vedu here vajaira mararamire anoderedza basa redu rinoyera kuna Mwari kuva chinhu chiduku muupenyu? Kana zvakadaro ngati‘tenge chizoro chemaziso kuna Jesu’ kuitira kuti tikwanise kuona kukosha kwokutanga kutsvaka Umambo nokushingaira.—Mateu 6:33.

20, 21. Ndivanaani vari kudavira zvakanaka Jesu paari ku“gogodza” nhasi, uye vane tariro yei?

20 “Tarira!” anodaro Kristu, “Ndakamira pamusuo ndichigogodza. Kana munhu akanzwa inzwi rangu akazarura musuo, ndichapinda mumba make ndokudya kudya kwemanheru naye uye iye neni.” Jesu aiwanzodzidzisa zvinhu zvomudzimu achidya. (Ruka 5:29-39; 7:36-50; 14:1-24) Zvino anogogodza pasuo reungano yakaita seRaodhikiya. Vomuungano yacho vachadavira here, vomutsiridza kumuda kwavo, vomugamuchira pakati pavo kuti avadzidzise? Kana zvakadaro, Kristu achadya navo zvichavabatsira zvikuru mumudzimu.

21 “Mamwe makwai” anhasi ari kubvumira Jesu kuti apinde, uye chiito chakadaro chinotungamirira kuupenyu husingaperi. (Johani 10:16; Mateu 25:34-40, 46) Kune akazodzwa mumwe nomumwe anokunda, Kristu achamupa ropafadzo yoku‘gara naye pachigaro chake choUmambo, sezvo iye akakunda akagara naBaba vake pachigaro chavo choUmambo.’ Hungu, kune vakazodzwa vanokunda, Jesu anopikira mubayiro mukuru wechigaro choUmambo pamwe naye ari kuruoko rworudyi rwaBaba vake mudenga. Uye mamwe makwai anokunda anotarisira nzvimbo inoshamisa pasi pano mukutonga kwoUmambo.

Zvidzidzo Kwatiri Tose

22, 23. (a) VaKristu vose vangabatsirwa sei nemashoko aJesu kuungano nomwe? (b) Chii chatinofanira kutsunga kuita?

22 Hapana mubvunzo kuti vaKristu vose vanogona kubatsirwa zvikuru nemashoko aJesu kuungano nomwe dzomuAsia Minor. Vachiona kuti Kristu akarumbidza pazvakanga zvakakodzera, somuenzaniso, vakuru vechiKristu vane rudo vanonzwa vachida kurumbidza vamwe neungano dziri kuita zvakanaka mumudzimu. Panenge pane utera vakuru vanobatsira hama dzavo kushandisa mushonga weMagwaro. Tose tinogona kuramba tichibatsirwa nemativi akasiyana-siyana ezano iro Kristu akapa kuungano nomwe, chero bedzi tichirishandisa nenzira yokunyengetera uye tisinganonoki. *

23 Mazuva ano okupedzisira haasi nguva yokusakendenga, kudisa zvenyika, kana kuti zvimwe zvinhu zvingatiita kuti tingoita basa rachero kuna Mwari. Naizvozvo ungano dzose ngadzirambe dzichipenya zvakajeka sezvigadziko zvemarambi izvo Jesu anochengeta zviri munzvimbo dzazvo. SevaKristu vakatendeka, nguva dzose ngatitsunge kuteerera Kristu paanotaura tonzwa zvinotaura mudzimu. Kana zvadaro tichava nomufaro usingaperi sevatakuri vechiedza kuti Jehovha apiwe mbiri.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 22 Zvakazarurwa 2:1–3:22 inokurukurwawo muchitsauko 7 kusvika 13 mubhuku raZvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

Ungapindura Sei?

• Ndiani akanga ari “mukadzi uya Jezebheri,” uye nei vakadzi vanotya Mwari vasingamutevedzeri?

• Ndeapi mamiriro ezvinhu aiva muungano yomuSadhisi, uye tingaitei kuti tisafanana nevaKristu vazhinji vaigaramo?

• Jesu akapikirei ungano yeFiradhefiya, uye zvinoshanda sei nhasi?

• Nei vanhu veRaodhikiya vakatsiurwa, asi itariro yei iri mberi kwevaKristu vanoshingaira?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 16]

Nzira dzakaipa dzo“mukadzi uya Jezebheri” hadzifaniri kuteverwa

[Mifananidzo iri papeji 18]

Jesu akavhurira vateveri vake “suo hombe” reropafadzo dzoUmambo

[Mufananidzo uri papeji 20]

Unogamuchira Jesu womuteerera here?