Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kristu Anotaura Neungano

Kristu Anotaura Neungano

Kristu Anotaura Neungano

“Izvi ndizvo zvinhu zvaanotaura iye akabata nyeredzi nomwe muruoko rwake rworudyi.”—ZVAKAZARURWA 2:1.

1, 2. Nei tichifanira kufarira izvo Kristu akataurira ungano nomwe dzomuAsia Minor?

MWANAKOMANA waJehovha akaberekwa ari mumwe oga, Jesu Kristu ndiye Musoro weungano. Kuti achengete ungano yevateveri vake vakazodzwa isina gwapa, Kristu anoratidza kushanda kwake somusoro nokuvarumbidza nokuvaruramisa. (VaEfeso 5:21-27) Pane mienzaniso inoratidza kudaro muna Zvakazarurwa chitsauko 2 ne3, umo tinowana mashoko aJesu orudo ane simba zvikuru achitaura neungano nomwe dzaiva muAsia Minor.

2 Asati anzwa mashoko aJesu kuungano nomwe, muapostora Johani akaratidzwa chiratidzo che“zuva raShe.” (Zvakazarurwa 1:10) “Zuva” iroro rakatanga apo Umambo hwaMesiya hwakagadzwa muna 1914. Izvo Kristu akataura kuungano dzacho naizvozvo zvinokosha kwazvo mumazuva ano okupedzisira. Kurudziro yake nezano zvinotibatsira kubata nenguva dzino dzinonetsa.—2 Timoti 3:1-5.

3. “Nyeredzi,” “ngirozi,” uye ‘zvigadziko zvemarambi zvendarama’ zvokufananidzira izvo muapostora Johani akaona zvinorevei?

3 Johani akaona Jesu Kristu akapiwa mbiri, uyo “akabata nyeredzi nomwe muruoko rwake rworudyi” uye uyo “anofamba pakati pezvigadziko zvemarambi zvinomwe zvendarama,” kana kuti ungano. “Nyeredzi” ndidzo “ngirozi dzeungano nomwe.” (Zvakazarurwa 1:20; 2:1) Dzimwe nguva nyeredzi dzinomiririra ngirozi zvisikwa zvomudzimu, asi Kristu aisazoshandisa munhu kunyorera zvisikwa zvomudzimu mashoko. Nokudaro, “nyeredzi” idzi zvinongoratidza kuti dzinomiririra vatariri vakazodzwa nomudzimu, kana kuti matare evakuru. Shoko rokuti “ngirozi” rine chokuita nebasa ravo senhume. Nokuti sangano raMwari rakura, “mutariri akatendeka” akagadzawo varume vanokwanisa ve“mamwe makwai” aJesu sevatariri.—Ruka 12:42-44; Johani 10:16.

4. Vakuru vanobatsirwa sei nokuteerera zvinotaurwa naKristu kuungano?

4 “Nyeredzi” dziri muruoko rwaJesu rworudyi—dziri musimba rake, kudzora, nyasha, uye dziviriro. Naizvozvo dzinozvidavirira kwaari. Nokuteerera mashoko ake kuimwe neimwe yeungano nomwe, vakuru vomuzuva ranhasi vanoona nzira iyo vanogona kutarisira nayo mamiriro ezvinhu akadaro. Chokwadi, vaKristu vose vanofanira kuteerera Mwanakomana waMwari. (Mako 9:7) Naizvozvo, chii chatingadzidza nokuteerera Kristu sezvaanotaura neungano?

Kungirozi Iri muEfeso

5. Efeso rakanga riri guta rorudzii?

5 Jesu akarumbidza nokutsiura ungano iri muEfeso. (Verenga Zvakazarurwa 2:1-7.) Temberi huru yamwarikadzi Atemisi yakanga iri mumuzinda uyu wokutengeserana uye wechitendero wakanga wakapfuma kwazvo waiva kumhenderekedzo yokumavirira yeAsia Minor. Kunyange zvazvo Efeso yakanga yakazara unzenza, chitendero chenhema, uye kuita zvemashiripiti, Mwari akakomborera ushumiri hwomuapostora Pauro nevamwe muguta iroro.—Mabasa, chitsauko 19.

6. VaKristu vakatendeka nhasi vakaita sei sevaya vaiva muguta reEfeso rekare?

6 Kristu akarumbidza ungano yaiva muEfeso achiti: “Ndinoziva zviito zvako, nebasa rako nokutsungirira, uye kuti haugoni kushivirira vanhu vakaipa, uye kuti unoedza vaye vanozviti vaapostora, asi vasiri, uye wakavawana kuva varevi venhema.” Nhasi ungano dzevateveri vaJesu vechokwadi dzine mukurumbira wakadarowo wezviito zvakanaka, kushanda nesimba, uye kutsungirira. Havashiviriri hama dzenhema idzo dzinoda kuonekwa sevaapostora. (2 VaKorinde 11:13, 26) SevaEfeso, vaKristu vakatendeka nhasi hava“goni kushivirira vanhu vakaipa.” Naizvozvo, kuti vachengete rucheno rwokunamatwa kwaJehovha uye kudzivirira ungano, havashamwaridzani nevakaramba kutenda vasingapfidzi.—VaGaratiya 2:4, 5; 2 Johani 8-11.

7, 8. Chinetsoi chakakomba chaiva muungano yeEfeso, uye tingabata sei nemamiriro ezvinhu akadaro?

7 Asi, vaKristu vaiva muEfeso vaiva nechinetso chakakomba. Jesu akati, “ndinopesana newe pane ichi, kuti wakasiya rudo rwawaiva narwo pakutanga.” Vanhu vomuungano yacho vaifanira kumutsiridza kuda kwavaiita Jehovha pakutanga. (Mako 12:28-30; VaEfeso 2:4; 5:1, 2) Isu pachedu tinofanira kungwarira kurasikirwa norudo rwataiva narwo naMwari pakutanga. (3 Johani 3) Asi zvakadini kana zvinhu zvakadai sokuda pfuma kana kuronda mafaro zvava kuva zvinhu zvikuru muupenyu hwedu? (1 Timoti 4:8; 6:9, 10) Kana zvakadaro tinofanira kunyengetera nomwoyo wose kuna Mwari kuti atibatsire kutsiva mafungire akadaro nokuda Jehovha kunobva pasi pomwoyo uye kuonga zvose izvo iye noMwanakomana wake vakatiitira.—1 Johani 4:10, 16.

8 Kristu akakurudzira vaEfeso kuti: “Yeuka pane chawakawa, upfidze uite zviito zvekare.” Ko kana vakasadaro? Jesu akati, “Kana ukarega, ndiri kuuya kwauri, uye ndichabvisa chigadziko cherambi chako panzvimbo yacho.” Kana makwai ose aizove asisina rudo rwawo rwokutanga, “chigadziko cherambi,” kana kuti ungano, chaizova chisisipo. SevaKristu vanoshingaira, naizvozvo ngatishandei nesimba kuti tichengete ungano ichipenya mumudzimu.—Mateu 5:14-16.

9. Kuita mapoka kunofanira kuonekwa sei?

9 Zvinorumbidzwa kuti vaEfeso vaivenga “mabasa eboka raNikorasi.” Kunze kwezvinotaurwa muna Zvakazarurwa, hapana chinhu chaicho chinozivikanwa pamusoro pemavambo, dzidziso, uye zvaiitwa neboka iri. Zvisinei, sezvo Jesu akashora kutevera vanhu, tinofanira kuramba tichivenga kuita mapoka, sezvaiita vaKristu vaiva muEfeso.—Mateu 23:10.

10. Vanoteerera zvinotaura mudzimu vachawanei?

10 Kristu akati: “Ane nzeve ngaanzwe zvinotaura mudzimu kuungano.” Paakanga ari pasi pano, Jesu akataura achifuridzirwa noMudzimu waMwari. (Isaya 61:1; Ruka 4:16-21) Naizvozvo tinofanira kuteerera izvo Mwari anotaura zvino kuburikidza naye achishandisa mudzimu mutsvene. Achitungamirirwa nomudzimu, Jesu akavimbisa kuti: “Anokunda ndichamubvumira kuti adye zvomuti woupenyu, uri muparadhiso yaMwari.” Kuvakazodzwa, vanoteerera izvo mudzimu unotaura, izvi zvinoreva kusafa “muparadhiso yaMwari” yokudenga, kana kuti pamberi paJehovha chaipo. “Boka guru revanhu,” vanoteererawo zvinotaura mudzimu, vachanakidzwa neparadhiso yepasi pano umo vachanwa mvura yomu“rwizi rwemvura youpenyu” uye vachaporeswa ne“mashizha emiti yacho” akatevedza rwizi urwu.—Zvakazarurwa 7:9; 22:1, 2; Ruka 23:43.

11. Tingakwanisa kusimudzira sei kuda Jehovha?

11 VaEfeso vakanga vasisina rudo rwavo rwokutanga, asi zvakadini kana zvimwe chete izvi zviri kuitika muungano nhasi? Somunhu mumwe nomumwe ngatisimudzire kuda Jehovha nokutaura pamusoro penzira dzake dzorudo. Tinogona kuratidza kuonga kwedu rudo urwo Mwari akaratidza nokugovera rudzikinuro kuburikidza noMwanakomana wake anodiwa. (Johani 3:16; VaRoma 5:8) Pazvinenge zvakakodzera, tinogona kutaura nezvorudo rwaMwari muhurukuro dzepamisangano nepakupindura kwedu. Tinogona kuratidza kuda kwedu Jehovha pachedu nokurumbidza zita rake muushumiri hwechiKristu. (Pisarema 145:10-13) Zvechokwadi, mashoko edu nezviito zvinogona kubatsira kwazvo kumutsiridzazve kana kuti kusimbisa rudo rwokutanga rweungano.

Kungirozi Iri muSimina

12. Nhau dzakaitika dzinoratidzei pamusoro peSimina netsika dzokunamata dzaiitwa imomo?

12 Ungano yeSimina yakarumbidzwa naKristu, “‘Wokutanga noWokupedzisira,’ akafa akavazve mupenyu,” amutswa. (Verenga Zvakazarurwa 2:8-11.) Simina (zvino yava Izmir, Turkey) rakanga rakavakirwa pamhenderekedzo yokumavirira yeAsia Minor. VaGiriki vaigara muguta racho, asi vaLydia vakariparadza munenge muna 580 B.C.E. Vanhu vakatsiva Alexander Mukuru vakavakazve Simina pane imwe nzvimbo. Rakava rutivi rwepurovhinzi yeRoma yaiva muAsia uye rakanga riri muzinda wokutengeserana wakanga uchibudirira, uchizivikanwa nokuda kwezvivako zvawo zvakanaka kwazvo. Temberi yaro yaTibherio Kesari yakariita muzinda wokunamatira mambo. Vanamati vaipisa rusenzi vachiti “Kesari ndiShe.” VaKristu vaisagona kudaro nokuti kwavari “Jesu ndiShe.” Nokudaro vakatambudzwa.—VaRoma 10:9.

13. Kunyange zvazvo vaiva varombo pazvinhu zvenyama, vaKristu veSimina vaiva vapfumi mupfungwai?

13 Kunze kwokutambudzwa, vaKristu vaiva muSimina vakatsungirira nhamo, zvimwe vachitambura nokuomeserwa mune zvoupfumi nokuti vairamba kunamata mambo. Miedzo yakadaro haisi kusiya vashumiri vaJehovha vomuzuva ranhasi. (Zvakazarurwa 13:16, 17) Kunyange zvazvo vari varombo mune zvokunyama, avo vakaita sevaKristu vomuSimina vakapfuma mumudzimu, uye izvozvo ndizvo zvinonyanya kukosha!—Zvirevo 10:22; 3 Johani 2.

14, 15. Inyaradzo yei iyo vakazodzwa vanogona kuwana pana Zvakazarurwa 2:10?

14 VaJudha vazhinji vomuSimina vaiva “sinagogi raSatani” nokuti vaitevedzera tsika dzisiri dzeMagwaro, vakaramba Mwanakomana waMwari, uye vaimhura vateveri vake vakaberekwa nomudzimu. (VaRoma 2:8, 9) Asi inyaradzo yakadini iyo vakazodzwa vanogona kuwana mumashoko aKristu anotevera! Anoti: “Usatya zvinhu zvowoda kutambura. Tarira! Dhiyabhorosi acharamba achikanda vamwe venyu mujeri kuti muedzwe kwazvo, uye kuti mutambudzike mazuva gumi. Iva akatendeka kunyange kusvikira kurufu, uye ndichakupa korona youpenyu.”—Zvakazarurwa 2:10.

15 Jesu akanga asingatyi kufira kutsigira uchangamire hwaJehovha. (VaFiripi 2:5-8) Kunyange zvazvo Satani iye zvino ari kurwa hondo nevakazodzwa vasara, havatyi zvinhu zvichavatambudza seboka—kutambudzwa, kuiswa mujeri, kana kuurayiwa nechisimba. (Zvakazarurwa 12:17) Vachakunda nyika. Panzvimbo pekorona yemaruva yaipfekwa sekorona nevakundi mumitambo yevahedheni, Kristu anopikira vakazodzwa vachamutswa “korona youpenyu” sezvisikwa zvisingafi mudenga. Chipo chinokosha kwazvo chakasiyana nezvimwe zvose!

16. Kana tiri muungano yakaita seyaiva muguta rekare reSimina, pfungwa dzedu dzinofanira kuiswa panhau ipi?

16 Zvakadini kana tiri muungano yakaita seSimina yekare, kunyange tingave netariro yokudenga kana kuti yepasi pano? Kana zvakadaro ngatibatsire hama dzedu kuisa pfungwa dzavo pachikonzero chikuru nei Mwari achibvumira kutambudzwa—nhau youchangamire pazvinhu zvose zvakasikwa. Chapupu chimwe nechimwe chaJehovha chinoramba chakavimbika chinoratidza kuti Satani murevi wenhema uye chinoratidza kuti kunyange munhu anotambudzwa anogona kuva mutsigiri asingatsuguduki wekodzero yaMwari yokutonga saChangamire Wezvose. (Zvirevo 27:11) Ngatikurudzire vamwe vaKristu kutsungirira kutambudzwa uye, somugumisiro tirambe tine “ropafadzo [yokuitira Jehovha] basa dzvene nokusatya nokuvimbika nokururama pamberi pake mazuva edu ose.”—kunyange nokusingaperi.—Ruka 1:68, 69, 74, 75.

Kungirozi yePegamo

17, 18. Pegamo wakanga uri muzinda wokunamata kworudzii, uye chii chaigona kuitika kana munhu akaramba kunamata zvidhori kwakadaro?

17 Ungano yePegamo yakarumbidzwa pamwe nokururamiswa. (Verenga Zvakazarurwa 2:12-17) Pegamo rakanga riri guta rakanga rakanyura muchitendero chechihedheni raiva makiromita anenge 80 nechokumusoro kweSimina. Vafemberi vevaKadheya (vazivi venyeredzi) vanenge vakanga vatizirako kubva Bhabhironi. MuPegamo varwere vaidirana vachienda kutemberi yaAsclepius, mwari wenhema wokurapa nemishonga. Pegamo, netemberi dzaro nhatu dzakanga dzakatsaurirwa kunamata Kesari Agasto, rakasvika pakunzi “muzinda mukuru wokunamata mambo muumambo hwekare.”—Encyclopædia Britannica, 1959, Volume 17, peji 507.

18 MuPegamo makanga mune atari yakanga yakatsaurirwa kuna Zeusi. Guta racho rakanga ririwo muzinda wokuita vanhu vanamwari zvichifuridzirwa naDhiyabhorosi. Ndosaka ungano yaiva imomo yakanzi yaigara maiva ne“chigaro choumambo chaSatani”! Kuramba kunamata mambo kwaigona kuurayisa mutsigiri wouchangamire hwaJehovha. Nyika ichiri musimba raDhiyabhorosi, uye mireza iri kunamatwa. (1 Johani 5:19) Kubva muzana remakore rokutanga kusvika nhasi, vaKristu vakatendeka vazhinji vakaurayirwa kutenda, somumwe uyo Kristu akati “Andipasi, chapupu changu, chakatendeka, chakaurawa kurutivi rwenyu.” Jehovha Mwari naJesu Kristu zvechokwadi vanoyeuka vashumiri vakatendeka vakadaro.—1 Johani 5:21.

19. Bharami akaitei, uye vaKristu vose vanofanira kungwarirei?

19 Kristu akataurawo nezve“dzidziso yaBharami.” Nokukara pfuma, muprofita wenhema Bharami wacho akaedza kutuka Israeri. Mwari paakashandura kutuka kwake kukava chikomborero, Bharami akashanda naMambo Bharaki weMoabhi ndokunyengera vaIsraeri vakawanda kupinda mukunamata zvidhori nokuita unzenza. Vakuru vechiKristu vanofanira kutsigira kururama zvakasimba saFiniyasi, uyo akarwa nemabasa aBharami. (Numeri 22:1–25:15; 2 Petro 2:15, 16; Judha 11) Chaizvo tingati, vaKristu vose vanofanira kungwarira kunamata zvifananidzo uye kupinda kwounzenza muungano.—Judha 3, 4.

20. Kana pane muKristu ave kutanga kugamuchira maonero evakaramba kutenda, anofanira kuitei?

20 Ungano yePegamo yakanga iri mungozi huru kwazvo nokuti yakabvumira pakati payo “avo va[i]batisisa dzidziso yeboka raNikorasi.” Kristu akaudza ungano yacho kuti: “Pfidza. Kana ukarega, ndiri kuuya kwauri nokukurumidza, uye ndicharwa navo nebakatwa refu romumuromo mangu.” Vanoita mapoka vanoda kukuvadza vaKristu mumudzimu, uye avo vanofarira kusimudzira kupesana uye mapoka havazogari nhaka yoUmambo hwaMwari. (VaRoma 16:17, 18; 1 VaKorinde 1:10; VaGaratiya 5:19-21) Kana pane muKristu ave kutanga kugamuchira maonero evakaramba kutenda uye achida kuaparadzira, anofanira kunzwa nyevero iri kubva kuna Kristu! Kuti azviponese pangwavaira anofanira kupfidza okumbira kubatsirwa mumudzimu nevakuru vari muungano. (Jakobho 5:13-18) Chiito chokukurumidzira chinokosha, nokuti Jesu ari kuuya nokukurumidza kuzotonga.

21, 22. Ndiani anodya “mana yakavanzwa,” uye inofananidzirei?

21 VaKristu vakazodzwa vakatendeka neshamwari dzavo dzakavimbika havafaniri kutya kutonga kuri kuuya. Zvikomborero zvakamirira vose vanoteerera zano raJesu rinopiwa nokutungamirira kwomudzimu mutsvene waMwari. Somuenzaniso, vakazodzwa vachakunda nyika vachakokwa kuti vazodya “mana yakavanzwa” uye vachapiwa “hurungudo chena” ine “zita idzva.”

22 Mwari akagovera mana kuti iraramise vaIsraeri murwendo rwavo rwemakore 40 nomurenje. Chimwe che“chingwa” ichocho chakachengeterwa mumudziyo wendarama muareka yesungano uye nokudaro chakanga chakavanzwa muNzvimbo Tsvenetsvene yetebhenekeri, apo chiedza chinoshamisa chairatidza kuti Jehovha aripo. (Eksodho 16:14, 15, 23, 26, 33; 26:34; VaHebheru 9:3, 4) Hapana munhu aibvumirwa kudya mana yakanga yakavanzwa iyoyo. Zvisinei, pakumutswa kwavo, vateveri vakazodzwa vaJesu vanopfeka kusafa, uko kunofananidzirwa nokudya “mana yakavanzwa.” (1 VaKorinde 15:53-57)

23. “Hurungudo chena” ne“zita idzva” zvinorevei?

23 Hurungudo nhema yaireva kuti munhu ane mhosva mumatare eRoma, asi chena yaireva kuti haana mhosva. Kupa kwaJesu “hurungudo chena” kuvaKristu vakazodzwa vanokunda kunoratidza kuti anovaona vasina mhosva uye vakachena. Sezvo vaRoma vaishandisawo hurungudo kupinda muzviitiko zvinokosha, “hurungudo chena” ingangoratidza kugamuchirwa kwevakazodzwa kunzvimbo iri mudenga pakuroora kweGwayana. (Zvakazarurwa 19:7-9) “Zita idzva” sezviri pachena rinomiririra ropafadzo yokubatanidzwa naJesu sevadyi venhaka pamwe naye muUmambo hwokudenga. Zvose izvi zvinokurudzira sei vakazodzwa uyewo shamwari dzavo idzo dzine tariro yokurarama muparadhiso pasi pano mubasa raJehovha!

24. Tinofanira kuitei nokuramba kutenda?

24 Uchenjeri kuyeuka kuti ungano yePegamo yakanga iri mungozi nevakaramba kutenda. Kana ngozi yakadaro ikada kuvhiringidza kugadzikana mumudzimu kweungano yatinopinda, ngatirambe zvakakwana kusiya kutenda toramba tichifamba muchokwadi. (Johani 8:32, 44; 3 Johani 4) Sezvo vadzidzisi venhema kana kuti vamwe vanhu vanotsigira vakaramba kutenda vachigona kukanganisa ungano yose, tinofanira kuramba tichirwisa zvakasimba kuramba kutenda, tisingambobvumiri kunyengetedza kwakaipa kutitadzisa kuteerera chokwadi.—VaGaratiya 5:7-12; 2 Johani 8-11.

25. Mashoko aKristu kuungano dzipi achakurukurwa munyaya inotevera?

25 Mashoko atadzidza aya okurumbidza nezano ayo Jesu kristu ane mbiri akataura kuungano nhatu panomwe dzaiva muAsia Minor anoita kuti tifunge zvechokwadi! Zvisinei, sezvinorayirwa nomudzimu mutsvene, anewo zvakawanda zvokutaura kuungano ina dzasara. Mashoko aya, akataurirwa kuTiyatira, Sadhisi, Firadhefiya, uye Raodhikiya, achakurukurwa munyaya inotevera.

Ungapindura Sei?

• Nei tichifanira kuteerera izvo Kristu anotaura kuungano?

• Tingabatsira sei kumutsiridzazve rudo rwokutanga rweungano?

• Nei zvichigona kutaurwa kuti vaKristu veSimina yekare vaiva varombo chaizvo vakanga vakapfuma?

• Tichifunga nezvemamiriro ezvinhu akanga ari muungano yePegamo, tinofanira kuona sei mafungiro okuramba kutenda?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mepu iri papeji 10]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

GIRISI

ASIA MINOR

Efeso

Simina

Pegamo

Tiyatira

Sadhisi

Firadhefiya

Raodhikiya

[Mufananidzo uri papeji 12]

“Boka guru revanhu” richafara kuva muparadhiso pasi pano

[Mifananidzo iri papeji 13]

VaKristu vanotambudzwa vanokunda nyika